Magwaro Matsvene
Nhoroondo—yaJoseph Smith 1


Nhoroondo—yaJoseph Smith

Zvakatorwa Kubva muNhoroondo yaJoseph Smith, muPorofita

History of the Church, Bhuku 1, Zvitsauko 1 kusvika 5

Chitsauko 1

Joseph Smith anotaura nezvemadzinza ake, nhengo dzemhuri, uye nzvimbo dzavakatanga kugara—Kwaive nekufarira zvekunamata kwakanga kusati kwakamboonekwa kumadokero kwedunhu reNew York—Anofunga kunotsvaka ungwaru sekuraira kwaJakobo—Baba neMwana vanoonekwa, uye Joseph anodaidzwa kubasa rake rechiporofita. (Ndima diki 1–20).

1 Pamusoro penyaya zhinji dzakanga dzave kufambiswa nevanhu vanoda zvakaipa, nokuronga zvisiri izvo, maererano anekumuka nokubudirira bkweChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, zvose zviri zvarongwa nevanyepi ivavo kuti zvikanganise chimiro charo seChechi uye nokubudirira kwaro munyika—Ndatunhwa kuti ndinyore iyi nhoroondo, kuti ndijekese pfungwa dzevanhu, uye nokuisa vose vanoda chokwadi mukuve nezvechokwadi, zvichienderana nezvechokwadi zvandiinazvo ini pachangu neChechi.

2 Munhoroondo ino ndicharatidza zvakaitika zvacho zvakasiyana-siyana maererano neChechi ino, muchokwadi nemukururama, sekuitika kwazvakaita, kana sezvazviri iyezvino, richive zvino 1838 gore rechisere kubvira akurongwa kwakaitwa Chechi ririkutaurwa.

3 aNdakaberekwa mugore raIshe wedu chiuru chine mazana masere nemashanu muzuva rechimakumi mavairi nematatu raZvita, muguta reSharon, muruwa rweWindsor, muDunhu reVermont … Baba vangu bJoseph Smith, Baba, vakabva muDunhu reVermont, uye ndokutamira kuPalmyra, muruwa rweOntario (iyo yave kunzi Wayne) muDunhu reNew York, pandakange ndave mugore regumi rekuberekwa kwangu, kana ikoko uko. Mumakore angangokwana mana mushure mekusvika kwababa vangu muPalmyra, vakatama nemhuri yavo kuenda muManchester muruwa rwumwecheterwo rweOntario—

4 Mhuri yavo iine mweya yaikwana gumi nemumwechete, zvinoti baba vangu, aJoseph Smith; bamai vangu, Lucy Smith (zita ravo vasati varoorwa, rainzi Mack, mwanasikana waSolomon Mack); vakoma vangu, cAlvin (uyo akafa muna Mbudzi 19, 1823, ave mugore remakumi maviri nematanhatu ekuberekwa), dHyrum, ini, eSamuel Harrison, William, Don Carlos; nehanzvadzi dzangu, Sophronia, Catherine, naLucy.

5 Imwe nguva mugore rechipiri mushure mekunge tatamira kuManchester, munzvimbo yataigara, makave nekusagarikana kusingaite panyaya yekunamata. Yakatanga nemaMethodist, asi nokukurumidza yakapararira kuma boka ose mudunhu iroro renyika. Chaizvo, dunhu rose renyika rakanga rangove nazvo, uye vanhu vakabatana pachavo kumaboka ekunamata akasiyana-siyana, ayo akamutsa vanhu zvikuru uye kukava nokupesana pakati pevanhu, vamwe vachichema, “aOnai pano!” uye vamwe, “Onai apo!” Vamwe vaiitirana nharo nezvechitendero chemaMethodist, vamwe nezve Presbyterian, uye vamwe nezve veBaptist.

6 Nokuti, zvakadaro rudo rukuru rwaitaurwa nevakatendeukira kuzvitendero zvakasiyana-siyana izvi panguva yekutendeuka kwavo, uye nokushingaira kukuru kwairatidzwa nevafundisi vezvikwata zvakasiyana-siyana, vakanga vakasimba mukumutsiridza nekushambadza izvo zvakanga zvichiitika pamusoro pezvainzwika mukunamata uku, kuti vaite kuti munhu wose atendeuke, sezvavaida kuzvidaidza vachiita, munhu ngaapinde chikwata chaanoda; asi paitanga vatendeuki kubva mune rino bato, vamwe vachienda kune rimwe bato uye vamwe kune rimwe, uye zvikaonekwa kuti kunzwirana kwaiita sekuripo kwose kuvafundisi nekune vatendeuki, kwawakanga kuri kwekunyepera, kwakanga kusiri kwechokwadi; nokuti kwakave nokukanganisika kukuru uye nokufungira kwakaipa kwakatevera—mupirisita akanetsana nemupirisita, uye akatendeuka akanetsana neatendeuka; zvakaitika kuti kunzwirana kwavo kwakanaka, kana kwakambove kwechokwadi, kwakaperera mumazwi aekunetsana uye nokukwikwidzana mune zvavaifunga.

7 Ndakange panguva iyoyi ndave mugore rangu regumi neshanu. Mhuri yababa vangu yakatendeutsirwa kuchitendero chePresbyterian, uye vana vavo vakapinda chechi iyoyo, vanoti, amai vangu, Lucy, mukoma wangu Hyrum naSamuel Harrison; nehanzvadzi yangu Sophronia.

8 Panguva iyoyi yekushingaira kukuru pfungwa yangu yakaiswa mukufunga kwakadzama nokusagadzikana kukuru; asi kana dai zvazvo pfungwa dzakange dzakadzama uye kazhinji dzichirwadza, zvakadaro ndakaramba ndiri kure nemabato aya, kana dai zvazvo ndaipinda michechi yavo pandainge ndakwanisa. Mukufamba kwenguva pfungwa yangu yakave yarerekera kumaMethodist, uye ndakanzwa kuda kuti dai ndabatana navo; asi kusawirirana nekunetsana pakati pemabato akasiyana-siyana aya kwakanga kwakura zvekuti zvakanga zvisingaite kuti kumunhu mudiki seni, uye asingazive zvevanhu nezvinhu, kuti angazive chaizvo kuti ari kugona ndeupi neari kutadza ndeupi.

9 Pfungwa yangu dzimwe nguva yaimutsiridzwa nekuchema nezhowe-zhowe rakanga rakura uye risingaperi. MaPresbyterian ndivo vainyanya kuramba zvemaBaptist nemaMethodist, uye vaishandisa masimba ose ekutaura nekungwara kuratidza kutadza kwavo, kana, kuti vanhu vafunge kuti varikutadza. Kune rumwe rutivi, maBaptist nemaMethodist pachavo vakanga vachida chaizvo zvakakwana mukuyedza kuti vamise nezvavo zvidzidziso nekuburitsa zvakaipa zvevamwe vose.

10 Pakati pehondo yemazwi iyi nezhowe-zhowe rekusiyana, kwepfungwa, ndaigara ndichizviti: Chii chakafanirwa kuitwa? Nderipi pamabato ose aya aririkugona; kana kuti ose arikukanganisa here pamwechete? Kana paine rimwe ririkugona, nderipi racho, uye ini ndichaziva sei?

