Magwaro Matsvene
Jakobho 7


Chitsauko 7

Sheremu anoramba Kristu, anokakavadzana naJakobho, anoda kuona chiratidzo, uye anobva arohwa naMwari—Vose vaporofita vakataura nezvaKristu nerudzikinuro rwake—VaNifai vaigara vachingopembereka, vakaberekerwa mukunetseka vachivengwa nemaRamani. Zvingangove makore 544 kusvika ku421 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika mushure kwemakore akati, mukati mevanhu vekwaNifai makauya murume, ainzi Sheremu.

2 Uye zvakaitika kuti akatangisa kuparidzira vanhu, uye achivataurira kuti hakufanirwe kunge kuina Kristu. Uye akaparidza zvinhu zvizhinji zvekunyengedza vanhu; uye izvi aizviita kuti auraye dzidziso yaKristu.

3 Uye akashanda nesimba kuti arasise mwoyo yevanhu, zvekuti akarasisa vanhu vazhinji; uye iye nokuziva kuti ini, Jakobho, ndaive nerutendo munaKristu uyo akange achizouya, akatsvaga mukana wekuti auye kwandiri.

4 Uye akange ari munhu akadzidza, zvekuti akange aine ruzivo rwakakwana rwemutauro wevanhu; nokudaro, aikwanisa kushandisa mazwi akawanda ekunyengedza, uye aive mutauri chaiye, maererano nesimba radhiabhorosi.

5 Uye akange aine chifungidziro chekuti angandibvise parutendo, asinei anezvakazarurwa zvizhinji nezvinhu zvizhinji zvandakanga ndaona maererano nezvinhu izvi; nokuti chokwadi ndakange ndaona ngirozi, uye dzikandidzidzisa. Uyezve, ndakanga ndanzwa izwi raIshe richitaura kwandiri iro pacharo, nguva nenguva; nokudaro, handaikwaniswa kuzungunutswa.

6 Uye zvakaitika kuti akauya kwandiri, uye nenzira iyi akataura neni, achiti: Hama Jakobho, ndatsvanga kwenguva kuti nditaure newe; nokuti ndakanzwa uye ndinozivawo kuti unofamba zvikuru, uchiparidza izvo zvaunoti iwe vhangeri, kana dzidziso yaKristu.

7 Uye wakwezva vazvinji vevanhu ava zvekuti vanyangadza nzira dzaMwari dzakanaka, uye ahavachatevedza mutemo waMosesi inove nzira kwayo; uye nokuita mutemo waMosesi uve unoshandiswa kunamata munhu aunoti achauya mazana emakore achauya. Uye zvino tarisai, ini, Sheremu, ndinoti kwauri uku kunyomba; nokuti hakuna munhu anoziva zvakadaro; nokuti bhaakwanise kutaura zvezvinhu zvichauya. Uye uku ndiko kukakavadzana kwaiita Sheremu neni.

8 Asi tarisai, Ishe Mwari vakafemera aMweya wake mumweya wangu, zvekuti ndakamunyadzisa mumazwi ake ose.

9 Uye ndakati kwaari: Unoramba here kuti kuna Kristu achauya? Uye akati: Dai kwaive naKristu, handaimuramba; asi ndinoziva kuti hakuna Kristu, haana kumbenge ariko, haafe akavepo.

10 Uye ndikati kwaari: Unotenda magwaro here? Uye akati, Hongu.

11 Uye ndikati kwaari: Saka hauanzwisise; nokuti chokwadi anopupura nezvaKristu. Tarisai, ndinoti kwauri hakuna vaporofita vakambonyora, kana avakaporofita, vasina kutaura maererano nezvaKristu.

12 Uye izvi hazvizizvo chete—ndakazviisirwa pachena, nokuti ndakanzwa ndikaona; uye zvikaiswa pachena anesimba reMweya Mutsvene; nokudaro, ndinoziva kuti pakashaya rudzikinuro marudzi ose bacharasika.

13 Uye zvakaitika kuti akati kwandiri: Ndiratidze achiratidzo kuburikidza nesimba reMweya Mutsvene uyu, unoita kuti uzive zvinhu zvakawanda zvose izvi.

14 Uye ndakati kwaari: Ndiri ani ini kuti ndiedze Mwari kuti vakupe chiratidzo muzvinhu zvaunoziva iwe kuti andezvechokwadi? Asi unozviramba, nokuti uri bwadhiabhorosi. Zvisinei, kwete kuti kuitwe kuda kwangu; asi kana Mwari vachifanira kukuranga, ngachive chiratidzo kwauri chekuti vane simba, zvose kudenga nepasi; zvakare, kuti Kristu achauya. Uye kuda kwenyu, Ishe, ngakuitwe, kwete kwangu.

