Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 84


Chikamu 84

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio 22 na23 Gunyana 1832 (History of the Church, 1:286–295). Mumwedzi waGunyana, magosa akanga atanga kudzoka kubva kumabasa avo ekuparidza kunyika dzekumabvazuva nekuzopa zvirevo pamusoro pemabasa avo. Pavakanga vari pamwechete mumwaka vekufara uyu ndipo pakagashirwa mazwi aya. Muporofita akachiti chizaruro pamusoro pehupirisita.

1–5, Jerusarema Idzva netemberi zvichavakwa muMissouri; 6–17, Mutsetse wehupirisita kubva kuna Mosesi kusvika kuna Adama unopihwa; 18–25, Hupirisita hukuru ndounobata kiyi yekuziva Mwari; 26–32, Hupirisita hudiki hune kiyi yehushumiri hwengirozi nevhangeri rekugadzirira; 33–44, Vanhu vanowana upenyu hwokusingaperi kuburikidza nemhiko nechibvumirano chehupirisita; 45–53, Mweya waKristu unojekesera vanhu, nenyika igere muchitadzo; 54–61, Vatendi vanofanira kupupura nezvinhu izvo zvavakagashira; 62–76, Vanofanira kuparidza vhangeri, uye zviratidzo zvichavatevera; 77–91, Magosa anofanira kuenda izvozvi asina chikwama kana mbuva, uye Ishe vachavachengeta mune zvavanoshaya; 92–97, Zvirwere nekutukwa zvakamirira avo vanoramba vhangeri; 98–102, Rwiyo rwutsva rwerununuro rweZioni rwunopihwa; 103–110, Wose munhu ngaamire muchinzvimbo chake, ashande mubasa rake; 111–120, Varanda vaIshe vanofanira kushambadzira chinyangadzo chinoparadza chemazuva ekupedzisira.

1 Chakazarurwa chaJesu Kristu kumuranda wake Joseph Smith, Mwana, nemagosa matanhatu, sekubatana kwavakaita mumwoyo anekusimudza mazwi avo pamusoro.

2 Hongu, izwi raIshe riri maererano nechechi yavo, yakamiswa mumazuva ekupedzisira kuitira akudzorera pakare vanhu vavo, sekutaura kwavakaita nemiromo byevaporofita vavo, nekuungana ckwevatendi vavo kuti vamire dpaGomo reZioni, iro richave guta reJerusarema eIdzva.

3 Riri guta richavakwa, kutangira panzvimbo ayetemberi, iyo yakadomwa nemunwe waIshe, kumiganhu yekumadokero eDunhu reMissouri, yakakumikidzwa neruoko rwaJoseph Smith, Mwana, nevamwe avo Ishe vavaifadzwa navo.

4 Zvirokwazvo iri ndiro izwi raIshe, kuti guta reJerusarema aIdzva richavakwa kuburikidza nokuungana kwevatendi, kutangira panzvimbo iyi, kunyangwe nzvimbo yetemberi, iri btemberi ichasimudzwa muchizvarwa chino.

5 Nokuti zvirokwazvo chizvarwa chino hachizopfuura chose kudakara imba yavakirwa Ishe, gore richamhara pairi, gore iroro richave kunyangwe akubwinya kwaIshe, uko kuchazadza imba iyi

6 Uye vanakomana vaMosesi, maererano neHupirisita Hutsvene uhwo hwaakagashira aneruoko rwavatezvara vake bJetero;

7 NaJetero akahugashira pasi peruoko rwaKarebi;

8 NaKarebi akahugashira pasi peruoko rwaErihu;

9 NaErihu pasi peruoko rwaJeremia;

10 NaJeremia pasi peruoko rwaGadi;

11 NaGadi pasi peruoko rwaIsayasi;

12 NaIsayasi akahugashira pasi peruoko rwaMwari.

13 Isayasi naiyewo akagara mumazuva aAbrahama, akaropafadzwa naye—

14 Uyo aAbrahama akagashira hupirisita kubva kuna bMerkizedeki, uyo akahugashira kuburikidza nemutsetse wemadzibaba ake, kunyangwe kusvika kuna cNoa;

