Magwaro Matsvene
Hiramani 16


Chitsauko 16

MaNifai anotenda kuna Samueri anobhabhatidzwa naNifai—Samueri anotadzikwa nemiseve yavo namatombo emaNifai asingatendeuke—Vamwe vanoomesa mwoyo yavo, vamwe vanoona ngirozi—Vasingatendi vanoti hachizi chinhu chine maturo chokuti vatende muna Kristu nokuuya kwake muJerusarema. Zvingangove makore 6 kusvika ku1 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti kwaiva, nevakawanda vakanzwa mazwi aSamueri, muRamani, izvo akataura pachidziro cheguta. Vose vavo vakatenda mazwi ake, vakaenda vakanotsvaga Nifai; zvino vauya vamuona vakareurura zvivi zvavo kwaari vakasaramba vakada kuti vabhabhatidzwe munaIshe.

2 Asi vakawanda avo vasina kutenda mumazwi aSamueri vakamushatirirwa; vakamukandira matombo nemiseve pachidziro paakanga akamira; asi Mweya waIshe wakanga unaye zvokuti havana kukwanisa kumutema namatombo kana kumupfura nemiseve yavo.

3 Zvino zvavakaona kuti vatadza kumutema, kwakava nevakawanda vakatenda kumazwi ake, mukudaro vakaenda kuna Nifai kuti vabhabhatidzwe naye.

4 Zvino tarisai, Nifai aibhabhatidza, achiporofita, nokuparidza, achichemera kutendeuka kwevanhu, achivaratidza zviratidzo neminana, achiita azvishamiso pakati pavanhu, kuti vazive kuti Kristu ave bpedyo kuuya—

5 Achivataurira pamusoro pezvinhu zvakange zvave pedyo kuuya, kuti vazive nokurangarira panguva yazvichauya kuti zvakaziviswa kwavari kare, kuti vagotenda; naizvozvo vakawanda vakatenda kumazwi aSamueri vakaenda kunobhabhatidzwa, nokuti vaiuya nokutendeuka nokureurura zvivi zvavo.

6 Asi vazhinji vavo havana kutenda kumazwi aSamueri; naizvozvo zvavakaona kuti vakanga vatadza kumutema namatombo nemiseve yavo, vakachema kuvatungamiri vavo vachiti. Torai munhu uyu mumusunge nokuti ana dhiabhorosi; nokuda kwesimba radhiabhorosi riri maari tatadza kumutema namatombo nemiseve yedu; saka mutorei mumusunge muende naye.

7 Zvavaienda kuti vaise maoko avo paari, tarisai, akazvikanda pasi kubva pachidziro, akatiza kubva munyika yavo, akatizira kunyika yake, akatangisa kuparidza nokuporofita pakati pavanhu vake.

8 Zvino tarisai, haana kuzombonzwikwa nezvake pakati pamaNifai zvakare; uku ndiko kugara kwavanhu ava.

9 Uku ndiko kwaive kupera kwamakore makumi masere namatanhatu ekutongwa navatongi kwavanhu vaNifai.

10 Saka ndiko kumagumowo kwamakore makumi masere namanomwe ekutongwa navatongi, chikamu chakawanda chakaramba chiri mukuzvikudza nomukuita zvakaipa, chikamu chiduku chikasara chichifamba zvakarurama, pamberi paMwari.

11 Izvi ndizvo zvaiitika zvakare mugore ramakumi masere namasere ekutongwa nevatongi.

12 Kwakave nokushanduka kushoma-shoma pamagariro aiita vanhu, kunze kwekuti vanhu vakatangisa kuva vakaoma mukuita zvakaipa, vachiita izvo zvakaipa zvakawanda izvo zvaipikisa mirairo yaMwari, mugore ramakumi masere namapfumbamwe rokutonga kwevatongi.

13 Asi zvakaitika kuti mugore rechimakumi mapfumbamwe rokutonga kwevatongi, kwakave nezviratidzo azvikuru zvakapiwa vanhu, neminana; mazwi emaporofita bakatangisa kuzadzikiswa.

14 Uye angirozi dzakazviratidza kuvanhu, vanhu vakachenjera, dzikataura kwavari zvinhu zvinofadza nomufaro mukuru; mugore irori magwaro akatangisa kuzadzikiswa.

15 Kana dai zvakadaro, vanhu vakatanga kuomesa mwoyo yavo, vose kunze kweavo vaitenda vose vamaNifai uye namaRamani vakatangisa kuita zvesimba ravo, nouchenjeri ahwavo vachiti:

16 Zvimwe zvinhu vaiita zvokufembera, pakati pezvakawanda; asi tarisai, tinoziva kuti zvinhu izvi zvose zvikuru nemabasa anoshamisa hazvingaitike, izvo zviri zvakataurwa.

17 Vakatanga kufunga nokutaura pakati pavo vachiti:

18 aHazvina musoro kuti munhu uyu Kristu anzi achauya; kana zvakadaro, iye ari Mwanakomana waMwari, Baba vedenga napasi, sokutaurwa kwazvakaitwa, ko zvino sei asingazviratidzi kwatiri sekuzviratidza kwaachaita kune vanenge vari kuJerusarema?

19 Sei asingazviratidzi iye pachake munyika ino nemunyika yeJerusarema?

20 Asi tarisai, tinoziva kuti aitsika yakaipa, yatakapiwa namadzibaba edu, kuita kuti titende kuzvinhu zvikuru zvinoshamisa zvichaitika, kwete pakati pedu, asi kune imwe nyika iri kure, nyika yatisingazive; saka vanoita kuti tigare tisingazive, nokuti hatikwanisi bkuona namaziso edu kuti ndezvechokwadi.

21 Vachaita, nokunyengedza namashiripiti ewakaipa, voita mashiripiti makuru ayo atisinganzwisise, ayo anotigarisa tiri pasi savaranda vamazwi avo, uye savaranda vavo, nokuti tinotarisira kwavari kuti vatidzidzise shoko; saka vachatiita kuti tigare tisingazive kana tikateerera zvavanoreva, mazuva ose eupenyu hwedu.

22 Zvinhu zvakawanda zvavakafungidzira mumwoyo yavo, zvaiva azvisina maturo; vakakanganiswa zvikuru, nokuti Satani aivafurira kuti varambe vachiita zvakaipa; aienda kuri kwose achitaura makuhwa nokupesanisa munyika yose. Kuti aomese mwoyo yavanhu maererano nezvainge zvichauya.

23 Vasingatarise zviratidzo neminana izvo zvavaiona pakati pavanhu vaIshe, nezvishamiso zvakawanda zvavaiita, Satani akabata zvikuru mwoyo yavanhu pamusoro penyika yose.

24 Uku ndiko kuguma kwegore remakumi mapfumbamwe ekutongwa navatongi kwavanhu vaNifai.

25 Uku ndiko kupera kwebhuku raHiramani, maererano nezvinyorwa zvaHiramani navanakomana vake.