Magwaro Matsvene
Hiramani 4


Chitsauko 4

Vapanduki vevanhu vaNifai vanobatana nemaRamani uye vobva vatora nyika yeZarahemura—MaNifai anokurirwa pamusana peuipi hwavo—Chechi inove diki, uye vanhu vanorenda semaRamani. Zvingangove makore 38 kusvika ku30 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi mashanu nemana kwakaita kuti vazhinji vasiye chechi, uye kwaivewo anekupesana mukati mevanhu, zvekuti kwakave nekudeuka kweropa rakawanda.

2 Uye avo vakanga vapanduka vakauraiwa uye vakatandaniswa munyika, uye vakaenda kuna mambo wemaRamani.

3 Uye zvakaitika kuti vakaedza kufurira maRamani kuti varwisane arwisane nemaNifai; asi tarisai, maRamani aitya zvikuru, zvekuti havana kuteerera mazwi eavo vapanduki.

4 Asi zvakaitika kuti mugore rechimakumi mashanu nematanhatu rekutonga kwevatongi, kwaive anevapanduki vakabva kumaNifai vachienda kumaRamani; uye vakabudirira nevamwe vaya kupesvera kuti vashatirirwe maNifai; uye vakanga, vapedza gore rose iroro, vachigadzirira hondo.

5 Uye mugore rechimakumi nemanomwe vakauya kuzorwa nemaNifai, uye vakatangisa basa rekuuraya; hongu, zvekuti mugore rechimakumi mashanu nemasere rekutonga kwevatongi vakabudirira mukutora nyika ye Zarahemura; hongu, nematunhuwo ose, kana nyika yaive pedyo nenyika yeMaguta.

6 Uye maNifai nemauto aMoronaiha akatandaniswa kana kusvika munyika yeMaguta.

7 Uye ikoko vakazvidzivirira kuti maRamani asasvike kwavari, kubvira kugungwa rekumadokero, kana kusvika kumabvazuva; zviri zvaitorera muNifai zuva rimwechete kufamba, mumutsara wavakanga vavakirira uye vakaisa mauto avo kuti varwire nyika yavo yekuchamhembe.

8 Uye saka avo vapanduki vemaNifai, vachiyamurwa nemauto asingaverengeke emaRamani, vakanga vatora zvose zvaive zvemaNifai zvaive munyika yaive kumaodzanyemba. Uye zvose izvi zvakaitwa mugore rechimakumi mashanu nemasere nerepfumbamwe rekutonga kwevatongi.

9 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi matanhatu rekutonga kwevatongi, Moronaiha akakwanisa nemauto ake kutora matunhu mazhinji enyika; hongu, vakatora zvakare maguta mazhinji akanga awira mumaoko emaRamani.

10 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi matanhatu nerimwechete rekutonga kwevatongi vakakwanisa kutora zvakare kana chikamu chepakati chezvinhu zvavo zvose.

11 Zvino kurasikirwa kukuru uku kwemaNifai, nokuurayana kwakaipa kwaive pakati pavo, kungadai kusina kuitika dai kusiri kuipa kwavo noruvengo rwavo rwaive mukati mavo; hongu, uye zvaive pakati peavo vaizviti ndevechechi yaMwari.

12 Uye zvaive pamusana apekudada kwemwoyo yavo, pamusana bpeupfumi hwavo hwakanyanya, hongu, zvaive pamusana peudzvanyiriri hwavo ckuvarombo, vachinyima kudya kwavo vane nzara, vachinyima nhumbi dzavo kune vasina kusimira, uye vachirova nembama matama ehama dzavo, vachiseka icho chinoera, vachiramba mweya wekuporofita newekuzururirwa, vachiponda, kupaza, kunyepa, kuba, kupomba, kumukirana mukurwa kukuru, uye kutizira munyika yaNifai, mukati memaRamani—

13 Uye pamusana peuipi hwavo uhwu hukuru, uye anokuzvitutumadza nesimba ravo, vakasiiwa musimba ravo; naizvozvo havana kubudirira, asi vakatambudzwa vakarohwa, uye vakatinhwa pamberi pemaRamani, kudakara vange vacharasikirwa nenyika dzavo dzose.

