Magwaro Matsvene
Omuni 1


Bhuku raOmuni

Chitsauko 1

Omuni, Amaroni, Kemishi, Abhinadhomu, naAmarekai, vose vanoravana kuchengeta zvinyorwa—Mosaya anowana vanhu veZarahemura, vakabva Jerusarema mumazuva aZedekia—Mosaya anoitwa mambo wavo—Zvizvarwa zvaMureki kuZarahemura zvakange zvawana Korianduma, wekupedzisira wemaJaredhi—Mambo Benjamini anogadzwa ushe mushure maMosaya—Vanhu vakafanira kupa mweya yavo somupiro kuna Kristu. Zvingangove makore 323 kusvika ku130 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino tarisai, zvakaitika kuti ini Omuni, sokutumwa kwandakaitwa nababa vangu Jaromu, kuti ndinyore pamahwendefa aya, kuti tichengetedze nhorohondo yechizvarwa chedu—

2 Nokudaro, mumazuvo angu, ndinoda kuti muzive kuti ndakarwa zvikuru nemunondo kudzivirira vanhu vekwangu, maNifai, kuti vasawire mumaoko evavengi vavo, maRamani. Asi tarisai, ini pachangu ndiri munhu akaipa, uye handina kuteerera nzira kana mirau yaIshe sezvandaifanira kuti ndiite.

3 Uye zvakaitika kuti mazana maviri emakore ane makumi manomwe ane makore matanhatu apfuura, uye takaita nguva huru yerunyararo; uye tikaitawo nguva huru yehondo dzakaipa nekudeuka kweropa. Hongu, muchidimbu, mukupfuura kwemazana maviri emakore ane makumi masere emakore ane makore maviri, uye ini ndakanga ndachengeta mahwendefa aya maererano anemirairo yemadzibaba angu; uye ndakaapa kumwanakomana wangu Amaroni. Uye ndinomirira pano.

4 Uye zvino ini Amaroni, ndinonyora zvinhu zvose zvandichanyora, zviri zvishoma, mubhuku rababa vangu.

5 Tarisai, zvakaitika kuti kwakapfuura mazana matatu emakore anemakumi maviri emakore, uye avo vakange vakanyanya kuipa vemaNifai avakaparadzwa.

6 Nokuti Ishe havaizobvumira, mushure mekuvatungamira kubva munyika yeJerusarema uye vakavachengetedza kuti vasawire mumaoko evavengi vavo, hongu, havaizobvumira kuti mazwi asatsinhirwe, ayo avakataura kumadzibaba edu, vachiti: Kana musingazochengetedza mirairo yangu hamuzombobudirira munyika.

7 Nokudaro, Ishe vakavashanyira nokutonga kukuru; zvakadaro, vakange vakarurama vakaita kuti vasafe, asi vakavabvisa mumaoko evavengi vavo.

8 Uye zvakaitika kuti ndakapa mahwendefa kumunin’ina wangu Kemishi.

9 Zvino ini Kemishi, ndinonyora zvishoma zvandiri kunyora, mubhuku rimwechetero nemukoma wangu; nokuti tarisai, ndakaona zvekupedzisira zvaakanyora, kuti akazvinyora neruoko rwake pachake; uye akazvinyora musi waakazvipa kwandiri. Uye ndiyo tsika yatinochengetedza nayo zvinyorwa, nokuti zviri maererano nemirairo yemadzibaba edu. Uye ndinobva ndamira.

10 Tarisai, ini Abhinadhomu, ndiri mwanakomana waKemishi. Tarisai, zvakaitika kuti ndakaona hondo dzakawanda nokukakavadzana pakati pevanhu vekwangu, maNifai, nemaRamani; uye ini, nemunondo wangu, ndakauraya vazhinji vemaRamani ndichidzivirira hama dzangu.

11 Uye tarisai, zvinyorwa zvevanhu ava zvakanyorwa pamahwendefa ane madzimambo, maererano nezvizvarwa; uye handina kuzarurirwa kwandinoziva kunze kweuko kwakanyorwa, kana chimwe chiporofita; nokudaro, izvo zvakanyorwa zvakakwana. Uye ndinomira pano.

12 Tarisai, ndini Amarekai, mwanakomana waAbhinadhomu. Tarisai, ndichataura nemi pamusoro paMosaya, uyo akaitwa mambo munyika yeZarahemura; nokuti tarisai, iye akanga akayambirwa naIshe kuti atize kubva munyika ayemaNifai, nevose vainge vateerera shoko raIshe vaifanira bkubvawo naye, vachienda murenje—

13 Uye zvakaitika kuti akaita maererano nokutaurirwa kwaakaitwa naIshe. Uye vakatizira murenje, vose avo vakateerera shoko raIshe; uye vakatungamirwa nokuparidzirwa kuzhinji nokuporofitwa. Uye vaitsiurwa nguva dzose nezwi raMwari; uye vakatungamirwa nesimba reruoko rwavo, nemurenje kudakara vasvike munyika yaidaidzwa kunzi nyika yaZarahemura.

14 Uye vakawana muine vanhu vainzi vanhu avaZarahemura. Zvino, pakave nokufara kukuru pakati pevanhu vaZarahemura; uye naiye Zarahemura akave nomufaro mukuru, nokuti Ishe vakange vatumira vanhu vekwaMosaya bnemahwendefa endarira aive nezvinyorwa zvemaJuda.

