Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 137


Chikamu 137

Chiratidzo chakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, mutemberi paKirtland, Ohio, 21 Ndira 1836 (History of the Church, 2:380–381). Raive zuva rekuita zvemaendawumenti sekuratidzwa kwazvakange zvaitwa.

1–6, Muporofita anoona munin’ina wake Alvin muumambo hweseresitiyaro; 7–9, Dzidziso yeruponeso rwevakafa inoratidzwa; 10, vose vana vanoponeswa muumambo hweseresitiyaro.

1 aMatenga akazururirwa kwatiri, uye ndikaona umambo bhweseresitiyaro hwaMwari, nekubwinya kuriko, kuti ndaive cmumuviri here kana kuti kunze, handikwanise kuzvitaura.

2 Ndakaona kunaka kusingataurike akwesuwo iro vadyi venhaka yeumambo ihwohwo, ravachapinda naro, iro raiita sekunge bmarimi emoto ari kutenderera;

3 Zvakare chigaro chekutonga chaMwari chaiita sechiri akubvira, ipo painge pakagara bBaba cneMwanakomana.

4 Ndakaona migwagwa yacho yakanaka zvikuru yeumambo ihwohwo, yairatidzika sekunge yakanga yakaitwa anegoridhe.

5 Ndakaona Baba aAdama bnaAbrahama; cnababa vangu dnamai vangu; munin’ina wangu eAlvin, uyo akarara kare kare;

6 Uye ndikashama kuti akawana sei anhaka muumambo ihwohwo, tichiona kuti akabva muupenyu huno Ishe vasati aisa ruoko rwavo kuti aunganidze Israeri bkechipiri, uye akanga asina ckubhabhatidzwa kuti aregererwe zvitadzo zvake.

7 Ndikokuuya kwakaita aizwi raIshe kwandiri, richiti: vose vakafa bvasina ruzivo rwevhangeri rino, vangadai vakarigashira dai vakanga vabvumirwa kurarama, vachazove cvagari venhaka yeumambo dhweseresitiyaro hwaMwari;

8 Zvakare vose vachafa kubvira zvino vasina ruzivo rwaro, avo avangadai vakarigashira nemwoyo yavo yose, vachave vadyi venhaka yeumambo ihwohwo.

9 Nokuti ini Ishe, andichatonga vose vanhu maererano bnemabasa avo, maererano cnechido chemwoyo yavo.

10 Uye ndakaona kuti vose vana vanofa vasati vasvika azera rekuzvipindurira bvanoponeswa muumambo hweseresitiyaro hwekudenga.