14 Asi tarisai, Moronaiha akaparidza zvinhu zvizhinji kuvanhu pamusana pekuipa kwavo, anaNifai naRihaiwo, vakanga vari vanakomana vaHiramani, vakaparidza zvinhu zvizhinji kuvanhu, hongu, uye vakaporofita zvinhu zvizhinji kwavari maererano nekuipa kwavo, nezvichaitika kwavari kana vasina kutendeuka muzvitema zvavo.

15 Uye zvakaitika kuti vakatendeuka, uye mukutendeuka kwavaiita vakatanga kubudirira.

16 Nokuti Moronaiha paakaona kuti vave kutendeuka akaedza kuvatungamira kunzvimbo nenzvimbo, uye kuguta neguta, kana kusvika vatora chikamu chepakati chepfuma yavo nechikamu chepakati chematunhu avo ose.

17 Uye ndikwo kupera kwakaita gore rechimakumi matanhatu nerimwechete rekutonga kwevatongi.

18 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi matanhatu nemaviri ekutonga kwevatongi, kuti Moronaiha akanga asisagone kuwana zvimwe zvinhu kumaRamani.

19 Naizvozvo vakabva varegera pfungwa dzavo dzekuti vatore matunhu akanga asara, nokuti maRamani akanga akawanda zvekuti zvakanga zvaoma kuti maNifai vavakurire; naizvozvo Moronaiha akaisa mauto ake ose mubasa rekuchengeta idzo nzvimbo dzaakanga atora.

20 Uye zvakaitika kuti, pamusana peuwandu hwemaRamani maNifai akapindwa nekutya kukuru, kuti vangangokurirwa, uye vakatsikwa-tsikwa, uye vakauraiwa, uye vakaparadzwa.

21 Hongu, vakatanga kurangarira zviporofita zvaAruma, nemazwiwo aMosaya; uye vakaona kuti vakanga vakaomesa mitsipa, nokuti vakanga vazvidza mirairo yaMwari;

22 Uye nokuti vakanga vapindura uye vatsikirira pasi petsoka dzavo amitemo yaMosaya, kana kuti iyo yaakanzi naIshe ape kuvanhu; uye vakaona kuti mitemo yavo yakanga yaora, nokuti ivo vakange vave vanhu vake nehuipi, zvekuti vakanga vane huipi kunyange semaRamani.

23 Uye pamusana pekuipa kwavo, chechi yakange yatanga akuderera; uye vakatanga kusatenda mweya wehuporofita nemumweya wezvakazarurwa; uye kutonga kwaMwari kunovadongorera kumeso.

24 Uye vakaona kuti ahavasisina simba, sehama dzavo, maRamani, nokutiwo Mweya waIshe wakanga usisavachengetedze; hongu, wakanga wabva kwavari nokuti bMweya waIshe haugare mutemberi cdzisiri tsvene—

25 Naizvozvo Ishe vakarega kuvachengetedza nemasimba avo anoshamisa asina mumwe anawo, nokuti vakanga vawira mukati amekusatenda nehuipi hwakaipa; uye vakaona kuti maRamani akanga akawanda zvikuru kupfuura ivo, uye kunze kwekunge bvanamatira kuna Ishe Mwari vavo vanofanira kufa zvisingadziviririke.

26 Nokuti tarisai, vakaona kuti simba remaRamani rakangoita sesimba ravo, kana kumunhu nemunhu. Uye ndiko kusaka vawira mukutadza kukuru uku; hongu, saka vakanga vasisina simba, pamusana pekutadza kwavo; mukati memakore amashomanani.