Magwaro Matsvene
Hiramani 9


Chitsauko 9

Nhumwa dzinoona mutongi mukuru akafa pachigaro chekutonga—Dzinoiswa mutirongo uye dzozosunungurwa mushure—Nekufemerwa Nifai anoziva kuti Seandumu ndiye aponda—Nifai anobvumwa nevamwe semuporofita. Zvingangove makore 23 kusvika ku21 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai, zvino zvakaitika kuti Nifai ataura mazwi aya, vamwe vanhu vakanga vari mukati mavo vakamhanyira kuchigaro chekutonga; hongu, kana vanosvika vashanu vakaenda, uye vakati pachavo, vachienda:

2 Tarisai, zvino tichaziva zvechokwadi kana murume uyu ari muporofita uye kana Mwari vamutuma kuti aporofite zvinhu zvinoshamisa kudai kwatiri. Tarisai, hatitende kuti akatumwa; hongu, hatitende kuti muporofita; zvisinei, kana chinhu ichi chaataura nezvemutongi mukuru chiri chechokwadi, kuti afa, saka tichatenda kuti mamwe mazwi aataura ndeechokwadi.

3 Uye zvakaitika kuti vakamhanya nesimba ravo rose, uye vakapinda kuchigaro chekutonga; uye tarisai, mutongi mukuru akanga awira pasi, uye aarere muropa rake.

4 Uye zvino tarisai, pavakaona izvi vakashamiswa zvikuru, zvekuti vakabva vawira pasi; nokuti havana kunge vatenda mazwi akanga ataurwa naNifai maererano nezvemutongi mukuru.

5 Asi zvino, pavakaona vakatenda, uye vakabatwa nokutya kuti kutongwa kwose kwakanga kwataurwa naNifai kungauye kuvanhu; naizvozvo vakadedera, uye vakawira pasi.

6 Zvino, pakarepo mutongi apondwa—iye abaiwa nemunin’ina wake akapfeka zvekuzvivanza, uye akatiza, uye varanda vakamhanya uye vakanotaurira vanhu, vachidaidzira kuponda pakati pavo;

7 Uye tarisai vanhu vakaungana pamwechete panzvimbo yechigaro chekutonga—uye tarisai, vakashamiswa vachiona varume vaye vashanu vakanga vakawira pasi.

8 Uye zvino tarisai, vanhu havana chavaiziva nezve mhomho yevanhu vakanga vaungana pamwechete akubindu raNifai; naizvozvo vakati pachavo: Ava varume ndivo vaponda mutongi, uye Mwari avarova kuti vatadze kutitiza.

9 Uye zvakaitika kuti vakavabata, uye vakavasunga uye vakavakanda mutirongo. Uye kwaive neshoko rakatumirwa kwose kuti mutongi akauraiwa, nokuti vapondi vakabatwa vakakandwa mutirongo.

10 Uye zvakaitika kuti mangwana acho vanhu vakaunganidzana pamwechete kuti vacheme anokutsanya, pakuvigwa kwegamba mutongi mukuru akanga auraiwa.

11 Uye kana neavo vatongi vaive kubindu raNifai, uye vakanzwa mazwi ake, vakanga vakaunganawo parufu apa.

12 Uye zvakaitika kuti vakavhunza kuvanhu, vachiti: Ko varipiko vaya vashanu vatumwa kuzobvunza nezvemutongi mukuru kuti afa here? Uye vakapindura uye vakati: Nezve ava vashanu vamuri kuti matuma, hapana chatinoziva; asi pane vashanu vanove ndivo vapondi, vatakakanda mutirongo.

13 Uye zvakaita kuti vatongi vakati vanhu ava ngavauiswe; uye vakauiswa, uye tarisai, ndivo vaye vashanu vakanga vatumwa; uye tarisai vatongi vakabvunza kwavari kuti vazive maererano nenyaya iyi, uye vakavataurira zvose zvavakanga vaita, vachiti:

14 Takamhanya tikauya panzvimbo yechigaro chekutonga, uye taona zvose zvinhu kana sekupupura kwakanga kwaita Nifai, takashamiswa zvekuti takawira pasi; uye patakanga tamuka, tarisai ndipo pavakabva vatikanda mutirongo.

15 Zvino, kana zviri zvekupondwa kwemurume uyu, hatizive azviita; uye izvi chete ndizvo zvatinoziva, takamhanya tikauya sezvamakanga muchida, uye tarisai akanga afa, sekutaura kwemazwi aNifai.

16 Uye zvino zvakaitika kuti vatongi vakataura nyaya kuvanhu, uye vakachema kurwisa Nifai, vachiti: Tarisai, tinoziva kuti iye Nifai uyu akanga akabvumirana nemumwe kuti vauraye mutongi uyu, uye kuti kana ozotitaurira isu, angangotipindutsira mukutenda kwake, kuti agozvisimudzira segamba, rakasarudzwa naMwari, uye arimuporofita.

17 Uye zvino tarisai, tichamuwana munhu uyu, uye achareurura mhosva yake uye oita kuti tizive isu chaiye akaponda mutongi uyu.

