Magwaro Matsvene
Hiramani 13


Chiporofita chaSamueri, muRamani, kumaNifai.

Zvichisanganisa zvitsauko 13 kusvika ku15.

Chitsauko 13

Samueri muRamani anoporofita kuparadzwa kwamaNifai kana vachinge vasina kutendeuka—Ivo neupfumi hwavo vanotukwa—Vanoramba nokutema vaporofita, vakakomberedzwa namadhimoni, vanotsvaka rufaro mukuita zvakaipa. Zvingangove makore 6 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mugore rechimakumi masere namatanhatu, maNifai akaramba ari mune zvakaipa, hongu, kuipa kukuru, amaRamani aichichengetedza mirairo yaMwari, maererano nomutemo waMosesi.

2 Uye zvakaitika kuti mugore iri pakanga paina Samueri, muRamani, akauya munyika yeZarahemura, akatanga kuparidza kuvanhu. Zvakaitika kuti akaparidza, mazuva akawanda, nezvekutendeuka kuvanhu, vakamukanda kunze, akanga avakuda kudzokera kunyika kwake.

3 Asi tarisai, izwi raIshe rakauya kwaari, richiti anofanirwa kudzokera zvakare, kuti aporofite kuvanhu chero chinhu chinenge chauya amumwoyo make.

4 Zvakaitika kuti vakaramba kuti apinde muguta; naizvozvo akaenda akakwira pamusoro pamasvingo emo, akatambanudza maoko ake akasheedzera nezwi rakakwira, akaporofita kuvanhu chero zvinhu izvo Ishe vakange vaisa mumwoyo make.

5 Akati kwavari: Tarisai, ini, Samueri muRamani, ndinotaura mazwi ayo Ishe avanoisa mumwoyo mangu; zvino tarisai aisa mumwoyo mangu kuti nditaure kuvanhu vano kuti amunondo wekuranga wakarembedzwa pamusoro penyu; uye makore mazana mana haapfuure munondo wekuranga usati wawira pamusoro pevanhu vano.

6 Hongu, akuparadzwa kukuru kwakamirira vanhu ava, zvechokwadi kuri kuuya kuvanhu ava, hakuna chingaponese vanhu ava kunze kwokutendeuka nokutenda munaIshe Jesu Kristu, avo vachauya zvechokwadi munyika, vachaona matambudziko akawanda vachaurairwa vanhu vake.

7 Uye tarisai, angirozi yaIshe yataura izvi kwandiri, ikaunza mashoko banofadza kumweya wangu. Zvino tarisai, ndakatumwa kwamuri kuti ndikutaurireiwo, kuti muvewo nemazwi anofadza; asi tarisai maramba kundigamuchira.

8 Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe: Nokuda kwokuoma kwemwoyo yevanhu vemaNifai, kunze kwokunge vatendeuka ndichatora shoko rangu kubva kwavari, uye andinobvisa Mweya wangu kubva kwavari, handizovachengeta, ndichatendeudza mwoyo yehama dzavo kuti dzivapandukire.

9 Mazana amana emakore haapfuure ndisati ndaita kuti varwadziwe; hongu, ndichavashanyira nehondo, nenzara, nezvirwere.

10 Hongu, ndichavashanyira ndiri muhasha dzangu dzinotyisa, kuchazove naavo vechizvarwa achechina avo vachararama, vemhandu dzenyu, kuti vaone kuparadzwa chose kwenyu; izvi zvechokwadi zvichauya kunze kwokunge matendeuka, ndizvo zvinotaura Ishe; avo vechizvarwa chechina ndivo vachakuparadzai.

11 Asi mukatendeuka amukadzoka kunaIshe Mwari venyu, handizoshatirwa, vanodaro Ishe; hongu, izvi ndizvo zvinotaura Ishe, vakakomborerwa avo vanotendeuka nokutarisa kwandiri, asi nhamo kwaari uyo asingatendeuke.

12 Hongu, anhamo kuguta guru iri reZarahemura; nokuti tarisai, nokuda kweavo vatsvene raponeswa; hongu, nhamo kune guta iri, vanodaro Ishe, nokuti ndinoona kuti kune vakawanda, vanova ndivo chikamu chikuru chevanhu veguta rino, vachaomesa mwoyo yavo kwandiri, vanodaro Ishe.