11 Ndichishushikana nekuomerwa kwakaipa uko kwakonzerwa nezvaitaurwa nemabato ekunamata aya, rimwe zuva ndakanga ndichiverenga Tsamba yaJakobo, chitsauko chekutanga ndima diki yeshanu, inoti: Kana paine mumwe wenyu asina ungwaru, ngaakumbire kunaMwari, avo vanopa kuvanhu vose zvakawanda, uye asingatsunurire; uye huchapihwa kwaari.

12 Hakuna chimwe chidimbu chemagwaro matsvene chakauya nesimba rakapamhidzirwa mumwoyo wemunhu kupfuura zvakaita ichi panguva iyi kumwoyo wangu. Chakaita sechiri kupinda nesimba guru mukunzwa kwose kwemwoyo wangu. Ndakafunga pamusoro pacho nguva nenguva, ndichiziva kuti kana paine mumwe munhu aida ungwaru kubva kunaMwari, ndini; kuti ndoita sei handaiziva, uye kunze kwekunge ndawana humwe ungwaru kupfuura hwandaive nahwo ipapo, handaizombofa ndakaziva; nokuti vadzidzisi vekunamata vemapato akasiyana-siyana avainzwisisa chidimbu chimwechetecho chemagwaro matsvene zvakasiyana zvekuti zvaiparadza ruvimbo rwose rwekugadzirisa mubvunzo nokuenda bkuBhaibheri.

13 Nekufamba kwenguva ndakafunga kuti ndakafanira kugara ndiri murima mukukangaidzika, kana kuti ndakafanira kuita sekuraira kwaJakobo, kuti ndikumbire kuna Mwari. Nekufamba kwenguva ndakafunga kuti andikumbire kuna Mwari, ndikosvika pakuti kana achipa ungwaru kune avo vasina ungwaru, uye achipa akafaranuka pasina kutsunurira, ndingangoyedza.

14 Saka, maererano nezvizvi, kushinga kwangu kuti ndikumbire kuna Mwari, ndakaenda kusango kunozviyedza. Akanga ari mangwanani ezuva rakanaka, kusina makore mukutanga kwepfumvudza yegore remazana gumi nosere ane makumi maviri. Yaive nguva yekutanga muupenyu hwangu kuti ndiyedze, nokuti pakati pekushushikana kwangu kwose handina kumbenge ndakayedza akunamata ndichidaidzira.

15 Mushure mekunge ndaenda kunzvimbo yandakanga ndaronga kuti ndiende, ndatarisa tarisa kwose, uye ndaona kuti ndiri ndega, ndakapfugama pasi uye ndikatanga kutaura zvido zvemwoyo vangu kuna Mwari. Ndichangotanga kudaro, pakarepo ndakabatwa nerimwe simba rakandikurira, uye rikandishamisa nokusunga rurimi rwangu zvekuti ndakatadza kutaura. Rima rakati ndoo rakandikomberedza, uye zvikaratidzika kwandiri kwechinguva sekunge ndakange ndatotongerwa kuparadzwa pakarepo.

16 Asi, ndichiisa simba rangu rose kuti andidaidze kuna Mwari kuti vandibvise musimba remuvengi uyu rakanga randibata, uye pachinguva icho chandakanga ndati ndakundwa uye kuti ndizviregere ndichiparadzwa—kwete kuparadzwa kwekufungidzira, asi kusimba remunhu chaiye aibva kunyika isingaonekwe, akange aine simba raishamisa randisina kumbenge ndakanzwa mune munhu upi zvake—ipapo pachinguva chekutya kukuru ndakaona murazvu bwechiyedza uri nechepamusoro pangu chaipo, uchipenya kupfuura kupenya ckwezuva, uyo wakadzika zvishoma nezvishoma kusvika wave pandiri.

17 Pasina nguva, ndakabva ndaona ndatobviswa pamuvengi uyo akanga akandisunga. Chiedza pachakamira pandiri andakaona Vanhu bvaviri, avo kupenya kwavo cnekubwinya kwavo kunokunda tsananguro yose, vakamira nechepamusoro pangu mumhepo. Mumwe wavo akataura kwandiri, achindaidza nezita rangu uye akati achinongedzera kune mumwe—Uyu dMwanakomana Wangu eWandinoda. Munzwe!

18 Chinangwa changu pakuenda akunobvunza Ishe chaive chekuti ndizive kuti nderipi pamapato ose rechokadi, kuti ndizive rekupinda. Pandakangozvisimbisa, nokudaro, ndave kuziva zvandiri kutaura, ndakabva ndabvunza Vanhu ava vakanga vakamira vari nechepamusoro pangu muchiedza, nderipi pamapato ose raive chokwadi (nokuti panguva iyoyi hazvina kumbenge zvapinda mumwoyo mangu kuti ose akatadza)—uye kuti nderipi rondopinda.

19 Ndakapindurwa kuti handifanire kupinda rimwe rawo, nokuti ose akanga aasiri chokwadi; uye Munhu akataura kwandiri akati zvitendero zvawo zvose zvaive zvinyangadzo mumaziso avo; kuti avo vadzidzisi vose vakanga vakaipa: “Zvekuti bvaiswedera pedyo neni nemiromo yavo, asi cmwoyo yavo iri kure neni, vanofundisa sedzidziso dmirairo yevanhu, iine emufananidzo wehumwari, asi vanoramba simba racho.”

20 Vakandirambidza zvakare kuti ndibatane nevapi zvavo; nezvimwe zvinhu zvizhinji zvavakataura kwandiri, zvandisingagone kunyora panguva ino. Pandakapepuka zvakare, ndakaona ndakarara nemusana, ndakatarisa kudenga. Apo chiedza chakaenda, ndakanga ndisisina simba; asi nenguva diki ndati simbei, ndakaenda kumba. Uye zvandakazendama nepanokuhwidzwa moto, amai vakabvunza kuti zvaita sei. Ndakapindura, “Musanetseke, zvose zvakanaka—Ndakasimba zvikuru.” Zvino ndokubva ndati kuna amai vangu, “Ndazvizivira pachangu kuti maPresbiterian haasi pachokwadi.” Zvakaita sezvinonzi amuvengi aiziva, pakutanga kweupenyu hwangu, kuti ndakanga ndakanzi ndichave mutadzisi, uye nemushatirisi; weumambo hwavo; nokuti sei masimba erima achindikutsirana? Sei bkundishora nekutambudzwa kwakavepo kurwisana neni, ndingati ndichiri kacheche?

Vamwe vaparidzi nevadzidzisi vechitendero vanoramba rungano rwangu rweChiratidzo, cheKutanga—Kushungurudzwa kunotutirwa pamusoro paJoseph Smith—Anopupura kuvepo kwechiratidzo. (Ndima diki 21–26.)

21 Mazuva mashomanana ndaona achiratidzo ichi, ndakanga ndiri pamwechete nemumwe wevaparidzi veMethodist, akanga achishingaira kwazvo muchipata-pata rechitendero randambotaura; uye ndichitaura naye pamusoro penyaya yechitendero, ndakatora mukana wekuti ndimupe rungano rwechiratidzo chandakanga ndaona. Ndakashamiswa zvikuru nekuita kwake; haana kutora rungano urwu sechinhu chisina maturo chete, asi nekushora kukuru, achiti zvose zvaive zvadhiabhorosi, kuti hakuna zvinhu zvakaitika bsezviratidzo kana czvakazarurwa mumazuva ano; kuti zvose zvinhu zvakadaro zvakapera nevaapositori, uye nokuti hakuchazove nezvinhu zvakadaro zvakare.

