Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 69


Chikamu 69

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, Mbudzi 1831 (History of the Church, 1:234–235). Kurongwa kwezvakazarurwa zvakanga zvakarongerwa kushambadzwa nokukurumidza kwakanga kwabvumirwa pamusangano mukuru waikosha musi wa1 Mbudzi. Musi wa3 Mbudzi, zvakazarurwa zviri muno zvinoratidzwa sechikamu 133 zvakapamhidzirwa zvikadaidzwa kuti zvitutsirwa. Nekuita kwemuchechi, Oliver Cowdery akadomwa kuti atakure magwaro akarongwa ezvakazarurwa nemirairo, kuenda nawo muIndependence, Missouri, kuti anodhindwa. Aifanirwawo kutakura mari yakange yaunganidzwa kuti ivakiswe Chechi muMissouri. Sezvo nzira yaaifamba nayo yaimuendesa nemunzvimbo dzakanga dzisina vagari vakawanda kusvika kumuganhu, mumwe wekufamba naye aidiwa.

1–2, John Whitmer achaperekedza Oliver Cowdery kuMissouri; 3–8, Anofanirawo kuparidza uye nokuunganidza, nokuchengetedza uye nokunyora nyaya dzenhoroondo.

1 Teererai kwandiri imi, vanodaro Mwari venyu, pamusana pemuranda wangu aOliver Cowdery. Hazvina ungwaru kwandiri kuti apihwe mirairo nemari zvaachatakura kuenda nazvo kunyika yeZioni, kunze kwekunge kuine mumwe anoenda naye uyo anenge ari pachokwadi uye akatendeka.

2 Nokudaro, ini Ishe ndinoda kuti muranda wangu, aJohn Whitmer, aende nemuranda wangu Oliver Cowdery;

3 Uye nokutiwo acharamba achinyora uye achiita anhoroondo rwezvinhu zvose zvakakosha izvo zvaachaona nokuziva pamusoro pechechi yangu.

4 Uye nokutiwo agashire akurairwa uye nokuyamurwa kubva kumuranda wangu Oliver Cowdery nevamwe.

5 Uyewo varanda vangu vari pasi pose vanofanira kutumirwa zvavakaita amuhutariri hwavo kunyika yeZioni;

6 Nokuti nyika yeZioni ichave chigaro nenzvimbo yekugashira uye nekuita zvose zvinhu izvi.

7 Zvisinei, regai muranda wangu John Whitmer afambe nguva dzakawanda achienda kubva nzvimbo nenzvimbo, kubva kuchechi kuenda kuchechi, kuti zvimuitire nyore kuwana ruzivo—

8 Achiparidza nokutsanangura, achinyora, achitevedzera zvinyorwa zviripo achisarudza, uye nokuwana zvose zvinhu zvichave zvakanaka kuchechi, uye nezvizvarwa zvirikukura izvo zvichakurira munyika ayeZioni, kuti ive yavo zvizvarwa nezvizvarwa, nariini nariini. Ameni.