Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 124


Chikamu 124

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paNauvoo, Illinois, 19 Ndira 1841 (History of the Church, 4:274–286). Pamusana pekushungurudzwa kwavekuwanda nehurongwa huri kunze kwemutemo huri kuitwa nevabati vemahofisi, Vatendi vakamanikidzwa kuti vabve kuMissouri. Gwaro rekuti vaparadzwe rakaitwa naLilburn W. Boggs, gavhuna weMissouri, rakanyorwa musi wa27 Gumiguru 1838, rakavasiya vasisina chimwe chekuita kunze kwekubva (History of the Church, 3:175). Muna 1841, apo pakapihwa chakazarurwa chino, guta reNauvoo, riri pakange paine musha weCommerce, Illinois, rakanga ravakwa nevatendi, uye ipapa ndipo pakanga pamiswa muzinda weChechi.

1–14, Joseph Smith anorairwa kuti aite chirevo chakakosha chevhangeri kumutungamiri wenyika yeUnited States of America, kumagavhuna, nevatongi vemarudzi ose; 15–21, Hyrum Smith, David W. Patten, Joseph Smith, Baba, nevamwe pakati pevapenyu nevakafa vanoropafadzwa pamusana pekuzvibata kwavo nokunaka kwavo; 22–28, Vatendi vanorairwa kuti vavake imba yevayeni netemberi muNauvoo; 29–36, Kubhabhatidzwa kwevakafa kunoitirwa mumatemberi; 37–44, Vanhu vaIshe nguva dzose vanovaka matemberi kuti muitirwe zvisungo zvitsvene; 45–55, Vatendi vanonzi havana mhosva kana vakasavaka temberi muRuwa rweJackson pamusana pekudzvinyirirwa nevavengi vavo; 56–83, Vanopihwa zvekuita kuti vavake Imba yeNauvoo; 84–96, Hyrum Smith anodaidzwa kuti ave patiriyaki, kuti atambire makiyi acho, uye kuti amire munzvimbo yaOliver Cowdery; 97–122, William Law nevamwe vanoraiwa mumabasa avo; 123–145, Vakuru vechechi yose nevakuru vemakungano vanotaurwa, pamwechete nemabasa avo nezvikwata zvavari.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kwauri, muranda wangu Joseph Smith, ndinofadzwa chaizvo nemipiro nekutenda kwako, iko kwawaita; nokuti nechinangwa ichocho ndakakumutsa, kuti ndiratidze ungwaru hwangu kuburikidza nemuzvihu zvepasi azvisina simba.

2 Minamato yako inobvumwa pamberi pangu, uye mukuipindura ndinoti kwauri, uri kudaidzwa izvozvi uite chirevo chakakosha pamusoro pevhangeri rangu, anehoko ino yandadzika kuti rive dombo remhandiko neZioni, uye richakwenenzverwa nokutsveneswa uko kwakafanana nemuzinda wamambo.

3 Chirevo ichi, chichaitwa akumadzimambo ose epasi, kumativi mana enyika, kune anokudzwa mutungamiri ari kuzogadzwa, nemagavhuna anoremekedzwa erudzi rwamugere marwuri, nekumarudzi ose epasi akapararira kwose kwose.

4 Ngachinyorwe mumweya une ahunyoro nesimba reMweya Mutsvene, iro richave mauri panguva yekunyorwa kwacho;

5 Nokuti zvichapihwa kwauri nemweya Mutsvene kuti uzive chido changu pamusoro pemadzimambo acho nevamwe vatongi, kunyangwe izvo zvichavawira munguva ichauya.

6 Nokuti, tarisai ndave pedyo nokuti ndivadaidze kuti vateerere kuchiedza nokubwinya kweZioni, nokuti nguva yakatarwa yasvika yokuiitira zvakanaka.

7 Daidzirai imi, nokudaro, kwavari nezwi guru, neuchapupu hwenyu, musingavatye, nokuti vakaita asehuswa, uye nokubwinya kwavo kose sekweruva racho iro risingatane kudonha, kuti naivowo vasare vasina chikonzero—

8 Uye kuti ndigovashanyira muzuva rekutongwa, apo pandichafugura kumeso kwangu, kuti ndigopa mudzvinyiriri nzvimbo pakati pevanyengedzi, apo pane akugeda-geda kwemeno, kana vakaramba varanda vangu neuchapupu hwangu uhwo hwandakaratidza kwavari.

9 Uye zvakare, ndichavashanyira ndigopfavisa mwoyo yavo, vazhinji vavo kuitira iwe, kuti ugowana nyasha mumaziso avo, kuti vagouya akuchiedza chechokwadi, uye maJentairi vagosimudzira kana kukwidziridza Zioni.

10 Nokuti zuva rekutonga kwangu rinouya nokukurumidza, amunguva yamusingafungire; kudzivirirwa kwevanhu vangu kuchavepi, uye nepekuhwanda kweavo vachasara vavo?

