Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 95


Chikamu 95

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtkand, Ohio, 1 Chikumi 1833 (History of the Church, 1:350–352). Chakazarurwa chino kuenderera mberi kwemirairo mitsvene yekuvakwa kwedzimba dzekunamatira nokudzidziswa, kunyanya imba yaIshe (onai chikamu 88:119–136 uye nechikamu 94).

1–6, Vatendi vanorangwa pamusana pekutadza kwavo kuvaka imba yaIshe; 7–10, Ishe vanoda kushandisa imba yavo kuti vape vanhu vavo masimba anobva kumusoro; 11–17, Imba ichakumikidzwa senzvimbo yekunamata, uye sechikoro cheVaapositori.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kwamuri imi vandinoda, uye avo vandinoda andinovarangawo kuti zvitadzo zvavo bzvigoregererwa, nokuti nokuranga ndinogadzira nzira cyekubviswa kwavo muzvinhu zvose kubva dmukuyedzwa, uye ndakakudai—

2 Nokudaro, munofanira kurangwa uye mugomira makatsiurwa pameso pangu;

3 Nokuti makanditadzira chitadzo chakaipa zvikuru, mukuti hamuna kufunga murairo mukuru muzvinhu zvose, uyo wandakakupai maererano nokuvakwa akwemba yangu;

4 Yekugadzirira uko kwandakaronga kuti ndigadzirire vaapositori vangu kuti avakwanhurire munda wangu wemizambiringa kwenguva yekupedzisira, kuti ndigoita kuti chiitiko changu bchinoshamisa chiitike, kuti cndigodira Mweya wangu panyama yose—

5 Asi tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kune vazhinji vakagadzwa pakati penyu, vandakadaidza asi vashoma vavo avakasarudzwa.

6 Avo vasina kusarudzwa vakatadza chitadzo chakaipa kwazvo, mukuti vari kufamba amurima masikati.

7 Uye nechikonzero ichi ndakakupai murairo kuti munofanira kudaidzira gungano renyu arinoyera, kuti bkutsanya kwenyu nokuchema kwenyu kukwire kunzeve dzaIshe cweSabaoti, vanonzi pakududzira, dmusiki wezuva rekutanga, mavambo nemagumo.

8 Hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndakapa kwamuri murairo kuti munofanira kuvaka imba, imba inove yandakaronga kuti, andigopira avo vandakasarudza masimba anobva kumusoro;

9 Nokuti ichi andichochivimbiso chaBaba kwamuri; naizvozvo ndinokurairai mugare, kuti kunyangwe sevaapositori vangu paJerusarema.

10 Zvisinei varanda vangu vakatadza nechitadzo chakaipa kwazvo; uye kukamuka akusawirirana bmuchikoro chemaporofita; uko kwakandishungurudza zvikuru, vanodaro Ishe venyu; nokudaro ndakavatumira kuti vanorangwa.

11 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chido changu kuti muvake imba. Kana mukachengeta mirairo yangu muchawana simba rekuivaka.

12 Kana amusingachengete mirairo yangu, brudo rwaBaba harwurambe rwuinemi, nokudaro muchafamba murima.

13 Zvino houno ungwaru, uye nepfungwa dzaIshe—imba ngaivakwe, kwete nenzira yenyika, nokuti handipe kwamuri kuti mugogara nenzira yemunyika;

14 Naizvozvo, ngaivakwe, maererano nenzira yandichakuratidzai kune vatatu venyu, vamuchadoma mugovagadza musimba iri.

15 Uye kukura kwayo kuchave zvinhano makumi mashanu neshanu hupamhi, uye yoita makumi matanhatu neshanu ezvinhano kureba, munzvimbo yemukati.

16 Uye regai chikamu chepasi, chenzvimbo yemukati, chikumikidzwe kwandiri, kuitira kupira sakaramende kwenyu uye nokuparidza kwenyu, uye nokutsanya, uye nokunamata, uye anokuunza kwenyu zvido zvenyu zvitsvene kwandiri, vanodaro Ishe.

17 Uye moita kuti nzvimbo yepamusoro pemba yemukati ipirwe kwandiri kuti ive chikoro chavaapositori vangu, anodaro Mwanakomana aAmani; kana kuti nemamwe mazwi Arfasi kana kuti nemamwe mazwi; Omegasi; kunyangwe Jesu Kristu bIshe venyu. Ameni.