22 Ndakaona nokukurumbidza, kuti kutaura kwangu rungano urwu kwakamutsiridza kushushikana kukuru kwekuvenga ini pakati pevadzidzisi vechitendero, uye kukave chikonzero achekushungurudzwa kukuru, kwakaramba kuchikura; uye kana dai zvazvo ndakanga mukomana basingazivikanwe, ndiri pakati pegumi nemana uye negumi nemashanu emakore ekuberekwa, uye zvandaive muupenyu zviri zvaiita kuti ndive mukomana asingaverengwe munyika, asi vanhu vakuru vakuru vaizvitarisa zvekuti vaikwanisa kumutsa pfungwa dzeveruzhinji rwevanhu kuti vandivenge, uye zvaizvara kushungurudzwa kwakaipa uye zvaionekwa mumapato ose—ose akabatana kuti vanditambudze.

23 Zvakandikonzera kuti ndifunge zvakadzama, uye kazhinji, zvaishamisa sei kuti, mukomana asinganyanyozivikanwa, ainge achangodarika makore gumi nemana ekuberekwa, uye uyo, zvakare, akanga akaomerwa kuwana zvishomanana zvinomubatsira mukushanda kwake kwezuva nezuva, angafungwa semunhu akakosha zvakakwana kudaidza ruteerero rwevanhu vakuru vakuru vemapato ainyanyo zivikanwa mumazuva iyayo, uye mutsika yekuumba mavari mweya wekushungurudza kwakaipisisa nekunyomba. Asi kushamisa kana kusashamisa, ndizvo zvazvakanga zviri, uye ndizvo zvainyanyokonzera kusuwa kwakanyanya kwandiri.

24 Zvisinei nyangwezvazvo zvakadaro chaive chokwadi chekuti ndakanga ndaona chiratidzo. Ndakafunga kubvira ipapo, kuti ndakanzwa asaPauro, bpaakazvireverera pamberi paMambo Agripa, uye akanotsanangura rungano rwechiratidzo chaakanga aona paakaona chiedza uye akanzwa izwi; asi zvakadaro kwaive nevashoma vakamutenda; vamwe vakati haavimbike, vamwe vakati anopenga; uye akasekwa uye akatukwa. Asi zvose izvi hazvina kupaza kuvepo kwechiratidzo chake. Akanga aona chiratidzo, aiziva kuti akanga achiona, uye kwose kushungurudzwa kuri pasi pedenga hakwaigona kuzvishandura; uye kana dai vakamushungurudza kusvika mukufa, asi aiziva, uye aizoziva kusvika pamweya wake wekupedzisira, kuti akanga aona zvose chiedza uye akanzwa izwi richitaura kwaari, uye rose pasi haraigona kumuita kuti afunge kana kutenda zvisiri izvo.

25 Saka ndozvakanga zvakaita kwandiri. Ndakanga ndaona zvechokwadi chiedza, uye pakati pechiedza ichocho ndakaona aVanhu vaviri, uye zvechokwadi vakataura kwandiri; uye kana dai zvazvo ndaivengwa uye nokushungurudzwa pamusana pekutaura kuti ndakaona chiratidzo, asi zvaive zvechokwadi; uye pavakanga vachindishungurudza, vachindituka, uye zvose vachitaura zvose zvakaipa pamusoro pangu vachinyepa, pamusana pezvandaitaura ndakanzwa mumwoyo mangu: Ko munondishungurudzirei pamusana pekutaura chokwadi? Ndakaona zvechokwadi chiratidzo; uye ndiri ani zvekuti ndingamisikidzane naMwari, kana sei nyika ichifunga kuti ndirambe uye chokwadi chandakona? nokuti ndakanga ndaona chiratidzo ndaizviziva; uye ndaiziva kuti Mwari vaizviziva, uye bhandaikwanisa kuzviramba, uye handaimbozviita; chandaiziva ndechekuti mukudaro ndaigumbura Mwari, uye ndobva ndauya pasi pekutongwa.

26 Zvino ndakanga ndaita kuti pfungwa yangu igutsikane, mune zvinhu zvenyika yemapato—kuti rakanga risiri basa rangu kuti ndibatane neripizvaro, asi kuti ndirambe ndiri zvandaive kusvika ndazorairwa zvakare. Ndakanga ndaona auchapupu hwaJakobo kuti ndehwechokwadi—kuti munhu asina ungwaru aigona kukumbira kuna Mwari, uye agowana, uye asingazokonorerwa.

Moronai anozviratidza kuna Joseph Smith—Zita raJoseph richazivikanwa mune zvakanaka nezvakaipa mukati memarudzi ose—Moronai anomuudza nezveBhuku raMormoni nekuuya kwekutonga kwaIshe uye achitaura magwaro matsvene mazhinji—Nzvimbo yakavigwa mahwendefa egoridhe inoratidzwa—Moronai anoramba achidzidzisa Muporofita. (Ndima diki 27–54).

27 Ndakaramba ndichiita mabasa angu emazuva ose muupenyu kusvika musi wemakumi nemaviri nerimwechete wemwedzi waGunyana 1823 nguva yose ndichinetseka zvikuru nekushungurudzwa kukuru pamaoko evanhu vakasiyana-siyana vose vanonamata nevasinganamate, nokuti ndakaramba ndichitsinhira kuti ndakanga ndaona chiratidzo.

28 Munguva iyoyi yakange iri pakati penguva yandakaona chiratidzo uye mugore ra1823—ndiri ndakanga ndarambidzwa kubatana neripi zvaro bato rechitendero renguva iyoyo, uye ndiri ndakanga ndichiri wemakore mashoma-shoma, uye ndichishungurudzwa neavo vaifanira kunge vari shamwari dzangu uye nokundibata zvakanaka, uye kana vaifunga kuti ndakanyengedzwa kuti vainge vakaedza nenzira kwayo uye yerudo kuti vandidzore—ndakasiiwa kune ose marudzi aezviyedzo; uye ndichisangana nevanhu vemhando dzose, nguva nenguva ndaiwira mukukanganisa kwakapusa, uye ndichibva ndaratidza kusasimba kwehwana hudiki, uye netwunhu twusina maturo twuri muvanhu; itwo twandine hurombo kutwutaura, twakandiisa muzviyedzo zvakasiyana-siyana, zvinogumbura pamberi paMwari. Ndichiita ichi chireururo, hapana anofanira kundiona sendine mhosva yechitadzo chikuru kana chinokuvadza. Pfungwa yekuti nditadze zvakadaro haina kumbogara iri mandiri. Asi ndakanga ndiine mhosva yehunzenza, uye dzimwe nguva ndaifamba nevanhu vekufara, nevamwe vakadaro, izvo zvisiri zvinopindirana nekuita uko kunofanira kuchengetedzwa nemunhu bakadaidzwa naMwari sezvandakanga ndaitwa. Asi izvi hazvinga nyanyo shamisa sezvinoshamisa chaizvo kunaani anoyeuka hudiki hwangu, uye achiziva hunhu hwangu hwekufara.

