Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 135


Chikamu 135

Kuponderwa Chitendero kwaJoseph Smith Muporofita nemukoma wake, Hyrum Smith Patiriyaki weChechi, paCarthage, Illinois, 27 Chikumi 1844 (History of the Church, 6:629–631). Gwaro rino rakanyorwa naGosa John Taylor weDare revaneGumi neVaviri, akaona zvichiitika.

1–2, Joseph naHyrum vakaponderwa chitendero chavo muJeri reCarthage; 3, Hukuru hwechigaro cheMuporofita hwakashambadzwa; 4–7, Ropa ravo risina mhosva rinopupura chokwadi nehutsvene hwebasa.

1 Kusimbisa uchapupu hwebhuku rino nehweBhuku raMormoni, tinozivisa akuponderwa chitendero chavo, bkwaJoseph Smith Muporofita, naHyrum Smith Patiriyaki. Vakapfurwa vari mujeri creCarthage, musi wa27 Chikumi, 1844, nenguva dzeshanu manheru, nemhomho yakange iine pfuti—vakazvinama kuti vave vatema—vaisvika zana nemakumi mashanu kana mazana maviri. dHyrum ndiye akatanga kupfurwa akawira pasi zvinyoro-nyoro, nokushamiswa akati: Ndafa ini! Joseph akasvetuka kubva pafafitera, uye akapfurwa akafa mukuyedza kusvetuka, nokushamiswa akati: Ishe Mwari vangu! vose vakapfurwa zvakare vafa kare, nemutowo wakaipisisa, uye vose vakapfurwa kana.

2 aJohn Taylor naWillard Richards, vaviri vevaneGumi neVaviri, ndivo vanhu chete vakanga vari mumba umu panguva iyoyo; wekutanga akakuvadzwa zvakaipa nembumburu ina, asi iye zvino ave nani; wechipiri, kuburikidza netsitsi dzaMwari, akapunyuka, asina kunyangwe buri muhanzu yake.

3 Joseph Smith, aMuporofita bneMuoni waIshe, akaita zvizhinji, kupfuura mumwe munhu upi zvake akambogara mairi kunze kwaJesu chete, muruponeso rwevanhu munyika muno. Munguva pfupi yemakumi maviri emakore, akaunza Bhuku raMormoni, iro raakadudzira nechipo chesimba raMwari, uye akave ndiye akaita kuti rishambadzwe munyika huru mbiri; akatumira ckuzara kwevhangeri risingaperi, iro riri mariri, kumativi mana enyika; akaunza zvakazarurwa nemirairo iyo inoumba bhuku reDzidziso neZvibvumirano, nemamwe magwaro mazhinji eungwaru nekuraira zvinoyamura vana vevanhu; akaunganidza zviuru zvizhinji zvaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, akatanga dguta guru, uye akasiya mukurumbira nezita zvisingapondwe. Akagara semukuru, uye akafa ari mukuru mumaziso aMwari nevanhu vavo; uye sevanhu vazhinji vaIshe vakazodzwa pasichigare, akasimbisa basa rake nemabasa ake eneropa rake; uye ndizvo zvaitawo mukoma wake Hyrum. Muupenyu vakanga vasina kupatsana, uye murufu havana kusiyaniswa!

4 Pakaenda Joseph kuCarthage kunozviisa sezvainzi ndizvo zvinodiwa nemutemo, mazuva maviri kana matatu asati apondwa, akati: “Ndiri kuenda asegwayana kunouraiwa; asi ndakatsiga serungwanani rwezhizha; ndine pfungwa isina mhosva kuna Mwari, uye nekuvanhu vose. Ndichafa ndisina mhosva, uye zvichazotaurwa nezvangu kunzi—Akapondwa pasina mhosva.”—Mangwanani iwayo, mushure mekunge Hyrum agadzirira kuenda—zvinganzi kunouraiwa here? Hongu, nokuti ndozvazvakanga zviri—akaverenga ndima inotevera, pedyo nepakaperera chitsauko chegumi nembiri chaEta, muBhuku raMormoni, uye ndokubva apeta peji yacho kuti azive paakanga agumira:

5 Uye zvakaitika kuti ndakanamata kuna Ishe kuti vanzwire maJentairi nyasha, kuti vave nerudo rwakadzama. Uye zvakaitika kuti Ishe vakati kwandiri: kana vasina rudo rwakadzama hazvinei kwauri, iwe une rutendo, nokudaro nhumbi dzako adzichacheneswa. Uye pamusana pekuti waona kusasimba kwako, uchasimbiswa, kana kusvika mukugara munzvimbo iyo yandakakugadzirira muzimba guru raBaba vangu. Uye zvino, ini … ndinooneka maJentairi, hongu, nekuhama dzanguwo dzandinoda, kudakara tasangana pamberi pechigaro bchekutonga kwaKristu, apo pachaziva vose vanhu kuti nhumbi dzangu hadzina kusvibiswa neropa renyu. cVapupuri zvino vafa, uye uchapupu hwavo huri kushanda.

6 Hyrum Smith akanga asvitsa makore makumi mana nemana muna Kukadzi, 1844, uye Joseph Smith akanga ave nemakore makumi matatu nemasere muna Zvita, 1843; uye kubvira zvino mazita avo achaiswa pakati pevakapondwa pamusana pekunamata; uye muvengi murudzi rwega-rwega achayeuchidzwa kuti Bhuku raMormoni, neBhuku rino reDzidziso neZvibvumirano rechechi, zvakatora ropa rakanaka kupfuura rose muzana remakore rechigumi nepfumbamwe kuaunza kuruponeso rwenyika yaparara; uye kuti kana moto uchigona kupisa muti amunyoro kuti Mwari varumbidzwe, zviri nyore sei kuti upise miti yakaoma kuchenesa munda wemuzambiringa wekuora. Vakagara mukubwinya; vakafira kubwinya; uye kubwinya mubairo wavo wokusingaperi. Kubva pazera nezera mazita avo achadzika kuvana sezvishongo kune vakacheneswa.

7 Vakanga vasina kana mhosva, sezvaigara zvichionekwa, uye vakaiswa mujeri chete nekurangana kwevatengesi nevanhu vakaipa; uye ropa ravo risina mhosva pahuriri hwejeri reCarthage chisimbiso chakapamhamha chakanamirwa pahu”Mormoni” chisingagone kurambwa nedare remhosva ripi zvaro pano pasi, uye ropa ravo risina mhosva parupawo rwedunhu reIllinois, nerutendo rwakaputsika rweDunhu sezvakatsidzirwa nagavhuna, uchapupu kuchokwadi chevhangeri risingaperi iro risingagone kurambwa nenyika yose; uye ropa ravo risina mhosva pamureza werusununguko, uye nepa bumbiro remitemo renyika yeUnited States, inhumwa yechitendero chaJesu Kristu, icho chichabata mwoyo yevanhu vanovimbika pakati pemarudzi ose; uye ropa ravo risina mhosva, neropa risina mhosva revose vakaponderwa chitendero pasi apeatari yakaonekwa naJohane, richachema kuna Ishe veHondo kudakara atsiva ropa iroro pano pasi. Ameni.