11 Mukai, madzimambo epasi! Uyai imi, uyayi imi, negoridhe nesirivha yenyu, kuruyamuro rwevanhu vangu, kumba yevanasikana veZioni.

12 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwauri, rega muranda wangu Robert B. Thompson akuyamure kunyora chirevo ichi, nokuti ini ndinofadzwa naye, uye nokuti ave newe;

13 Nokudaro, ngaateerere kuraira kwako, uye ini ndichamuropafadza nemaropafadzo akawanda; ngaave akatendeka nokuve nechokwadi muzvinhu zvose kubvira zvino, uye achave mukuru mumaziso angu;

14 Asi ngaarangarire kuti ahutariri hwake ndinohuda kubva kwaari.

15 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwauri, akaropafadzwa muranda wangu aHyrum Smith; nokuti ini Ishe ndinomuda pamusana bpekuvimbika kwemwoyo wake, uye nokuti anoda icho chakanaka pamberi pangu, vanodaro Ishe.

16 Zvakare, regai muranda wangu John C. Bennett akuyamure mukushanda kwako mukutumira izwi rangu kumadzimambo nevanhu vepasi, uye agomira newe, kunyangwe iwe muranda wangu Joseph Smith, munguva yekutambudzwa; uye mubairo wake hauzotadza kana akagashira akurairwa.

17 Uye pamusana perudo rwake achave mukuru, nokuti achave wangu kana akaita izvi vanodaro Ishe. Ndakaona basa raakaita, iro randinogashira kana akaramba achiriita, uye ndichamupfekedza korona yemaropafadzo nokubwinya kukuru.

18 Uye zvakare, ndinoti kwauri chido changu kuti muranda wangu Lyman Wight arambe achiparidza kuZioni, mumweya wekuzvirereka, achindipupura pamberi penyika; uye ini ndichamutakura sepamapapiro aegondo; uye achabereka kubwinya norukudzo kwaari iye uye nokuzita rangu.

19 Kuti kana paachapedza basa rake, ndingazomutambira kwandiri, kunyangwe zvandakaita muranda wangu aDavid Patten, uyo aneni panguva ino, uyewo nemuranda wangu bEdward Partridge, uye nemuranda wangu akwegura cJoseph Smith, Baba, uyo agere dnaAbrahama kuruoko rwake rwerudyi, uye akaropafadzwa uye ari mutsvene, nokuti ndewangu.

20 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwauri, muranda wangu George Miller haana ahunyengedzi; anovimbika naye pamusana pekuvimbika kwemwoyo wake, uye pamusana perudo rwaainarwo kuuchapupu hwangu, ini Ishe ndinomuda.

21 Naizvozvo ndinoti kwauri, ndinogadza paari chinzvimbo achehubhishopi, sezvakaita muranda wangu Edward Partridge, kuti agogashira zvakatsaurwa zvemba yangu, kuti agopa maropafadzo pamusoro peavo varombo vevanhu vangu, vanodaro Ishe. Hapana munhu anofanira kushora muranda wangu George, nokuti achandikudza.

22 Regai muranda wangu George, nemuranda wangu Lyman nemuranda wangu John Snider, nevamwe, vandivakire aimba iri muzita rangu, yakaita seiyo muranda wangu Joseph achavaratidza, nepanzvimbo yekuvakira paachavaratidza zvakare.

23 Uye ichave imba yekugara, imba yekuti vayeni vanobva kure vanozogara imomo; nokudaro ngaive imba yakanaka, yakakodzera zvose zvairi, kuti uyo amufambi aneta agowana hutano nekusatya paanenge achifunga nezvezwi raIshe; bnedombo remhandiko randakasarudzira Zioni.

24 Imba iyi ichave nzvimbo yekugara inehutano kana ikave inovakirwa kuzita rangu, uye kana gavhuna achadomwa akasabvumira kusvibiswa kuti kuuye pairi. Ichave tsvene, nokuti Ishe Mwari vako havangazogara mairi.

25 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai vatendi vangu vose vabve kure.

26 Uye tumirai vatumwa vanokurumidza, hongu, vatumwa vakasarudzwa, uye moti kwavari: huyai imi, negoridhe renyu rose, nesirivha yenyu, nematombo anokosha enyu, nezvose zvenyu zvekare zvinokosha; neavo vose vane ruzivo nezvekare, avo vanoda kuuya, vangauye, uye vauye nemiti yemisaipurasi, nemifiri, nemupaini, pamwechete nemiti yose inokosha yepasi;

27 Uye nesimbi, nemhangura, nemusanganiswa wemhangura pamwe nezenge uye nezenge pachayo, nezvose zvinhu zvenyu zvinokosha zvepasi; uye amovaka imba muzita rangu, kuti Iyeyo wepamusoro soro bagogaramo.

28 Nokuti hapana imwe nzvimbo panyika kwaangauye kuti aadzorere zvakare icho chamakarasikirwa nacho, kana icho chaakakutorerai, kunyangwe kuzara kwehupirisita.