15 Nekubvira kuna Noa kusvika kuna aEnoki, nemumadzinza emadzibaba avo.

16 Uye kubvira kuna Enoki kusvikira kuna aAberi, uyo akauraiwa bnehunyengedzi hwemukoma wake, uyo cakagashira hupirisita kuburikidza nemirairo yaMwari, neruoko rwababa vake dAdama, uyo akanga ari munhu wekutanga—

17 Huri aHupirisita hunoramba huri muchechi yaMwari muzvizvarwa zvose uye hauna kutanga kwemazuva kana kuguma kwemakore.

18 NaIshe vakasimbisa ahupirisita zvakare pana bAroni nembeu yake, kuzvizvarwa zvavo zvose, huri hupirisitawo hunoramba huripo chuchigara narinhi nehupirisita huri maererano nehurongwa hutsvene tsvene hwaMwari.

19 Nehupirisita hukuru uhu hunoshumira vhangeri huchibata kiyi adzezvakavanzika zveumambo, kana kunyangwe byeruzivo rwaMwari.

20 Naizvozvo, amuzvisungo zvahwo, simba rehumwari rinoonekwa.

21 Uye pasina zvisungo zvahwo, anemvumo yehupirisita simba rehumwari harionekwe kumunhu munyama;

22 Nokuti pasina izvi hakuna amunhu angaone chiso chaMwari, kunyangwe Baba, akararama.

23 Zvino izvi aMosesi akadzidzisa pachena kuvana vaIsraeri murenje, akatsvaka zvakaperera kuti bachenese vanhu vake kuti vagogona ckutarisa chiso chaMwari;

24 Asi avakaomesa mwoyo yavo vakatadza kutsungirira pamberi pavo; naizvozvo Ishe bmuhasha dzavo, nokuti hasha dzavo dzakanga dzatungidzwa pamusoro pavo, vakapika kuti havafanire kuti cvapinde muzororo ravo vachiri murenje, zororo iri riri iro kuzara kwokubwinya kwavo.

25 Naizvozvo, vakabvisa aMosesi pakati pavo, bneHupirisita Hutsvenewo;

26 aNehupirisita hudiki hwakaramba huripo, huri hupirisita hune bkiyi cdzekuparidza kwengirozi nevhangeri regadziriro.

27 Irori vhangeri riri vhangeri arekutendeuka, bnererubhabhatidzo, cnokuregererwa kwezvitadzo, dnemutemo wemirairo eyenyama, iyo yakaitwa naIshe pamusana pehasha dzavo, kuti irambe irimo mumba maAroni pakati pevana vaIsraeri kudakara fJohane, uyo akasimudzwa naMwari, gakazadzwa neMweya Mutsvene kubvira mudumbu raamai vake.

28 Nokuti akabhabhatidzwa achiri muhudiki hwake, akagadzwa nengirozi yaMwari panguva yaakanga aine mazuva masere ekuberekwa, kusimba irori, kuti apunze umambo hwemaJuda, uye akutwasanudza nzira yaIshe pamberi pezviso zvevanhu vavo, kuvagadzirira kuuya kwaIshe, avo vakapihwa simba brose mumaoko avo.

29 Uye zvakare, zvinzvimbo zvehugosa nabhishopi azvibatanidzwa zvinodiwa zvinove zvekuhupirisita hwepamusoro.

30 Uye zvakare, zvinzvimbo zvemudzidzisi nemudhikoni zvibatanidzwa zvinodiwa zvinove zvekuhupirisita hudiki, huri hupirisita hwakasimbiswa kuna Aroni nevanakomana vake.

31 Naizvozvo, sezvandataura pamusoro pevanakomana vaMosesi—nokuti vanakomana vaMosesi nevanakomanawo vaAroni avachapira mupiro nechibairo zvinobvumwa mumba maIshe, iri imba ichavakirwa Ishe muchizvarwa chino, bpanzvimbo yakapirwa sezvandaka doma—

32 Nevanakomana vaMosesi nevaAroni vachazadzwa anokubwinya kwaIshe, bpaGomo reZioni mumba maIshe, vana vake vanova imi, neavowo vazhinji, vandakadaidza, ndikatumira kunovaka cchechi yangu.

