Magwaro Matsvene
Aruma 32


Chitsauko 32

Aruma anodzidzisa varombo avo vakanga vakapfava nenzira yenhamo dzavo—Rutendo itarisiro yeicho chatisingakwanise kuona asi chiri chokwadi—Aruma anopupura kuti ngirozi dzinoparidza kuvarume, vakadzi, navana—Aruma anofananidza shoko nembeu—Inofanira kudyarwa nokuiswa mupfudze—Yozokura kuva muti umo munozotanhwa muchero woupenyu hwokusingaperi. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti vakaenda, vakatangisa kuparidza shoko raMwari kuvanhu, vachipinda mumasinagogo avo, nomudzimba dzavo; hongu, uye vaiparidza shoko kunyange mumigwagwa yavo.

2 Uye zvakaitika kuti shure kwokuita basa rakati kuti pakati pavo, vakatangisa kubudirira pakati pavanhu avarombo; nokuti tarisai, vaitandirwa kunze kwemasinagogo nokuda kwekusatsvinda kwezvipfeko zvavo—

3 Naizvozvo vakanga vasingabvumidzwe kupinda mumasinagogo avo kuti vanamate Mwari, vachionekwa savanhu vane tsvina; naizvozvo vaiva varombo; hongu, vaionekwa nehama dzavo semarara; naizvozvo vakanga vari avarombo kuzvinhu zvose zvenyika; uyewo vakanga vari varombo mumwoyo.

4 Zvino, apo Aruma aidzidzisa nokutaura kuvanhu pagomo rainzi Onaidha, kwakauya mhomho huru kwaari, vaiva avo veavo vatanga tichitaura nezvavo, avo vakanga vari avarombo mumwoyo, pamusana pokushaya kwavo zvinhu zvenyika.

5 Uye vakauya kuna Aruma; uyo akanga ari pamberi pavo vose akati kwaari: Tarisai, idzi hama dzangu adzichaitei, nokuti dziri kushorwa navanhu vose pamusana pokushaya kwavo, hongu, kunyanya navapirisita vedu; nokuti bvakatitandanisa mumasinagogo atakavaka nemaoko edu; uye vakatikanda kunze pamusana pokushaya kwedu kukuru; saka hatina nzvimbo yokunamatira Mwari vedu; uye tarisai, tichaita csei?

6 Uye zvino apo Aruma akanzwa izvi, akatendeuka kwaari, chiso chake chakamutarisa, akaona nokufara kukuru; nokuti akaona kuti zvechokwadi amatambudziko avo akanga bavaninipisa, uye kuti vakanga cvagadzirira kunzwa shoko.

7 Naizvozvo haana kuzotaura zvakawanda kune rumwe ruzhinji, asi akatambanudza ruoko rwake, akachema kune avo vaakanga akatarisa, vakanga vakasuwa zvechokwadi, akati izvo kwavari.

8 Ndaona kuti amakazvininipisa pamwoyo; kana zvakadaro, makakomborerwa imi.

9 Tarisai mumwe wenyu ati, Ko zvino tichaita sei?—nokuti takatandaniswa kumasinagogo edu, kuti tisanamata Mwari vedu.

10 Tarisai ndinoti kwamuri, munofunga here kuti amunonamata Mwari kana muri mumasinagogo enyu chete?

11 Zve zvakare, ndingakubvunzei, kuti munofunga here kuti hamunganamate Mwari kunze kwekamwechete pasvondo?

12 Ndinoti kwamuri, zvakanaka kuti makatandaniswa kumasinagogo enyu, kuti muzvininipise, uye kuti mudzidze ungwaru; nokuti zvakafanira kuti mudzidze aungwaru; nokuti ndicho chikonzero muri kukandwa kunze, nokuti muri kushorwa nehama dzenyu nokuda bkwehurombo hwenyu hukuru, kuti maunzwa pakuzvininipisa kwemwoyo; nokuti zvakafanira kuti muunzwe pakuzvininipisa.

13 Uye zvino, nokuti mamanikidzwa kuti muzvininipise makomborerwa; nokuti munhu pane dzimwe nguva, kana amanikidzwa kuzvininipisa, anotsvaka kutendeuka; uye zvino zvechokwadi, uyo wose anotendeuka achawana tsitsi; uye uyo anowana tsitsi aachishinga kusvika kumagumo iyeye achaponeswa.