29 Nokuti hapana chidziva achekubhabhatidzira, kuti ivo, vatendi vangu bvagobhabhatidzirwa avo vakafa—

30 Nokuti chisungo ndechemumba mangu, uye hachingagashirwe neni, kunze chete kwemumazuva ehurombo hwenyu, umo mamunenge musingagone kundivakira imba.

31 Asi ndinokurairai, mose vatendi vangu, kuti amuvake imba kwandiri; uye ndinokupai nguva yakakwana kuti muvake imba kwandiri; uye munguva iyi rubhabhatidzo rwenyu rwuchagashirwa kwandiri.

32 Asi tarisai, mushure menguva iyi kubhabhatidzirwa kwenyu kwevakafa hakuzogashirwa neni; uye kana mukasaita zvinhu izvi pakupera kwenguva iyi mucharambwa sechechi, nevakafa venyu, vanodaro Ishe Mwari venyu.

33 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mushure mekunge mawana nguva yakakwana yekuvaka imba kwandiri, umo munove ndimo mekubhabhatidzira vakafa, uye iyo yakagara yakagadzirirwa zvimwechetezvo kubvira pahwaro hwenyika husati hwavepo, rubhabhatidzo rwenyu rwevakafa venyu harungabvumwe neni;

34 Nokuti mairi ndimomakaiswa akiyi dzehupirisita hutsvene, kuti mugogashira rukudzo nokubwinya.

35 Uye mushure menguva iyi, rubhabhatidzo rwenyu rwevakafa, neavo vakapararira kure, harubvumwe neni, vanodaro Ishe.

36 Nokuti zvakaitwa kuti muZioni, nemuhoko dzayo, nemuJerusarema, idzo nzvimbo dzandakadoma asedzekupotera, ndidzo dzichave nzvimbo dzenyu dzekubhabhatidzirwa vakafa venyu.

37 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akugezwa kwenyu kuchagashirwa neni sei, kunze kwekunge makuitira mumba yamunenge mavakira kwandiri?

38 Nokuti, pamusana pechikonzero ichi ndakaraira Mosesi kuti avake atabernakeri, kuti vagoitakura murenje uye nokuvaka bimba munyika yechipikirwa, kuti izvo zvisungo zvigoratidzwa izvo zvange zvakavigwa kubvira nyika isati yavepo.

39 Naizvozvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti akuzodzwa kwenyu, nokugezwa kwenyu, bnokubhabhatidzwa kwenyu kwevakafa, nemagungano enyu canoyera nokurangarira kwenyu dmipiro yenyu nevanakomana vaRevi, nezvakazarurwa zvenyu munzvimbo dzenyu dzakanyanya ekuvatsvene umo mamunogashira zvamunotaurirwa, nemitemo yenyu nokutongwa, kuri kutanga kwezvakazarurwa nehwaro hweZioni, nokubwinya, nekukudzwa neendawumenti kwenhengo dzayo dzose, dzinogadzwa nezvisungo zvemumba yangu tsvene, iyo inogara vanhu vangu vanogara vachirairwa kuti vavake kuzita rangu dzvene.

40 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai imba iyi ivakwe muzita rangu, kuti ndigoratidza zvisungo zvangu imomo kuvanhu vangu;

41 Nokuti ndinoona zvakafanira kuti andiratidze kuchechi yangu zvinhu zvagara bzvakavigwa kubvira hwaro hwenyika husati hwavepo, zvinhu zviri maererano nemazuva cekuzara kwenguva.

42 Uye andicharatidza kumuranda wangu Joseph zvose zviri maererano nemba iyi, uye nehupirisita hwacho, uye nepanzvimbo paichavakirwa.

43 Uye imi muchaivaka panzvimbo yamuri kufunga kuivakira, nokuti ndiyoyandasarudza kuti imi muivakire.

44 Kana mukashanda nesimba renyu rose, ndichatsaura nzvimbo iyoyo kuti iitwe atsvene.

45 Uye kana vanhu vangu vakateerera kuzwi rangu, nekuzwi arevaranda vangu avo vandakadoma kuti vatungamire vanhu vangu, tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, havazobviswa munzvimbo yavo.

46 Asi kana vakasateerera kuizwi rangu, kana kuizwi revarume ava vandakadoma, havachazoropafadzwa, nokuti vanosvibisa nzvimbo dzangu tsvene, nezvisungo zvangu zvitsvene, nemabumbiro, uye mazwi angu matsvene ayo andinovapa.

47 Uye zvichaitika kuti kana mukavaka imba kuzita rangu, uye mogorega kuita zvinhu zvandinotaura, handizoita achitsidzo chandiri kuita kwamuri, kana kuzadzisa zvivimbiso zvamakatarisira paruoko rwangu, vanodaro Ishe.

48 Nokuti akunze kwemaropafadzo, imi nemabasa enyu, munounza kutukwa, hasha, kugumbuka, nokutongwa pamisoro yenyu, pamusana pehurema hwenyu, nezvose zvinosemesa, izvo zvamunoita pamberi pangu vanodaro Ishe.