29 Pamusana pezvinhu izvi, kazhinji ndainzwa ndiine mhosva yekusasimba nekusarurama kwangu; zvino mumanheru ezuva rataurwa rechimakumi maviri nerimwechete raGunyana, mushure mekunge ndaenda kunorara, ndakazviisa amukunamata uye nokunyengetedza Samasimba Mwari kuregererwa zvose zvitadzo nekukanganisa kwangu, uyewo nokuti ndiratidzwe ndigoziva zvandiri nekumira kwangu pamberi pavo; nokuti ndakanga ndiine ruvimbo rwakakwana rwekuti ndichawana kuratidzwa kutsvene, sezvandakanga ndamboita.

30 Ndiri mukudaro kudaidza Mwari, ndakaona chiedza chichiuya mumba mangu, chakaramba chichiwanda kudakara muimba machena kupfuura masikati, pakarepo amunhu akaerekana avepo parutivi rwemubhedha wangu, amire mumhepo, nokuti tsoka dzake hadzina kutsika pasi.

31 Akanga akapfeka nguwo yakange ine akuchena kwakanyanyisa zvikuru. Kwaive kuchenesesa kunopfuura kuchena kwechii zvacho chinhu chepanyika chandakanga ndati ndaona; zve handibvume kuti pane chinhu chenyika chingaitwe kuti chiratidzike chakachena zvakapfurikidza nokupenya zvakadaro. Maoko ake akanga ari pachena kana nezvanza zvakewo zvishoma shoma pamusoro pechiziso cherwuoko, kana netsoka dzakewo dzakanga dziri pachena sezvakanga zvakaita makumbo ake, nechepamusoro pezviziso. Musoro nehuro yake zvakanga zviri pachena naizvowo. Ndaigona kuona kuti akanga asina dzimwe nhumbi kunze kwegemenzi, sezvo rakanga rakavhurika, zvekuti ndaigona kuona chipfuva chake.

32 Kwete kuti nguwo yake chete yakanga yakachenesesa zvikuru, asi iye wose akanga aachibwinyisisa zvisingatsanangurike, uye chiso chake chakaita bsemheni chaiyo. Muimba makapenya zvikuru asi kwete semapenyero aiita iye. Pandakatanga kumuona, cndakatya; asi kutya kwakakurumidza kundisiya.

33 Akandidaidza anezita, uye akati kwandiri akange arimutumwa atumwa kubva pamberi paMwari kwandiri, uye akati zita rake rainzi Moronai; kuti Mwari vakanga vaine basa rekuti ndiite; uye nokuti zita rangu richave mune zvakanaka nezvakaipa pakati pemarudzi ose, nehama, nendimi kana kuti richave zvose zvakanaka nezvakaipa zvichataurwa pakati pevanhu vose.

34 Akati kwakange kuine abhuku rakarongedzwa, rakanyorwa pamahwendefa begoridhe, richipa rungano rwevaichigara munyika ino, nepavakabva. Akatiwo ckuzara kweVhangeri risingaperi kwaive mariri, sekupihwa kwarakaitwa neMuponesi kuvagari vekare;

35 Zvakare kuti maive nematombo maviri muuta hwesirivha—uye matombo aya, akasungirirwa apahwendefa rechipfuva, aiita chinodaidzwa kuti bUrimi neTumimi—akaiswa pamwechete nemahwendefa uye kuve nematombo aya nekuashandisa ndiko kunoita “cvaoni” makare kare kana munguva dzakapfuura; uye kuti Mwari vakanga vaagadzirira kuti agoshandiswa basa rekududzira bhuku iri.

36 Mushure mekunditaurira zvinhu izvi akatanga kutaura zviporofita zveTestamente ayaKare. Akatanga ataura chidimbu chechitsauko chechitatu bchaMaraki; uye akataurawo chechina kana chitsauko chekupedzisira chechiporofita chimwechetecho, kana dai zvazvo akasiyanisa zvishoma shoma kubva kumaverengero azvinoita mumaBhabheri edu. Kunze kwekutaura ndima diki yekutanga sekunyorwa kwayakaitwa mumabhuku edu, akaitaura sezvizvi:

37 Nokuti tarisai, azuva ririkuuya iro brichapisa sehovhoni, uye vose vanozvikudza, hongu, nevose vanoita zvakaipa vachatsva csemashanga; nokuti avo vachauya vachavapisa, vanodaro Ishe weHondo, kuti ichavasiya vasina mudzi kana bazi.

38 Uye zvakare, akataura ndima diki yeshanu sezvizvi: Tarisai, ndicharatidza kwauri aHupirisita, neruoko brwaErija muporofita, risati rauya zuva guru uye rinotyisa raIshe.

39 Uye akataurawo ndima diki yaitevera zvakasiyana: Uye achadyara mumwoyo yevana azvivimbiso zvakaitwa kumadzibaba, uye mwoyo yevana bichatendeukira kumadzibaba avo. Dai zvakange zvisizvo, pasi pose painge paparadzwa chose pakuuya kwavo.

40 Pamusoro pazvo, akataura chitsauko chegumi nechimwechete chaIsaya, achiti kuti zvave pedyo nokuzadzikiswa. Akataurawo chitsauko chechitatu cheMabasa aVaapositori, ndima diki dzechimakumi maviri nembiri neye makumi maviri nenhatu, chaizvo sezvadzakaita muTestamente Itsva yedu. Akati kuti iyeyo amuporofita ndiKristu; asi zuva rakanga risati rauya apo “avo vasingade kunzwa izwi rake vanofanira bkubviswa kubva mukati mevanhu”, asi zvino riri kuuya.

41 Akataurawo chitsauko chechipiri achaJoere, kubvira pandima diki yemakumi maviri nesere kusvika kwekupedzisira. Akatiwo izvi hazvisati zvazadzikiswa, asi zvakanga zvave pedyo. Uye akataura zvakare kuti kuzara bkumaJentairi kwakange kwave pedyo kuuya. Akataura dzimwe ndima dzakawanda dzemagwaro matsvene, uye akapa tsananguro zhinji idzo dzisingagone kutaurwa pano.

42 Zvakare akandiudza, kuti kana ndazotora mahwendefa ayo aakanga ataura nezvawo—nekuti nguva yekuti atorwe yakanga isati yazadzikiswa—handaifanira kuratidza kune mumwe munhu kana hwendefa repachipfuva rine Urimi neTumimi; kunze kwekune avo vandichaudzwa kuti ndivaratidze; kana ndikazviratidza kune vamwe ndaizo paradzwa. Achinguno kurukura neni nezvemahwendefa, chiratidzo chakazarurwa akupfungwa dzangu zvekuti ndaigona kuona nzvimbo yakanga yakavigwa mahwendefa, uye zvakanyatsojeka uye zviri pachena zvekuti ndakaziva nzvimbo iyi zvakare pandakaishanyira.

43 Mushure mekutaurirana uku, ndakaona chiedza mumba kutanga kuungana pamunhu uyo akange achitaura kwandiri, uye chakaramba chichidaro kudzamara imba yave murima zvakare, kunze kwepaakange ari iye, zvino pakarepo ndakaona, sekunge kagwanza ravhurika kachienda kudenga, uye iye akakwira kudzimara asisaonekwe, uye mumupanda makasara makaita zvamakange makaita ichi chiyedza chekudenga chisati chauya.

44 Ndakazvambarara ndichifungisisa nekushamiswa nezvakanga zvaitika, uye ndichishamiswa zvikuru nezvakanga zvataurwa kwandiri nemutumwa anoshamisa uyu; zvino pakati apekufunga kwangu, ndakaona kuti imba yangu yakanga yave kutanga zvakare kujekeswa, nechinguvana, sekunge, mutumwa wekudenga mumwecheteo akange ave parutivi pemubhedha wangu zvakare.

