Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 37


Chikamu 37

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita naSidney Rigdon, pedyo neFayette, New York, Zvita 1830 (History of the Church, 1:139). Muno ndimo muri kupihwa murairo wekutanga unotaura nezvekuunganidzwa pamukuwo uno.

1–4, Vatendi vanodaidzwa kuti vaungane paOhio.

1 Tarisai, ndinoti kwamuri kuti hazvina kunaka kwandiri kuti murambe amuchidudzira kudakara maenda kuOhio, uye izvi zvichikonzerwa nemuvengi uye pamusana penyu.

2 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, hamufanirwe kuenda kudakara maparidza vhangeri rangu munzvimbo idzo, uye masimbisa chechi uko kwose kwarinowanikwa, uye kunyanya amuColesville; nokuti, tarisai, vanonamata kwandiri murutendo rwukuru.

3 Uye zvakare, murairo wandinopa kuchechi, kuti zvakanaka kwandiri kuti vanofanira kuungana pamwechete apaOhio, kuitira nguva muranda wangu Oliver Cowdery achadzoka kwavari.

4 Tarisai, heuno ungwaru, uye regai wose munhu aazvisarudzire kusvika pandinouya. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.