49 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana ndapa murairo kune vapi zvavo vanakomana vevanhu kuti vaite basa muzita rangu, uye ivavo vana vevanhu vakaenda nesimba ravo rose nezvavainazvo zvose kunoita basa iroro, uye vasarege akushingaira kwavo, uye vavengi vakauya vakavarwisa vachivakanganisa mukuita basa ravo, tarisai, zvakafanira kuti ndisarambe bndichida basa iri kubva mumaoko evanakomana vevanhu, asi kuti ndibvume mipiro yavo.

50 Uye kuipa nokutyorwa kwemitemo yangu mitsvene nemirairo andichazviisa pamusoro peavo vakatadzisa basa rangu, kusvika bkuchizvarwa chechitatu nechechina, kana cvasingatendeuke, uye vachindivenga, vanodaro Ishe Mwari.

51 Nokudaro, pamusana pezvizvi ndakabvuma mipiro yeavo vandakaraira kuti vavake guta anemba muzita rangu, muruwa brweJackson, Missouri, uye vakatadziswa nevavengi vavo, vanodaro Ishe Mwari venyu.

52 Uye ndichaunza akutongwa, hasha, kugumbuka, kuwuwura, nekurwadziwa, nekugeda-geda kwemeno pamisoro yavo, kusvika kuchizvarwa chechitatu nechechina, kana vasingatendeuke, uye vachindivenga, vanodaro Ishe Mwari venyu.

53 Uye izvi ndinozviita mufananidzo kwamuri, kukunyaradzai pamusana peavo vose vakarairwa kuti vaite basa uye vakatadziswa nemaoko evavengi vavo, uye nokudzvinyirirwa, vanodaro Ishe Mwari venyu.

54 Nokuti ndini Ishe Mwari venyu, uye ndichaponesa vose avo vehama dzenyu avakachena mumwoyo, uye vari bvakapondwa munyika yeMissouri, vanodaro Ishe.

55 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinokurairai zvakare kuti muvake aimba muzita rangu, kunyangwe nzvimbo ino, kuti bmugozviratidza kwandiri kuti makatendeka muzvinhu zvose zviri zvipi zvazvo zvandinokurairai, kuti ndikuropafadzei, uye nokukugadzai norukudzo, kusafa, neupenyu hwokusingaperi.

56 Uye zvino ndinoti kwamuri, zviri maererano aneimba yangu yevayeni iyo yandakakurairai kuti muvakire vayeni kuti vagare, ngaivakwe muzita mangu, uye zita rangu ngaritumidzwe pairi, uye regai muranda wangu Joseph nemba yake vawane nzvimbo imomo, kubva kuzvizvarwa nezvizvarwa.

57 Nokuti kuzodzwa uku ndakuisa pamusoro pake, kuti maropafadzo ake achiiswawo pamusoro pevana vake mushure make.

58 Uye sekutaura kwandakaita kuna aAbrahama pamusoro pemadzinza epasi, kunyangwe saizvozvo ndinoti kumuranda wangu Joseph: Mauri bnemumbeu yako madzinza epasi acharopafadzwa.

59 Nokudaro, regai muranda wangu Joseph nembeu yake vave nenzvimbo mumba iyoyo, zvizvarwa nezvizvarwa, narinhi narinhi, vanodaro, Ishe.

60 Uye regai zita remba iyoyo rinzi Imba yeNauvoo; uye ngaive imba inofadza kumunhu, uye iri inozorodza mufambi aneta, kuti agofunga nezvekubwinya kweZioni, kubwinya kweiri, dombo rechitsigiro racho;

61 Kuti agogashira kurairwa kubva kune avo vandakamisa kuti vaite asezvirimwa zvine mbiri, uye bsevarindi vari pazvidziro zvake.

62 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu George Miller, nemuranda wangu Lyman Wight, nemuranda wangu John Snider, nemuranda wangu Peter Haws, vazvironge pachavo, uye vagodoma mumwe wavo kuti ave mutungamiri wechikwata chavo kuti vavake imba iya.

63 Uye vachaumba bumbiro remitemo, iro rinoita kuti vagokwanisa kugashira pfuma yekuvakisa imba iyoyo.

64 Uye havazogashira mari iri pasi pemakumi mashanu emadhora semugove wepfuma iri mumba imomo, uye vachabvumirwa kugashira zviuru gumi nezvishanu zvemadhora kubva kunaani zvake munhu mumwechete zvepfuma iri mumba iyoyo.

65 Asi havazobvumirwa kugashira pfuma inopfuura madhora zviuru gumi nezvishanu kubva kunaani zvake munhu mumwechete.

66 Uye havazobvumirwa kuti vagashire mari iri pasi pemakumi mashanu emadhora semugove wepfuma kubva kunaani zvake ari mumba imomo.

67 Uye havazobvumirwa kugashira ani zvake munhu, semuridzi wezvinhu mumba ino, kunze kwekunge iyeyo abhadhara pfuma yake achivapa mumaoko avo paanenge atambira mugove;

68 Uye zvichienzaniswa nekuwanda kwezvinhu zvaanobhadhahara mumaoko avo achagashira pfuma mumba imomo; asi kana akashaya chaanobhadhara mumaoko avo haazowana pfuma yaanogashira mumba imomo.