45 Akatanga, uye zvakare akarondedzera zvinhu zvimwechetezvo izvo zvaakanga aita pakushanya kwake kwekutanga, pasina kana kupesana kudiki diki; adaro akandiudza nezvekutongwa kukuru uko kwakange kuchiuya pamusoro penyika, kune kuparadza kukuru nenzara, munondo, nezvirwere; uye kuti kutongwa kunosuwisa uku kwazouya panyika muchizvarwa chino. Arondedzera zvinhu izvi, akakwira zvakare sezvaakanga amboita.

46 Nenguva iyi, zvakanga zvanyatsodzika mupfungwa mangu, zvekuti hope dzakanga dzatiza mumaziso angu, uye ndakarara ndikashaya zvekuita nokushamiswa nezvandakanga ndaona uye nokunzwa. Asi chakandishamisa pandakaona zvakare mutumwa mumwecheteyo parutivi pemubhedha wangu, uye ndokumunzwa achitaura kana kudzokorora kwandiri zvakare zvinhu zvimwechetezvo sekare; uye ndokubva apamhidzira yambiro kwandiri, achindiudza kuti aSatani achayedza bkundiyedza (pamusana pehurombo hwemhuri yababa vangu), kutora mahwendefa nechinangwa chekuti ndipfume. Izvi akandirambidza, achiti handifanire kuti ndive nechimwe chinangwa mupfungwa mukutora mahwendefa asi kurumbidza Mwari, nokuti handaifanira kurunzirwa neimwe cpfungwa kunze zvikaita neimwenzira handaikwanisa kuatora kwekuvaka umambo hwake; nokuti handingazoatora.

47 Mushure mekushanyirwa kechitatu aka, akakwira zvakare kudenga sepakutanga, uye ndikasiiwa zvakare kuti ndifungisise nepamusoro pekushamisa kwezvandakanga ndaona; zvino ipapo mushure mekukwira kwemutumwa wekudenga achibva pandiri kwenguva yechitatu, jongwe rakarira, uye ndikaona kuti kunze kwange kwave kuyedza, saka hurukuro dzedu dzakafanira kunge dzakatora husiku hwose.

48 Mushure mechinguva ndakamuka pamubhedha pangu, semazuva ose, ndikaenda kumabasa aifanirwa kuitwa ezuva iroro; asi mukuyedza kushanda sezvandaiita dzimwe nguva, ndakawana ndapera simba zvekuti ndakatadza kushanda chaizvo. Baba vangu, avo vakanga vachishanda pamwechete neni, vakaona kuti paive nechimwe chinhu chakanga chisina kunaka paneni, uye vakanditaurira kuti ndiende kumba. Ndakatanga pfungwa yangu iri pakuda kuenda kumba; asi, mukuyedza kudarika ruzhowa ndichibva mumunda umo matakanga tiri, simba rangu rakaramba zvachose, uye ndikawira pasi zvisingayamure, uye kwechinguva hapana chandaiziva.

49 Chinhu chekutanga chandiri kuyeuka izwi raitaura kwandiri richindidaidza nezita. Ndakatarisa kumusoro, uye ndikaona mutumwa mumwechete iyeyo amire kumusoro kwangu, akatenderedzwa nechiyedza sekare. Akadzokerera zvakare zvose zvaakanga anditaurira husiku hwapfuura, uye ndokundiudza kuti ndiende kuna ababa vangu uye ndinovataurira nezvechiratidzo nemirairo yandakanga ndagashira.

50 Ndakateerera; ndakadzokera kumunda kuna baba vangu, uye ndikavatsanangurira yose nyaya kwavari. Vakapindura kwandiri kuti zvakanga zviri zvaMwari, uye vakandiudza kuti ndinoita sezvandakanga ndaudzwa nemutumwa. Ndakabva kumunda, uye ndikaenda kunzvimbo yandakanga ndaudzwa nemutumwa kuti ndiko kwakange kwakaiswa mahwendefa; uye pamusana pekujeka kwechiratidzo chandakanga ndaona nezvawo, ndakabvandaziva nzvimbo kusvika kwandakangoitapo.

51 Pedyo nemusha weManchester, muruwa rweOntario, mudunhu reNew York, mune achikomo chikuru chaizvo, uye chakareba kupfuura zvose munharaunda iyoyo. Kumadokero kwechikomo ichi, kwete kure nepamusoro pacho, pasi pezibwe guru chaizvo, ndipo paive nemahwendefa, akaiswa muchibhokisi chematombo. Ibwe iri rakanga riri gobvu uye rakatundumara pakati paro nechepamusoro, uye riri dete kunhivi, zvaiita kuti pakati paro paonekwe pamusoro pevhu, asi nhivi dzose dzakanga dzakafusirwa nevhu.

52 Ndabvisa ivhu, ndakatora chokupikunyurisa, chandakaisa nechepasi pebwe iri, uye ndisingaite nesimba ndakarisimudzira mudenga. Ndakatarisa mukati, uye imomo chokwadi ndakaona amahwendefa, bUrimi neTumimi, cnehwendefa repachipfuva, sekutaurwa kwazvakaitwa nemutumwa. Mubhokisi maakanga ari rakaitwa nokuisa matombo pamwechete mune zvainge simende. Pasi pebhokisi pakanga pakaiswa matombo maviri akachinjika bhokisi, uye pamusoro pematombo aya ndipo pakanga paine mahwendefa nezvimwe zvinhu pamwechete nawo.

53 Ndakayedza kuaburitsa, asi ndakarambidzwa nemutumwa uya, uye ndikataurirwa zvakare kuti nguva yekuaburitsa yakanga isati yasvika, yakanga isingazosvika kusvika kwapera makore mana kubva panguva iyoyo; asi akandiudza kuti ndaifanira kuuya kunzvimbo iyi mushure megore rimwechete kubvira panguva iyoyo, uye akati aizosangana neni ipapo, uye akati ndaifanira kuramba ndichidaro kusvika nguva yauya yekuwana mahwendefa.

54 Saizvozvo, sekutaurirwa kwandakanga ndaitwa, ndaienda mukupera kwegore rega-rega, uye panguva yege-yega ndaiwana mutumwa mumwecheteyo aripo, uye ndichigashira mirairo neruzivo kubva kwaari pahurukuro yega-yega yataiita, maererano nezvaizoitwa naIshe, uye nokuti maitiro netsika ipi ichatungamirwa nayo aumambo hwake mumazuva ekupedzisira.

Joseph Smith anochata naEmma Hale—Anogashira mahwendefa egoridhe kubva kuna Moronai uye anodudzira mamwe emavara acho—Martin Harris anoratidza mavara uye nekududzisa kwacho kune Mudzidzisi Mukuru Anthon, anobva ati, “Handigone kuverenga bhuku rakanamwa.” (Ndima diki 55–65.)

55 Sezvo baba vangu vakanga vasina zvavainazvo zvemunyika, zvaitofanira kuti tigare tichishanda nemaoko edu, tichitorwa kuenda kumaricho nezvimwewo, patinenge tangowana mukana. Dzimwe nguva tainge tiri pamba, uye dzimwe nguva tiri kumwe uye nokugara tichishanda takakwanisa kuwana kuzviriritira kwakanaka.