18 Uye zvakaitika kuti vashanu vaye vakasunungurwa musi wekuvigwa kwemutongi. Zvakadaro, vakatsiura vatongi pamusoro pemazwi avakanga vataura maererano naNifai, uye vakarwisana navo mumwe nomumwe kudakara vavanyadzisa.

19 Zvakadaro, vakaita kuti Nifai atorwe asungwe uye auiswe kumhomho yevanhu, uye vakatanga kumubvunza mibvunzo yakasiyana-siyana kuti zvimwe vanga muwane, kuti vagomupa mhosva yekufa—

20 Vachiti kwaari: Une mumwe wawakarangana naye; ndiani munhu aponda? Zvino titaurire, uye ubvume kutadza kwako; vachiti: Tarisai heino mari; uye tinokupa upenyu hwako kana ukatitaurira, uye bvuma chitenderano chawakaita naye.

21 Asi Nifai akati kwavari: Imi azvirema, imi musina kudzingiswa mumwoyo, imi mapofu, uye imi vanhu bmakaomesa mitsipa, munoziva here kuti Ishe Mwari venyu vachakubvumirai kwenguva yakadii kuti mufambe naidzo nzira dzenyu idzi dzechitema?

22 Imi makafanira kutanga kuridza mhere anokuchema, pamusana pekuparadzwa kukuru kwakakumirirai pane ino nguva, kunze kwekunge matendeuka.

23 Tarisai munoti ndakarangana nemumwe munhu kuti aponde Sizoramu, mutongi wedu mukuru. Asi tarisai, ndinoti kwamuri, izvi zvakonzerwa pamusana pekuti ndakapupura kwamuri kuti muzive maererano nechinhu ichi; hongu, kuti ugove umbowo kwamuri, kuti ndaiziva nezve uipi neruvengo rwuri mukati menyu.

24 Uye pamusana pekuti ndaita izvi, munoti ndarangana nemunhu kuti aite chinhu ichi; hongu, pamusana pekuti ndakakuratidzai chiratidzo ichi mandishatirirwa, uye mave kutsvaka kundiparadza.

25 Uye zvino tarisai, ndichakuratidzai chimwe chiratidzo, uye tigoona kuti muchinhu ichi muchatsvaka kundiparadza here.

26 Tarisai ndinoti kwamuri: Endai kumba kwaSeandumu, iye amunin’ina waSizoramu, munoti kwaari—

27 Ko Nifai, anonyepera kuve muporofita, anoporofita kuipa kwakanyanya nezvevanhu ava, akabvumirana newe here, zvaita kuti uponde Sizoramu, uyo mukoma wako?

28 Uye tarisai, achati kwamuri, Kwete.

29 Uye imi muchati kwaari: Wakaponda mukoma wako here?

30 Uye achamira achitya, uye achishaya chekutaura. Uye tarisai, acharamba kwamuri; uye achaita sezvatomushamisa; zvakadaro, achataura kwamuri kuti haana mhosva.

31 Asi tarisai, imi muchamutarisisa, uye muchaona ropa panhumbi dzake.

32 Uye kana maona izvi, imi muchati: Ko ropa iri rabva kupi? Hatizive here kuti iri iropa remukoma wako?

33 Uye zvino achadedera, uye agobva apinduka kumeso, kana kuita seavingwa nerufu.

34 Uye zvino imi muchati: Pamusana pekutya uko nokupinduka kwaita uso hwako, tarisai tinoziva kuti une mhosva.

35 Uye zvino achabatwa nekutya kukuru; uye zvino achareurura kwamuri, uye asisarambe kuti akaita kuponda uku.

36 Uye zvino achati kwamuri, kuti ini Nifai, hapana chandinoziva nezvenyaya iyi kunze kwekuti yakapiwa kwandiri nesimba raMwari. Uye zvino muchaziva kuti ndiri murume akavimbika, nekuti ndakatumirwa kwamuri naMwari.

37 Uye zvakaitika kuti vakaenda vakanoita, kana sekutaurirwa kwavakanga vaitwa na Nifai. Uye tarisai, mazwi aakanga ataura aive echokwadi; nokuti maererano nemazwi akaramba; uye mayereranawo nemazwi akareurura.

38 Uye akaitwa kuti aratidze kuti iye ndiye mhondi, zvekuti vaye vashanu vakabva vasunungurwa, uye kana naNifaiwo.

39 Uye kwaive nevamwe vemaNifai vakatenda mazwi aNifai; uye kwaive nevamwewo, vakatenda pamusana peuchapupu hwevashanu vaye, nokuti vakanga vapinduka vari mutirongo.

40 Uye zvino kwaive nevamwe muvanhu, vaiti Nifai muporofita.

41 Uye kwaive nevamwe vaiti: Tarisai, ivo ndiMwari, nokuti kunze kwekunge vari mwari havaiziva zvinhu zvose izvi. Nokuti tarisai, vatiudza pfungwa dzemwoyo yedu, uye vatiudzawo zvinhu; uye vakatiudzawo munhu chaiye akaponda mutongi wedu mukuru.