Magwaro Matsvene
Aruma 18


Chitsauko 18

Mambo Ramonai anofunga kuti Amoni ndiye Mweya Mukuru—Amoni anodzidzisa mambo nezveKusikwa, zvekuita kwaMwari nevanhu, norununuro rwunouya nemunaKristu—Ramonai anotenda achibva awira pasi seafa. Zvingangove makore 90 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mambo Ramonai akaita kuti varanda vake vasimuke uye vapupure zvose zvavakanga vaona maererano nenyaya yacho.

2 Uye vose vapedza kupupura pamusoro pezvinhu zvavakanga vaona, uye mambo akanga anzwa nekuvimbika kwaAmoni mukuchengetedza zvipfuyo zvake, nezvesimbawo rake guru mukurwisana neavo vaida kumuuraya, akashamiswa zvikuru, uye akati: Chokwadi, izvi hazviitwe nemunhu ega. Tarisai, uyu haaziye Mweya Mukuru here anotumira kuranga kukuru kuvanhu vano, pamusoro pekuponda kwavo?

3 Uye vakapindura mambo, uye vakati: Kana ari Mweya Mukuru kana munhu, hatizvizive; asi zvatinoziva ndezvizvi, kuti ahaakwanise kuuraiwa nevavengi vamambo: Kana kuparadza zvipfuyo zvamambo kana ainesu, nenzira yeunyanzvi nesimba rake guru; naizvozvo, tinoziva kuti ishamwari yamambo. Uye zvino, imi mambo, hatibvume kuti munhu angaite simba guru kudaro, nokuti tinoziva kuti haagone kuuraiwa.

4 Uye zvino, mambo anzwa mazwi aya, akati kwavari: Zvino ndinoziva kuti uyu Mweya Mukuru; uye auya panguva ino kuti azoponesa upenyu hwenyu, kuti andisakuurayei sezvandakaita hama dzenyu. Zvino uyu ndiwo Mweya Mukuru wakataurwa nemadzibaba edu.

5 Zvino izvi ndiyo yaive tsika yaRamonai, yaakanga atambira kubva kuna baba vake, kuti kune Mweya aMukuru. Zvisinei kuti vaitenda muMweya Mukuru kana kuti kwete, vaifunga kuti zvose zvavaiita zvakanga zvakanaka; zvakadaro, Ramonai akatanga kutya zvikuru, akave nekutya achiti zvimwe akanga atadza mukuuraya varanda vake.

6 Nokuti akanga auraya vazhinji vavo nokuti hama dzavo dzainge dzatandanisa zvipfuyo zvavo panzvimbo yemvura; uye saka, nokuti zvipfuyo zvavo zvaparadzirwa vaiuraiwa.

7 Zvino kwaive kuita kwemaRamani aya kumira pamvura dzeSebhusi vachitandanisa zvipfuyo zvevanhu, kuti vagotinha zvizhinji zvainge zvapararira voenda nazvo kunyika kwavo, iri yakange iri tsika yekuparadza mukati mavo.

8 Uye zvakaitika kuti mambo Ramonai akabvunza varanda vake, achiti: Ari kupi murume uyu ane simba guru kudai?

9 Uye vakati kwaari: Tarisai, ari kupa mabhiza enyu zvekudya. Zvino mambo akanga ataurira varanda vake, vasati vaenda kunonwisa zvipfuyo zvavo, kuti vagadzirire mabhiza ake nengorovhani, uye vagomuendesa kunyika yaNifai; nokuti kwakange kuine mabiko makuru aiitwa munyika yaNifai, nababa vaRamonai, akange ari mambo wenyika yose.

10 Zvino mambo Ramonai zvaakanzwa kuti Amoni ari kugadzira mabhiza nengorovhani dzake akashamiswa zvakare, pamusoro pekuvimbika kwaAmoni, achiti: Chokwadi hakuna kumboita muranda pakati pevaranda vangu vose akavimbika semurume uyu; nokuti kana iye anoyeuka mirairo yangu yose achiiita.

11 Zvino chokwadi ndave kuziva kuti uyu ndiwo Mweya Mukuru, uye ndingade kuti auye kwandiri, asi ndinotya.

12 Uye zvakaitika kuti Amoni apedza kugadzira mabhiza nengorovhani kuitira mambo nevaranda vake, akaenda kuna mambo, uye akaona kuti uso hwamambo hwakanga hwapinduka; saka akanga oda kudzokera kunze.

13 Uye mumwe wevaranda vamambo akati kwaari, Rabhana, zvinoreva kuti, zvichiturikirwa ane simba kana kuti mambo mukuru, vari vanotora madzimambo avo kuti ane simba; uye saka akati kwaari: Rabhana, mambo anoda kuti mugare.

14 Naizvozvo Amoni akatendeukira kuna mambo, akati kwaari: Munoda kuti ndikuitirei, imi mambo? Uye mambo haana kumupindura kwenguva inokwana awa, maererano nenguva yavo, nokuti haana kuziva kuti omutaurira kutii.

15 Uye zvakaitika kuti Amoni akati kwaari zvakare: Munodei kwandiri? Asi mambo haana kumupindura.

16 Uye zvakaitika kuti Amoni, azadzwa neMweya waMwari, naizvozvo akaona apfungwa dzamambo. Uye akati kwaari: Kunzwa kwamaita here kuti ndadzivirira varanda venyu nezvipfuyo zvenyu, uye ndikauraya vanomwe vehama dzavo nechinziriri nemunondo, uye ndikadimura maoko evamwe, kuti ndidzivirire varanda venyu nezvipfuyo zvenyu; tarisai, ndizvo izvi here zviri kukonzera kushamiswa kwenyu?