14 Uye zvino, sezvandataura kwamuri, nokuti makamanikidzwa kuti muve munozvininipisa makakomborerwa, ko hamufunge here kuti vanofanirwa kunge vakakomborerwa zvikuru avo vanozvininipisa zvechokwadi nenzira yeshoko?

15 Hongu, uyo anozvininipisa zvechokwadi, achitendeuka kubva pazvivi zvake, achishingirira kusvika kumagumo, iyeye achakomborerwa—hongu, achakomborerwa kupfuura avo vanozvininipisa nenzira yeurombo hwavo.

16 Naizvozvo, vakakomborerwa avo avanozvininipisa vasina kumanikidzwa kuti vazvininipise; kana kuti, namamwe mazwi, akakomborerwa uyo anotenda kushoko raMwari, uye achibhabhatidzwa asina musikanzwa pamwoyo, hongu, uye asati aunzwa pakuziva shoko, kana kumanikidzwa kuti azive, asati atenda.

17 Hongu, vakawanda avo vanoti: Kana mukatiratidza achiratidzo kubva kudenga, ndipo patichaziva zvechokwadi; uye tozotenda.

18 Zvino ndinobvunza, uku ndiko kutenda here? Tarisai, ndinoti kwamuri, Kwete; nokuti kana munhu achiziva chinhu haana chikonzero achokutenda, nokuti anochiziva.

19 Uye zvino, anotukwa zvakadii uyo aanoziva zvinoda Mwari asi asingazviite, pane uyo anotenda, kana kuti uyo anechikonzero chete chekutenda, uye owira mukutadza?

20 Zvino pachinhu ichi munofanira kutonga. Tarisai, ndinoti kwamuri, zviri kuruoko rwumwechete sezvazviri kune rumwe; uye zvichazove kumunhu wose maererano namabasa ake.

21 Uye zvino sekutaura kwandaita maererano nokutenda—akutenda hakuzi kuva noruzivo chairwo rwezvinhu; naizvozvo kana mune kutenda bmunotarisira zvinhu czvamusingaone, asi zviri zvechokwadi.

22 Uye zvino, tarisai, ndinoti kwamuri, ndinoda murangarire, kuti Mwari vane tsitsi kune vose vanotenda muzita ravo; naizvozvo vanoda, chokutanga, kuti mutende, hongu, kutenda shoko ravo.

23 Uye zvino, vanotumira shoko ravo kuvanhu nengirozi, hongu, akwete kuvarume chete asi kuti nokuvakadziwo. Zvino izvi hazvisizvo chete; bvana vaduku vanopiwa mazwi panguva dzakawanda, ayo anonyadzisa vakachenjera nevakadzidza.

24 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, sezvo mada kundiziva muchaita sei sezvo muri kurwadziswa nokurasirwa kunze—zvino handidi kuti muve munofunga kuti ndave kukutongai maererano neizvo chete zvinova zviri zvechokwadi—

25 Nokuti handirevi kuti imi mose makamanikidzwa kuti muzvininipise; nokuti zvirokwazvo ndinotenda kuti pane vamwe pakati penyu vanozvininipisa, nyangwe pari papi pavangave.

26 Zvino, sezvandakataura maererano nokutenda—kuti rwakanga rwusiri ruzivo chairwo—nemazwi angu akadarowo. Hamungazive chokwadi chawo pakutanga, kupfuura kuziva kuti kutenda ruzivo chairwo.

27 Asi tarisai, kana mukange mamuka nokusimudzira pfungwa dzenyu, kunyange nokuedza mazwi angu, nokuita chimedu chokutenda, hongu, kunyange amukada zvenyu kusada kutenda, itai kuti chido ichi chishande mamuri, kunyange kusvikira matenda kuti mupe nzvimbo kune mamwe emazwi angu.

28 Zvino, tichaenzanisa shoko anembeu. Zvino, kana muchinge mapa nzvimbo, kuti bmbeu idyarwe cmumwoyo yenyu, tarisai, kana iri mbeu yechokwadi, kana kuti mbeu yakanaka, kana musingairasire kunze dnokusatenda kwenyu, kuti muchiramba Mweya waIshe, tarisai, inotangisa kuzvimba muzvipfuva zvenyu; uye kana monzwa kuzvimba uku, muchatanga kuti pachenyu—Iyi inofanirwa kunge iri mbeu yakanaka, kana kuti shoko racho rakanaka, nokuti inotanga kukudza mweya wangu; hongu, inotangisa kujekesa ekunzwisisa kwangu, hongu, inotangisa kutapira zvikuru kwandiri.