33 Nokuti ani zvake aakatendeka mukuwana bhupirisita huviri uhu hwandataura nezvahwo, vachikudza basa ravo, cvanocheneswa neMweya mukuita miviri yavo kuti ive mitsva.

34 Vanobva vave vanakomana vaMosesi nevaAroni anembeu byaAbrahama, nevechechi neumambo, cnevakasarudzwa naMwari.

35 Uyewo vose avo vanogashira hupirisita uhu, vanogashira ini, vanodaro Ishe;

36 Nokuti uyo anogashira varanda vangu aanogashira ini.

37 Uyo aanogashira ini anogashira Baba vangu;

38 Neuyo anogashira Baba vangu anogashira umambo hwaBaba vangu; nokudaro azvose izvo zvina Baba vangu zvichapihwa kwaari.

39 Neizvi zviri maererano anemhiko nechibvumirano chehupirisita.

40 Naizvozvo, vose avo vanogashira hupirisita vanogashira nemhiko iyi nechibvumirano chaBaba vangu, icho chavasingakwanise kutyora, kana kuti chibvisike.

41 Asi ani zvake aachatyora chibvumirano ichi mushure mekunge achigashira, obva kwachiri, bhaazowana ruregerero rwezvitadzo munyika muno kana munyika ichauya.

42 Uye nhamo kune vose vasingauye kuhupirisita uhu hwamatambira imi, uhwo hwandave kusimbisa pamuri imi muri pano nhasi, nezwi rangu rinobva kumatenga; kunyangwe ini ndakapa hondo dzekudenga anengirozi dzangu simba maererano nemi.

43 Zvino ndavekukupai murairo kuti muzvichenjerere, kuti amutererese kumazwi eupenyu hwokusingapere.

44 Nokuti amuchararama nezwi rose rinobva mumuromo waMwari.

45 Nokuti aizwi raIshe ichokwadi, chose zvacho chiri bchechokwadi chiedza, chose zvacho chiri chiedza Mweya, kunyangwe Mweya waJesu Kristu.

46 Uye Mweya unopa achiedza kumunhu bwose anouya munyika; neMweya unojekesera munhu wose ari munyika, anoteerera kuizwi reMweya.

47 Newose anoteerera kuizwi reMweya anouya kuna Mwari kunyangwe Baba.

48 NaBaba avanomudzidzisa bnezvechibvumirano icho chavakavandudza vakachisimbisa pamuri, icho chakasimbisiswa pamuri pamusana penyu kwete imi chete, asi kuitira nyika yose.

49 aNenyika yose igere muchitadzo, inogomera pasi pehusungwa bhwerima nepehusungwa hwechitadzo.

50 Nezvizvi munoziva kuti vari pasi apehusungwa bhwechitadzo, nokuti havauye kwandiri.

51 Nokuti ani zvake asingauye kwandiri ari pasi pehusungwa hwechitadzo.

52 Naani zvake asingagashire izwi rangu haana kujaira aizwi rangu, uye haazi wangu.

53 Nezvizvi munoziva vakarurama kubva kunevakaipa, anepasi pose pari bkugomera pasi cpechitadzo uye nerima kunyangwe iye zvino.

54 Uye pfungwa dzenyu munguva dzakapfuura dzakanga dzakasvibiswa anekusatenda, uye nokuti makazvitora sezvisina maturo zvinhu zvamakagashira—

55 Kuri akushaya hunhu nekusatenda kwaunza chechi yose pasi pekutongwa.

56 Uye kutongwa uku kuri pavana veZioni, kunyangwe vose.

57 Vacharamba vari pasi pekutongwa uku kusvika vatendeuka nokuyeuka achibvumirano chitsva, kunyangwe bBhuku raMormoni nemirairo cyakare yandakange ndakavapa, kwete kungotaura chete, asi dkuita maererano neizvo zvandakanyora—

58 Kuti vaunze michero yakakodzera umambo hwaBaba wavo; zvikasadaro kucharamba kuine kurangwa nekutongwa kunodirwa pavana veZioni.