13 Asi vakakomborerwa avo vachatendeuka, nokuti ivo ndichavaponesa. Asi tarisai, dai kwanga kusina vanhu vatsvene vari muguta guru rino, tarisai, ndaikonzera kuti amoto udzike kubva kudenga uriparadze.

14 Asi tarisai, kuda kwekuti mune vatsvene kwaita kuti risaparadzwe. Asi tarisai, nguva ichasvika, vanodaro Ishe, yekuti muchabvisa vatsvene kubva pakati penyu, ndipo pamuchazenge magadzirira kuparadzwa; hongu, nhamo ngaive kuguta rino, nokuda kwekuipa nezvitema zviri mariri.

15 Hongu, uye nhamo kuguta reGidhioni nokuda kwehuipi nezvinyangadzo zviri mariri.

16 Hongu, uye nhamo kumaguta ose ari akatenderedza nzvimbo ino nokuda kwehuipi nezvinyangadzo zviri maari.

17 Uye tarisai akutukwa kuchauya panyika, vanodaro Ishe veHondo, nokuita kwavanhu vari panyika, hongu, nokuda kwokuipa kwavo nezvinonyadzisa zvavo.

18 Zvino zvichaitika, kuti vanodaro Ishe veHondo, ivo Mwari vedu vakuru vechokwadi, kuti uyo aachaviga upfumi muvhu haazouwanizve nokuda kwokutukwa kukuru kwenyika, kunze kwekunge ari munhu mutsvene ogohuviga kunaIshe.

19 Nokuti, vanodaro Ishe, ndichaita kuti vavige upfumi hwavo kwandiri; vanotukwa avo vasingavige upfumi hwavo kwandiri; nokuti hakuna vanoviga hwavo upfumi kwandiri kunze kwokunge vari vatsvene; uyo asingavige upfumi hwake kwandiri, akatukwa, neupfumi hwacho hapana achahuwana nokuda kwekutukwa kwenyika.

20 Zuva richauya ravachaviga upfumi hwavo, nokuti vakaisa mwoyo yavo paupfumi; zvino nokuti vaisa mwoyo yavo paupfumi hwavo, ndichaviga upfumi hwavo pavachatiza mhandu dzavo; nokuti havahuvige kwandiri, Ivo vachitukwa pamwechete neupfumi hwavo; pazuva iroro vacharangwa, vanodaro Ishe.

21 Tarisai imi, vanhu veguta guru rino, ateererai kumazwi angu; hongu, teererai kumazwi anotaurwa naIshe, nokuti tarisai, anoti makatukwa nemhaka yeupfumi hwenyu, upfumi hwenyu hwakatukwa nokuti makaisa mwoyo yenyu pahuri, mukasateerera mazwi euyo akahupa kwamuri.

22 Hamurangarire Ishe Mwari venyu muzvinhu izvo zvaakakukomborerai, asi munorangarira aupfumi hwenyu nguva dzose, asi kwete kutenda Ishe Mwari venyu akazvipa kwamuri; hongu, mwoyo yenyu haisi pedyo naIshe, asi inozvimba kusvika bmukuzvikudza, nokushamisira, nokuzvitutumadza kukuru, cruchiva, zvitadzo, ruvengo, kutambudza vamwe, umhondi, netsika dzose dzekuipa kwose.

23 Nokuda kwechikonzero ichi Ishe Mwari vaita kuti nyika iyi ive yakatukwa, pamwechete neupfumi hwenyu, izvi nenzira yezvitadzo zvenyu.

24 Hongu, nhamo kuvanhu ava, nokuda kwenguva ino yasvika, amunodzinga maporofita, muchivaseka nekuvatsvinyira, nokuvakandira matombo, nokuvauraya, nokuvaitira zvakaipa zvose, sezvavaiita kare.

25 Zvino kana muchinge motaura, munoti: Dai takanga tiri mumazuva aamadzibaba edu akare, tingadai tisina kuuraya vaporofita; tingadai tisina kuvatema namatombo, nokuvarasira kunze.

