Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 102


Chikamu 102

Zvinyorwa zvekurongwa kwedare repamusoro rekutanga reChechi, paKirtland, Ohio, 17 Kukadzi 1834 (History of the Church, 2:28–31). Zvinyorwa zvekutanga zvakanyorwa neMagosa Oliver Cowdery naOrson Hyde. Mushure memazuva maviri, zvinyorwa izvi zvakagadziriswa neMuporofita, ndokuverengerwa dare repamusoro, uye ndokubva zvabvumwa nedare repamusoro. Ndima diki 30 kusvika ku32, dziine zvekuita nedare reVaapositori vaneGumi neVaviri, dzakapamhidzirwa neMuporofita Joseph Smith muna 1835 apo paakagadzira chikamu chino kuti chishambadzwe muDzidziso neZvibvumirano.

1–8, Dare repamusoro rinodomwa kuti rigogadzirisa zvakakosha zvinonetsa zvinomuka muChechi; 9–18, Zvinotevedzwa mukunzwa nyaya zvinopihwa; 19–23, Mukuru wedare ndiye anoita zvafungwa; 24–34, Mutemo wekuti nyaya inzwike zvakare inomiswa.

1 Nhasi dare reruzhinji revapirisita vepamusoro makumi maviri nevana raungana pamba paJoseph Smith, Mwana, kuburikidza nezvakazarurwa, uye vakaronga dare aguru rechechi raKristu, iro raizove nevapirisita vepamusoro gumi nevaviri, uye nemukuru mumwechete kana vatatu, sezvingangodikanwa.

2 Dare guru rakasarudzwa kuburikidza nezvakazarurwa kuti rigoita basa rekugadziridza zvakaoma zvinokosha zvingangomuka muchechi, izvo zvakanga zvisingagone kugadziriswa nechechi kana nedare aremabhishopi, zvinogutsa vatadzirana.

3 Joseph Smith, Mwana, Sidney Rigdon naFrederick G. Williams vakatorwa sevakuru nezwi redare, uye Joseph Smith, Baba, John Smith, Joseph Coe, John Johnson, Martin Harris, John S. Carter, Jared Carter, Oliver Cowdery, Samuel H. Smith, Orson Hyde, Sylvester Smith, naLuke Johnson, vapirisita vepamusoro, vakasarudzwa kuti vave dare rakamiswa rechechi, nezwi revose vedare.

4 Makurukota edare ataurwa aya vakabvunzwa kuti vanobvuma here kusarudzwa kwavo, uye nokuti vachaita basa munzvimbo idzodzo maererano nemutemo wedenga, uye vose vakapindura kuti vanobvuma kusarudzwa kwavo, nokuti vachaita muzvinzvimbo izvozvo maererano nenyasha dzaMwari idzo dzakaiswa pavari.

5 Huwandu hwevaiumba dare, avo vakasarudza muzita vakamirira chechi, uye mukusarudza makurukota ataurwa aya vaive makumi mana nevatatu, sezvizvi: vapirisita vepamusoro vapfumbamwe, magosa gumi nemanomwe, vapirisita vana, nenhengo gumi nenhatu.

6 Zvakasarudzwa: kuti dare guru harina simba rekuita chimwe chinhu pasina vanomwe vemakurukota ataurwa, kana avo vanosarudzwa nguva nenguva kutora nzvimbo dzavo vasipo.

7 Ivava vanomwe vachave nesimba rekusarudza vamwe vapirisita vepamusoro avo vavanenge vachiona vakakodzera uye vachikwanisa kushanda munzvimbo yemakurukota anenge asipo.

8 Zvakasarudzwa: Pose panenge pave nechinzvimbo pamusana perufu, kana kubviswa mubasa pamusana pechitadzo, kana kubviswa mukutonga kwechechi ino, kwaani zvake wemakurokota ataurwa pamusoro, chinzvimbo ichocho chichatsiviwa nokusarudzwa kwemutungamiri kana vatungamiri, uye zvigotsigirwa nedare reruzhinji revapirisita vepamusoro, radaidzirwa basa iroro, kuti vashande vari muzita rechechi.

9 Mutungamiri wechechi anove ndiye zvakare mutungamiri wedare, anosarudzwa anezvakazarurwa, uye bachitsigirwa mukushanda kwake nezwi rechechi.

10 Uye zviri maererano nekukudzwa kwechinzvimbo chake kuti atungamire dare rechechi; uye ikodzero yake kuti ayamurwe nevamwe vaviri vevatungamiri, vanosarudzwa netsika imwecheteyo seyaakasarudzwa nayo.

11 Uye kana zvaita kuti mumwechete wavo kana vose avo vakasarudzwa kuti vamuyamure vasipo, ane simba rekutungamira dare asina anoyamura; uye kana ari iye asipo, vamwe vatungamiri vane simba rekutungamira munzvimbo make, vose kana mumwe wavo.

12 Apo pose panenge dare repamusoro rechechi yaKristu, maererano nemutowo watsanangurwa shure, richave basa remakurukota gumi nevaviri kuti vakande mijenya umwe neumwe kuti naizvozvo vagoziva kuti ndiyani wavo wegumi nevaviri achataura pekutanga, zvichitanga newe kutanga zvichitevedzana kusvikira wegumi nevaviri.

13 Pose panosangana dare iri kutarisa nyaya, makurukota ane gumi nevaviri ndivovachaona kuti nyaya yakaoma here kana kuti kwete; kana isina, vaviri chete vemakurukota ndivovachataura pamusoro payo, maererano nechimiro chanyorwa pamusoro.

14 Asi kana ichinzi yakaoma, vana vachasarudzwa; uye kana yakaoma kupfuura ipapo, vatanhatu vachadomwa; asi hakuna pamwe pangadomwe vanopfuura vatanhatu kuti vataure.