56 Mugore re1823 mhuri yababa vangu yakasangana nedambudziko guru nerufu rwemukoma wangu mukuru aAlvin. Mumwedzi waGumiguru, mugore ra1825, ndakapinda pabasa kumudhara ainzi Josiah Stoal, aigara muRuwa rweChenango, Dunhu reNew York. Akanga akanzwa nezvemugodhi wesirivha wakanga wavhurwa vanhu vechiSipanishi muHarmony, muruwa rweSusquehanna, Dunhu rePennsylvania; uye akange asati anditora ini, ambenge achachera, kuti kana zvichibvira, awane pane mugodhi. Mushure mekunge ndaenda kunogara naye, akanditora, nevamwe vose vaimushandira, kuti tinochera pamugodhi wesirivha, apo pandakagara kwemwedzi, pasina kubudirira mune zvataiita, pekupedzisira ndakaita kuti mudhara abvume kuti timise kuchera tichitsvaga. Ndipo pakabva rungano rwekuti ndaive mucheri wemari.

57 Munguva yandakanga ndakapinda basa kudaro, ndakaiswa kuti ndinogara navaIsaac Hale, wepanzvimbo iyoyo; ndipo pandakatanga kuona mukadzi wangu (mwanasikana wake), aEmma Hale. Musi wa18 Ndira, 1827, takachata, ndichiri kushandira vaStoal.

58 Pamusana pekuramba kwangu ndichiti ndakaona chiratidzo, akushungurudzwa kwakaramba kuchinditevera, uye mhuri yababa vemukadzi wangu vakanga vachiramba chaizvo kuti tichate. Ndakaona, naizvozvo, zvakafanira kuti nditoenda naye kumwe; saka takaenda tikanochatiswa kumba kwachangamire Squire Tarbill, muSouth Bainbridge, Ruwa rweChenango, New York. Ndichangobva mukuchata kwangu, ndakasiya basa kwavaStoal, uye ndakaenda kwababa vangu ndikarima navo mwaka iwoyo.

59 Mushure menguva nguva yakasvika yekuwana mahwendefa, Urimi neTumimi, nehwendefa repachipfuva. Musi wechimakumi maviri nemazuva maviri emwedzi waGunyana, gore rechiuru chinemazana masere nemakore makumi maviri nemanomwe, ndakaenda senguva dzose mushure merimwe gore kunzvimbo iye yaakanga akaiswa, mumwecheteyo mutumwa wekudenga akandipa kwandiri nemurairo uyu: kuti ndinofanira kuti ave mumaoko angu; kuti ndikaarega achienda pasina hanya, kana anekusachenjera kwangu, ndichabviswa; asi kuti kana ndikashandisa kuyedza kwangu kwose bkuachengetedza, kusvika iye, mutumwa auya kuzoatora, anofanira kudzivirirwa.

60 Ndakaona nokukurumidza chikonzero chandakanga ndapirwa mitemo yakaoma kudaro kuti ndiachengetedze zvakanaka, nechikonzero chaiita kuti mutumwa ataure kuti kana ndaita zvaidiwa mumaoko angu, aizouya kuzoatora. Nokuti pazvakangozivikanwa chete kuti ndinawo, vanhu vakayedza nesimba ravo rose kuti vaatore kubva kwandiri. Rose zano raikwaniswa kufungwa rakatorwa rikashandiswa. Kushungurudzwa kwanyanya kuvapo uye kurwadza kupfuura zvekare, uye vanhu vazhinji vaigara vakangomirira kuatora kubva kwandiri kana zvabvira. Asi neungwaru hwaMwari, haana chakaawana mumaoko angu, kusvika ndapedza nawo zvaidiwa kwandiri. Pakauya mutumwa, maererano nehurongwa, achizoatora, ndakapa kwaari; uye anawo pasi pake kusvika zuva rino, riri zuva rechipiri raChivabvu, gore rechiuru nemazana masere ane makumi matatu nemasere.

61 Chipata-pata, zvisinei chakaramba chiripo, uye runyerekupe nechiuru chendimi dzarwo nguva yose rwaishandiswa kufambisa nhema nezve mhuri yababa vangu, nezvangu. Dai ndaitaura kachidimbu kadiki kazvo, ndaizadza mabhuku nemabhuku. Kushungurudzwa, zvakadaro kwakaipa zvekuti ndakaona zvakafanira kuti ndibve muManchester, uye ndichienda nemukadzi wangu kuruwa rweSusquehanna, muDunhu rePennsylvania. Tichigadzirira kutanga—tiri varombo chaivo, uye kushungurudzwa kuchitiremera zvekuti pakanga pasina mukana wekuita chimwe chinhu—pakati pematambudziko edu, takawana shamwari murume ainzi aMartin Harris, akauya kwatiri uye akandipa makumi mashanu amadhora kutiyamura murwendo rwedu. VaHarris vaive mugari wemuPalmyra, ruwa rweWayne, muDunhu reNew York, uye vari murimi aikudzwa.

62 Nerubatsiro urwu rwakauya nguva yakanaka, ndakave nokukwanisa kuti ndisvike kwandaienda kuPennsylvania; ndichisvika ndakabva ndatanga kunyora mavara kubva pamahwendefa. Ndadakanyora akawanda chaizvo, kuburidiza aneUrimi neTumimi ndikadudzira mamwe acho, izvo zvandakaita pakati penguva yandakasvika pamba pababa vemukadzi wangu, mumwedzi weZvita, nemwedzi weKukadzi aitevera.

63 Pane imwe nguva mumwedzi uyu waKukadzi, vandamboreva vaMartin Harris vakauya kumba kwedu, ndokutora mavara andakanga ndanyora kubva pamahwendefa, uye ndokuenda nawo kuguta reNew York. Panezvakaitika, maererano naye nemavara, ndinoenda kune zvaakataura iye, sekutsanangura kwaakazviita kwandiri mushure mekudzoka kwake, kwakanga kwakaita sezvizvi:

64 “Ndakaenda kuguta reNew York, uye ndokunoratidza mavara akanga adudzirwa, nedudziro yacho, kune Mudzidzisi Mukuru Charles Anthon, murume aizivikanwa kwazvo pamusana pekufunda kwake. Mudzidzisi Mukuru Anthon akati iye dudziro yacho yaive chaiyo, kupfuura dzose dzaakanga akamboona dzakadudzirwa kubva kuchiEgipita. Zvino ndakamuratidza ayo akanga asati adudzirwa, uye akati ndeechiEgipita, chiKardea, nechiAsiria, nechiArabi; uye akati mavara acho chaiwo echokwadi. Akandipa gwaro, raitsigira kuvanhu vePalmyra kuti mavara aive echokwadi, uye nokutiwo kududzira kweayo adudzirwa kwakanga kuri iko chaiko. Ndakatora gwaro ndikariisa muhomwe mangu, uye ndakanga ndave kutobuda mumba umu, apo pakabva vaAnthon vandidaidza kuti ndidzoke, uye ndokundibvunza kuti mukomana uyu akanga aziva sei kuti kune mahwendefa egoridhe munzvimbo yaakawana. Ndakamupindura kuti ngirozi yaMwari yakaaratidza kwaari.

