Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 87


Chikamu 87

Zvakazarurwa nekuporofitwa pamusoro pehondo, zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, 25 Zvita 1832 (History of the Church, 1:301–302). Chikamu chino chakagashirwa panguva apo hama dzaifunga nekuzeya pamusoro pezvehunhapwa hwevanhu vatema veAfrica muAmerica uye nehunhapwa hwevana vevanhu munyika dzose.

1–4, Hondo inotaurwa kuti ichaitika pakati penyika dzeKumaodzanyemba nedzeKuchamhembe; 5–8, Matambudziko makuru achawira pane vagari vepasi.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe pamusoro pehondo dzichauya muchinguva chiri kutevera, kutangira pakupanduka akweSouth Carolina, uko kuchagumisira nokuparadzwa nerufu nekusuwa kwemweya mizhinji;

2 Uye nguva ichasvika yekuti ahondo ichadirwa panyika dzose, kutangira panzvimbo ino.

3 Nokuti tarisai, nyika dzeKuchamhembe dzichapesana nenyika dzeKumaodzanyemba, nyika dzeKuchamhembe dzichadaidza mamwe marudzi, kana kunyangwe rudzi rweGreat Britain, sezvainodaidzwa, vachadaidzawo mamwe marudzi, kuti vazvidzivirire kune mamwe marudzi, ipapo ahondo ichadirwa pamarudzi ose.

4 Uye zvichaitika kuti mushure memazuva mazhinji, anhapwa dzichapandukira vana tenzi vadzo, avo vachange vakarongwa nokudzidziswa zvehondo.

5 Uye zvichaitikawo zvakare kuti vanosaririra venyika vanenge vasara vachazvironga pachavo, vagoshatirwa zvakapfuuridza, vagonetsa maJentairi nokunetsa kunorwadza.

6 Saizvozvo, nemunondo nekudeurwa kweropa vagari vepasi avachachema; bnenzara, zvirwere, nekundengendeka kwenyika, nokutinhira kwedenga, pamwe nemheni inopenya zvinotyisa, vagari vepasi vachaitwa kuti vanzwe hasha nekugumbuka, neruoko crwunoranga rwaMwari Samasimba, kudakara kuparadzwa kwakadzikwa dkwapedza zvizere, ose marudzi;

7 Kuti kuchema kwevatendi, anokweropa revatendi, kurege kukwira kunzeve dzaIshe bveSabaoti, kubva pasi, kuti vagotsivirwa vavengi vavo.

8 Nokudaro, amirai imi munzvimbo tsvene, musabviswe, kudakara zuva raIshe rauya, nokuti tarisai, rinouya bnokukurumidza, vanodaro Ishe. Ameni.