Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 83


Chikamu 83

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paIndependence, Missouri, 30 Kubvumbi 1832 (History of the Church, 1:269–270). Chakazarurwa ichi chakagashirwa Muporofita agere mudare nevamwe vake.

1–4, Madzimai nevana vanekodzero yekutarisa kuvarume nekumadzibaba avo kutsvaka kuriritirwa kwavo; 5–6, Shirikadzi nenherera vanotarisira kuChechi kuti variritirwe.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe, pamusoro pemitemo yechechi iyi maererano nevakadzi nevana, avo vari muchechi, avakarasikirwa nevarume kana madzibaba:

2 Vakadzi avanekodzero kuvarume vavo yekuchengetwa kwavo, kusvika varume vavo vatorwa; uye kana vasina kubatwa nokutadza vachawana ruwadzano muchechi.

3 Uye kana vasingatendeke, havazove nekuwadzana muchechi; asi vanogona kuramba vari munhaka dzavo maererano nemitemo yenyika.

4 aVose vana vanekodzero kuvabereki vavo yekuriritirwa kusvika vabva zera.

5 Mushure mezvo, vanekodzero kuchechi, kana kuti nemamwe mazwi, pamusoro apeimba yekuchengetera yaIshe, kana vabereki vavo vasina chekuvapa senhaka.

6 Uye imba yekuchengetera iyi ichachengetwa nemipiro yechechi; uye ashirikadzi nenherera vachariritirwa, bnevarombowo. Ameni.