Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 39


Chikamu 39

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna James Covill, paFayette, New York, 5 Ndira 1831 (History of the Church, 1:143-145). James Covill, uyo akambenge ari mushumiri weBaptist kwemakore angaita makumi mana, akabvumirana naIshe kuti anozoteerera wose murairo zvawo uyo waachapihwa naIshe kuburikidza naJoseph Muporofita.

1–4, Vatendi vanesimba rekuve vanakomana vaMwari; 5–6, Kugashira vhangeri ndiko kugashira Kristu; 7–14, James Covill anorairwa kuti abhabhatidzwe uye kuti ashande mumunda wemizambiringa waIshe; 15–21, Varanda vaIshe vanoparidza vhangeri Kuuya Kwechipiri kusati kwasvika; 22–24, Avo vanogashira vhangeri vachaunganidzwa munguva uye nekusingaperi.

1 Teererai uye munzwe kuizwi reuyo anobva akwokusingaperi kwose kusvika kwokusingaperi kwose, Mukuru bNdini, kunyangwe Jesu Kristu—

2 aChiedza neupenyu hwenyika; chiedza chinopenya murima uye rima harichinzwisise;

3 Mumwecheteyo akauya apakati penguva kune vekwangu, asi vekwangu havana kundigashira.

4 Asi kuna vazhinji vakandigashira ndakavapa simba kuti vave avanakomana vangu; uye kunyangwe zvakadaro ndichapa kuvazhinji avo vachandigashira, simba rekuti vave vanakomana vangu.

5 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anogashira vhangeri rangu aanogashira ini; uye asingagashire vhangeri rangu haandigashire.

6 Uye iri ndiro avhangeri rangu—kutendeuka nerubhabhatidzo nemvura, uye kwozouya zvino brubhabhatidzo rwemoto neMweya Mutsvene, kunyangwe Munyaradzi, anoratidza zvinhu zvose cnokudzidzisa zvinhu zverunyararo zveumambo.

7 Uye zvino tarisai, ndinoti kwauri iwe, muranda wangu aJames, ndatarisa mabasa ako uye ndinokuziva.

8 Uye zvirokwazvo ndinoti kwauri mwoyo wako iye zvino watove pamberi pangu panguva ino; uye tarisai ndaisa maropafadzo makuru pamusoro pako;

9 Zvisinei iwe waona kusuwa kukuru, nokuti wandiramba nguva zhinji pamusana pekuzvida nepamusana pezvinetswa azvenyika.

10 Asi, tarisai, mazuva ekupona kwako asvika kana ukateerera kuizwi rangu, iro rinoti kwauri; Simuka aubhabhatidzwe, uye ugeze zvitadzo zvako uchidaidzira zita rangu, uye uchagashira Mweya wangu, neropafadzo guru rausati wamboziva.

11 Uye ukaita izvi, ndakugadzirira iwe basa guru. Uchaparidza vhangeri rangu rizere, iro randatumira mumazuva ano ekupedzisira, chibvumirano chandakatumira kuti andidzore vanhu vangu, avo vari vemba yaIsraeri.

12 Uye zvichaitika kuti iroro simba arichagara pauri; uchave nerutendo rwukuru, uye ini ndichave newe uye ndichaenda pamberi pechiso chako.

13 Wakadaidzirwa akushanda mumunda wangu wemizambiringa, nekuvaka chechi yangu, bnekuunza Zioni; kuti ifare pamusoro pezvikomo uye cibudirire.

14 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, hauna kudaidzirwa kuti uende kunyika yekumabvazuva, asi wakadaidzirwa kuti uende kuOhio.

15 Uye kana vanhu vangu vakazviunganidza pachezvavo paOhio, ndavachengetera amaropafadzo ayo asingazivikanwe mukati mevana vevanhu, uye achadururirwa pamisoro yavo. Uye kubvira ipapo vanhu vachaenda bkumarudzi cose.

16 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kuti vanhu vari kuOhio vanodaidza kwandiri nerutendo rukuru, vachifunga kuti ndingadzore ruoko rwangu mukutongwa kwemarudzi, asi handingarambe izwi rangu.

17 Nokudaro shanda nesimba rako uye wodaidza vashandi vanovimbika kumunda wangu wemizambiringa, kuti arichekererwe kekupedzisira.

18 Uye kana vachitendeuka uye vachigashira kuzara kwevhangeri rangu, uye vachitsveneswa, ndichadzora ruoko rwangu amukutonga.

19 Nokudaro, enda, uchideedzera nezwi rapamusoro, uchiti: Umambo hwekudenga hwave pedyo; uchideedzera: Hosana! Ngariropafadzwe zita raMwari wePamusoro-soro.

20 Enda uchibhabhatidza nemvura, uchigadzira nzira pamberi pechiso changu kuitira nguva ayandinouya.

21 Nokuti nguva yasvika; azuva kana nguva hapana munhu banoziva; asi chokwadi richauya.

22 Uye uyo anotambira zvinhu izvi, iye anotambira ini; uye vachaunganidzwa kwandiri munguva nekusingaperi.

23 Uye zvakare, zvichaitika kuti vazhinji vamuchabhabhatidza nemvura, muchavagadza amaoko enyu, uye vachagashira bchipo cheMweya Mutsvene, uye cvachitarisira zviratidzo dzvekuuya kwangu, uye vachazondiziva.

24 Tarisai ndinouya nokukurumidza: Kunyangwe saizvozvo. Ameni.