Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 64


Chikamu 64

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kumagosa eChechi, paKirtland, Ohio, 11 Gunyana 1831 (History of the Church, 1:211–214). Muporofita akanga achigadzirira kutamira kuHiram, Ohio, kuti anotangisazve basa rake mukududzira Bhaibheri, iro rakanga raiswa parutivi paakanga ari muMissouri. Chikwata chehama chakanga charairwa kuti chiende kuZioni (Missouri) chakanga chiri mubishi rekugadzirira kusimuka muna Gumiguru. Panguva yebishi iyi, chakazarurwa ichi chakagashirwa.

1–11, Vatendi vanorairwa kuti varegererane, potse mungangogara mavari chitadzo chikuru; 12–22, Avo vasingatendeuke vanounzwa pamberi peChechi; 23–25, Uyo anopa chegumi haazopiswa pakuuya kwaIshe; 26–32, Vatendi vanoyambirwa pamusoro pechikwereti; 33–36, Vapanduki vanodimurwa kubva muZioni; 37–40, Chechi ichatonga marudzi; 41–43, Zioni ichabudirira.

1 Tarisai, vanodaro Ishe Mwari venyu, imi magosa echechi yangu, teererai imi munzwe, uye mugashire chido changu pamusoro penyu.

2 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinoda kuti amukurire nyika; nokudaro ndichaita btsitsi pamuri.

3 Kune avo mukati menyu vakatadza, asi zvirokwazvo ndinoti, kamwechete kano chete, kuitira akubwinya kwangu, uye neruponeso rwemweya bndakuregererai zvitadzo zvenyu.

4 Ndichakuitirai tsitsi, nokuti ndapa kwamuri umambo.

5 Uye amakiyi ezvakavanzika zveumambo haachatorwa kubva kune muranda wangu Joseph Smith, Mwana, kuburikidza nenzira yandakadoma, kana achiri mupenyu, kana achiteerera bzvisungo zvangu.

6 Kune avo vakatsvaga mhosva kwaari pasina chikonzero;

7 Zvisinei, akatadza; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ini Ishe, andinoregerera zvitadzo kune avo bvanoreurura zvitadzo zvavo pamberi pangu uye vachikumbira ruregerero, vasina kutadza kusvika cpakufa.

8 Vadzidzi vangu, mumazuva ekare, vaitsvaga akunetsana pachavo pasina chikonzero uye vasingaregererane mumwoyo yavo; uye pamusana pechakaipa ichi vakatambudzwa uye bvakarangwa.

9 Nokudaro ndinoti kwamuri, munofanira akuregererana; nokuti uyo basingaregerere hama yake kukanganisa kwayo anotongwa pamberi paIshe; nokuti kunosara maari chitadzo chikuru.

10 Ini Ishe andinoregerera uyo wandinoda kuregerera, asi kwamuri kunodiwa kuti bmuregere munhu wose.

11 Uye munofanira kuti mumwoyo menyu—regai Mwari avatonge pakati pangu newe, uye vagokupa mubairo maererano bnezviito zvako.

12 Uye uyo asingatendeuke muzvitadzo zvake, uye asingazvireurure, imi muchamuunza pamberi apechechi, uye moita naye sezvinotaurwa nemagwaro matsvene kwamuri, zvingave maererano nemurairo kana nezvakazarurwa.

13 Uye izvi muchazviita kuti Mwari vagorumbidzwa—kwete pamusoro pekuti hamudi kuregerera, semusina tsitsi, asi kuti mugorevererwa mumaziso emutemo, kuti musamugumbure uyo anove ndiye mupi wenyu wemutemo—

14 Zvirokwazvo ndinoti, nechikonzero ichi muchaita zvinhu izvi.

15 Tarisai, ini Ishe, ndakamushatirirwa uyo aive muranda wangu Ezra Booth, uyewo nemuranda wangu Isaac Morley, nokuti havana kuchengeta mutemo, kana murairo;

16 Vakatsvaka kuipa mumwoyo mavo, uye ini Ishe, ndakadzora Mweya wangu. aVakatonga vachiti chakaipa icho chinhu chakanga chisina kuipa; zvisinei ndakaregerera muranda wangu Isaac Morley.

17 Uye nemuranda wanguwo aEdward Partridge, tarisai, akatadza, uye bSatani ari kutsvaka kuparadza mweya wake; asi pachaitwa kuti zvinhu izvi vazvizive, uye ivo vakatendeuka kubva mune chakaipa, vacharegererwa.

18 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti zvakafanira kwandiri kuti muranda wangu Sidney Gilbert, mushure memavhiki mashomanani, achadzokera kubasa rake, uye nokuhumiririri hwake munyika yeZioni;

19 Uye izvo zvaakaona uye akanzwa zvingaitwe kuti zvizivikanwe kuvadzidzi vangu, kuti vasaparare. Uye nechikonzero ichi ndakataura zvinhu izvi.

