Magwaro Matsvene
Hiramani 12


Chitsauko 12

Vanhu havana kutsiga uye zvirema uye vachikurumidza kuita zvakaipa—Ishe vanoranga vanhu vavo—Kusave chinhu kwevanhu kunoenzaniswa nesimba raMwari—Muzuva rekutongwa, vanhu vachawana upenyu husingaperi kana kuparadzwa kusingaperi. Zvingangove makore 6 Kristu asati azvarwa.

1 Uye saka tinowana manyepo nokusatsiga kwemwoyo yevana vevanhu; hongu, tinoona kuti Ishe mukunaka kwavo kusingaverengeke vanoropafadza nekuita kuti avo vanoisa aruvimbo rwavo mavari bvabudirire.

2 Hongu, uye tinoona panguva yacho chaiyo yaanopa budiriro kuvanhu vake, hongu, mukupamhidzirwa kweminda yavo, matanga avo, uye mugoridhe, nemusirivha, nemuzvinhu zvose zvinokosha zvemarudzi akasiyana-siyana zveumhizha; kuvapa upenyu hwavo, nekuvabvisa mumaoko evavengi vavo; kupfavisa mwoyo yevavengi vavo kuti vasaite hondo navo; hongu, uye muchidimbu, kuita zvose zvinhu zvemagariro akanaka evanhu vake; hongu, zvino ndiyo nguva ayavanoomesa mwoyo yavo, uye vachikanganwa Ishe Mwari vavo, uye bvotsikirira pasi petsoka dzavo Mutsvene—hongu, uye izvi zvichikonzerwa nokupfava, nekubudirira kwavo kukuru.

3 Uye saka tinoona kunze kwekunge Ishe avaranga vanhu vavo nematambudziko mazhinji, hongu, kunze kwekunge vavashanyira nerufu nezvinovatyisa, nenzara nezvirwere zvakasiyana-siyana, bhavavarangarire.

4 Hunzenza hwakadii, uye kushaya maturo kwakadii, uye kuipa kwakadii, nehudhiabhorosi, anokukurumidza kuita zvakaipa, nokunonoka kuita zvakanaka, zvakaita vana vevanhu; hongu, vanokurumidza sei kuteerera kumazwi ewakaipa, nokuisa bmwoyo yavo pazvinhu zvisina maturo zvenyika!

5 Hongu, vanokurumidza sei kusimudzwa amurudado; hongu, vanokurumidza sei kuzuwa, uye vachiita zvikasiyana-siyana zviri zvitadzo; uye vanonoka zvakadii mukurangarira Ishe Mwari vavo, hongu, nokutendeka nzeve mukuraira kwake, hongu, vanonoka sei bkufamba munzira dzeungwaru.

6 Tarisai, havadi kuti Ishe Mwari vavo, avo avakavasika, bvavatonge; kana dai zvazvo vaine kunaka kukuru netsitsi kwavari, vanozvidza kuraira kwavo, uye havabvume kuti vave vanovaratidza pekufamba napo.

7 Kwakakura sei akusave chinhu kwevana vevanhu; hongu, kana kusvika kuve seguruva renyika, havasvike.

8 Nokuti tarisai, guruva renyika rinoenda uko nekoko, richitsemuka nepakati, pakutaura kwa Mwari vedu mukuru vasingaperi.

9 Hongu, tarisai nezwi ravo zvikomo nemakomo anozunguzuka anokundendemera.

10 Uye anesimba rezwi ravo zvinokoromoka, uye zvoti kwasvata, hongu, kana kubva zvaita senhika.

11 Hongu, nesimba rezwi ravo nyika ayose inondendemera.

12 Hongu, nesimba rezwi ravo, hwaro hunozunguzika, kana kusvika pakati chaipo.

13 Hongu, uye kana vakati kunyika—ibva—inobva.

14 Hongu, kana akati akunyikabUchadzokera shure, kuti cirebese zuva nenguva yakakura—zvinoitwa;

15 Uye saka, maererano nezwi ravo nyika inodzokera shure, uye zvinoratidzika kumunhu kuti zuva rimire; hongu, uye tarisai, ndizvozvo; nokuti chokwadi nyika ndiyo inofamba kwete zuva.

16 Uye tarisai, zvakare, vakati akumvura dzeudzamu hwukuru—bOma—zvinoitika.

17 Tarisai, vakati kugomo iri—Simuka, uye auuye uzowira pamusoro peguta iro, kuti ivigwe—tarisai, zvinoitika.

18 Uye tarisai, kana munhu aakaviga pfuma muvhu, uye Ishe vagozoti—bNgaitukwe, pamusana pekuipa kweuyo aiviga—tarisai, inotukwa.

19 Uye kana Ishe vakati—iwe iva wakatukwa, kuti hapana munhu achakuwana kubvira zvino kudakara nariini—tarisai, hapana munhu anokuwana kudakara nariini.

20 Uye tarisai, kana Ishe vakati kumunhu—Pamusana pezvitadzo zvako, uchave wakatukwa nariini—zvinoitika.

21 Uye kana Ishe vakati—Pamusana pezvitadzo zvako iwe uchabviswa pamberi pangu—vanoita kuti zvive saizvozvo.

22 Uye nhamo kune uyo wavachataurira izvi, nokuti zvichave kune uyo anoita zvitadzo, uye haagone kuponeswa; naizvozvo, nechikonzero ichi, kuti vanhu vaponeswe, kwakaiswa kutendeuka.

23 Naizvozvo, vakaropafadzwa avo vanotendeuka uye vachiteerera izwi raIshe Mwari vavo; nokuti ava ndivo avachaponeswa.

24 Uye dai Mwari vapa, mukuzara kwavo kukuru, kuti vanhu vaunzwe mukutendeuka nemabasa akanaka, kuti vadzorerwe kunyasha anenyasha, maererano nemabasa avo.

25 Uye ndinoti dai vanhu vose vaponeswa. Asi tinoverenga kuti muzuva guru rekupedzisira kune vamwe vacharasirwa kunze, hongu, vachabviswa pamberi paIshe.

26 Hongu, vachaiswa kunzvimbo yekusuwa kusingaperi, zvichizadzikisa mazwi anoti: Avo vakaita zvakanaka vachawana upenyu ahusingaperi; uye avo vakaita zvakaipa bvacharaswa zvisingaperi. Uye ndizvo zvazviri. Ameni.