Magwaro Matsvene
Aruma 13


Chitsauko 13

Varume vanodaidzwa kuti vave vapirisita vepamusoro nenzira yerutendo rwavo rwakawanda nemabasa akanaka—Vanonzi vadzidzise mirairo—Kuburikidza nekururama vanoitwa kuti vave vatsvene uye vopinda muzororo raIshe—Merkizedeki aive mumwe weava—Ngirozi dziri kutaura mashoko akanaka munyika yose—Dzichaburitsa pachena kuuya chaiko kwaKristu. Zvingangove makore 82 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakare hama dzangu, ndinoisa pfungwa dzenyu kunguva Ishe Mwari yavakapa mirairo iyi kuvana vake; uye ndinoti dai marangarira kuti Ishe Mwari avakagadza vapirisita, muhurongwa hwavo hutsvene, hwakange huri hurongwa hweMwanakomana wake, kuti vadzidzise zvinhu izvi kuvanhu.

2 Uye vapirisita ava vakagadzwa maererano nemitemo ayehurongwa hweMwanakomana wake, bnenzira inoita kuti vanhu vazive kuti vangatarisire netsika ipi kuMwanakomana kuti vanunurwe.

3 Uye iyi ndiyo nzira yavaigadzwa nayo—avachidaidzwa uye bvachigadzirirwa kubvira cmukutanga kwenyika maererano dnokufanoziva kwaMwari, pamusoro perutendo rwavo rwakawanda nemabasa avo akanaka; pakutanga vachisiiwa kuti evasarudze zvakanaka kana zvakaipa; naizvozvo ivo vasarudza zvakanaka, uye vachiratidza frutendo rwakawanda zvikuru, gvanodaidzwa nokudaidzwa kutsvene, hongu, nekudaidzwa kutsvene kuya kwakagadzirwa, nezviri maererano nehurongwa hwerununuro rwevakadaro.

4 Uye ndiko akudaidzwa kwavakaitwa mukudaidzwa uku kutsvene pamusana perutendo rwavo, vamwe vachiramba Mweya waMwari pamusana pekuoma kwemwoyo yavo neupofu hwepfungwa dzavo, zvekuti, dai pakanga pasina izvi vangadaro vakave bnepundutso yakaenzana nehama dzavo.

5 Kana muchidimbu, munzvimbo yekutanga vakanga avakaenzana nehama dzavo; naizvozvo basa dzvene iri ririkugadzirirwa kubvira pakutanga kwenyika kuitira avo vasingaomese mwoyo yavo, vari mukati mekudzikinurwa naiye ega Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, akagadzirirwa—

6 Uye naizvozvo arikudaidzwa kubasa dzvene iri, nokugadzwa hupirisita hwepamusoro hwehurongwa hutsvene hwaMwari, kuti adzidzise mirairo yake kuvana vevanhu, kuti naivowo vagopinda amuzororo ravo—

7 Hupirisita hwepamusoro uhwu huri maererano nehwechikwata cheMwanakomana wavo, chiri chikwata chakange chiripo kubvira pahwaro hwenyika; kana kuti nemamwe mazwi, chiri achisina pakatangira mazuva kana pakaperera makore, chiri chakagadzirirwa kubva nokusingaperi kusvika nokusingaperi kwose, maererano nokufanoziva bkwake zviri mberi muzvinhu zvose—

8 Zvino ndiyo tsika ayavaigadzwa nayo—vachidaidzwa nokudaidzwa kutsvene, uye vachigadzwa mubasa dzvene, uye vachitora hupirisita hwepamusoro hwechikwata chitsvene, kuri kudaidzwa, nebasa, nehupirisita hwepamusoro, zvisina kwekutanga kana magumo—

9 Ndiko kuita kwavanobva vave avapirisita vepamusoro zvachose, mugungano reMwanakomana, Mumwechete Akaberekwa waBaba, asina pakatangira mazuva kana panoperera makore, azere bnenyasha, nekuenzanisa, nechokwadi. Uye ndizvo zvazviri. Ameni.

10 Zvino, sekutaura kwandaita maererano negungano dzvene, kana hupirisita uhwu ahwepamusoro, kune vazhinji vakagadzwa uye vakave vapirisita vepamusoro vaMwari; uye zvakange zviri zvaikonzera nerutendo rwavo rwakawanda bnokutendeuka kwavo, nokururuma kwavo pamberi paMwari, ivo vari vakasarudza kutendeuka nokushandira kururama pane kuti vafe;

11 Naizvozvo vakanga vakadaidzwa mugungano dzvene iri, uye avakatsveneswa, uye bnhumbi dzavo dzikasukwa dzikachena kuburikidza neropa reGwayana.

12 Zvino ivo, mushure amekutsveneswa bneMweya Mutsvene, nhumbi dzavo dzaitwa chena, uye vari cvakachena vasina kavara pamberi paMwari, havaikwanisa kutarisa dchitadzo evasingashore; uye kwakange kuine vazhinji, vakawanda chaizvo, vakaitwa vachena uye vakapinda muzororo raIshe Mwari vavo.

13 Uye zvino hama dzangu, ndinoti dai mazvirereka pamberi paMwari, uye muunze amichero yakafanira kutendeuka, kuti nemiwo mupinde muzororo iroro.