20 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, muranda wangu Isaac Morley ahaazoyedzwa kupfuura izvo zvaanokwanisa kutakura, agoraira zvisiri izvo zvinozokukuvadzai, ndakaraira kuti purazi rake rinofanira kutengeswa.

21 Handizobvumira kuti muranda wangu Frederick G. Williams atengese purazi rake, nokuti ini Ishe, ndichagara ruoko rwangu rwakasimba munyika yeKirtland, kwemakore mashanu, munguva iyoyi handizorasa vakaipa, kuti mukudaro ndingaponese vamwe.

22 Uye mushure mezuva iroro, ini Ishe, hapana wandinozotarisa seane amhosva uyo achaenda nemwoyo wakasununguka kunyika yeZioni, nokuti ini Ishe, ndinoda bmwoyo yevana vevanhu.

23 Tarisai, zvino zvichiri kushevedzwa kunzi anhasi kusvikira bpakuuya kweMwanakomana weMunhu, uye zvirokwazvo izuva cremupiro, uye nezuva rekubvisiswa dchegumi kwevanhu vangu; nokuti uyo akabvisa chegumi ehaazopiswa pakuuya kwake.

24 Nokuti mushure mezuva ranhasi kunouya akutsva—uku kutaura sekutaura kunoita Ishe—nokuti zvirokwazvo ndinoti mangwana vose avo bvanodada uye vanoita zvakaipa vachaita semashanga; uye ini ndichavapisa, nokuti ndiri Ishe veHondo; uye hakuna wandinosiya pane vanenge vari cmuBabironi.

25 Nokudaro, kana muchitenda ini muchashanda zuva richiripo.

26 Uye hazvikodzeri kuti varanda vangu, aNewel K. Whitney naSidney Gilbert, vatengese bchitoro chavo uye nezvinhu zvavanazvo pano, nokuti izvi hausi ungwaru kudakara vakasara vechechi, avo vasara munzvimbo ino, vachakwira kuenda kunyika yeZioni.

27 Tarisai, zvinonzi mumitemo yangu, kana kurambidzwa, kupinda amuchikwereti nevavengi venyu;

28 Asi tarisai, hapana pazvinombotaurwa kuti Ishe havafanire kutora pavanoda, uye nokubhadhara sezvavanoona zvakanaka.

29 Nokudaro, sezvo muri vamiririri, muri pabasa raIshe; uye chose chamuchaita maererano nechido chaIshe ibasa raIshe.

30 Uye vakutumai imi kuti muzoyamura vatendi vavo mumazuva ekupedzisira ano, kuti vagowana anhaka munyika yeZioni.

31 Uye tarisai, ini Ishe, ndinotaura kwamuri, uye amazwi angu ndeechokwadi uye bhaazokundikana, kuti vachazoiwana.

32 Asi zvose zvinhu zvakafanira kuitika nenguva yazvo.

33 Nokudaro, amusanete mukuita zvakanaka, nokuti muri kuhwarika hwaro hwebasa guru. Uye muzvinhu bzvidiki ndimo munobva izvo zvikuru.

34 Tarisai, Ishe avanoda bmwoyo uye nepfungwa inoda, uye avo vanoda uye cvachiteerera vachadya zvakanana zvenyika yeZioni mumazuva ano ekupedzisira.

35 Uye avapanduki bvacharaswa kubva munyika yeZioni, uye vachitandaniswa, uye havazogara nhaka yenyika.

36 Nokuti, zvirokwazvo ndinoti vapanduki havasi veropa araEfraimi, nokudaro vachadzurwa.

37 Tarisai, ini Ishe, ndaita chechi yangu mumazuva ano ekupedzisira semutongi agere pachikomo kana panzvimbo yakakwirira, kuitira kutonga marudzi.

38 Nokuti zvichaitika kuti vagari vemuZioni avachatonga zvose zvinhu zviri maererano neZioni.

39 Uye varevi venhema nevanyengedzi vachafumurwa navo, uye avo vasiri avaapositori nevaporofita vachazivikanwa.

40 Uye kana abhishopi, ari iye bmutongi, uye nemakurukota ake, kana vasingatendeke cmuhutariri hwavo vachatongwa uye dvamwe vachadyarwa panzvimbo dzavo.

41 Nokuti tarisai, ndinoti kwamuri kuti aZioni ichabudirira uye bkubwinya kwaIshe kuchave pairi.

42 Uye ichave amureza kuvanhu, uye kuchauya kwairi kubva mukati merudzi rwose rwuri pasi pedenga.

43 Uye zuva richauya apo marudzi enyika aachadedera pamusana payo, uye vachatya pamusoro pevanotyisa vayo. Ishe vazvitaura. Ameni.