59 Nokuti vana veumambo vangasvibise here nyika yangu tsvene? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Kwete.

60 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri imi zvino muri kunzwa amashoko angu, ayo anova izwi rangu, makaropafadzwa kana muri munogashira zvinhu izvi;

61 Nokuti andichakuregererai zvitadzo zvenyu nemurairo uyu—kuti murambe makatsiga mupfungwa dzenyu bmukuyera nemumweya wemunamato, mukupa uchapupu kunyika yose hwezvinhu izvo zvinotaurwa kwamuri.

62 Naizvozvo, aendai imi munyika yose; panzvimbo ipi zvayo yamusingagone kuenda muchaita zvekuraira, kuti uchapupu huende kubva kwamuri huchienda munyika yose kuchisikwa chose.

63 Sezvandakataura kuvaapositori vangu, kunyangwe saizvozvo ndinotaura kwamuri, nokuti muri avaapositori vangu, kunyangwe vapirisita vepamusoro vaMwari; imi ndimi avo bvandapihwa naBaba vangu; ndimi cshamwari dzangu;

64 Naizvozvo, sekutaura kwandakaita kuvaapositori vangu ndinotaura kwamuri zvakare kuti wose amweya bunotenda kumazwi enyu, ukabhabhatidzwa nemvura ckuregererwa zvitadzo, achagashira Mweya dMutsvene.

65 aNezviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda—

66 Muzita rangu vachaita amabasa akawanda anoshamisa;

67 aMuzita rangu vachatandira kunze anadhiabhorosi;

68 Muzita rangu avacharapa vanorwara;

69 Muzita rangu vachazurura maziso emapofu, nokudziura nzeve dzematsi;

70 Rurimi rwechimumumu rwuchataura;

71 Uye kana munhu upi zvake akavaisira achepfu haizovakuvadza;

72 Uye uturu hwenyoka huchashaya simba rekuvakuvadza.

73 Asi ndinovapa murairo, kuti havafanire akuzvikudza nezvinhu izvi, kana kuzvitaura kunyika, nokuti zvinhu izvi zvinopihwa kwamuri kuitira pundutso yenyu nekuponeswa kwenyu.

74 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, avo vasingatende kumazwi enyu, vasina akubhabhatidzwa mumvura muzita rangu, kuitira kuregererwa zvitadzo zvavo, kuti vagotambira Mweya Mutsvene, bvacharaswa, havazopinda muumambo hwaBaba vangu uko kunaBaba vangu neni.

75 Chakazarurwa ichi, nemurairo kwamuri, zvavanesimba kubvira munguva ino munyika yose, nevhangeri ririkunevese vasati varigashira.

76 Asi, zvirokwazvo ndinoti kune vose avo vakapihwa umambo kubva kwamuri rakafanira kuparidzwa kwavari, kuti vagotendeuka kumabasa ekare avo akaipa; nokuti vanofanira kutsiurwa pamusana pemwoyo yavo yakaipa isingatende, uye nehama dzenyu muZioni pamusana pekukupandukirai kwavo panguva yandakakutumai.

77 Zvakare ndinoti kwamuri, shamwari dzangu, nokuti kubvira zvino ndichakudaidzai kuti shamwari, zvinofanira kuti ndikupei uyu murairo, kuti muve kunyangwe seshamwari dzangu mumazuva andakange ndiinadzo, tichifamba kunoparidza vhangeri musimba rangu;

78 Nokuti handina kuvabvumira kuti vave anechikwama kana mbuva, kana mabhatyi maviri.

79 Tarisai, ndinokutumirai kuti muyedze nyika, uye mushandi anokodzerana anemubairo wake.

80 Ani zvake munhu achaenda aakanoparidza bvhangeri iri reumambo, akasatadza kuve akatendeka muzvinhu zvose, haazoneta mupfungwa, kana kudzimirwa, kana mumuviri, munhengo, kana mumapfupa; kana ckavhudzi kemusoro wake hakazombowira pasi kakasaonekwa. Uye havazombofa nenzara, kana nenyota.

81 Naizvozvo, amusafunge nezvamangwana, kuti muchadyei, kana muchanwei, kana muchapfekeyi.

82 Nokuti, fungai nezvemaruva esango, kuti anokurasei, haashande, kana kuruka; uye umambo hwenyika, mukubwinya kwahwo kwose, hauna kushongedzwa serimwe rawo.