26 Tarisai makaipa kuvadarika; sezvo Ishe vachirarama, kana amuporofita akauya kwamuri akakutaurirai mazwi aIshe anopupura nezve zvivi zvenyu nokuipa kwenyu, bmunomushatirirwa, momuisa kunze moedza nzira dzose dzokumuparadza; munoti cmuporofita wenhema, uye mutadzi, uye ndewadhiabhorosi, nokuti danopupura kuti zviito zvenyu zvakaipa.

27 Asi tarisai, kana munhu akauya kwamuri akati: Itai izvi, hazvina kuipa; zviitei hamuzombotambudzika, akati: Fambai mukuzvikudza kwomwoyo yenyu; Fambai mukuzvikudza kwamaziso enyu, muite zvose zvinoda mwoyo yenyu—kana munhu akauya kwamuri akataura izvi, munomugamuchira, moti amuporofita.

28 Hongu, munomusimudza, modyidzana naye; munomupawo imwe yegoridhe renyu, nesirivha yenyu, muchamushongedza nembatya dzinodhura; nokuti anotaura mazwi aanofadza kwamuri, anoti zvose zvakanaka, zvino hamuone chakaipa paari.

29 Imi chizvarwa chakashata chakasvipa; imi vanhu vakaomesa mwoyo nemitsipa, munofunga kuti Ishe vachasvika rinhi vachikunzwirai tsitsi? Muchatambudzika kwenguva yakadini nokutungamirirwa navatungamiri amarema bakapofomara? Hongu, muchagara nguva yakadini cmuchisarudza rima pane dchiedza?

30 Tarisai, Ishe vakatokushatirirwai kare; tarisai, vatuka nyika ino nokuda kwokuipa kwenyu.

31 Zvino tarisai, nguva iri kuuya yavachatuka upfumi hwenyu, kuti huve ahunotsvedza, zvokuti hamukwanise kuhuchengeta mumaoko enyu; mumazuva eurombo hwenyu hamukwanise kuhuchengeta.

32 Mumazuva eurombo hwenyu muchachema kuna Ishe; muchachemera pasina, nokuti dambudziko renyu rinenge rauya kare matomirira kuparadzwa kwenyu; ndipo pamuchachema nokuhuta nezuva iroro, vanodaro Ishe veHondo. Ndipo pamuchachema, moti:

33 aDai ndakatendeuka, ndisina kuuraya maporofita, bnekuvatema namatombo, nokuvakanda kunze. Hongu, nezuva iroro muchati: Dai takarangarira Ishe Mwari vedu muzuva raakatipa upfumi hwedu, hungadai husina kuve hunotsvedza zvekuti taitadza kuhuchengeta; nokuti tarisai upfumi hwedu hwaenda kubva kwatiri.

34 Tarisai, tinoisa chinhu pano asi mangwana chinenge chaenda; tarisai minondo yedu inotorwa musi watinenge taitsvaga kuti tinorwa.

35 Hongu, tarisai taviga upfumi hwedu hukabva hwatsvedza, nokuda kwokutukwa kwenyika.

36 Dai takatendeuka zuva rakauya shoko raIshe kwatiri; nokuti tarisai nyika yakatukwa, zvinhu zvose zvavakutsvedza, hatikwanise kuzvichengeta.

37 Tarisai, takakomberedzwa namadhimoni, takatenderedzwa nengirozi dzake uyo anotsvaga kuparadza mweya yedu. Tarisai, zvitadzo zvedu zvikuru. Ishe, ko hamungabvisi here hasha dzenyu kwatiri? Uku ndiko kuchave kutaura kwenyu mazuva iwayo.

38 Asi tarisai, amazuva enyu ekuedzwa apfuura; maramba bmuchiverengera zuva rokuponeswa kwenyu zvokuti, kudakara manonoka zvokusingaperi, kuparadzwa kwenyu; hongu, nokuti mazuva ose eupenyu hwenyu makaparadza muchitsvaka chamusingawane; uye munotsvaga crufaro mukuita zvakaipa, zvinova zvisingabvumirane netsika yeutsvene huri mune Mutungamiri wedu mukuru Vokusingaperi.

39 Imi vanhu venyika, dai mateerera mazwi angu! Ndinonamata kuti hasha dzaIshe dzibviswe kwamuri, kuti mutendeuke mugoponeswa.