Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 55


Chikamu 55

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna William W. Phelps, paKirtland, Ohio, muna Chikumi 1831 (History of the Church, 1:184–186). William W. Phelps, mudhindi, nemhuri yake vakanga vachangosvika paKirtland, uye Muporofita akatsvaka Ishe kuti ave nezivo pamusoro pavo.

1–3, W. W. Phelps anodaidzwa nekusarudzwa kuti abhabhatidzwe, kuti agadzwe hugosa, uye kuti aparidze vhangeri; 4, Anofanira kunyora mabhuku evana vari kuzvikoro zveChechi; 5–6, Anofanira kufamba kuenda kuMissouri, iro richave dunhu rebasa rake.

1 Tarisai, vanodaro Ishe kwauri, iwe muranda wangu William, hongu, kunyangwe Ishe avepasi rose, iwe wadaidzwa uye ukasarudzwa; mushure mekunge bwabhabhatidzwa nemvura, izvo kana ukazviita neziso rakanangana chete nekubwinya kwangu, uchawana kuregererwa kwezvitadzo zvako uye nokugashira Mweya Mutsvene nekugadzwa cmaoko;

2 Uye ipapo uchagadzwa neruoko rwemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, kuti uve gosa muchechi ino, kuti uparidze kutendeuka anekuregererwa kwezvitadzo nenzira yekubhabhatidzwa muzita raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari vapenyu.

3 Uye panaani zvake wauchaisa maoko, kana vakazvirereka pamberi pangu, uchave nesimba rekupa Mweya Mutsvene.

4 Uye zvakare, uchagadzwa kuti ugoyamura muranda wangu Oliver Cowdery kuita basa rekudhinda, uye nokusarudza nokunyora amabhuku ezvikoro zviri muchechi ino, kuti vana vadiki naivowo vagashire rairo pamberi pangu sezvinondifadza ini.

5 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusana pechikonzero ichi uchatora rwendo rwako nevaranda vangu Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon, kuti amudyarwe munyika yenhaka kuti muite basa iri.

6 Uye zvakare, regai muranda wangu Joseph Coe naiyewo aende rwendo rwake navo. Zvasara zvichaitwa kuti zviziviswe pashure, kunyangwe sekuda kwangu. Ameni.