Magwaro Matsvene
Aruma 29


Chitsauko 29

Aruma anoda kudaidzira kutendeuka nesimba rengirozi—Ishe vanopa vadzidzisi kumarudzi ose—Aruma anobwinya mubasa raIshe nemukubudirira kwaAmoni nehama dzake. Zvingangove makore 76 Kristu asati azvarwa.

1 Dai ndaiva ngirozi, uye ndichiwana zvinodiwa nemwoyo wangu, kuti ndiende ndichitaura sehwamanda yaMwari, nezwi rinozunguza nyika, uye ndichidaidzira kutendeuka kuvanhu vose!

2 Hongu, ndaizotaura kumweya yose nezwi rinenge mheni, kutendeuka nehurongwa kwerununuro, kuti vatendeuke uye avauye kuna Mwari vedu, kuti kusazove nekusuwa zvakare pamusoro penyika.

3 Asi tarisai, ndiri munhu, uye ndinoita zvitema mukuda kwangu; nokuti ndakafanira kugutswa nezvinhu zvandakagoverwa naIshe.

4 Handifanire kukanganisa chirevo chakasungwa chakasimba chaMwari vanoenzanisa pamusoro pezvandinoda, nokuti ndinoziva kuti vanopa vanhu asezvido zvavo, kana dai rwuri rufu kana upenyu; hongu, ndinoziva kuti vanogovera vanhu, hongu, vanovapa mirau isingapindurwe, maererano bnokuda kwavo, kana zviri zveruponeso kana zvekuparadzwa.

5 Hongu, uye ndinoziva kuti zvakanaka nezvakaipa zvinouya kuvanhu vose; uyo asingazive chakaipa nechakanaka haashorwe; asi uyo aanoziva zvakaipa nezvakanaka, kuna iyeyo kunopiwa maererano nezvaanenge achida, kana achida zvakanaka kana zvakaipa, upenyu kana rufu, kufara kana kusuwa bmupfungwa.

6 Zvino, sezvo ndichiona kuti ndinoziva zvinhu izvi, ndinodirei zvimwe pane kuti ndiite basa randakadaidzirwa kuti ndiite?

7 Ko ndinodirei kuti dai ndiri ngirozi, kuti ndikwanise kutaura kumativi ose enyika?

8 Nokuti tarisai, Ishe vanopa kumarudzi aose, werudzi rwavo bnerurimi rwavo, kuti adzidzise shoko ravo, hongu, muungwaru zvose czvavanoona kuti vakafanira kuve nazvo; naizvozvo tinoona kuti Ishe vanoraira neruzivo, maererano nezvakarurama uye zviri muchokwadi.

9 Ndinoziva icho chandakarairwa naIshe, uye ndinochifarira. Handizvirumbidze ini pachangu, asi andinorumbidza icho chandakataurirwa naIshe; hongu, uye ndiko kufara kwangu, kuti zvimwe ndingave mudziyo mumaoko aMwari wekuunza mumwe mweya mukutendeuka; uye urwu ndirwo rufaro rwangu.

10 Uye tarisai, kana ndichiona hama dzangu dzakatyoka zvechokwadi, uye vachiuya kuna Ishe Mwari vavo, ipapo mwoyo wangu unobva wazadzwa nerufaro; ipapo ndinobva ndayeuka aizvo zvandakaitirwa naIshe, hongu, kana kuti vakanzwa muteuro wangu; hongu, ndinobva ndayeuka ruoko rwavo rwetsitsi rwavakanditambanudzira.

11 Hongu, uye ndinobva ndayeukawo usungwa hwemadzibaba angu; nokuti ndinoziva nechokwadi kuti aIshe vakavaburitsa muusungwa, uye naizvozvo akamisa chechi yavo; hongu, Ishe Mwari, Mwari vaAbrahama, Mwari vaIsaka, naMwari vaJakobo, vakavaburitsa muusungwa.

12 Hongu, ndinogarorangarira usungwa hwemadzibaba angu; uye ivavo Mwari vamwechetevo avakavabvisa mumaoko emaEgipita, vakavabvisa muusungwa.

13 Hongu, uye ivavo Mwari vamwechetevo vakamisa chechi yavo mukati mavo; hongu, uye Mwari vamwechetevo vakandidaidza kubasa dzvene, kuti ndiparidze shoko kuvanhu ava, uye vakandipa kubudirira kukuru, uko kunoita kuti arufaro rwangu rwuve rwakazara.

14 Asi handingofara nekubudirira kwangu ini ndega, asi rufaro rwangu rwunonyanya kuzara pamusana apekubudirira kwehama dzangu, avo vanga vari munyika yaNifai.

15 Tarisai, vakashanda zvakapfuuridza, uye vakaunza michero mizhinji; uye mubairo wavo uchakura sei!

16 Zvino, kana ndikafunga nokubudirira kwehama dzangu idzi mweya wangu unotakurwa, kana kunge uchasiyana nemuviri, sezvazvakange zviri ndiko kukura kwakaita rufaro rwangu.

17 Uye zvino dai Mwari vapa ava, hama dzangu idzi, kuti vagare muumambo hwaMwari; hongu, neavo vose vanove ndiyo michero yekushanda kwavo kuti vasazobuda zvakare, asi kuti vavakudze nariini. Uye Mwari vangaite here kuti zviitwe maererano nemazwi angu, kana sekutaura kwandaita. Ameni.