69 Kana ani zvake akabhadhara pfuma mumaoko avo ichave pfuma iri mumba iyoyo, zvake iye pachake nezve zvizvarwa zvake mushure make, kubva kuchizvarwa kusvika kuchizvarwa nechizvarwa, kana iye nevadyi venhaka yake vakabata pfuma iyoyo, uye vasingatengese kana kuisa zvinhu izvi musiri mumaoko avo nokuda kwavo, kana mukaita kuda kwangu vanodaro Ishe Mwari venyu.

70 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muranda wangu George Miller, nemuranda wangu Lyman Wight, nemuranda wangu John Snider, nemuranda wangu Peter Haws, vakagashira pfuma ipi zvayo mumaoko avo, iri mari, kana midziyo umo mavanotambira kukosha chaiko kwemari, havafanire kushandisa imwe yemari iyoyo pane rimwe basa asi chete mumba imomo.

71 Uye kana vakashandisa imwe yemari iyoyo mune chimwe chepfuma, kunze kwemumba imomo, vasina mvumo yemubati wepfuma, uye vakasabhadhara zvakapetwa kana pfuma yavanenge vashandisa kumwe, kunze kwemumba imomo, vachatukwa, uye vachabviswa munzvimbo mavo vanodaro Ishe Mwari; nokuti Ini Ishe ndini Mwari uye handigone akusekwa mune chimwe chezvinhu izvi.

72 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu Joseph abhadhare pfuma mumaoko avo yekuvaka imba iya, sekuona kwaanoita; asi muranda wangu Joseph haagone kubhadhara mari inopfuura zviuru gumi nezvishanu yepfuma, kana iri pasi pemakumi mashanu emadhora; hapana mumwe munhu anozvibvumirwa, vanodaro Ishe.

73 Uye kune vamwewo vanoda kuziva chido changu pamusoro pavo, nokuti vakazvikumbira kwandiri.

74 Nokudaro, ndinoti kwamuri nezvemuranda wangu Vinson Knight, kana achiita kuda kwangu regai aise pfuma mumba iyoyo kuitira iye pachake, uye achiitira chizvara chake mushure make, kubva kuzvizvarwa nezvizvarwa.

75 Uye regai asimudze izwi rake kwenguva refu uye achidaidzira pakati pevanhu, aachichemera dambudziko revarombo nevanoshaya; uye ngaarege kukundikana, kana mwoyo wake ngaurege kuneta; uye bndichabvuma mipiro yake, nokuti haizove kwandiri semipiro yaKaini, nokuti achave wangu, vanodaro Ishe.

76 Regai mhuri yake ifare uye ibvise mwoyo yayo kune zvinotambudza; nokuti ndamusarudza uye ndikamuzodza, uye acharemekedzwa pakati pemba yake, nokuti ndicharegerera zvivi zvake zvose, vanodaro Ishe. Ameni.

77 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu Hyrum aise pfuma mumba iyoyo sezvaanoona zvakanaka kwaari, azviise iye pachake nechizvarwa chake shure kwake, kubva kuchizvarwa kusvika kune chimwe chizvarwa.

78 Regai muranda wangu Isaac Galland aise pfuma mumba iyoyo; nokuti ini Ishe, ndinomuda pamusana pebasa raakaita, uye ndicharegerera zvitema zvake zvose; nokudaro, ngaarangarirwe nokuvandudzirwa mumba iyoyo chizvarwa nechizvarwa.

79 Regai muranda wangu Isaac Galland asarudzwe pakati penyu, uye agadzwe nemuranda wangu William Marks, uye agoropafadzwa naye, kuti aende nemuranda wangu Hyrum kuti vanoita basa iro muranda wangu Joseph achavaratidza, uye ivo vacharopafadzwa zvikuru.

80 Regai muranda wangu William Marks abhadhare pfuma kumba iyoyo, zviri zvaanoona zvakanaka kwaari, kuzviitira iye pachake uye nechizvarwa chake, kubva kuchizvarwa kusvika kuchizvarwa.

81 Regai muranda wangu Henry G. Sherwood abhadhare pfuma mumba iyoyo, zviri zvaanoona zvakanaka kwaari, kuzviitira iye pachake nembeu yake mushure make, kubva kuchizvarwa kusvika kune chimwe chizvarwa.

82 Regai muranda wangu William Law abhadhare pfuma mumba iyoyo, kuzviitira iye pachake nembeu yake mushure make, kubva kuchizvarwa kusvika kune chimwe chizvarwa.

83 Kana achiita kuda kwangu ngaarege kutora mhuri yake kuenda kunyika dzekumabvazuva, kunyangwe kuKirtland; zvisinei, ini Ishe ndichavaka Kirtland, asi ini Ishe, ndineshamhu yakagadzirirwa vagari vemo.

