Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 48


Chikamu 48

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, muna Kurume 1831 (History of the Church, 1:166–167). Muporofita akange abvunza kuna Ishe kuti angatevedze tsika ipi pakuwana nyika dzekuti Vatendi vagare. Iyi yaive nyaya inokosha pamusoro pekutama kwenhengo dzeChechi dzichibva kumabvazuva eUnited States, mukuteerera murairo waIshe wekuti vaifanira kuti vaungane muOhio (onai zvikamu 37:1–3; 45:64).

1–3, Vatendi vari muOhio vanofanira kugarisana munzvimbo dzavo nehama dzavo; 4–6, Vatendi vanofanira kutenga nzvimbo, vovaka guta, uye votevedza kuraira kwevatungamiri vavo.

1 Zvinofanira kuti murambe mugare kwenguva ino munzvimbo dzenyu dzamugere, sezvo zviri zvinoenderana nezvamuri.

2 Uye muine nzvimbo, amuchadzipa kuhama dzekumabvazuva;

3 Uye kana musina nzvimbo, regai vatenge kwenguva ino mumatunhu ayo akatenderedza, sezvinovanakira, nokuti zvakafanira kuti vave nenzvimbo dzekugara iye zvino.

4 Zvinodiwa kuti zvive zvakafanira kuti muchengete mari yamunokwanisa, nekuti muwane zvose zvamunogona mukururama, kuitira kuti nenguva muchaitwa kuti mukwanise akutenga nzvimbo yenhaka, kunyangwe bguta.

5 Nzvimbo haisati yave kutaurwa; asi mushure mekunge hama dzenyu dzabva kumabvazuva kuchave anevamwe varume vachadomwa, kwavari ivavo kuchapihwa kuti bvazive nzvimbo yacho, kana kuti kwavari icharatidzwa.

6 Uye vachadomwa kuti vatenge nzvimbo, uye nekuti vatange kuisa hwaro ahweguta; uye ipapo ndipo pamuchatanga kuunganidzwa nemhuri dzenyu, wose munhu maererano bnemhuri yake, maererano nezvaari, uye sezvaanenge apihwa nevatungamiri uye nabhishopi wechechi, maererano nemitemo nerairo yamagashira, uye neyamuchatambira mushure mazvino. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.