Magwaro Matsvene
Jakobho 3


Chitsauko 3

Vakachena mumwoyo vanogashira shoko rinofadza raMwari—Kururama kwemaRamani kunopfuura kwemaNifai—Jakobho anoyambira kune vanoda hupombwe, meso-meso, nechitema chose. Zvingangove makore 544 kusvika ku421 Kristu asati azvarwa.

1 Asi tarisai, ini Jakobho, ndingataure neavo venyu vakachena mumwoyo. Tarisai kuna Mwari nepfungwa dzakasimba, uye munamate kwavari nerutendo rwakapfuuridza, uye vachakunyaradzai mukutambudzika kwenyu, vanozokurevererai, uye vachatumira kurangwa kune avo vanotsvaka kuparara kwenyu.

2 Mose mune mwoyo yakachena, simudzai misoro yenyu mugashire shoko raMwari rinofadza, mugotapirirwa nerudo rwake; nokuti mungangodaro, kana pfungwa dzenyu adzakasimba, narinhi narinhi.

3 Asi, nhamo nedambudziko, kune avo vasina kuchena mumwoyo, avo avakasviba zuva iri pamberi paMwari; nokuti kunze kwekunge matendeuka nyika inotukwa pamusana penyu; uye maRamani, vasina kusviba semi, zvakadaro naivo bvakatukwa nekutukwa kunorwadza, vachakurovai kudakara maparara.

4 Uye nguva iri kusvika nokukurumidza, yokuti kana musina kutendeuka vachakutorerai nyika yenhaka yenyu, uye Ishe Mwari avachabvisa vatsvene vachivaburitsa mamuri.

5 Tarisai, maRamani hama dzenyu, vamunovenga nenzira yekusviba kwavo nekutukwa kwakauya paganda ravo, vakarurama kupfuura imi; nokuti havana akukanganwa murairo waIshe, uyo wakapiwa baba vedu—kuti vakafanira kuve nemukadzi mumwechete uye shamwari dzechikadzi kana imwechete zvayo hazvibvumirwe, uye hapafanire kuve neupfambi pakati pavo.

6 Uye zvino, murairo uyu vanoucherechedza vachiuchengetedza; nokudaro, nenzira yekucherechedza uku, mukuchengetedza murairo uyu, Ishe Mwari havazovaparadza, asi vanozovanzwira atsitsi; uye rimwe zuva vachave vanhu vakaropafadzwa.

7 Tarisai, varume vavo avanoda vakadzi vavo, uye vakadzi vavo vanoda varume vavo; uye varume vavo nevakadzi vavo vanoda vana vavo; uye kusatenda kwavo nekukuvengai kwavo kunokonzerwa nekuipa kwemadzibaba avo; nokudaro, muri nani zvakadii kwavari, pamberi peMusiki wenyu mukuru?

8 Hama dzangu, ndinoona kuti mukasatendeuka pazvivi zvenyu, ganda ravo richave jena pane renyu, panguva yamuchaunzwa pamwechete navo pamberi pechigaro chekutonga chaMwari.

9 Nokudaro, ndinokupai murairo imi, riri shoko raMwari, kuti chiregai kuvatuka pamusana peganda ravo dema; kana kuvatuka pamusana petsvina yavo; asi mucharangarira kuipa kwenyu, uye rangarirai kuti kusviba kwavo kwakakonzerwa nemadzibaba avo.

10 Nokudaro, mucharangarira avana venyu, kuvasuwisa kwamakavaita mumwoyo nenzira yemuenzaniso wamakaisa pamberi pavo; uye zvakare, rangarirai kuti mungango ita nenzira yehutsvina hwenyu, kuti vana venyu vaparadzwe, uye zvitadzo zvavo zvigorongerwa pamusoro penyu nemusi wekupedzisira.

11 Hama dzangu, teererai mazwi angu; mutsai pfungwa nemweya yenyu; zvizunzei kuti amumuke muhope dzerufu; uye muzvisunungure mukurwadza bkwegehena kuti musave cngirozi dzadhiabhorosi, kuti mugokandwa mudziva riya remoto nesuriferi—kunove ndiko dkufa kwechipiri.

12 Uye zvino ini Jakobho, ndakataura zvimwe zvakawanda kuvanhu vaNifai, ndichivayambira pamusoro apeufeve bnekupomba, nezvitadzo zvakasiyana-siyana, ndichivaudza mibairo inotyisa yezvitema.

13 Uye zvimwe zvevanhu ava, iye zvino vatanga kuwanda, hazvikwanisike kunyorwa pamahwendefa aano, asi zvizhinji zvavo zvakanyorwa pamahwendefa makuru, nezvehondo dzavo, nezvekunetsana kwavo, nekutonga kwemadzimambo avo.

14 Mahwendefa aya anonzi mahwendefa aJakobho, uye akagadzirwa neruoko rwaNifai. Uye ndinogumira pano kutaura mazwi aya.