Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 91


Chikamu 91

Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 9 Kurume 1833 (History of the Church, 1:331–332). Muporofita panguva iyoyi akange ari mubasa rekududzira Testamente yaKare. Asvika pachidimu chiya chezvinyorwa zvakare zvinodaidzwa kuti Apokirifa, akabvunza kuna Ishe uye akagashira kurairwa uku.

1–3, Apokirifa yakadudzirwa zvakanaka asi inezvimwe zvakawanda zvakapfekerwa nemaoko evanhu zvisiri zvechokwadi; 4–6, Inoyamura avo vakajekeserwa neMweya.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwamuri pamusoro apeApokirifa—Kune zvinhu zvizhinji zviri mairi zviri zvechokwadi, uye zvizhinji zvacho zvakadudzirwa nemazvo;

2 Kune zvinhu zvizhinji zviri mairi zvisiri zvechokwadi zviri zvinhu zvakapamhidzirwa nemaoko evanhu.

3 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hazvina kukosha kuti Apokirifa idudzirwe.

4 Naizvozvo, uyo anizvake anoiverenga, angaanzwisise, nokuti Mweya unoratidza chokwadi.

5 Uye anizvake anojekeserwa aneMweya achawana kupunduka kubvamo;

6 Uye uyo asingagashire neMweya, haangayamurwe. Nokudaro, hazvina basa kuti idudzirwe. Ameni.