Magwaro Matsvene
Aruma 40


Chitsauko 40

Kristu anoita kuti kuve nekumuka kwevakafa kuvanhu vose—Vakafa vatsvene vanoenda kuparadiso, vakaipa vanoenda kurima riri kunze kuti vamirire zuva ravo rokumutswa—Zvinhu zvose zvichadzorerwa pazvakanga zviri panguva yoKumutswa kuvakafa. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino mwanakomana wangu, izvi zvimwe zvakawanda zvandinokutaurira; nokuti ndaona kuti pfungwa dzako dziri kunetseka pamusana pokumutswa kwavakafa.

2 Tarisai, ndinoti kwauri, hakuna kumutswa—kana kuti, ndingati, namamwe mazwi, muviri uno unofa haungafuke akusafa, kuipa uku bhakungafuke kusaipa—ckusvikira kuuya kwaKristu.

3 Tarisai, anounza akumutswa kwavakafa. Asi tarisai, mwanakomana wangu, kumutswa hakusati kwavapo. Zvino, ndichaburitsa kwauri zvishamiso; zvisinei, kune bzvishamiso zvakawanda czvinovanzwa, zvokuti hakuna munhu anozviziva kunze kwaMwari vega. Asi ndinokuratidza chinhu chimwechete chandakakumbira kuna Mwari nesimba kuti ndizive—chinove pamusoro pokumutswa kuvakafa.

4 Tarisai, pane nguva yakatarwa kunzi munhu wose aachamuka kuvakafa. Zvino nguva iyi ichauya riini hakuna anoziva; asi Mwari vanoziva nguva yakatarwa.

5 Zvino, kuti kuchava nenguva yokutanga, kana ayechipiri, kana yechitatu, apo vanhu vachamuka kuvafi, hazvinei; nokuti Mwari bvanozviziva zvose; uye zvakakwana kuti ndizive kuti aya ndiwo mamiriro acho—kuti pane nguva yakatarwa apo vose vachamutswa kuvakafa.

6 Zvino panofanira kunge pane nguva pakati pokufa nokumutswa.

7 Uye zvino ndinoda kuziva zvinoitika akumweya yevanhu vose kubva panguva yorufu kusvikira nguva yakatarwa yokumutswa?

8 Zvino kuti kune nguva dzinopfuura imwechete dzokumutswa kwavanhu hazvina mhosva; nokuti vose havafi pamwechete, uye izvi hazvina mhosva; zvose zvakangoita sezuva rimwechete kuna Mwari, nguva inoerwa chete kuvanhu.

9 Naizvozvo, pane nguva yakatarwa kuvanhu apo vachamutswa muvafi; uye pane nguva pakati porufu nokumutswa. Uye zvino maererano nenguva iyi, chinoitika kumweya yavanhu vakamirira kumuka ndicho chandaka kumbira Ishe nesimba kuti ndizive; uye ichi ndichochinhu chandinoziva.

10 Uye kana nguva yasvika apo vose vachamutswa, zvino vachazoziva kuti Mwari vanoziva anguva dzose dzakatarirwa munhu.

11 Zvino, maererano nekuti mweya unenge wakaita sei pakati penguva ayaunofa nenguva yaunozomutswa—Tarisai, zvakaziviswa kwandiri nomutumwa, kuti mweya yavanhu vose, shure kwokunge yasiya muviri uno, hongu, mweya yavanhu vose, yakanaka kana yakaipa, inotorwa yoenda bkumusha kuna Mwari ivavo vakavapa upenyu.

12 Uye ipapo zvichaitika kuti nguva ichasvika, yekuti mweya yaavo vakarurama igamuchirwe amukufara, munzvimbo inodaidzwa kuti bparadiso, cmukuzorora, dmurunyararo, apo vachazorora kubva kumatambudziko avo ose, nomukusuwa.

