Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 121


Chikamu 121

Munamato nehuporofita hwakanyorwa naJoseph Smith Muporofita paakange ari musungwa mujeri repaLiberty, Missouri, zvine zuva20 Kurume 1839 (History of the Church, 3:289–300). Muporofita nevafambidzani vakawanda vakanga vagara mutirongo kwemwedzi yakati kuti. Matsamba avo nokuchema kwavo kuvakuru-vakuru uye nokuvatongi zvakatadza kuvaita kuti vasunungurwe.

1–6, Muporofita anochema kuna Ishe pamusoro pekutambudzika kweVatendi; 7–10, Ishe vanotaura runyararo kwaari; 11–17, Vakatukwa avo vose vanodaidzira nhema nokutadza pamusoro pevanhu vaIshe; 18–25, Havawane kodzero kuhupirisita uye vachatongwa; 26–32, Zvakazarurwa zvinoshamisa zvakavimbiswa avo vachashingirira vasina kutya; 33–40, Sei vazhinji vachidaidzwa uye vashoma vachisarudzwa; 41–46, Hupirisita hunofanira kushandiswa chete mukururama.

1 Mwari, muri kupi? Iripi tende yekufukidza panzvimbo penyu apekuhwanda?

2 Ruoko rwenyu rwuchamira akusvika riini, neziso renyu, hongu ziso renyu rakachena, muchaona kubva kumatenga okusingaperi kutadzirwa kwevanhu venyu nokwevaranda venyu, uye nzeve yenyu igopindwa nekuchema kwavo?

3 Hongu, Ishe vachabvumira akusvika riini kutadza uku nokudzvinyirira kusiri pamutemo, mwoyo wenyu usati wapfava kwavari, uye ura hwenyu hugo fambiswa netsitsi kwavari?

4 Ishe Mwari aSamasimba, musiki vedenga, nyika nemakungwa, nezvozvose zviri mazviri, munodzora nokuisa dhiabhorosi pasi penyu, nenzvimbo yerima inonzi Sheol—tambanudzai ruoko rwenyu; regai ziso renyu ribaye; itai kuti chituko chenyu chisumudzwe; itai kuti nzvimbo yenyu byekuhwanda isafukidzwe; itai kuti nzeve yenyu irerekere; itai kuti mwoyo wenyu upfaviswe uye hura hwenyu hufambiswe pamusana pedu.

5 Regai hasha dzenyu dzitungidzirwe vavengi vedu; uye mukushatirwa kwemwoyo wenyu, nemunondo wenyu amutitsividzire zvatakatadzirwa.

6 Rangarirai vatendi venyu vari kutambudzwa, Mwari vedu; uye varanda venyu vachafara muzita renyu nariini.

7 Mwanakomana wangu, runyararo ngaruve kumweya wako; amatambudziko ako nemarwadzo ako zvichave kwechinguva chidiki;

8 Uye zvino, kana aukashingaira mazviri zvakanaka, Mwari vachakusimudzira pamusoro; iwe uchakunda vose vavengi vako.

9 aShamwari dzako dzinomira newe, uye vachakukwazisa zvakare nemwoyo yerudo nemaoko ehushamwari.

10 Iwe hausati waita asaJobo; shamwari dzako hadzinetsane newe, kana kukupomera mhosva yekutadza, sezvavakaita Jobo.

11 Uye avo vanokupomera kutadza, zvavanofungira zvichaparadzwa, nezvavanotarisira zvichanyangadika sezvinoita achando chiri kupiswa nezuva ririkubuda;

12 Uye nokutiwo Mwari vaisa ruoko rwavo nechisimbiso kuti vashandure anguva nemwaka, nokupofomadza pfungwa dzavo, kuti vasanzwisise kushanda kwavo kunoshamisa kuti vagovayedzavo nokuvabata muhunyengedzi hwavo;

13 Nokutiwo mwoyo yavo yakaora, uye zvinhu zvavanoda kuti vazviunze kune vamwe, uye vachida kuti vamwe vatambudzike, zvingangouya akwavari zvakazarisisa chaizvo;

14 Kuti vagogumburwawo, uye nezvavanenge vakatarisira zvigoparadzwa;

15 Uye hakuna makore mazhinji kubva zvino, kuti ivo nezvizvarwa zvavo vatsvairwe kubva pasi pedenga, vanodaro Mwari, kuti hakuna kana mumwechete wavo anosara akamira nemadziro.

16 Kutukwa kune avo vose vanopikisana anevakazodzwa vangu, vanodaro Ishe, uye vachidaidzira kuti bvatadza ivo vasina kutadza pamberi pangu, vanodaro Ishe, asi vakaita icho chakanaka kumaziso angu, uye chiri chandakaraira kwavari.

17 Asi avo vanodaidzira kutadza vanozviita nokuti ndivovaranda vechitadzo, uye avana vekusateerera ivo pachavo.

18 Uye avo vanopika vachinyepa pamusoro pevaranda vangu, kuti vavaunze muhusungwa nemurufu—

19 Nhamo kwavari; nokuti avatadzira vadiki vangu vachabviswa bmuzvisungo zvemba yangu.

20 aTswanda yavo haizozara, dzimba dzavo nematura avo zvichaparara, uye ivo pachavo vachashorwa neavo vaivarumbidza zvekuvafadza.

21 Havachazova nekodzero akuhupirisita, kana vana vavo mushure mavo, kubva kuchizvarwa kusvika kuchizvarwa.

22 Zvaive anani kwavari kuti dai guyo rakakochekerwa mumitsipa yavo, uye vakanyura muhudzamu hwegungwa.

23 Nhamo kune avo vose vanotadzisa kugadzikana kwevanhu vangu, vanovatamisa, vanovaponda uye nokupupura pamusoro pavo, vanodaro Ishe veHondo; achizvarwa chenyoka hachizopunyuka kutongwa kwegehena.

