Magwaro Matsvene
Aruma 35


Chitsauko 35

Kuparidzwa kweshoko kunoparadza unyengedzi hwemaZoramu—Vanotandanisa vatendeuki, avo vakabva vanobatana nevanhu vaAmoni kuJeshoni—Aruma anusuwa pamusana pekuipa kwevanhu ava. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti Amureki apedza kutaura mazwi aya, vakabva mukati memhomho yevanhu uye vakabva vaenda kunyika yeJeshoni.

2 Hongu, nevamwe vose vehama, mushure mekunge vaparidza shoko kumaZoramu, naivowo vakaenda kunyika yaJeshoni.

3 Uye zvakaitika kuti avo vakanga vachizivikanwa zvakanyanya pakati pemaZoramu pavakabvunzana maererano nemazwi akanga aparidzwa kwavari, vakashatiriswa neshoko iri, nokuti raiparadza aunyengedzi hwavo; saka havana kuda kuteerera kumazwi aya.

4 Uye vakatumira kuti vanhu vose munyika yose vaungane pamwechete, vakavabvunza pamusana pemazwi akanga ataurwa.

5 Zvino vatongi vavo nevapirisita vavo nevadzidzisi vavo havana kuzivisa vanhu maererano nezvido zvavo; naizvozvo vakatsvaka muruvande zvaifungwa nevanhu.

6 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge vaona zvaifungwa nevanhu, avo vakanga vachida mazwi akanga ataurwa naAruma nehama dzake vakatandanisirwa kunze kwenyika; uye vakanga vakawanda; uye vakauyawo kunyika yeJeshoni.

7 Uye zvakaitika kuti Aruma nehama dzake vakavaparidzira.

8 Zvino vanhu vemaZoramu vakashatirirwa vanhu vaAmoni vakanga vari muJeshoni, uye mutongi mukuru wemaZoramu, semunhu aive neuipi, akaraira kuvanhu vaAmoni kuti vatandanise vanhu vakanga vapinda munyika yavo.

9 Uye akataura zvizhinji zvekuvatyisidzira. Uye zvino vanhu vaAmoni havana kutya mazwi aya; naizvozvo havana kuvatandanisa, asi vakagashira vose varombo vemaZoramu avo vakauya kwavari; uye vakavapa azvokudya, uye vakavapfekedza, uye vakavapa nyika kuti ive nhaka yavo; uye vakavaitira sezvavaida.

10 Zvino izvi zvakamutsa kushatirwa kwemaZoramu kuti varwisane nevanhu vaAmoni, uye vakatanga kusangana nemaRamani nekuvamutsawo kuti vavashatirirwewo.

11 Uye ndokutanga kwakaita maZoramu nemaRamani kugadzirira hondo yekurwisa vanhu vaAmoni, nemaNifai.

12 Uye ndokupera kwakaita gore rechigumi nemanomwe rekutonga kwevatongi vanhu vaNifai.

13 Uye vanhu vaAmoni vakabva munyika yaJeshoni, uye vakaenda munyika yaMereki, uye vakapa nzvimbo munyika yaJeshoni kumauto emaNifai, kuti varwisane nemauto emaRamani nemauto emaZoramu; uye ndokutanga kwakaita hondo pakati pemaRamani nemaNifai, mugore rechigumi nemasere ekutonga kwevatongi; uye arungano rwavo rwuchataurwa zvarwo maererano nehondo dzavo mushure.

14 Uye Aruma, naAmoni, nehama dzavo, nevanakomana vaviri vaAruma vakadzokera kunyika yeZarahemura, mushure mekunge vanga vari midziyo mumaoko aMwari yekuunza maZoramu amazhinji mukutendeuka; uye vose vakatendeuka vakabviswa munyika yavo; asi vane nyika dzavo dzenhaka munyika yaJeshoni, uye vakatora zvombo zvekuzvidzivirira, uye nevakadzi vavo, nevana, nenzvimbo dzavo.

15 Zvino Aruma, asuwiswa nokutadza kwevanhu vake, hongu nehondo, nekudeura ropa, nekunetsana kwaive pakati pavo; uye ari akanga achitaura shoko, kana kuti ari ange atumwa kundotaura shoko, kuvanhu vose muguta rega-rega; nokuona kuti mwoyo yevanhu yakanga yototanga kuoma, nokuti vakanga votanga akugumburwa nokuoma kweshoko, mwoyo wake wakasuwa zvikuru.

16 Naizvozvo, akaita kuti vanakomana vake vaungane pamwechete, kuti avagovanise amabasa, mumwe nomumwe, zvinhu zviri maererano nokururama. Uye tine rungano rwemirairo yake, yaakapa kwavari maererano nezvinyorwa zvake.