84 Uye pamuranda wangu Almon Babbitt, pane zvinhu zvizhinji zvisingandifadze; tarisai, anoda kwazvo kuita zvaanofunga iye kunze kwezveuyo andakagadza, kunyangwe izvo zveHutungamiri hweChechi yangu, uye anomisa mhuru ayegoridhe kuti vanhu vangu vainamate.

85 Musarege munhu aachibva panzvimbo ino ariauya pano achiyedza kuchengeta mirairo yangu.

86 Kana vachigara pano ngavagarire ini, uye kana vachifa ngavafire ini; nokuti avachazorora kubva mukushanda kwavo kwose pano, uye vagoramba vachiita mabasa avo.

87 Nokudaro, regai muranda wangu William aise ruvimbo rwake mandiri, uye arege kutya pamusoro pemhuri yake, pamusana pekurwara kwenyika. Kana amuchindida, chengetai mirairo yangu; uye kurwara kwenyika bkuchave kubwinya kwenyu.

88 Regai muranda wangu William aende anotaura vhangeri rangu risingaperi nezwi guru, uye nokufara kukuru, sekufemerwa kwaanenge achiitwa aneMweya wangu, kuvagari vekuWarsaw, nekuvagariwo vekuCarthage, nekuvagariwo vekuBurlington, nekuvagariwo vekuMadison, vamirire nomwoyo murefu akaperera kwazvo kuimwe mirairo pamusangano mukuru vevanhu vose, vanodaro Ishe.

89 Kana ari achaita kuda kwangu regai kubvira zvino ateerere kumazwi emuranda wangu Joseph, nezvinhu zvake atsigire abasa revarombo, uye agoshambadza bkududzirwa kutsva kweizwi rangu dzvene kuvagari vepasi.

90 Uye kana akaita izvi andinomuropafadza nemaropafadzo akapetwa kazhinji, zvekuti haazosiiwa, kana mbeu yake haizowanikwa bichikumbira chingwa.

91 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu William adomwe, agadzwe, uye azodzwe, segurukota remuranda wangu Joseph, munzvimbo yemuranda wangu Hyrum, kuti muranda wangu Hyrum atore chinzvimbo cheHupirisita anechaPatiriyaki, icho chakapihwa kwaari nababa vake mukuropafadzwa uyewo nekodzero;

92 Kuti kubvira zvino achabata makiyi emaropafadzo aapatiriyaki pamisoro yevanhu vangu.

93 Kuti ani zvake waacharopafadza acharopafadzwa, uye ani zvake awaachatuka achatukwa, kuti chose bchaachasunga panyika chichasungwa kudenga; uye chose chaachasunungura panyika chichasunungurwa kudenga.

94 Uye kubvira nguva ino zvichienda mberi ndichamudoma kuti ave muporofita, uye amuoni, uye nemuzaruri kuchechi yangu, pamwechete nemuranda wangu Joseph;

95 Kuti agoitawo mukubvumiranawo nemuranda wangu Joseph; uye nokuti achagashira kurairwa nemuranda wangu Joseph, uyo achamuratidza akiyi dzekukumbira nawo uye nokugashira, uye achibva apihwa maropafadzo mamwechetewo nokubwinya, nerukudzo, nehupirisita, nezvipo zvehupirisita, izvo zvakamboiswa pane uyo aive muranda wangu bOliver Cowdery;

96 Kuti muranda wangu Hyrum apupure pamusoro pezvinhu zvandichamuratidza, kuti zita rake rirangarirwe nerukudzo kubva kuchizvarwa nechizvarwa, narinhi narinhi.

97 Regai muranda wangu William Law naiyewo agashire kiyi idzo dzaanogona kukumbira uye nokugashira maropafadzo; ngaave aakazvininipisa pamberi pangu, uye asina bhunyengedzi, uye achagashira Mweya wangu, kunyangwe Mweya cMunyaradzi, uyo uchaisa pachena kwaari chokwadi chezvinhu zvose, uye uchamupa, munguva yacho chaiyo, zvaachataura.

98 Uye azviratidzo izvi zvichamutevera—bachaporesa vanorwara, achiburitsa mweya yakaipa, uye achanunurwa kubva kune avo vanoda kumupa chepfu inouraya;

99 Uye achaendeswa nemudzinzira umo mekuti nyoka ine ahuturu hwakaipa haikwanise kuruma chitsitsinho chake, uye achasimudzwa bmukufungidzira kwepfungwa dzake sekunge ari pamapapiro egondo.

100 Uye kana ndikaita kuti amutse vakafa, ngaarege kudzora izwi rake.

101 Nokudaro, regai muranda wangu William acheme zvinonzwikwa uye asarege, uye nekufara nokupembera, nemahosana kwaari uyo agere pachigaro chekutonga narinhi narinhi, vanodaro Ishe Mwari venyu.

102 Tarisai, ndinoti kwamuri, ndine basa randakachengetera muranda wangu William, nemuranda wangu Hyrum, uye nderavo chete; regai muranda wangu Joseph amboramba ari kumba, nokuti ari kudiwa ikoko. Zvasara ndichakuratidzai pashure. Kunyangwe saizvozvo Ameni.