29 Zvino tarisai, izvi hazvingapamhidzire kutenda kwenyu here? Ndinoti kwamuri, Hongu; zvisinei hazvo haruna kusvika pakuve ruzivo chairwo.

30 Asi tarisai, mbeu zvainofuta, uye, nokutungira, yotangisa kukura, zvino makafanira kuti iyi imbeu yakanaka; nokuti tarisai inofuta, nokutungira, nokutangisa kukura. Uye zvino, tarisai, hazvizosimbise rutendo rwenyu here? Hongu, zvichasimbisa kutenda kwenyu: nokuti muchati ndinoziva kuti iyi imbeu yakanaka; nokuti tarisai yatungira ikatanga kukura.

31 Uye zvino, tarisai, mune chokwadi here kuti iyi imbeu yakanaka? Ndinoti kwamuri, Hongu; nokuti mbeu imwe neimwe inounza azvakafanana nayo.

32 Naizvozvo, kana mbeu ikakura yakanaka, asi ikarega kukura, tarisai, haina kunaka, naizvozvo inorasirwa kunze.

33 Uye zvino tarisai, nokuti makaedza zvinhu izvi, mukadyara mbeu, uye ikafuta nokutungira, ikatangisa kukura, munofanira kuziva kuti imbeu yakanaka.

34 Uye zvino, tarisai, aruzivo rwenyu ndirwo chairwo here? Hongu, ruzivo rwenyu ndirwo chairwo muchinhu ichocho, bkutenda kwenyu kwakakotsira; uye izvi nokuti munoziva, nokuti munoziva kuti shoko rakafuta mumweya yenyu, uye munozivawo kuti rakatungira, uye kuti kunzwisisa kwenyu kunotangisa kujekeswa, uye cpfungwa dzenyu dzinotanga kukura.

35 Ko zvino, ichi hachisi chokwadi here? Ndinoti kwamuri, Hongu, nokuti ichi achiedza; uye chose chiri chiedza chakanaka, nokuti chinoonekwa; naizvozvo munofanira kuziva kuti chakanaka; zvino tarisai, kana muchinge maedza chiedza ichi ruzivo rwenyu rwave chairwo here?

36 Tarisai ndinoti kwamuri, Kwete; zve hamufanire kuisa parutivi kutenda kwenyu, nokuti maratidza kutenda kwenyu nokudyara mbeu sokuedza kuti muzive kuti mbeu yakanaka here.

37 Uye tarisai, muti zvauchatanga kukura muchati: Ngatiuchengetedze zvakanaka, kuti uite midzi, uye kuti ukure, uye utiunzire michero. Uye zvino tarisai, kana mukauchengetedza zvakakwana unoita midzi, nokukura, nokubereka michero.

38 Asi amukarega kuuchengetedza, musina hanya nezvaunoda, tarisai hauzoita midzi; uye kana kupisa kwezuva kwauya kunoupisa, zve nokushaya midzi unosvava, imi moudzura mourasira kunze.

39 Zvino, hazvirevi kuti mbeu iyi yange isina kunaka, kana kuti muchero wacho hawaidiwa; asi pamusana pekuti aivhu renyu harina chinhu, uye hamuzopi zvokudya kumuti, naizvozvo hamuzowana michero yawo.

40 Uye ndizvo, kana mukasachengetedza shoko, muchitarisira neziso rokutenda kumuchero wacho, hamuchazokwanisi kutanha muchero awomuti woupenyu.

41 Asi kana mukachengetedza shoko, hongu, nokupa muti kudya apo unenge wave kutangisa kukura, nokutenda kwenyu nesimba rose, anokutirira, muchitarisira kumuchero, uchava nomudzi; tarisai uchazova muti buchakura nokuva muti woupenyu husingaperi.

42 Uye nokuda akwokusimba kwenyu nokutenda kwenyu mukupfavirira nokuchengetedza shoko, kuti ritore midzi mamuri, tarisai mukufamba kwenguva muchatemha bmichero, inova yakakoshesesa, iyo inotapira kupfuura zvinhu zvose zvinotapira, yakachena kupfuura zvinhu zvose zvakachena, hongu, nokururama kupfuura zvinhu zvose zvakarurama; uye muchadya muchero uyu kusvikira mazadzwa, kuti musazova nenzara, kana kuva nenyota.

43 Zvino, hama dzangu, muchakohwa mibairo yokutenda kwenyu, nokusimba kwenyu, nokupfavirira kwenyu, nemwoyo murefu, muchimirira muti kuti ukupei zvibereko.