14 Hongu, zvirerekei kana kufanana nevanhu vemumazuva aaMerkizedeki, akange ariwo mupirisita wepamusoro mugungano iri randambotaura, akatora hupirisita hwepamusoro uhwu zvachose.

15 Uye ndiyeyu Merkizedeki mumwecheteyo, kwaibvisirwa chegumi anaAbrahama; hongu, kana baba vedu Abrahama vaibvisa bchegumi chavo chezvinhu zvose zvavaive nazvo.

16 Zvino uku ndiko kupiwa kwaiitwa azvisungo izvo, kuti vanhu naizvozvo vatarisire kuMwanakomana waMwari, zviri zviratidzo zvehurongwa hwake, hukuru bchimiro chehurongwa hwake izvi zviri zvekuti vatarisire kwaari kuti varegererwe zvitadzo zvavo, kuti zvimwe vangapinde muzororo raIshe.

17 Zvino Merkizedeki uyu aive mambo wenyika yeSaremi; uye vanhu vake vakange vasimba zvikuru muzvitadzo nemukukanganisa; hongu, vose vakanga varasika; vakange vazere nehuipi hwose-hwose;

18 Asi Merkizedeki ari munhu airatidza rutendo rukuru, uye akatambira hupirisita hwepamusoro maererano nehurongwa ahutsvene hwaMwari, aiparidza rutendeuko kuvanhu vake. Uye tarisai, vakatendeuka; uye Merkizedeki akadzika runyararo munyika mumazuva ake; saka akadaidzwa kuti jinda rerunyararo, nokuti akange ari mambo weSaremi; uye aitonga ari pasi pababa vake.

19 Zvino kwaive anevakawanda iye asati avepo, uye kwaive nevakawanda mushure make, asi bhapana aive mukuru kupfuura iye; naizvozvo, iye akanyanya kutaura nezvake.

20 Zvino handifanire kudzokerera nyaya iyi; zvandataura zvakakwana. Tarisai, amagwaro matsvene ari pamberi penyu; bmukarwisana nawo munenge mave kutozviparadza pachenyu.

21 Uye zvino zvakaitika kuti Aruma paakanga ataura mazwi aya kwavari, akatambanudzira ruoko rwake kwavari akachema nezwi guru, achiti: Ino ndiyo nguva ayekutendeuka, nokuti zuva reruponeso rave kuswedera pedyo.

22 Hongu izwi raIshe, anemiromo yengirozi; rinodaidzira kumarudzi ose, hongu, rinodaidzira, kuti vawane mashoko akanaka nerufaro rukuru; hongu, uye vanodaidzira mashoko akanaka aya mukati mevanhu vavo vose, hongu, kana kune avo vakapararira nenyika; nokudaro vauya kwatiri.

23 Uye zvakaziviswa kwatiri zviri apachena, kuti tinzwisise, kuti tisakanganise; izvi nenzira yokuti tiri bvafambi munyika yevatorwa; naizvozvo, takadiwa zvikuru, nokuti mashoko anofadza aya akataurwa kwatiri mumativi ose emunda wedu wemizambiringa.

24 Nokuti tarisai, angirozi dziri kutaurira vazhinji munguva ino munyika medu; uye izvi zviri zvekugadziridza mwoyo yevana vevanhu kuti vatambire shoko ravo panguva yaachauya mukubwinya kwake.

25 Uye zvino tangomirira chete kunzwa nhau dzinorufaro dzichiudzwa kwatiri nemiromo yengirozi, dzekuuya kwavo; nokuti nguva iri kuuya, ahatizive kuti ndiriini. Dai Mwari vaita kuti zvive ndichiri mupenyu; asi zvive zvino kana imwe nguva, mazviri ndichapembera.

26 Uye zvichaziviswa kune avakarurama uye vatsvene, nemiromo yengirozi, panguva yekuuya kwake, kuti mazwi emadzibaba edu azadzikiswe, maererano nezvavakataura pamusoro pake, zvakange zviri maererano nechiporofita chaive mavari.

27 Uye zvino, hama dzangu, andinodisa nemwoyo wangu wose, hongu, neshungu huru dzinotorwadza, kuti dai mateerera kumazwi angu, uye murase zvitema zvenyu, uye musaverengere zuva rekutendeuka kwenyu;

28 Asi kuti muzvirereke pamberi paIshe, uye mudaidze zita ravo dzvene, uye amutarisire uye murambe muchinamata, kuti bmusaedzwe kudarika zvamunogona kukunda, uye kuti mutungamirwe neMweya Mutsvene, muchizvirereka, cmakapfava, muchibvuma, makatsiga, muzere nerudo nokushivirira.

29 aMuine rutendo munaIshe; muine tariro yokuti muchagashira upenyu hwokusingaperi; muine brudo rwaMwari mumwoyo yenyu nguva dzose, kuti mugozosimudzwa musi wekupedzisira uye mugopinda cmuzororo ravo.

30 Uye Ishe vakupei rutendeuko, kuti musaunze kushatirwa kwavo pamusoro penyu, kuti musasungwe nengetani adzegehena, kuti musazofa brufu rwepiri.

31 Uye Aruma akataura mamwe mazwi akawanda kuvanhu, asina kunyorwa mubhuku rino.