17 Ndinoti kwamuri, chii, chaita kuti kushamiswa kwenyu kuve kukuru zvakadaro? Tarisai, ndiri munhu, uye ndiri muranda wenyu; saka, chose chamunoda chiri chakanaka, ndinochiita.

18 Zvino mambo anzwa mazwi aya, akashamiswa zvakare, nokuti akaona kuti Amoni aaiziva pfungwa dzake; asi zvakadaro, mambo Ramonai akazurura muromo wake, uye akati kwaari: Ndiwe ani? Ndiwe Mweya Mukuru uya here, bunoziva zvose zvinhu?

19 Amoni akapindura akati kwaari: Handisi.

20 Uye mambo akati: Ko unoziva sei pfungwa dzemwoyo wangu? Nditaurire usingatye, unditaurire nezvezvinhu izvi; uye unditaurirewo kuti isimba raani raita kuti uuraye nokudimbura maoko ehama dzangu dzange dzichiparadza zvipfuyo zvangu—

21 Uye zvino, kana ukandiudza nezvezvinhu izvi, chose chaunoda ndichakupa; uye kana zvichida, ndinokurinda nemauto angu; asi ndinoziva kuti une simba kupfuura vose, zvakadaro, chose chaunoda ndinokupa.

22 Zvino Amoni semunhu ane ungwaru, asi asingakuvadze, akati kuna Ramonai: Munganzwe here mazwi angu, kana ndikakutaurirai kuti ndinoita nesimba raani zvinhu izvi? Uye ichi ndichochinhu chandinoda kwamuri.

23 Uye mambo akamupindura, uye akati: Hongu, ndichatenda ose mazwi ako. Uye nokudaro akabatwa nokunyengedzwa.

24 Uye Amoni akatanga kutaura kwaari anokushinga, uye akati kwaari: Unotenda here kuti kuna Mwari?

25 Uye akapindura, akati kwaari: Handizive kuti zvinorevei.

26 Uye zvino Amoni akati: Unotenda here kuti kune Mweya Mukuru?

27 Uye akati, Hongu.

28 Uye Amoni akati: Ndivo Mwari. Uye Amoni akati kwaari zvakare: Unotenda here kuti iwo Mweya Mukuru uyu, unove Mwari, ndiwo wakasika zvose zvinhu zviri kudenga nezviri munyika?

29 Uye akati: Hongu, ndinotenda kuti akasika zvose zvinhu zviri pasi; asi handizive matenga.

30 Uye Amoni akati kwaari: Matenga ndiyo nzvimbo inogara Mwari nengirozi dzavo dzose tsvene.

31 Uye mambo Ramonai akati: Kuri pamusoro penyika here?

32 Uye Amoni akati: Hongu, uye anotarisa pasi pavana vevanhu vose; uye anoziva apfungwa dzose nezvinoda kuitwa nemwoyo; nokuti neruoko rwake zvose zvakasikwa kubvira pakutanga.

33 Uye mambo Ramonai akati: Ndinotenda zvose zvinhu izvi zvawataura. Wakatumirwa naMwari here?

34 Amoni akati kwaari: Ndiri munhu; uye amunhu pakutanga akasikwa nemufananidzo waMwari, uye ndakadaidzwa neMweya Mutsvene wavo kuti bndizodzidzisa zvinhu izvi kuvanhu ava, kuti vapiwe ruzivo rwekuziva chinhu chakanaka nechechokwadi;

35 Uye chidimbu acheMweya iwoyo chiri mandiri, chinondipa bruzivo, nesimbawo maererano nerutendo rwangu nezvido zvangu zviri muna Mwari.

36 Zvino Amoni ataura mazwi aya, akatanga nekusikwa kwenyika, nokusikwawo kwaAdama, uye ndokumutaurirawo nezvezvinhu zvose zvekupunzika kwemunhu, uye aakanyatso tsanangura uye ndokududzira zvinyorwa bnemagwaro matsvene evanhu, akanga akataurwa cnemaporofita, kana kusvika panguva yakabva baba vavo, Rihai, kuJerusarema.

37 Uye akadzokororawo kwavari (nokuti zvakange zvave kuti iye mambo nevaranda vake) nzendo dzose dzemadzibaba avo murenje, uye nokutambudzika kwavo kwose nenzara nenyota, nokurwadziwa, nezvimwe zvakadaro.

38 Uye akavataurirawo nezvekupanduka kwaRamani naRemueri, nevanakomana vaIshmaeri, hongu, kwose kupanduka kwavo akavataurira; uye akadudzira kuna vose zvinyorwa nemagwaro ose kubvira panguva yakabva Rihai kuJerusarema kusvika panguva ino.

39 Asi izvi hazvizizvo zvose; nokuti akatsanangura kwavari aurongwa hwerununuro, hwakagadzirwa kubvira pakutanga kwenyika; uye akavazivisawo maererano nekuuya kwaKristu, nemabasa ose aIshe vakaazivisa kwavari.

40 Uye zvakaitika kuti ataura zvose zvinhu izvi, nokuzvitsanangura kuna mambo, mambo akatenda mazwi ake ose.

41 Uye akatanga kuchema kuna Ishe, achiti: Imi Ishe, ivai netsitsi; maererano anetsitsi dzenyu dzakawanda dzamakaitira vanhu vaNifai, itai kwandiri, nevanhu vangu.

42 Uye zvino, zvaakanga ataura izvi, akawira pasi, sekunge afa.

43 Uye zvakaitika kuti varanda vake vakamutakura vakaenda naye kumukadzi wake, uye vakamurinza pamubhedha; uye akarara sekunge akafa kwemazuva maviri neusiku huviri; uye mudzimai wake, nevanakomana vake, nevanasikana vake vakamuchema, setsika yemaRamani, vachichema zvikuru kurasikirwa kwavo.