Zvibatsiro Zvekudzidza
Genesi


Genesi

Izwi rechiGiriki rinoreva kuti “matangiro” kana “mavambo.” Bhuku raGenesi ndiro bhuku rekutanga reTestamente yaKare rakanyorwa nemuporofita Mosesi. Rinopa nhoroondo yemavambo nezvakawanda, sekusikwa kwenyika, kusikwa kwemhuka nevanhu panyika, kupunzika kwaAdama naEva, kuzarurwa kwevhangeri kuna Adama, mawambo marudzi nemadzinza, navambo emitauro yakasiyana-siyana paBaberi, nematangiro emhuri yevekwaAbrahama ichisvika mukumiswa kwemba yaIsraeri. Josefa, basa rake semuchengetedzi waIsraeri rinosimbisiswa muna Genesi.

Zvakazarurwa zvemazuva ekupedzisira zvinotsinhira zvichijekesa zvinyorwa zveGenesi (1 Ni. 5; Eta 1; Mos. 1–8; Abr. 1–5).

Mubhuku raGenesi, zvitsauko 1–4 zvinotaura kusikwa kwenyika nokukura kwemhuri yaAdama. Zvitsauko 5–10 zvinotsanangura nhoroondo yaNoa. Zvitsauko 11–20 zvinotaura nezva Abrahama nemhuri yake kusvika kunguva dza Isaka. Zvitsauko 21–35 zvinotevedza mhuri yaIsaka. Chitsauko 36 chinotaura nezvaEsau nemhuri yake. Zvitsauko 37–50 zvinotaura nezvemhuri yaJakobo zvichipawo nyaya yaJosefa achitengeswa kuEgipita nebasa rake mukuponesa imba yaIsraeri.