Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 53


Chikamu 53

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Algernon Sidney Gilbert, paKirtland, Ohio, Chikumi 1831 (History of the Church, 1:179–180). Sechikumbiro chaSidney Gilbert, Muporofita akabvunza kuna Ishe nezvebasa reHama Gilbert nekudomwa kwake muChechi.

1–3, Sidney Gilbert, kudaidzwa nekudomwa kwake muChechi kuti agadzwe segosa; 4–7, Achavewo achashanda semumiriri wabhishopi.

1 Tarisai, ndinoti kwauri muranda wangu Sidney Gilbert, kuti ndanzwa minamato yako; uye wakandikumbira kuti zviitwe kuti zvizivikanwe kwauri, naIshe Mwari vako, maererano nekudaidzwa anekudomwa muchechi, iro ini Ishe, ndasimudza mumazuva ano ekupedzisira.

2 Tarisai ini Ishe, uyo aakaroverwa zvitadzo zvenyu zvenyika, ndinokupa murairo wekuti busiye zvenyika.

3 Tora pauri kugadza kwangu, kunyangwe uko kwegosa, kuparidza rutendo nekutendeuka anekuregererwa kwezvitadzo, maererano neshoko rangu, uye nokugashirwa kweMweya Mutsvene nekugadzwa bmaoko;

4 Uye zvakare kuve amumiriri wechechi munzvimbo ichadomwa nabhishopi, maererano nemirairo ichapiwa mushure.

5 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwauri, uchaenda rwendo rwako nevaranda vangu Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon.

6 Tarisai, izvi ndizvo zvisungo zvekutanga zvauchagashira; uye zvasara zvichaziviswa munguva ichauya, maererano nekushanda kwako mumunda wangu wemizambiringa.

7 Uye zvakare, ndingade kuti udzidze kuti iyeyo chete ndiye achaponeswa, aanoshingirira kusvika kumagumo. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.