13 Uye zvichaitika, kuti mweya yevakaipa, hongu, avo vakaipisisa—nokuti tarisai, havana chidiki zvacho cheMweya waIshe; nokuti tarisai, vakasarudza mabasa akaipa pane akanaka; naizvozvo mweya wadhiabhorosi wakapinda mavari, ukatora imba yavo—uye ava vachakandwa akurima rokunze; kuchava bnokuchema, nokuyaura, nokugeda-geda kwameno, uku kuri kuda kwokuipa kwavo, nokuva vanotungamirirwa muuranda nokuda kwadhiabhorosi.

14 Zvino izvi ndizvo zvinenge zvakaita mweya ayakaipa, hongu, murima, munguva yakaipisisa, bnokutya hasha huru dzaMwari pavari; saka vachange vari cmunzvimbo iyi, vatsvene vanenge vari muparadiso, kusvikira nguva yavo yokumutswa kuvakafa.

15 Zvino, kuna vamwe vakanzwa kuti nguva iyoyi yorufaro nenguva iyoyo yokusuwa kwemweya, tisati tasvika mukumutswa, ndiko kumutswa kwokutanga. Hongu, ndinobvuma kungangodaidzwa kuti kumutswa, kumutswa kwemweya nokuzoiswa kwaunoitwa murufaro kana mukusuwa maererano namazwi akataurwa.

16 Uye zvino tarisai, zvakataurwa zvakare, kuti kune akumutswa bkwokutanga, kumutswa kweavo vose vakanga vari, kana vari, kana vachazova, kusvika pakumuka kwaKristu kubva muvafi.

17 Zvino, hatifunge kuti kumutswa uku kwokutanga, kunotaurwa munzira iyi, kungave kumutswa kwomweya anokuendeswa murufaro kana mukusuwa. Haungafungi kuti izvi ndizvo zvazvinoreva.

18 Tarisai, ndinoti kwauri, Kwete; asi zvinoreva kubatana zvakare kwomweya nomuviri, kweavo kubva mumazuva aAdama kusvika apakumuka kwaKristu.

19 Zvino, kuti mweya nemiviri yaavo vambotaurwa ichabatanidzwawo pakarepo, vasakarurama nevakarurama, handizi kutaura; ngazvive zvakakwana, kuti nditi vose vachamuka; kana kuti namamwe mazwi, kumutswa kwavo kunouya kumutswa kweavo vakafa shure kwokumuka kwaKristu avasati vamutswa.

20 Zvino, mwanakomana wangu, handina kuti kumutswa kwavo kunouya pakumuka kwaKristu; asi tarisai, ndinongopa sokufungawo kwangu, kuti mweya nomuviri zvichabatana, pautsvene, pakumutswa kwaKristu, anokukwira kwake kudenga.

21 Asi nyangwe zvikave pakumutswa kwake kana kuti shure, handitaure; asi izvi ndinotaura, kuti pane anguva pakati porufu nokumutswa kwomuviri, kuti mweya uri bmukufara kana cnokusuwa kusvikira nguva yakatarwa naMwari kuti vakafa vachabuda, vogobatanidzwa, zvakare mweya nomuviri, dvogounzwa kuti vamire pamberi paMwari, vogotongwa maererano namabasa avo.

22 Hongu, izvi zvinounza kudzorerwa pakare kwezvinhu zvose zvakambotaurwa nemiromo yavaporofita.

23 aMweya buchadzorerwa ckumuviri, uye muviri kumweya; hongu, yose nhengo nebvupa rimwe nerimwe richadzorerwa kumuviri waro; hongu, hakuna kana kavhudzi kemusoro kanorasika; asi zvinhu zvose zvichadzorerwa panzvimbo yazvo chaiyo zvakakwana.

24 Uye zvino mwanakomana wangu, uku ndiko kudzorerwa kwezvinhu akwaitaurwa nemiromo yamaporofita—

25 Uye zvino avo vatsvene vachazopenya muumambo hwaMwari.

26 Asi tarisai, akufa kunorwadza kunouya pane vakaipa; nokuti vanofa pazvinhu zviri maererano neutsvene; nokuti havana kuchena, uye hakuna bchinhu chine tsvina chingagare nhaka youmambo hwaMwari; asi vanorasirwa kunze, uye vanotumirwa kunodya michero yamabasa avo, anga akaipa; vanonwa mabvondwe emukombe unovava.