Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 114


Chikamu 114

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paFar West, Missouri 17 Kubvumbi 1838 (History of the Church, 3:23).

1–2, Zvinzvimbo muChechi zvine avo vasingatendeke zvinopihwa kune vamwe.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe: Ungwaru mumuranda wangu David W. Patten, kuti agadzirise basa rake rose nokukurumidza chaizvo, uye agotengesa zvinhu zvake zvose, kuti agondiitira rimwe basa rangu pamatsutso anouya, pamwechete nevamwe, kunyangwe gumi nevaviri pamwechete naiye, kuti vapupure pamusoro pezita rangu uye nekutakura nyaya dzinofadza kupasi rose.

2 Nokuti zvirokwazvo vanodaro Ishe, kuti sezvo kuine vamwe pakati penyu vanoramba zita rangu, akuchaiswa vamwe bmunzvimbo dzavo uye vagogashira hubhishopi hwavo. Ameni.