Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 85


Chikamu 85

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 27 Mbudzi 1832 (History of the Church, 1:298–299). Chikamu chino ndezvakatorwa kubva mutsamba yeMuporofita kuna W. W. Phelps, akanga achigara muIndependence, Missouri. Zvakapihwa kuti zvipindure mibvunzo pamusoro peavo Vatendi vakanga vatamira kuZioni asi vasina kugashira nhaka dzavo maererano nehurongwa hwakadzikwa muChechi.

1–5, Nhaka muZioni dzinogashirwa kuburikidza nokutsaurwa; 6–12, Mumwe ane hukuru akasimba achapa Vatendi nhaka yavo muZioni.

1 Ibasa remunyori waIshe, uyo waakadoma, kuti achengete nhoroondo, anezvinyorwa zvose zvechechi zvezvinhu zvose zvinoitika muZioni, neavo vose bvanopira midziyo, uye vachigashira nhaka zviri mumurau kubva kuna bhishopi;

2 Uyezve nemagariro avo, rutendo rwavo, nemabasa; uyewo nevakarasika pachitendero avo vanorasika mushure mekuwana nhaka dzavo.

3 Hazvipindirane nechido nemurairo waMwari kuti avo vasingagashire nhaka dzavo kuburikidza anekutsaura, zvinobvumirana nemutemo wavo, uyo wavakapa, kuti vagobvisisa bchegumi vanhu vavo, kuvagadzirira zuva crokutsiva nokupisa, kuti vave nemazita avo akanyorwa pamwechete nemazita evanhu vaMwari.

4 Kana nhoroondo yemadzinza avo haichengetwe, kana kuwanikwa painofanira kuwanikwa pazvinyorwa zvipi zvazvo kana nhoroondo yechechi.

5 Mazita avo haazowanikwa, kana mazita emadzibaba, kana mazita evana haanyorwe amubhuku remutemo waMwari, vanodaro Ishe veHondo.

6 Hongu, kanodaro kazwi kadiki akakanyarara, kanoita kazevezeve bkachibaya zvose zvinhu, uye nguva zhinji kanoita kuti mapfupa angu abvunde kana kachidudzira, kachiti;

7 Uye zvichaitika kuti ini Ishe, Mwari, ndichatuma uyo ane hukuru uye akasimba, akabata tsvimbo yesimba muruoko rwake, akapfekedzwa chiedza sechiputiro, uye ane muromo uchataura mazwi, mazwi ekusingaperi; ihwo hura hwake huri tsime rechokwadi, kugadziridza imba yaMwari, nokuronga nemijenya nhaka dzevatendi vane mazita anowanikwa, nemazita emadzibaba avo, nevana vakanyorwa mubhuku remutemo waMwari;

8 Apo uyo munhu, akadaidzwa naMwari uye akadomwa, anoisa ruoko rwake kutsigira aareka yaMwari, achawira pasi nemuseve werufu, kufanana nemuti unorohwa nekupenya kwakasimba kwemheni.

9 Uye vose avo vanowanikwa vasina kunyorwa amubhuku rendangariro havana nhaka dzavanowana muzuva iroro, asi vachadimurwa nepakati, uye mugove wavo uchadomerwa kwavari pakati pevasingatende, umo mune bkuwuwura nekugeda-geda kwemeno.

10 Izvi zvinhu handizvitaure ini pachangu; nokudaro sekutaura kunoita Ishe, vachazvizadzikisa.

11 Uye avo veHupirisita Hwepamusoro, vane mazita asingawanikwe akanyorwa amubhuku remutemo, kana avo vanowanikwa bvakarasika pachitendero, kana vanowanikwa cvakabviswa muchechi, uye nekuhupirisita hudiki, kana nhengo, muzuva iroro havawane nhaka pakati pevatendi vewePamusoro-soro;

12 Naizvozvo, zvichaitwa kwavari kufanana nezvakaitwa kuvana vemupirisita sezvinowanikwa zvakanyorwa muchitsauko chechipiri mundima yemakumi matanhatu neimwechete neye makumi matanhatu nembiri yebhuku raEzra.