83 Nokuti aBaba venyu, vari kudenga, bvanoziva kuti munozvida zvose zvinhu izvi.

84 Naizvozvo, regai ramangwana arifunge pfungwa dzezvinhu zvaro.

85 Kana kufanoita pfungwa kuti muchataura amuchitii; asi bchengetedzai mupfungwa dzenyu nguva dzose mazwi eupenyu, uye czvichapihwa kwamuri munguva iyoyo chidimu chakapimirwa kumunhu wose.

86 Naizvozvo, musaregere mumwe munhu pakati penyu, nokuti murairo uyu uri kune avakatendeka vose vakadaidzwa naMwari muchechi muhushumiri, kubvira panguva ino kutora chikwama kana mbuva, avo varikuenda kunoparidza vhangeri rino reumambo.

87 Tarisai, andinokutumirai kunze munotsiura nyika pamusana pemabasa avo asina kururama, nokuvadzidzisa nezvekutongwa kuchauya.

88 Uye ani zvake aachakugashirai, ipapo ndichavepowo, nokuti ndichaenda pamberi pehuso hwenyu. Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe, Mweya wangu uchange uri mumwoyo yenyu, uye bngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.

89 Ani zvake anokugashirai anogashira ini; iyeyo achakuchengetai, nokukupfekedzai, nokukupai mari.

90 Uye uyo anokupai zvekudya, kana kukupfekedzai, kana kukupai mari, ahaazomborasikirwa nemubairo wake.

91 Neuyo asingaite zvinhu izvi haasi mudzidzi wangu; nezvizvi munogona kuziva vadzidzi avangu.

92 Uyu asingakugashirei, ibvai paari muende mega pachenyu, amoshambidza tsoka dzenyu kunyangwe nemvura, mvura yakachena, mukupisa kana mukutonhora, mozvipupura kuna Baba venyu vari kudenga, musazodzokera zvakare kumunhu iyeyo.

93 Nemumusha upi zvawo kana guta ramunopinda, itai zvimwechetezvo.

94 Zvisinei, nzverai neshungu, musawane chamunosiya; inhamo kumba iyoyo, kana musha iwoyo kana guta rinokurambai, kana mazwi enyu, kana uchapupu hwenyu huri maerererano neni.

95 Nhamo, ndinodaro zvakare, kumba iyoyo kana musha iwoyo kana guta rinokurambai, kana mazwi enyu, kana uchapupu hwenyu maerererano neni;

96 Nokuti, ini aSamasimba, ndakaisa maoko angu pamarudzi, bkuvarova pamusana cpehuipi hwavo.

97 Nezvirwere zvichapararira, hazvizobviswa panyika kusvika ndapedza basa rangu, iro arichadimburirwa mukururama—

98 Kudakara vose vave kundiziva vachasara, kunyangwe kubvira pamudikidiki kusvika pamukuru-kuru, uye vachazadzwa neruzivo rwaIshe, uye avachapindirana, uye vachasimudza mazwi avo, uye nemazwi pamwechete bvachaimba rwiyo rwutsva urwu, vachiti;

99 Ishe vaunza zvakare Zioni;Ishe avanunura vanhu vavo, bIsraeri,Maererano cnekusarudza dkwenyasha,Uko kwakaitwa kuti kuitike nerutendoeNechibvumirano chamadzibaba avo.

100 Ishe vanunura vanhu vavo;NaSatani aasungwa nguva hapachina.Ishe vaunganidza zvose zvinhu bmuchimwechete.Ishe vaunza pasi cZioni kubva kumusoro.Ishe dvaunza Zioni kubva pasi.

101 aNyika yakarwadziwa ikabara simba rayo;Nechokwadi chakaiswa muhura hwayo;Nematenga ayinyemwerera;Uye yakapfekedzwa bnokubwinya kwaMwari vayo;Nokuti vanomira pakati pevanhu vavo.

102 Kubwinya, nerukudzo, nesimba, nokusimba,Ngazvipihwe kuna Mwari vedu; nokuti vazere anetsitsi,Kuenzanisa, nyasha, nechokwadi, bnerunyararo.Nariini nariini. Ameni.