24 Tarisai, maziso angu aanoona nokuziva mabasa avo ose, uye ndakachengeta bkutongwa kunokurumbidza panguva yacho, kwavari vose;

25 Nokuti kune anguva yakadomerwa wose munhu, maererano nezvichange zvakaita bmabasa ake.

26 Mwari vachapa kwamuri aruzivo kuburikidza neMweya bMutsvene wavo, hongu, kuburikidza cnechipo chisingataurike cheMweya Mutsvene, chisina kumbenge chakaratidzwa kubvira nyika payakavepo kusvika zvino;

27 Icho chakamirirwa nemadzitateguru edu, vachitarisira nokushushikana kuti chiratidzwe munguva dzekupedzisira, idzo dzakanongedzerwa pfungwa dzavo nengirozi, zvichinzi zvakachengeterwa kubwinya kwavo kuzere;

28 Nguva ichauya iyo aisina chinovanzwa, kana dai paina Mwari mumwechete kana bvamwari vakawanda, zvichabuda pachena.

29 Zvose zvigaro nehutongi, nyika dzinotongwa nevana vamambo, uye nemasimba, azvicharatidzwa uye zvigotsanangurwa kune avo vose vakashingirira pasina kutya pavhangeri raJesu Kristu.

30 Uyewo, kana paine amiganhu yakamiswa kumatenga kana kumakungwa, kana kunyika hukutu, kana kuzuva, mwedzi, kana nyenyedzi—

31 Nguva dzose dzekutenderera kwazvo, mumazuva ose akadomwa, nemwedzi, nemakore, uye ose mazuva emazuva azvo, mwedzi, makore, uye nokubwinya kwazvo kwose, nemitemo, uye nenguva dzakatarwa, zvicharatidzwa mumazuva aemukuwo wekuzara kwenguva—

32 Maererano neicho chakamiswa pakati apeDare braMwari Vokusingaperi wevamwari vamwe vose nyika ino isati yavepo, chakafanira kuchengeterwa kunatsira uye nekupera kwacho, apo wose munhu achapinda cpamberi pake pokusingaperi uye dmuzororo rake rekusafa.

33 Mvura inoerera icharamba isina kuchena kusvika riini? Isimba ripi ringadzivirire matenga? Zvingaite semunhu anoisa kaoko kake kasina simba kudzivirira rwizi rweMissouri kuti rwusaerere nenzira yarwo yakatemwa, kana kurwuita kuti rwudzokere shure, kuda kurambidza Samasimba kuti adire aruzivo kubva kudenga, pamisoro yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

34 Tarisai, kune vazhinji avanodaidzwa, asi vashoma bvanosarudzwa. Uye sei vasingasarudzwe?

35 Nokuti mwoyo yavo yakatarisa zvakanyanya pazvinhu azvenyika ino, uye vachivavarira bkukudzwa navanhu zvekuti havadzidze chidzidzo chimwechete ichi—

36 Kuti akodzero dzehupirisita dzakabatana zvisingapatsanurwe bnemasimba edenga, uye kuti masimba edenga haangagone kushandiswa kana kubatwa kunze chete kwezviri maererano nemitemo cyeururami.

37 Kuti dzinogona kupihwa patiri, ichokwadi; asi kana tave kuita azvekuvanza bzvitadzo zvedu, kana kugutsa ckuzvida kwedu, zvatinoda zvisina maturo, kana kuda kubata kana kutonga kana kumanikidza pamweya yevana vevanhu, mukusarurama kupi zvako, tarisai, matenga danosuduruka; Mweya waIshe unosuwiswa; uye kana wabviswa, Ameni kuhupirisita kana kumvumo yemunhu iyeyo.

38 Tairasi, asati aziva, anosiiwa ari ega pachake, kuti aarwisane neminzwa, bnokunetsa vatendi, uye nokurwisana naMwari.

39 Tadzidza nezvatawona zvinosuwisa kuti amagariro nokuita tingangoti kwevanhu vose, vakangowana kasimba kadiki-diki chete, sekufunga kwavo, vanobva vatanga ipapo kuita nokutonga zvisina kururama.

40 Saka kunodaidzwa vazhinji, asi vashoma ndivo vanosarudzwa.

41 Hakuna simba kana hurudziro ingaitwe kana kuchengetedzwa nekuda kwehupirisita kunze akwekunyengerera, bmwoyo murefu, nehunyoro nekuzvininipisa nerudo rusina kunyengedza;

42 Nemwoyochena, neruzivo rwakachena,urwo rwuchakudza mweya zvikuru pasina akunyepera, uye pasina bkunyengedza

43 aMuchitsiura pakarepo zvakasimba, kana mafemerwa neMweya Mutsvene; uye muchizoratidza mushure mezvo brudo rwakawedzerwa kune uyo wamatsiura, potse angazokutorai semuvengi wake;

44 Kuti agoziva kuti kutendeka kwenyu kwakasimba kupfuura tambo dzerufu.

45 Regai hura hwenyu huzare nerudo rwakadzama kuvanhu vose, nekuimba yerutendo, uye murege ahunhu hushongedze bpfungwa dzenyu zvisingapere; zvino ruvimbo rwenyu rwuchasimba pamberi paMwari; uye dzidziso yehupirisita ichawira pamweya yenyu csedova rinobva kudenga.

46 Mweya aMutsvene uchave mumwe wako nguva dzose, uye tsvimbo yako yekutonga ichave tsvimbo yekutonga isingapinduke yekururama nechokwadi; uye bumambo hwako huchave umambo husingaperi, uye pasina zvekumanikidzwa, huchauya kwauri kusvika nariini nariini.