Magwaro Matsvene
Hiramani 2


Chitsauko 2

Hiramani, mwanakomana waHiramani, anove mutongi mukuru—Gadhiandoni anotungamira chikwata cha Kishikumeni—Muranda waHiramani anouraya Kishikumeni, uye chikwata chaGadhiandoni chinotizira murenje. Zvingangove makore 50 kusvika ku49 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi mana nemaviri rekutonga kwevatongi, mushure mekunge Moronaiha adzikazve runyararo pakati pemaNifai nemaRamani, tarisai pakanga pasina wekuisa pachigaro chekutonga; naizvozvo pakatanga kuve nekunetsana zvakare pakati pevanhu nezvekuti ndiani angaiswe pachigaro chekutonga.

2 Uye zvakaitika kuti Hiramani, akanga ari mwanakomana waHiramani, akaiswa kuti atore chigaro chekutonga, nezwi revanhu.

3 Asi tarisai, aKishikumeni, akanga aponda Pahorani, akahwandira Hiramani kuti amuparadzewo; uye akanga akatsigirwa nechikwata chake chakanga chaita chibvumirano kuti hakuna anofanira kuziva utsinye hwake.

4 Nokuti kwaive nemumwe aGadhiandoni akanga ari nyanzvi nemazwi akawanda, uye nekungwara kwake, kuti aite basa rakavandika iri, rekuponda nerokupamba; naizvozvo akave mutungamiri wechikwata chaKishikumeni.

5 Naizvozvo akavanyengedza, uye naKishikumeniwo, kuti vakamuisa muchigaro chekutonga aizoita kuti avo vari muchikwata chake vaiswe munzvimbo dzesimba nemvumo mukati mevanhu; naizvozvo Kishikumeni akatsvaka kuparadza Hiramani.

6 Uye zvakaitika kuti zvaakanga achienda nechekuchigaro chekutonga kuti aparadze Hiramani, tarisai, mumwe wevaranda vaHiramani, akange ari panze usiku, uye aziva nokuzvivanza, ruzivo rweurongwa hwechikwata ichi kuti vaparadze Hiramani—

7 Uye zvakaitika kuti akasangana naKishikumeni, ndokubva amupa chiratidzo, naizvozvo Kishikumeni akamuita kuti azive chinangwa chezvaaida, achimukumbira kuti amutungamirire kuchigaro chekutonga kuti aponde Hiramani.

8 Uye muranda waHiramani paakanga aziva zvakanga zviri mumwoyo maKishikumeni zvose, uye kuti chinangwa chake chaive chekuponda, nokutiwo ndicho chaive chinangwa cheavo vaive vechikwata chake, nokubvuta, nekuwana simba, (uye ichi ndicho chakange chiri chirongwa chavo amuruvande, nerangano yavo) muranda waHiramani akati kuna Kishikumeni: Handei kuchigaro chekutonga.

9 Zvino izvi zvakafadza Kishikumeni zvikuru, nokuti akafunga kuti achaiita zvaakaronga; asi tarisai, muranda wa Hiramani, zvavakanga vachienda kuchigaro chekutonga, akabaya Kishikumeni nepamwoyo chaipo, akabva awira pasi asina kana kugomera. Uye ndokubva amhanya kunotaurira Hiramani zvose zvinhu zvaakanga aona uye anzwa, nezvaakanga aita.

10 Uye zvakaitika kuti Hiramani akatuma varindi kuti vanobata chikwata chemakororo nemhondi dzemuchivande, kuti vagouraiwa maererano nemutemo.

11 Asi tarisai, Gadhiandoni paakaona kuti Kishikumeni haana kunge adzoka akatya kuti zvimwe aparadzwa; naizvozvo akaita kuti chikwata chake chimutevere. Uye vakatiza vachibva munyika, nenzira yakavandika, vachienda murenje; uye saka Hiramani paakatumira kuti vanotorwa hapana kwavakanga vachawanikwa.

12 Uye zvizhinji nezvaGadhiandoni uyu zvichataurwa nezvazvo mushure. Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi mana nemaviri rekutongwa kwevanhu vaNifai nevatongi.

13 Uye tarisai, mukupera kwebhuku rino muchaona kuti aGadhiandoni uyu akave mupunzi, hongu, kupotsa ave anoparadza zvachose vanhu vaNifai.

14 Tarisai handizi kureva kupera kwebhuku raHiramani, asi ndiri kureva kupera kwebhuku raNifai, umo mandatora zvose zvandanyora.