103 Zvakare, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvakafanira kuti wose munhu anoenda kunotaura vhangeri rangu risingaperi, kuti kana vaine mhuri, vachitambira mari sechipo, kuti vanofanira kuitumira kwavari kana kuishandisa kuti ivayamure, sezvavanenge vataurirwa naIshe, nokuti ndizvo zvandinoona zvakanaka.

104 Nevose avo vasina mhuri, vanogashira amari, ngavaitumire kuna Bhishopi muZioni, kana kuna bhishopi ari kuOhio, kuti itsaurwe kuitira kuunzwa kwezvakazarurwa nokudhindwa kwazvo, nekuitira kumiswa kweZioni.

105 Uye kana ari ani zvake achapa mumwe wenyu bhatyi, kana sutu, torai dzaru murikande akuvarombo, muende munzira menyu muchifara.

106 Kana paine pakati penyu mumwe akasimba muMweya, angaaende neuyo asina kusimba, kuti agosimudzirwa bmukupfava, kuti naiyewo agosimba.

107 Naizvozvo, endai neavo vakagadzwa kuhupirisita ahudiki muvatumire mberi kwenyu kuti vafanotara nguva yemichechi, nokugadzira nzira, nokuzadzikisa michechi iyo imi pachenyu yamusingagone kuzadzikisa.

108 Tarisai, iyi ndiyonzira vaapositori vangu mumazuva akare yavakavaka nayo chechi yangu kwandiri.

109 Nokudaro, regai wose munhu amire muchinzvimbo chake, ashande ari maakadaidzwa, kurege kuti musoro uti hauna basa netsoka; nokuti pasina tsoka muviri ungamire nei?

110 Naiwowo muviri unoda anhengo dzose, kuti vose vagosimudzirwa pamwechete kuti hurongano huchengetedzwe hwakakwana.

111 Tarisai, vapirisita avepamusoro vanofanira kufamba, nemagosawo, bnevapirisita vadiki; asi cmadhikoni dnevadzidzisi vanofanira kudomwa kuti evatarire chechi, kuti vave vashumiri vanomirira muchechi.

112 Nabhishopi, Newel K. Whitney, naiyewo anofanira kufamba achitenderera chechi dzose, achitsvaka varombo kuti aavaropafadze kunezvavanoshaya, bnokuninipisa vapfumi nevanozvikudza.

113 Anofanirawo kupinza munhu basa asemumiriri anotora basa nokumuitira mabasa emunyika sekurairwa kwaanenge achiitwa.

114 Zvisinei, bhishopi ngaaende kuguta reNew York, uyewo nekugutawo reAlbany, nekuguta reBoston, ayambire vanhu vemaguta aya neruzha rwevhangeri, nezwi repamusoro, anezvekuparadzwa nekurambidzwa zvachose kwakavamirira kana vakaramba zvinhu izvi.

115 Nokuti kana vakaramba zvinhu izvi nguva yekutongwa kwavo yave pedyo, neimba yavo ichasiiwa kwavari ayaparadzwa.

116 aNgaavimbe neni bhaazokangaidzwa; kana ckavhudzi kake hakanga pupurikire pasi zvisinakuonekwa.

117 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ruzhinji rwevaranda vangu, endai sekukwanisa kwenyu, mukudaidzwa kwenyu, kumaguta nemisha mikuru inoremekedzwa, muchitsiura nyika mukururama, mune zvose zvavo zviito zvisina kururama nezvisina humwari, muchiisa zviripachena uye zvinonzwisisika kuparadza kwechinyangadzo mumazuva ekupedzisira.

118 Nokuti, nemi vanodaro Ishe Samasimba, andichabvarura umambo hwavo, bhandizozunguza nyika chete, asi kana matenga azere nenyenyedzi achadedera.

119 Nokuti, ini Ishe, ndatambanudza ruoko rwangu kushandisa masimba ekudenga; imi hamugone kuzviona zvino, asi muchinguvana muchazviona, mugoziva kuti ndini, kuti andichauya bndigozotonga nevanhu vangu.

120 Ndini aArfa naOmega, kutanga nokuguma. Ameni.