Zvibatsiro Zvekudzidza
Kushandurwa


Kushandurwa

Zvinenge zvakaita vanhu vanombopindurwa mukuratidzika kwavo nemamiriro avo—kureva kuti vasimudzirwa pachinhano chemweya chepamusoro—kuti vagone kutsungirira kuvepo nokubwinya kwekudenga.

Kushandurwa kwaKristu

Petro, Jakobo, naJohane vakaona Ishe vachibwinya uye achishandurwa pamberi pavo. Muponesi akambenge avimbisa Petro kuti aizotambira kiyi dzeumambo hwekudenga (Mat. 16:13–19; 17:1–9; Marko 9:2–10; Ruka 9:28–36; Ⅱ Pet. 1:16–18). Pachiitiko chinokosha ichi, Muponesi, Mosesi naEria (Erija) vakapa kiyi dzehupirisita dzakanga dzakavimbiswa kuna Petro, Jakobo naJohane. Nemakiyi ehupirisita aya, Vaapositori ava vakawana simba rekuramba vachiita basa reumambo mushure mekukwira kwaJesu.

Joseph Smith akadzidzisa kuti pagomo rekushandurwa, Petro, Jakobo, naJohane naivowo vakashandurwa. Vakaona chiratidzo chepasi sezvapachange pakaita mukubwinya kwapo kuchauya (D&Z 63:20–21). Vakaona Mosesi naErija, vaviri vevanhu vakapindurwa kuenda kudenga, uye vakanzwa izwi raBaba. Baba vakati, “Uyu Mwanakomana wangu andinodisa, maari ndinofara chaizvo; munzwei imi” (Mat. 17:5).

Vanhu vakashandurwa