15 Tarisai, zvakaitika kuti Mosaya akaona kuti avanhu veZarahemura vakabva Jerusarema munguva yakatakurwa bZedekia, mambo waJuda, achiendwa naye Babironi senhapwa.

16 Uye vakafamba rwendo rwavo murenje, uye vakaunzwa neruoko rwaIshe vakakwanisa kuyambuka, mvura huru, vakasvika nyika yavakawanikwa vari naMosaya; uye vakange vagaramo kubvira munguva iyoyo.

17 Uye panguva yavakawanikwa naMosaya, vakange vawanda kwazvo. Zvakadaro, vakange vasangana nehondo dzakawanda nokukakavadzana kwakaipa, uye vakange varigwa neminondo nguva nenguva; uye mutauro wavo wakange wakanganiswa; uye havana azvinyorwa zvavakange vauya nazvo; uye vairamba kuvepo kweMusiki wavo; uye Mosaya, kana vanhu vekwaMosaya, vakange vasingavanzwisise.

18 Asi zvakaitika kuti Mosaya akaita kuti vadzidziswe nemutauro wake. Uye zvakaitika kuti mushure mekunge vadzidziswa nemutauro waMosaya, Zarahemura akataura nhorohondo yekuzvarwa kwemadzibaba ake, maererano nezvaaikwanisa kuyeuka; uye zvakanyorwa, asi kwete mumahwendefa ano.

19 Uye zvakaitika kuti vanhu vaZarahemura nevaMosaya, avakabatana pamwechete; uye bMosaya akabva anzi ave mambo wavo.

20 Uye zvakaitika kuti mumazuva aMosaya, kune dombo guru rakauiswa kwaari rakange rakanyorwa mavara pariri; uye aakaturikira zvairehwa nemavara acho nechipo nesimba raMwari.

21 Uye aitaura pamusoro pemumwe aKorianduma, nevakauraiwa vevanhu vake. Uye Korianduma akawanikwa nevanhu vaZarahemura; uye akagara navo kwemwedzi mipfumbamwe.

22 Zvaitaurawo mazwi mashoma-shoma maererano nemadzibaba ake. Uye vabereki vake vekutanga vakabva apashongwe, panguva Ishe byavakapindura mutauro wevanhu; uye kurwadzisa kwaIshe kwakawira pavari maererano nokutonga kwavo, uko kwakaenzanirana; uye cmapfupa avo akapararira nenyika iri nechekuchamhembe.

23 Tarisai, ini Amarekai, ndakaberekwa mumazuva aMosaya; uye ndikararama ndikaona kufa kwake; uye aBenjamini mwanakomana wake, akatonga munzvimbo yake.

24 Uye tarisai, ndakaona mumazuva amambo Benjamini, hondo yakaipa kwazvo nekudeuka kweropa zhinji pakati pemaNifai nemaRamani. Asi tarisai, maNifai akavakurira chaizvo; hongu, zvekuti mambo Benjamini vakavatandanisa vakavaburitsa munyika yeZarahemura.

25 Uye zvakaitika kuti ndakatanga kukwegura; uye, sezvo ndakange ndisina mwana, nokuziva kuti mambo aBenjamini vaive munhu anoenzanisa akarurama pamberi paIshe, nokudaro, bndichasvitsa mahwendefa aya kwaari, nokukurudzira vanhu vose kuti vauye kuna Mwari, Mutsvene waIsraeri, vatende muchiporofita, nemune zvinozarurwa, nemukushumira kwengirozi, nemuchipo chekutaura nendimi, nemuchipo chekuturikira mitauro, nemuzvinhu zvose czvakanaka; nokuti hakuna chinhu chakanaka kunze kwechabva kuna Ishe: uye icho chakaipa chinobva kuna dhiabhorosi.

26 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, ndinodisa kuti dai amauya kuna Kristu, uyo anova Mutsvene waIsraeri, uye muzodya ruponeso rwake, nesimba rerununuro rwake. Hongu, uyai kwaari, uye bmupe mweya yenyu yose csemupiro kwaari, uye moramba dmuchitsanya nokunamata, uye moshingirira kusvika kumagumo; uye sezvo Ishe vari mupenyu muchaponeswa.

27 Uye zvino ndombotaura zvishoma maererano nevamwe vakaenda murenje kuti vadzokere kunyika yaNifai; nokuti kwaive nevakawanda vaida kuti vatore nyika yenhaka yavo.

28 Nokudaro, vakaenda murenje. Uye mutungamiri wavo semunhu akange akasimba uye ari anotyisa, uye akaomesa mutsipa, nokudaro akakonzera kukakavadzana pakati pavo; uye vose avakauraiwa, kunze kwemakumi mashanu, murenje, uye vakadzokera zvakare kunyika yaZarahemura.

29 Uye zvakaitika kuti vakatora vamwe vakawanda chaizvo, vakaenda parwendo rwavo zvakare vakananga murenje.

30 Uye ini Amarekai, ndaive nemunin’ina, akaendawo navo; uye kubvira nguva iyoyo hapana chandinoziva nezvavo. Uye ndave pedyo kuradzwa muguva mangu; uye mahwendefa aaya azara. Uye ndinopedza kutaura kwangu.