65 “Ndokubva ati kwandiri, ‘Ndipe ndione gwaro riya.’ Ndakariburitsa muhomwe mangu uye ndikaripa kwaari, paakabva aritora akaribvarura-bvarura, achiti hakusisina chinhu chakadaro zvino chekushandirwa anengirozi, uye akati kana dai ndaunza mahwendefa aya kwaari aizoadudzira. Ndakamutaurira kuti chimwe chikamu chemahwendefa aya bchakanamwa, uye nokuti ndinorambidzwa kuaunza. Akapindura achiti, ‘Handikwanise kuverenga bhuku rakanamwa.’ Ndakamusiya ndikaenda kuna Chiremba Mitchell, uyo akatsigira zvakanga zvataurwa neMudzidzisi Anthon maererano nezvose mavara nekududzira kwacho.”

· · · · · · ·

Oliver Cowdery anoshanda semunyori mukududzira Bhuku raMormoni—Joseph naOliver vanogashira Hupirisita hwaAroni kubva kuna Johane Mubapatidzi—Vanobhabhatidzwa, nokugadzwa, uye nokugashira mweya wechiporofita. (Ndima diki 66–75.)

66 Muzuva rechishanu raKubvumbi, 1829, aOliver Cowdery akauya kumba kwangu kusvika panguva iyi handina kumbenge ndakamuona. Akataura kwandiri kuti ange achidzidzisa muchikoro chiri munharaunda iyo yaigara baba vangu, uye baba vangu semumwe weavo vaitumira vana kuchikoro ichi, akaenda kundogara navo kwechinguva kumba kwavo, uye ariko mhuri yakamutaurira mapirwo andakanga ndaitwa mahwendefa, uye nokudaro iye akanga auya kuzondibvunza nezvawo.

67 Kwapera mazuva maviri mushure mekusvika kwaVaCowdery (uri musi wa7 Kubvumbi) ndakatangisa kududzira Bhuku raMormoni, uye iye akatanga kundinyorera.

· · · · · · ·

68 Takaramba tichiita basa rekududzira, apo, mumwedzi waitevera (Chivabvu, 1829), isu mune rimwe zuva takaenda murugwezha kunonamata nokubvunza kuna Ishe pamusoro aperubhabhatidzo brwekuregererwa kwezvivi, urwo rwatakawana rwuchitaurwa mukududzira mahwendefa. Tirimukuita kudaro tichinamata nokudaidza kuna Ishe, cmutumwa akabva kudenga akadzika ari dmugore rechiedza, uye mushure mekugadza emaoko ake patiri, fakatigadza achiti:

69 Pamuri vamwe vangu varanda, muzita raMesia, ndinokugadzai aHupirisita hwaAroni, uhwo hune kiyi dzekushumira kwengirozi, uye nezve vhangeri rekutendeuka, uye nerubhabhatidzo rwekunyikwa mumvura kubviswa zvivi; uye uhu hauchazotorwa zvakare kubva panyika kusvika vanakomana bvaRevi vapira zvakare mupiro kuna Ishe mukururama.

70 Akati Hupirisita hwaAroni uhu hauna simba rekugadza maoko kuti munhu awane achipo cheMweya Mutsvene, asi kuti izvi zvichapihwa kwatiri pamberi; uye akatiudza kuti tiende tinobhabhatidzwa, uye akatiraira kuti ndinofanira kubhabhatidza Oliver Cowdery, uye mushure iye azondibhabhatidza.

71 Nokudaro takaenda uye tikabhabhatidzwa. Ini ndakamubhabhatidza kutanga, uye mushure akandibhabhatidza—uye mushure mezvo ndakagadza maoko angu pamusoro pake uye ndikamugadza Hupirisita hwaAroni, uye mushure iye akagadza maoko ake pandiri uye akandigadza Hupirisita hwumwechetewo—nokuti ndizvo zvatanga taudzwa.*

72 Mutumwa akatishanyira panguva iyi uye akatipa Hupirisita uhu, akati zita rake ndiJohane, iyeyo mumwechete ainzi aJohane Mubapatidzi muTestamente Itsva, uye akati aita izvi arairwa bnaPetro, cJakobo dnaJohane, avo vakanga vaine ekiyi dzeHupirisita wa fMerkizedeki, huri Hupirisita akadaro, munguva yahwo huchapihwa kwavari, uye nokuti ini ndinofanira kudaidza kunzi gGosa rekutanga reChechi, uye iye (Oliver Cowdery) ove wechipiri. Raive zuva regumi neshanu remwedzi weChivabvu, 1829, iro ratakagadzwa pasi peruoko rwemutumwa uyu, uye tikabva tabhabhatidzwa.

73 Pakarepo tichibuda mumvura mushure mekunge tabhabhatidzwa, takaona maropafadzo makuru anobwinya kubva kuna Baba vedu Vekudenga. Ndichingo bhabhatidza Oliver Cowdery, Mweya aMutsvene uchibva wawira paari, uye akasimuka uye bakaporofita zvinhu zvizhinji izvo zvakange zvichizoitika muchinguva chidiki chaitevera. Uye zvakare, ndichangobhabhatidzwa naye, neniwo ndakave nemweya wehuporofita apo, ndichisimuka, ndakaporofita nezvekumuka kweChechi ino, nezvimwe zvinhu zvakawanda zviri maererano neChechi ino, nezvezvizvarwa zvino zvevana vevanhu. Takazadzwa neMweya Mutsvene, uye tikafara muna Mwari weruponeso rwedu.

74 Pfungwa dzedu zvino dzakajekeswa, takatanga kuona magwaro matsvene azarurwa kuti atianzwisise, nezvaanoreva bzvechokwadi nechinangwa chezvakanyanya kuvanzika zvidimbu zvemagwaro matsvene, zvakaratidzwa kwatiri nemutowo watakanga tisingagone kusvika kare, kana kuifunga hatina kunge tamboifunga. Kwenguva iyoyo takamanikidzwa kusataura zvakanga zvaitika kuti tizogashira Hupirisita, uye nokubhabhatidzwa kwatakanga taitwa, pamusana pemweya wekushungurudzwa uyo wakange wabuda wega munharaunda.

75 Taigara tichida kurwiswa nechikwata zvevanhu, nguva nenguva, uye izvozvi, nevadzidzisiwo vakuru vechitendero. Uye kuda kwavo kutirwisa nemhomho kwakatadziswa chete nokuda kwemhuri yababa vemukadzi wangu (nokuita kutsvene), avo vakanga vashamwaridzana neni, uye vakanga vasingade mhomho uye vachida kuti ndibvumirwe kuti ndirambe ndichiita basa rekududzira ndisingakanganiswe; uye nokudaro vakandipa uye vakativimbisa kutidzivirira kune zvose zvisiri mumutemo, sesimba ravaive naro.

  • Oliver Cowdery anotsanangura zvakaitika izvi achiti: “Aya aiva mazuva asingafe akakanganikwa—kugara pasi pekunzwa izwi raitaurirwa nekufemerwa kwedenga, kwakamutsa kutenda kukuru-kuru kwechipfuva chino! Zuva nezuva ndakarambandichishanda ndisingakanganiswe, ndichinyora zvaibva mumuromo wake, zvaaidudzira neUrimi neTumimi, kana kuti sekutaura kwemaNifai, ‘Vaturikiri’ nhoroondo kana zvinyorwa zvinonzi ‘Bhuku raMormoni.’

