Magwaro Matsvene
Aruma 33


Chitsauko 33

Zenosi akadzidzisa kuti vanhu vanofanira kunamata nekurumbidza munzvimbo dzose uye nokutiwo kutongwa kunobviswa pamusana peMwanakomana—Zenoki aidzidzisa kuti tsitsi dzinoitwa nenzira yeMwanakomana—Mosesi akanga asimudza murenje chainge Mwanakomana waMwari. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino mushure mekunge Aruma ataura mazwi aya, vakatumira kwaari vachida kuudzwa kuti vangadaire muna Mwari avamwechete, kuti vawane muchero uyu waakanga ataura, kana kuti vangadyare sei bmbeu iyi, kana shoko raakanga ataura, raakati rakafanira kudyarwa mumwoyo yavo; kana tsika yavangatange nayo kushandisa rutendo rwavo.

2 Uye Aruma akati kwavari: Tarisai, makati ahamaikwanisa kunamata Mwari wenyu nokuti makabviswa mumasinagogo enyu. Asi tarisai, ndinoti kwamuri, kana muchifunga kuti hamunganamate Mwari, muri kukanganisa zvikuru, uye makafanira kunzvera bmagwaro matsvene; kana muchifunga kuti izvi ndizvo zvaakakudzidzisai, hamuanzwisise.

3 Munorangarira here muchiverenga zvakataurwa anaZenosi, muporofita wepasichigare, maererano nokunamata kana bkurumbidza?

4 Nokuti akati: Imi mune tsitsi, Mwari, nokuti makanzwa munamato wangu, kana zvandakange ndiri murenje; hongu, makanga muzere netsitsi pandakanamata pamusoro pevakanga vari avavengi vangu, uye imi mukavatendeudzira kwandiri.

5 Hongu Mwari, uye makanga muzere netsitsi kwandiri zvandaichema kwamuri ndiri amumunda mangu; zvandakachema kwamuri mumunamato wangu, uye makandinzwa.

6 Uye zvakare Mwari, zvandakaenda kumba kwangu makandinzwa mumunamato wangu.

7 Uye pandakapinda amukamba kangu kemukati, Ishe, uye ndikanamata kwamuri, makandinzwa.

8 Hongu, imi muzere netsitsi kuvana venyu kana vachinge vachema kwamuri, kuti vanzwikwe nemi kwete nevanhu, uye imi munozovanzwa.

9 Hongu Mwari, makazadzwa netsitsi pamusoro pangu, uye mukanzwa kuchema kwangu pakati pemakungano enyu.

10 Hongu, uye makandinzwawo andaraswa nokushorwa nevavengi vangu; hongu, makanzwa kuchema kwangu, uye mukashatirirwa vavengi vangu, uye mukavaranga mukushatirwa kwenyu nekuvaparadza nokukurumidza.

11 Uye makandinzwa pamusana pematambudziko angu nekumira pachokwadi kwangu; uye zviri zvakonzerwa neMwanakomana wenyu kuti muve netsitsi dzakadaro kwandiri, naizvozvo ndichachema kwamuri mumatambudziko angu ose, nokuti mamuri ndimo mune rufaro rwangu; nokuti makabvisa kwandiri kunditonga kwenyu, nenzira yeMwanakomana wenyu.

12 Uye zvino Aruma akati kwavari: Munoatenda here iwayo amagwaro matsvene akanyorwa nevechinyakare?

13 Tarisai, kana muchiatenda, makafanira kutenda zvakataurwa anaZenosi; nokuti, tarisai akati: Mabvisa kunditonga kwenyu nenzira yeMwanakomana wenyu.

14 Zvino tarisai, hama dzangu, ndinobvunza kuti makaverenga magwaro here? Kana makaverenga, munotadza sei kutenda muMwanakomana waMwari?

15 Nokuti ahazvina kunyorwa kuti Zenosi ega ndiye akataura nezvezvinhu izvi, asi kana bZenoki akataurawo pamusoro pezvinhu izvi—

16 Nokuti tarisai, akati: Mashatirwa Ishe, nevanhu ava, nokuti havanzwisise tsitsi dzenyu dzamakavaitira nenzira yeMwanakomana wenyu.

17 Uye zvino, hama dzangu, munoona kuti muporofita wepasichigare wechipiri apupura nezveMwanakomana waMwari, uye nenzira yekuti vanhu havana kunzwisisa mazwi ake avakamutema nematombo akafa.

18 Asi tarisai, izvi hazvizizvo zvose; ava havazivo vega vakataura zviri maererano neMwanakomana waMwari.

19 Tarisai, akataurwa nezvake anaMosesi; hongu, uye bchiratidzo chacho cchakasimudzwa murenje, kuti ani zvake aichitarisa aipona. Uye vazhinji vakatarisa vakapona.

20 Asi vashoma vakazvinzwisisa zvazvaireva zvinhu, uye izvi zvichikonzerwa neukukutu hwemwoyo yavo. Asi kwaive nevazhinji vakanga vakaoma zvekuti havana kumbotarisa, naizvozvo vakafa. Zvino chikonzero chakaita kuti vasatarise ndechekuti vakanga vasingatende kuti achaizovarapa.

21 Hama dzangu, dai maiponeswa nekungokanda maziso enyu chete kuti muponeswe, hamaizviita nokukurumidza here, kana kuti maiomesa mwoyo yenyu nokusatenda, uye moita nungo, zvekuti hamaizokanda kanda maziso enyu, zvekuti maifa?

22 Kana zvakadaro, nhamo ichauya kwamuri: asi kana zvisiri izvo, saka kandai-kandai maziso enyu amutange kutenda muMwanakomana waMwari, kuti achauya kuzonunura vanhu vake, uye nekuti achatambudzika agofa kuti badzikinure zvitema zvavo; uye nokuti cachamuka zvakare kuvakafa, zvichaita kuti kuite dkumuka kwevakafa, kuti vanhu vose vachamira pamberi pake, kuti vatongwe muzuva rekupedzisira rekutongwa, maererano enemabasa avo.

23 Uye zvino, hama dzangu, ndinodisa kuti dai amadyara shoko iri mumwoyo yenyu, uye kana richitanga kufuta ridiridzirei nerutendo rwenyu. Uye tarisai, uchaita muti, buchimera kubva mamuri kusvika muupenyu husingaperi. Uye zvino Mwari vachakuitai kuti cmitoro yenyu ireruke, kuburikidza nerufaro rweMwanakomana wavo. Uye zvose izvi munogona kuzviita kana muchida. Ameni.