Zvibatsiro Zvekudzidza
Muporofita


Muporofita

Munhu akadaidzwa uye anotaura ari akamirira Mwari. Semutumwa waMwari, muporofita anogashira mirairo, huporofita, nezviratidzwa kubva kuna Mwari. Basa rake kuita kuti chido nehunhu chaihwo hwaMwari zvizivikanwe kurudzi rwemunhu nokuratidza zvinoreva kushanda kwake navo. Muporofita anofumura chitadzo achitaura mubairo vacho uchauya. Muparidzi wekururama. Pane dzimwe nguva, muporofita angangofemerwa kuti ataure pamusoro pezvichaitika kuti zviyamure rudzi rwevanhu. Zvakadaro basa rake rekutanga, kupupurira Kristu. Mutungamiri weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira muporofita waMwari pasi pano nhasi uno. Nhengo dzeHutungamiri hweKutanga nevaneGumi neVaviri Vaapositori vanotsigirwa sevaporofita, vaoni nevazaruri.