15 Anenge achipihwa mhosva, mumhosva dzose zvadzo, ane kodzero kuchidimbu chepakati nepakati chedare, kudzivirira kukanganisirwa kana kutongwa kusakarurama.

16 Uye makurukota akadomwa kuti ataure pamberi pedare ndivovanotaura nyaya, mushure mekunge humbowo hwaongororwa, sezvahuri chaizvo pamberi pedare; uye munhu wose anofanira kutaura maererano nekuenzanisa anokunatsa.

17 Ayo makurukota anoburitsa kuverengwa kwakaenzana, zvichireva, 2, 4, 6, 8, 10, na12, zvichidaro ndivovanhu vachamiririra avo varikupihwa mhosva, uye kuti zvidzivirire kukanganisirwa nekusatongwa kwakarurama.

18 Munyaya dzose, arikupa mhosva neari kupihwa mhosva vachawana mukana wekuzvitaurira pachavo pamberi pedare, mushure mekunge humbowo hwanzwikwa uye makurukota akadomwa kuti ataure panyaya iyi apedza kutaura.

19 Mushure mekunge humbowo hwanzwikwa, makurukota, arikupa mhosva neari kupihwa mhosva uye vataura, mutungamiri anofanira kupa kutonga maererano nemanzwiro aanenge ainawo panyaya yacho, uye odaidza makurukota gumi nevaviri kuti vazopa rutsigiro rwavo, nokusarudzwa kwavo.

20 Asi kana makurukota vanenge vasina kutaura, kana mumwe wavo, mushure mekunzwa humbowo nezvikumbiro vasina kwavakarerekera, vaona kukanganiswa muhutongo hwemutungamiri, vanogona kuzviratidza pachena, uyezve nyaya yacho ichazonzwika zvakare.

21 Uye kana mushure mekunyatsoteereresa pakutongwa zvakare, kana paine zvimwe zvabuda pachena pamusoro penyaya iyi, zvakatongwa zvinogona kupindurwa maererano nezvabuda.

22 Asi kana pasina zvimwe zvabuda pachena, zvakatongwa pakutanga ndizvozvichaitwa, uye divi rinevazhinji riine simba rekuzviita izvozvo.

23 Kana paine chakaoma maererano anedzidziso kana mutemo, kana pasina zvakakwana zvakanyorwa zvinoita kuti inyatsove pachena mupfungwa dzedare, mutungamiri anogona kubvunza uye agowana pfungwa dzaIshe bnekuzarurirwa.

24 Vapirisita vepamusoro kana vari kune dzimwe nyika, vane simba rekudaidza nekuronga dare maererano nemutowo watsanangurwa uyu, kuti vagadzirise zvinonetsa kana vakanganisirana vose, kana mumwe wavo achinge azvikumbira.

25 Uye dare riri kutaurwa revapirisita vepamusoro richave nesimba rekudoma mumwe wavo kuti atungamire dare rakadaro kwenguva iyoyo.

26 Richave basa redare iroro kuti ritumire, pakarepo, gwaro rezvavaita, uye nemazwi azere euchapupu hunoenderana nekutonga kwavo, kudare repamusoro rechigaro cheHutungamiri Hwekutanga hweChechi.

27 Kana mapato kana mumwe wavo asina kugutswa nekutonga kwedare rarehwa, vanogona kukwira kudare repamusoro rechigaro cheHutungamiri Hwekutanga hweChechi, uye pobva panzi nyaya ngainzwikwe zvakare, iyi nyaya inobva yatongwa, maererano nemutowo wakare wakanyorwa, sekunge kusina kumbotongwa zvakadaro.

28 Dare iri remapirisita vepamusoro vari kune dzimwe nyika, rinodaidzwa chete kana paine mhosva dzechechi dzakanyanya akuoma; uye haisi nyaya yose yose inodaidzirwa dare rakadai.

29 Uye vanofamba kana vagere nzvimbo imwechete mapirisita vepamusoro vari kune dzimwe nyika vane simba rekutaura kana zvakafanira kana kuti kwete kuti kudaidzwe dare rakadaro.

30 Pane mutsauko uripo pakati pedare repamusoro kana vanofamba vari vapirisita vepamusoro kune dzimwe nyika, nedare repamusoro avanofamba briine vaapositori vanegumi nevaviri, mukutonga kwavo.

31 Pakutonga kweavo vekutanga kunogona kuendeswa kune rimwe dare asi kune zvinenge zvatongwa nedare rechipiri hakunazve rimwe dare.

32 Vekupedzisira vanogona kubvunzurudzwa chete nevakuru vakuru vechechi yose kana paita nyaya yechitadzo.

33 Zvakafungwa: kuti mutungamiri kana vatungamiri vechigaro cheHutungamiri Hwekutanga hweChechi vachave nesimba rekuita kuti yose zvayo nyaya yakwidzwa zvakare, inyaya yakakodzera kuti itongwe zvakare, mushure mekunge vaongorora nyaya nehumbowo nezvinotaurwa zvinoenderana nayo.

34 Makurukota gumi nevaviri vakabva vatanga kukanda mijenya kana kusarudza, kuti kuonekwe kuti ndianaani vanofanira kutanga kutaura, uye zvinotevera ndizvo zvakaonekwa; 1, Oliver Cowdery; 2, Joseph Coe; 3, Samuel H. Smith; 4, Luke Johnson; 5, John S. Carter; 6, Sylvester Smith; 7, John Johnson; 8, Orson Hyde; 9, Jared Carter; 10, Joseph Smith, Baba; 11, John Smith; 12, Martin Harris. Mushure meminamato muchechi wakapera.

Oliver Cowdery

Orson Hyde

Vanyori.