103 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muranda wangu aSidney akashandira ini uye akave gurukota remuranda wangu Joseph, ngaasimuke uye auye azomira munzvimbo yaakadaidzwa, uye azvininipise pamberi pangu.

104 Uye kana akapira kwandiri mupiro wandinobvuma, uye wandinotambira, uye agoramba aine vanhu vangu, tarisai; ini Ishe Mwari venyu, ndichamuita kuti arapwe; uye achasimudza izwi rake zvakare mumakomo, uye agove amumiriri pamberi peusu hwangu.

105 Ngaauye azoisa mhuri yake munharaunda inogara muranda wangu Joseph.

106 Uye munzendo dzake dzose ngaasimudze izwi rake kuti riite sehwamanda, uye achiyambira vagari vemunyika kuti vatize hasha huru dzirikuuya.

107 Regai ayamure muranda wangu Joseph, uye muregewo muranda wangu William Law ayamure muranda wangu Joseph, mukuita achirevo chinoera kumadzimambo epasi, kunyangwe sezvandakambotaura kwamuri.

108 Kana muranda wangu Sidney achida kuita kuda kwangu, ngaarege kuendesa mhuri yake kunyika adzekumabvazuva, asi ngaavatamise pavagere, kunyangwe sekutaura kwandaita.

109 Tarisai, hachisi chido changu kuti atsvage kuwana pasina ngozi nepekupotera, kunze kweguta iro randakakusarudzirai, kunyangwe guta areNauvoo.

110 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kunyangwe zvino, kana akateerera kuzwi rangu, zvichave zvakanaka kwaari. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

111 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu Amos Davies abhadhare pfuma mumaoko evavo vandakasarudza kuti vavake imba yekugara, kunyangwe Imba yeNauvoo.

112 Izvi regai aite kana achizove nemugove; uye ngaateerere kuraira kwemuranda wangu Joseph, uye agoshanda nemaoko ake kuti agovimbisika kuvanhu.

113 Uye kana akagona kuzviratidza kuti anotendeka muzvinhu zvose zvichaiswa mumaoko ake, hongu, kunyangwe zvinhu zvishoma, achaitwa amutongi wezvizhinji.

114 Regai zvakadaro aazvininipise kuti agosimudzirwa kunyangwe saizvozo. Ameni.

115 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muranda wangu Robert D. Foster akateerera izwi rangu, regai avake imba yemuranda wangu Joseph maererano nechirangano chaakaita naye, musiwo uchave unozarurwa kwaari nguva nenguva.

116 Uye ngaatendeuke muhupenzi hwake hwose, uye azvipfekedze arudo rwakadzama; uye arege kuita zvakaipa, uye asiye kutaura kwake kwose kukukutu;

117 Uye abhadharewo pfuma mumaoko echikwata cheImba yeNauvoo, kuzviitira iye nechizvarwa chake mushure make, kubva kuchizvarwa kusvika kune chimwe chizvarwa;

118 Uye ateerere kuraira kwevaranda vangu Joseph, naHyrum, naWilliam Law, nekune avo vane masimba vandakadaidza kuti vaise hwaro hweZioni; uye zvichamunakira nariini nariini. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

119 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, musarege munhu achibhadhara pfuma kuchikwata cheImba yeNauvoo kunze kwekunge ari anotenda muBhuku raMormoni, nezvakazarurwa zvandakakupai, vanodaro Ishe Mwari.

120 Nokuti azvinopfuura kana kuita zvishoma pane izvi zvinobva kune wakaipa, uye zvichave zviine kutukwa zvisina maropafadzo, vanodaro Ishe Mwari venyu. Kunyangwe saizvozvo Ameni.

121 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chikwata cheImba yeNauvoo ngachiwane mubairo wakafanira webasa racho rose rachinoita mukuvaka Imba yeNauvoo; uye regai mibairo yavo iite sezvavanenge vabvumirana pakati pavo, maererano nokuti ichava marii.

122 Uye regai munhu anobhadhara pfuma kana mari ave anobvisawo chikamu chake chemari inotambirwa nevashandi, kana zvichifanira kuvariritira, vanodaro Ishe; nokuti basa ravo richatarwa richatariswa semugove kupfuma yemumba iyoyo. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

123 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvino ndave kukupai avabati vezvigaro zveHupirisita hwangu, kuti muve bnekiyi; kunyangwe Hupirisita hweboka craMerkizedeki, uhwo huri hweboka reMwanakomana wangu Mumwechete Akaberekwa.

124 Kutanga, ndinokupai Hyrum Smith kuti ave apatiriyaki kwamuri, kuti abate maropafadzo bekusunganidza emuchechi yangu, kunyangwe Mweya Mutsvene cweruvimbiso apo dpamunosunganidzwa kuzuva rerununuro, kuti musazopunzika kana dai iri enguva yekuyedzwa ingangouya pamuri.

