Magwaro Matsvene
Enosi 1


Bhuku raEnosi

Chitsauko 1

Enosi anonamata nesimba zvekuti anobva aregererwa zvivi zvake—Izwi raIshe rinouya mupfungwa dzake, richimuvimbisa ruponeso rwemaRamani muzuva richauya—MaNifai anoedza kudzosa maRamani—Enosi anofara noMununuri wake. Zvingangove makore 420 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai zvakaitika kuti ini aEnosi, ndichiziva baba vangu kuti bvakanga ari munhu akarurama—nokuti cvakandidzidzisa nerurimi rwavo, dnomukufundisa nekuraira kwaIshe—zita raMwari vangu ngariropafadzwe pamusoro pazvo—

2 Uye ndichakutaurirai adambudziko randakava naro pamberi paMwari, ndisati ndagamuchira bkuregererwa kwezvivi zvangu.

3 Tarisai, ndakaenda kunovhima mhuka mumasango; uye mazwi andaichinzwa baba vangu vachitaura nguva dzose pamusana poupenyu hwokusingaperi, anorufaro rwavatendi, bzvakadzika zvikuru mumwoyo mangu.

4 Uye mweya wangu wakaita anzara; bndakapfugama pamberi poMusiki vangu, ndikachema kwavari cmumunamato mukuru ndichikumbirira mweya wangu; zuva rose ndakachema kwavari; hongu, apo usiku hwakauya ndakasimudza izwi rangu pamusoro zvokuti rakasvika kumatenga.

5 Uye kwakauya aizwi kwandiri richiti: Enosi, zvivi zvako zvaregererwa, uye ucharopafadzwa.

6 Uye ini Enosi, ndakaziva kuti Mwari havanganyepi, nokudaro, mhosva yangu yakabviswa.

7 Uye ndakati: Ishe, zvinoitwa sei?

8 Uye vakati kwandiri: Nokuda akwokutenda kwako munaKristu, uyo wausati wanzwa kana kuona. Zve, makore akawanda achapfuura asati azviratidza pachake panyama; naizvozvo, enda, kutenda kwako bkwakuchenesa.

9 Uye zvakaitika kuti pandakanga ndanzwa mazwi aya ndakatangisa kunzwa ashungu pamusoro pemagariro ehama dzangu, maNifai; naizvozvo, bndakadurura mweya wangu wose kuna Mwari pamusana pavo.

10 Uye ndichitambudzika kudai mumweya, tarisai, izwi raIshe rakauya amupfungwa mangu zvakare, richiti: Ndichashanyira hama dzako maererano nokuchengeta kwavo kwakasimba mirairo yangu. bNdakavapa nyika ino, uye inyika tsvene; chandizoituka kunze kwokunge vave kutadza; nokudaro, ndichashanyira hama dzako maererano sokutaura kwandaita; kutadza kwavo ndichakuunza nokusuwa pamisoro yavo.

11 Uye shure kwokunge ini Enosi, ndanzwa mazwi aya, kutenda kwangu kwakatanga kusazungunutswa munaIshe; uye ndikanamata kwavari kwenguva ndefu ndichitambudzikira hama dzangu, maRamani.

12 Uye zvakaitika kuti shure kwokunge andanamata uye ndashanda nesimba rose, Ishe akati kwandiri: Ndichakupa zvose bzvaunoda, maererano nokutenda kwako.

13 Uye zvino tarisai, izvi ndizvo zvandaida kwavari—kana zvikaitika, kuti vanhu vangu, maNifai, vawira mukutadza, zvichiita kuti avaparadzwe, uye maRamani asina kuparadzwa, kuti Ishe Mwari bvachengetedze zvinyorwa zvavanhu vangu, maNifai; kana zvikava kuti nesimba roruoko rwavo rwutsvene, kuti czvizounzwa zvakare mumazuva achatevera kumaRamani, kuti, zvimwe, dvangaunzwe paruponeso—

14 Nokuti kwazvino kurwisa kwedu akwatadzika kuti tivadzorere mukutenda kwechokwadi. Uye vakapika mukushatirwa kwavo vachiti, kana zvaikwanisika, bvaizoparadza zvinyorwa zvedu nesu, uye netsika dzose dzamadzibaba edu.