    “Kutaura kana nemazwi mashoma-shoma, nyaya inonakidza yakapihwa naMormoni nemwanakomana wake anotendeka, Moronai, yevanhu vaimbodiwa uye vachiitirwa zvakanaka nedenga, zvingatore zvandiri kufunga iye zvino; ndichamboisa parutivi iyezvino kuti ndigozoiita pane imwe nguva, uye sekutaura kwandaita muchisumo, pfuurira kune zvimwe zvakaitika zviri pedyo nokusimuka kweChechi ino, zvingave zvinganakidze kune zvimwe zviuru izvo zvakabuda pachena, mukati metsamwa dzevasingade kunzwa zvevamwe nenhema dzevanyengedzi, uye nokugamuchira Vhangeri raKristu.

    “Hapana munhu, ane pfungwa dzakanyatsogadzikama, aigona kududzira nekunyora mirairo yakapihwa kuna Nifai kubva pamuromo weMuponesi, nemutowo chaiyo wakafanira kuitwa nevanhu mukuvaka Chechi Yavo, uye kunyanya apo huori zvawakanga hwapararira uye nekusaziva kwezvinhu netsika dzaiitwa pakati pevanhu, pasina aida kuwana mukana wekuratidza chido chemwoyo nokuvigwa muguva remvura, kupindura pfungwa yakanaka nokumuka kuvakafa kwaJesu Kristu.’

    “Mushure mekunge nyaya yakapihwa pamusoro pemharidzo yeMuponesi kune vakasara vembeu yaJakobho, munyika ino zvakanga zviri nyore kuona, sekutaura kwakaita muporofita kuti zvichave, kuti rima rakaputira nyika uye rima rikanyanya rikaputira pfungwa dzevanhu. Pakufunga zvakare zvakanga zviri nyore kuona kuti pakati pekunetsana kukuru uye nemhere-mhere pamusoro pezvechitendero, hapana akanga aine mvumo kubva kunaMwari yekuita zvisungo zveVhangeri. Nokuti mubvunzo ungangobvunza vanhu vanemvumo here yekushanda muzita raKristu, vanoramba zvakazarurwa, ihwo uchapupu Hwavo husina kusiyana nemweya wehuporofita, uye kunamata Kwavo kuri maererano, kwakavakirwa uye nokutsigirwa nezvakazarurwa, zviri kuma zera ose enyika panguva dzose dzavanenge vaine vanhu pasi pano? Dai zvechokwadi izvi zvakavigwa, uye zvakanyatsofusirwa nevanhu avo basa ravo rainge raive mungozi kana zvainge zvazobuda pachena kuvanhu, nokuti zvainge zvisisina kuvanzika kwatiri; uye isu tainge tangomirira kuti tipihwe izwi rekuti ‘Simukai uye mubhabhatidzwe.’

    “Izvi hazvina kutora nguva huru zvisati zvaoneka. Ishe, avo vakapfuma mutsitsi, uye vari vanogara vachida kupindura munamato unogara uripo wevakazvininipisa, mushure mekunge tadaidza kwavari nokuchema nemutowo kwawo, kure nedzimba dzevanhu, vakabvuma kuisa pachena chido chavo kwatiri. Pakarepo, sekunge zvabva kokusingapere, izwi reMununuri rakataura runyararo kwatiri, apo chidzitiro chakambobviswa uye ngirozi yaMwari ikadzika yakashongedzwa nekubwinya, uye ikapa mashoko akange akatarisirwa zvikuru, uye nekiyi dzeVhangeri rekutendeuka. Mufaro here! chishamiso here! kushamisa here! Nyika ichitambudzwa nokurasiswa—zviuru nezviuru zvichitsvanzvadzira semapofu kutsvaka madziro, uye vanhu vose vakatsamira pane chavasingazive, uye takawanda kudaro, maziso edu akaona, nzeve dzedu dzikanzwa, ‘semukupisa kwezuva; hongu, zvakawanda—kupfuura kupenya kwezuva raChivabvu, iro rakabva raparadzira kupenya kwaro pamusoro penyika! Ipapo izwi rayo, kana dai zvazvo rakanga rakapfava, rakabaya kusvika pakati, uye mazwi ake, ‘Ndiri muranda mumwe wako,’ akabvisa kose kutya. Takateera, tikatarisa, takayeva! Raive izwi rengirozi yaibva mukubwinya, aive mashoko aibva kune Wepamusoro-soro! Uye zvatakanzwa takafara, apo rudo Rwake rwaibvira pamweya yedu, uye takaputirwa muchiratidzo chaSamasimba! Nzvimbo yekukahadzika yaivepi apa? Hapana; kusatendeseka kwakatiza, kukahadzika kwakanga kwanyura zvekusazobuda zvakare, kufungidzira nokunyengedza kwakanga kwatiza zvachose!

    “Asi, hama yangu inodiwa, funga, imbofunga zvakare kwechinguva kuti mufaroyi wakazadza mwoyo yedu, uye nokuti takashamiswa zvakadii zvekuti takapfugama, (nokuti ndiani angadai asina kupfugamira nebvi maropafadzo akadai?) apa patakagashira muruoko rwake Hupirisita Hutsvene iye achiti, ‘Pamuri varandabiyangu, muzita raMesia, ndinoisa Hupirisita uhu nemvumo iyi, izvo zvichagara panyika, kuti Vanakomana vaRevi vangapire mupiro kuna Ishe mukururama!’

    “Handichaedza kuratidza kwamuri zviri mumwoyo uno, kana runako rwehushe nekubwinya kwange kwakatikomberedza panguva ino; asi muchabvumirana neni pandichati, kuti nyika, kana vanhu, nokudzidzisa kwenguva, havagone kutanga kushongedza kutaura kwavo netsika inonakidza uye inotunha seyemunhu mutsvene uyu. Kwete; kana nyika ino haina simba rekupa mufaro kudzorera runyararo, kana kunzwisisa ungwaru hwakanga huri muchinyorwa cherega cherega zvaitaurwa nesimba reMweya Mutsvene! Munhu anganyengedze mumwe wake, kunyengedza kungatevere kunyengedza, uye vana vewakaipa vanogona kuve nesimba kufurira vakapusa nevasina kudzidziswa, kusvika hameno asi kuvazhinji, uye muchero wenhema unotakura nesimba rawo vakapusa kusvika kuguva; asi kubatwa kamwechete-chete nemumwe werudo rwake, hongu, muranzi mumwechete wekubwinya kubva iri pamusoro kana izwi rimwechete kubva mumuromo meMuponesi, kubva muchipfuva chekokusingapere, rinoita zvose kuti zvisave chinhu, uye nokuchidzima kubva mupfungwa zvachose. Ruzivo rwekuti takanga tiri pamberi pengirozi, chokwadi chekuti takanzwa izwi raJesu, uye nechokwadi chisina kusvibiswa zvachaibva mumunhu akachena, richidaidzirwa nekuda kwaMwari, kwandiri hazvitaurike, uye ndichagara ndichitarisa kuratidza uku kokunaka kwaMuponesi nokushamiswa uye nokutenda ndichiri kubvumirwa kugara ndiri mupenyu; uye mune idzo dzimba umo munogara zvakakwana uye musingauye chivi, ndinovimba kuti ndichayemura zuva iro risingazopera.”—Messenger and Advocate, (Mutumwa neMumiririri), chinyorwa chekutanga (Gumiguru 1834), mapeji 14–16.