125 Ndinokupai muranda wangu Joseph kuti ave gosa rinotungamira muchechi rangu rose, kuti ave mududziri, muzaruri, amuoni, nemuporofita.

126 Ndinopa kwavari kuti vave makurukota ake muranda wangu Sidney Rigdon nemuranda wangu William Law, kuti ivava vaumbe chikwata neHutungamiri Hwekutanga, kuti vagotambira azvakazarurwa zvechechi yose.

127 Ndinokupai muranda wangu aBrigham Young kuti ave mutungamiri wevaneGumi neVaviri vedare revanofamba;

128 Vari ivo avaneGumi neVaviri vakabata makiyi ekuvhura mvumo yeumambo hwangu kumativi mana enyika, uye mushure maizvozvo, bkutumira izwi rangu kuchisikwa chose.

129 NdiHeber C. Kimball, Parley P. Pratt, Orson Pratt, Orson Hyde, William Smith, John Taylor, John E. Page, Wilford Woodruff, Willard Richards, George A. Smith;

130 aDavid Patten bndamutora ini pachangu; tarisai, hupirisita hwake hapana munhu angahutore kwaari, asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe angangodomwa kubasa rimwechetero.

131 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, ndinokupai dare arepamusoro, sedombo rinotsigira eZioni—

132 Mazita avo ndiSamuel Bent, Henry G. Sherwood, George W. Harris, Charles C. Rich, Thomas Grover, Newel Knight, David Dort, Dunbar Wilson—Seymour Brunson, ndamutora ini pachangu; hapana munhu anotora hupirisita hwake, asi mumwe angangodomwa muhupirisita humwechetehwo munzvimbo yake; uye ndinoti kwamuri regai muranda wangu Aaron Johnson agadzwe mubasa iri munzvimbo yake—David Fullmer, Alpheus Cutler, William Huntington.

133 Uye zvakare, ndinopa kwamuri Don C. Smith kuti ave mutungamiri wechikwata chemapirisita vepamusoro;

134 Chiri chisungo chadzikwa nechinangwa chekuti vakodzere avo vachazosarudzwa kuti vave vatungamiri vakamirira kana varanda vanotarisa ahoko dzakapararira kwose kwose;

135 Uye vanogona kufambawo, kana vakasarudza, asi chaizvo vanogadzwa sevatungamiri vakamirira, ndicho chinzvimbo chekudaidzwa kwavo, vanodaro Ishe Mwari venyu.

136 Ndinokupai Amasa Lyman naNoah Packard semakurukota, kuti vagotungamira chikwata chevapirisita vepamusoro vechechi yangu, vanodaro Ishe.

137 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, ndinokupai John A. Hicks, Samuel Williams, naJesse Baker, vapirisita ava vari ivo vachatungamira chikwata achemagosa, chiri chikwata chakaitirwa vapirisita vanomirira; zvisinei vanogona kufamba, asi vakagadzwa kuti vave mapirisita vakamirira muchechi yangu, vanodaro Ishe.

138 Uye zvakare, ndinokupai Joseph Young, Josiah Butterfield, Daniel Miles, Henry Herriman, Zera Pulsipher, Levi Hancock, James Foster, kuti vatungamire chikwata chevane amakumi manomwe;

139 Chirichikwata chakaitirwa magosa anofamba kuti vapupure pamusana pezita rangu pasi rose, uko kwose kwavanotumwa nevedare repamusoro revanofamba, vaapositori vangu kuti vanogadzira nzira pamberi pangu.

140 Mutsauko pakati pechikwata chino nechikwata chemagosa ndewekuti, rimwe rinofamba nguva dzose, uye rimwe rine basa rekutungamira machechi nguva nenguva, uye rimwe harina basa rekutungamira, vanodaro Ishe Mwari venyu.

141 Uye zvakare, ndinoti, kwamuri ndinokupai Vinson Knight, Samuel H. Smith, uye naShadrach Roundy, kana akazvigashira, kuti vave pamusoro apehubhishopi; ruzivo rwehubhishopi hwataurwa rwunopihwa kwamuri muBhuku breDzidziso neZvibvumirano.

142 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, Samuel Rolfe nemakurokota ake kuhupirisita, uye nemutungamiri wevadzidzisi nemakurokota ake, uyewo nemutungamiri wemadhikoni nemakurokota ake, uyewo nemutungamiri wehoko nevatevedzeri ake.

143 Zvinzvimbo zviri pamusoro apa ndazvipa kwamuri, uye nemakiyi azvo, kuyamura nokutonga, kuitira basa rekuparidza uye anokunatsa vatendi vangu.

144 Uye ndinokupai murairo, kuti munofanira kuzadza zvinzvimbo zvose izvi, uye amutambire mazita ayo andakupai, kana kuti kuaramba pagungano rangu rechechi revose;

145 Uye nokuti makafanira kugadzira dzimba dzezvinzvimbo zvose izvi mumba mangu kana maivaka muzita rangu, vanodaro Ishe Mwari venyu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.