Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 62


Chikamu 62

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, kumahombekombe eRwizi rweMissouri paChariton, Missouri, musi wa13 Nyamavhuvhu 1831 (History of the Church, 1:205–206). Pazuva iri Muporofita nechikwata chake, vakanga vari munzira kubva kuIndependence vachienda kuKirtland, vakasangana nemagosa mazhinji vakanga vari munzira kuenda kunyika yeZioni, uye mushure mekukwazisana norufaro, akagashira zvakazarurwa izvi.

1–3, Uchapupu hunonyorwa kudenga; 4–9, Magosa achafamba uye achiparidza maererano nemaonere avanenge vaita nekutungamirwa kwavanenge vaitwa neMweya.

1 Tarisai uye teererai, imi magosa echechi yangu, vanodaro Ishe Mwari venyu kunyangwe Jesu Kristu amurevereri wenyu, uyo anoziva kusasimba kwevanhu uye nekuti bvanoyamurwa sei avo cvanoyedzwa.

2 Uye zvirokwazvo maziso angu ari pane avo vasati vakwira nazvino kunyika yeZioni; nokudaro basa renyu harisati rakwana;

3 Zvisinei, makaropafadzwa, nokuti auchapupu hwamapa bhwanyorwa kudenga kuti ngirozi dzigohutarisa; uye dzinofara pamusoro penyu, uye czvitadzo zvenyu mazviregererwa.

4 Uye zvino endererai mberi nerwendo rwenyu. Unganayi panyika ayeZioni; uye mopinda chechi uye mofara pamwechete, uye mopa sakaramende kuna Ivo Vepamusoro-soro.

5 Uye munogona kudzoka kuzopa uchapupu, hongu, kunyangwe muri pamwechete kana vaviri vaviri sezvamunoona zvakanaka, hazvina mhosva kwandiri; chete ivai makatendeka. Uye amutaure mazwi akanaka kuvagari vemunyika, uye kana mumagungano evakaipa.

6 Tarisai, ini Ishe, ndakuunzai pamwechete kuti chivimbiso chizadzikiswe, kuti avo vakatendeka pakati penyu vanofanira kuchengetedzwa uye vagozofara pamwechete munyika yeMissouri. Ini Ishe, ndinovimbisa vakatendeka uye handikwanise akunyepa.

7 Ini Ishe, ndinoda kana mumwe pakati penyu achida kutasva pamusoro pemabhiza, kana pamusoro pemanyurusi, kana mungorovhani, achagashira maropafadzo aya, kana akazvigashira kubva muruoko rwaIshe, nemwoyo awekutenda muzvinhu zvose.

8 Izvi zvinhu zviri kwamuri kuzviita maererano nekutonga uye nekutungamira kweMweya.

9 Tarisai, aumambo ndehwenyu. Uye tarisai, uye muone, ndine bvakatendeka nguva dzose. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.