15 Saka, ini nokuziva kuti Ishe Mwari vaikwanisa akuchengetedza zvinyorwa zvedu, ndakaramba ndichichema kwavari, nokuti vakanga vati kwandiri: Chinhu chose chaunokumbira mukutenda, uchidaira kuti uchachigamuchira muzita raKristu, uchachigamuchira.

16 Uye ndaive nokutenda, ndakachema kuna Mwari kuti avachengetedze bzvinyorwa; vakaita chibvumirano neni kuti caizozviunza kumaRamani munguva yake.

17 Uye ini Enosi, ndakaziva kuti zvaizova sechibvumirano chavakanga vaita; naizvozvo mweya wangu wakazorora.

18 Uye Ishe vakati kwandiri: Madzibaba ako akati anodawo chinhu ichi; zvichaitika kwavari maererano nekutenda kwavo, nokuti kutenda kwavo kwakaita sokwako.

19 Uye zvakaitika kuti ini Enosi, ndakafamba muvanhu vaNifai, ndichiporofita pazvinhu zvichauya, ndichipupura pamusana pezvinhu zvandakanzwa nezvandakanga ndaona.

20 Uye ndinopupura kuti vanhu vaNifai vakatsvaga nesimba kudzosera maRamani pakutenda zvechokwadi kuna Mwari. Asi akushanda kwedu kwakaramba; ruvengo rwavo rwakanga rwakakura, uye vakatungamirirwa nemweya yakaipa zvekuti vakaita semhuka dzesango, nokutyisa, vakave vanhu vane bnyota-yeropa, vazere cnokukudza zvifananidzo nokuipa; vachidya mhuka dzinodya nyama; vachigara mumatende, vachifamba-famba murenje nekanhembe kaduku kakasungirwa muchiuno nemisoro yakaveurwa; kuziva kwavo kwakanga kuri dmuuta, nemumunondo, nedemo. Uye vazhinji vavo hapana chavaidya kunze kwenyama mbishi; uye vaigara vachitsvaka kutiparadza.

21 Uye zvakaitika kuti vanhu vaNifai vakarima, avakakudza zvirimwa zvose zvakasiyana, nemichero, nematanga ezvipfuyo, nematanga emarudzi ose emombe, nembudzi, nembudzi dzomusango, uye namahachi akawanda.

22 Uye pakanga pane avaporofita vakawanda pakati pedu. Uye vanhu ava vakanga bvakaoma mitsipa vasinganzwisisi.

23 Uye hapana chakanga chiripo kunze akwehasha dzakapfuuridza, bkuparidza nokuporofita zvehondo, nokupesana, nokuparadza, nekugara cvachiyeuchidzwa nezverufu, nekugara kwekusingaperi, nekutonga nesimba raMwari, nezvinhu zvose izvi—zvaiita kuti dvagare vachitya Ishe. Ndinoti hapana changa chisina kukwana pazvinhu izvi, kutaura kukuru kuri pachena, kunova chengetedza kuti vasakurumidzire kunoparadzwa. Ndiko kunyora kwandinoita pamusoro pavo.

24 Uye ndakaona hondo dzakanga dziri pakati pamaNifai namaRamani mumazuva angu.

25 Uye zvakaitika kuti ndakatanga kukwegura, makore zana namakumi manomwe ana makore mapfumbamwe akanga apfuura kubva baba vedu Rihai avabva Jerusarema.

26 Uye ndakazviona kuti munguva shoma ndaifanira kuenda muguva, shure kwokunge ndatunhwa nesimba raMwari kuti ndiparidze nokuporofita kuvanhu ava, nokutaura chokwadi chiri munaKristu. Ndava ndinozvitaura izvozvo mumazuva angu ose, uye ndinofara nazvo kupfuura zvenyika.

27 Uye zvino muchinguvana ndichaenda kunzvimbo ayezororo rangu, kuMununuri wangu, nokuti ndinoziva kuti maari ndichazorora. Uye ndichafara musi uyo bmuviri unofa wapfeka cmuviri usingafe, uye ndichamira pamberi pake; zvino ndipo pandichaona chiso chake nokufara, achati kwandiri: Uya kwandiri, iwe wakaropafadzwa, une nzvimbo yawakagadzirirwa dmumazimba aBaba vangu. Ameni.