Magwaro Matsvene
Chisumo


Chisumo

Dombo reMutengo Mukuru zvinyorwa zvakakoshesesa zvakasarudzwa zviri maererano nezvinhu zvakawanda zvinokosha zvechitendero nedzidziso yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Zvinhu izvi zvakaburitswa neMuporofita Joseph Smith uye zvikashambadzwa mumapepanhau eChechi emazuva ake.

Kuunganidzwa kwekutanga kwemagwaro akange akatakura zita rekunzi Dombo reMutengo Mukuru kwakaitwa muna 1851 naGosa Franklin D. Richards, akanga ari wenhengo yeDare revaneGumi neVaviri uye ari iye mutungamiri weHushumiri kumaBritish. Basa racho raive rekuita kuti kukurumidzwe kuwanikwa nyaya dzakakosha idzo dzakanga dzisingasvike kure panguva dzaJoseph Smith. Sekuwanda kwakanga kuchiita nhengo dzeChechi muEurope neAmerica, pakange pave nekuda kuti zvinhu izvi zvive zvinowanikwa. Dombo reMutengo Mukuru, rakashandiswa zvikuru, uye nokufamba kwenguva rakave bhuku dzvene nekuda kweHutungamiri Hwekutanga muchechi mukuru wevazhinji muSalt Lake City musi wa10 Gumiguru 1880.

Kudzokorora kwakawanda kwakaitwa kuzvinhu zvakanyorwa nokuda kwezvinodiwa neChechi. Muna 1878 zvikamu zveBhuku raMosesi zvakange zvisimo mubhuku rekutanga zvakawedzerwa. Muna 1902 zvimwe zvikamu zveDombo reMutengo Mukuru zvaidzokorora zvinhu zvakashambadzwawo muDzidziso neZvibvumirano, zvakasiiwa. Kurongwa muzvitsauko nendima, nezvikutsigiro, zvakaitwa muna 1902. Kushambadzwa kwekutanga mumapeji akanyorwa uku nekuku, nemunongedzo, kwaive muna 1921. Hakuna zvimwe zvakazoshandurwazve kudakara munaKubvumbi 1976, apo pakawedzerwa zvakazarurwa zviviri. Muna 1979 zviviri izvi zvakabviswa mu Dombo reMutengo Mukuru uye zvikaiswa muDzidziso neZvibvumirano, umo mazviri seChikamu 137 ne138. Mune zvinyorwa zvazvino kumwe kushandurwa kwakaitwa kuitira kuunza zvinyorwa mukupindirana nemagwaro ekutanga.

Zvinotevera chisumo Chidiki-diki kune zviri mukati:

  • Zvakasarudzwa kubva muBhuku raMosesi. Zvakatorwa mubhuku raGenesi redudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri yakatanga muna Chikumi 1830 (History of the Church [Nhoroondo yeChechi], 1:98–101; 131–139).

  • Bhuku raAbrahama. Zvakadudzirwa kubva pazvinyorwa zvechiEgipita zvakanyorwa patsanga izvo zvakauya mumaoko aJoseph Smith muna 1835, zviine zvinyorwa zvatateguru Abrahama. Kududzira uku kwakaburitswa zvidimbu zvidimbu mugwaro rainzi Times and Seasons (Nguva neMwaka) kutanga musi wa1 Kurume 1842, paNauvoo, Illinois. (History of the Church, 4:519–534.)

  • Joseph Smith—Mateo. Zvakabviswa muuchapupu hwaMateo huri mududziro yaJoseph Smith yeBhaibheri (ona Dzidziso neZvibvumirano 45:60–61 yemurairo mutsvene kuti Kududzira kweTestamente Itsva kutange).

  • Nhoroondo—yaJoseph Smith. Zvakabviswa kuuchapupu hwaJoseph Smith nenhoroondo yake, izvo zvaakagadzira muna 1838, uye huri hwakashambadzwa muzvidimbu mugwaro rainzi Times and Seasons muNauvoo, Illinois, kutanga musi wa15 Kurume 1842 (History of the Church, 1:1–44, kuwana nhoroondo yakazara).

  • Misimboti yeChitendero yeChechi yaJesu Kristi yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Mazwi aJoseph Smith akashambadzwa mugwaro rainzi Times and Seasons musi wa1 Kurume 1842, pamwechete nenhoroondo pfupi yeChechi iyo yaizivikanwa zvikuru seTsamba yaWentworth (History of the Church, 4:535–541).