15 Uye zvakaitika kuti ini, Jakobho, ndataura mazwi aya, simba raIshe rakamubata, zvekuti akawira pasi. Uye zvakaitika kuti akachengetwa kwemazuva akati.

16 Uye zvakaitika kuti akati kuvanhu: Unganai pamwechete mangwana, nokuti ndichafa, nokudaro, ndinoda kuti nditaure kuvanhu ndisati ndafa.

17 Uye zvakaitika kuti ave mangwana vanhu vakaungana pamwechete; uye akataura zviri pachena kwavari akaramba zvinhu zvaakanga avadzidzisa, uye akapupura Kristu, nesimba reMweya Mutsvene, nekuparidza kwengirozi.

18 Uye akataura pachena kwavari, kuti akange aanyengedzwa nesimba bradhiabhorosi. Uye akataura nezvegehena, nezvekusingaperi, nezvekurangwa kwekusingaperi.

19 Uye akati: Ndinotya kuti zvimwe ndaita chitema achisingaregererwe, nokuti ndakanyepa kuna Mwari; nokuti ndakaramba Kristu, uye ndikati ndinotenda magwaro; uye chokwadi anotaura nezvake. Uye nokuti ndanyepa kuna Mwari ndiri kutya zvikuru kwazvo kuti zvimwe mhosva yangu byakaipa chaizvo; asi ndinoreurura kuna Mwari.

20 Uye zvakaitika kuti paakanga ataura mazwi aya haana kuzogona kutaura zvimwe uye aakaburitsa mweya wake.

21 Uye gungano zvarakaona kuti akataura zvinhu izvi iye ave pedyo nekufa, vakashamiswa zvikuru; zvekuti simba raMwari rakauya mavari, uye avakakurirwa vakawira pasi.

22 Zvino, chinhu ichi chakandifadza ini, Jakobho, nokuti ndakange ndachikumbira kuna Baba vari kudenga; nokuti vakange vanzwa kuchema kwangu vakapindura munamato wangu.

23 Uye zvakaitika kuti runyararo nerudo rwaMwari zvakadzorerwa zvakare mukati mevanhu; uye avakanzvera magwaro matsvene, uye vakasateerera zvakare mazwi emurume akaipa uyu.

24 Uye zvakaitika kuti kune zvinhu zvizhinji zvakaitwa kuti maRamani aadzorerwe mukuti vazive chokwadi; asi zvose bzvakaramba, nokuti vaifadzwa cnehondo dnekudeura ropa, uye vakange vaine eruvengo rwokusingaperi, nesu hama dzavo. Uye vakatsvaka kutiparadza nguva dzose nezvombo zvavo.

25 Nokudaro, vanhu vekwaNifai vakazvidzivirira nezvombo zvavo, nesimba ravo rose, vachivimba naMwari adombo reruponeso rwavo; nokudaro, vakave vakundi, vakakunda vavengi vavo.

26 Uye zvakaitika kuti ini Jakobho, ndakatanga kukwegura; uye zvinyorwa zvevanhu ava sezvo zvichichengeterwa pamahwendefa amamwe aNifai, nokudaro, ndinopedzisa chinyorwa ichi, ndichitaura kuti ndanyora zvandakwanisa maererano nokuziva kwangu, ndichiti nguva yedu yakapfuura, bneupenyu hweduwo hwakapfuura sekunge kwaive kurota, sezvo tiri vanhu vari vega uye sevanhu vekunamata, vapembiri, takabviswa muJerusarema, tikaberekerwa mumatambudziko, murenje, uye tichivengwa nehama dzedu, zvakakonzera hondo negakava; nokudaro, takachema mazuva edu.

27 Uye, ini Jakobho, ndakaona kuti ndave pedyo kuti ndiende kuguva rangu; nokudaro, ndakati kumwana wangu aEnosi: Tora mahwendefa aya. Uye ndokumuraira zvinhu zvandakanga bndaudzwa nemukoma wangu Nifai, uye akavimbisa kuti achateerera mirau yacho. Uye ndinopedzisa kunyora kwangu pamahwendefa aya, kunyora kwacho kuri kwange kuri kudiki; uye kumuverengi ndinooneka, ndichivimba kuti hama dzangu zhinji dzichaverenga mazwi angu. Hama dzangu, chisarai.