Magwaro Matsvene
Aruma 28


Chitsauko 28

MaRamani anokundwa muhondo yakaoma—Makumi ezviuru vanouraiwa—Vakaipa vachaiswa mudambudziko risingaperi; vakarurama vanowana kufara kusingagume. Zvingangove makore 77 kusvika ku76 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge vanhu vaAmoni vagadzwa munyika ayeJeshoni, uye maiswawo chechi munyika yeJeshoni, uye mauto emaNifai adyarwa-dyarwa munyika yeJeshoni, hongu, kumuganhu yose yenyika yeZarahemura; tarisai mauto emaRamani akanga atevera hama dzavo murenje.

2 Uye nokudaro pakave nehondo yakaoma kwazvo; hongu, hakuna kumbenge kwakaita hondo yakadaro yakambozivikanwa kana kuonekwa nevanhu venyika iyi kubvira panguva yakabva Rihai kuJerusarema; hongu, uye makumi ezviuru zvamaRamani akauraiwa uye vakapararira kune dzimwe nzvimbo.

3 Hongu, uye kwakabaiwawo vazhinji mukati memaNifai; zvakadaro, maRamani aakatinhwa akaita barara-mwanda, uye vanhu vaNifai vakadzokera zvakare kunyika yavo.

4 Uye zvino iyi yaive nguva yakanga iine kuchema nekuwuwura kukuru kwakanzwikwa munyika yose, mukati mevanhu vose vaNifai—

5 Hongu, kuchema kweshirikadzi dzaichemera varume vadzo, nekwemadzibaba aichemera vanakomana vavo, uye mwanasikana achichemera hanzvadzi, hongu, hanzvadzikomana ichichemera baba; saka kuchema kwakanzwikwa mukati mavo vose, vachichemera hama dzavo dzakanga dzabaiwa.

6 Uye zvino chokwadi iri raive zuva rizere nokusuwa; hongu, nguva yekudumbirwa, uye nguva ayekutsanya kwakanyanya nekunamata.

7 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechigumi nemashanu rekutonga kwevatongi muvanhu vaNifai;

8 Uye ndirwo rungano rwaAmoni nehama dzake, nzendo dzavo munyika yaNifai, kutambudzika kwavo munyika umu, kusuwa kwavo, nokurwadziswa kwavo, norufaro rwavo arwusinganzwisisike, nokutambirwa nokuchengetedzwa kwehama munyika yaJeshoni. Uye zvino Ishe, Mununuri wevanhu vose, vangaropafadze mweya yavo nokusingaperi.

9 Uye urwu rwungano rwehondo nokupesana mukati memaNifai, nehondo pakati pemaNifai nemaRamani; negore rechigumi nemashanu rekutonga kwevatongi kupera kwaro.

10 Uye kubvira gore rekutanga kusvika kugore rechigumi nemashanu kwakauya kuparadzwa kweupenyu hwezviuru nezviuru; hongu, kwakaunza kuitika kwekuona kudeuka kweropa.

11 Uye mitumbi yezviuru zvakawanda yakarinzwa muvhu, mimwe mitumbi yezviuru zvizhinji iri akuora yakaturikidzaniswa pamusoro penyika; hongu, uye zviuru zvizhinji zviri bkuchema nokurasikirwa kwavakaitwa nehama dzavo, nokuti vane chikonzero chekuti vave vanotya, maererano nezvakavimbiswa naIshe, kuti vakaiswa munhamo isina magumo.

12 Zviuru nezviuru zvevamwe zvichichema kurasikirwa nehama dzavo, asi vanofara uye vachisimudzirwa mukutarisira, uye vanotoziva, maererano anevimbiso dzaIshe, kuti vanosimudzwa kuti vagare kuruoko rwerudyi rwaMwari, vari murufaro rwusingaperi.

13 Uye ndiko kuona kwatinoita akusaenzana kwemunhu kukuru kunokonzerwa nechitema nokutadza, nesimba radhiabhorosi, rinouya bnemazano ekunyengedza raakaita kuteya mwoyo yevanhu.

14 Uye saka tinoona kudaidzwa kukuru kwekuti tibate zvine simba amubindu reminzabviringa raIshe; uye saka tinoona chikonzero chikuru chekusuwa, nechokufarawo—kusuwa nenzira yekufa nekuparadzwa kuri muvanhu, nerufaro nenzira byechiedza chaKristu muupenyu.