Magwaro Matsvene
Aruma 49


Chitsauko 49

Mauto emaRamani anotadza kutora maguta akavakirirwa eAmonaiha nereNoa—Amarikaya anotuka Mwari uye achibva ati achanwa ropa raMoronai—Hiramani nehama dzake vanoramba vachisimbisa Chechi. Zvingangove makore 72 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mumwedzi wechigumi nemumwechete wegore rechigumi nemapfumbamwe, muzuva rechigumi remwedzi, mauto emaRamani akaonekwa ave kusvika akananga munyika yaAmonaiha.

2 Uye tarisai, guta rakanga ravakwa patsva, uye Moronai akanga aisa mawuto kumuganhu weguta, uye vakanga vaunganidza marara vakatenderedza kuti vasasvikwe nemiseve nematombo emaRamani; nokuti tarisai, vairwa nematombo nemiseve.

3 Tarisai, ndati guta areAmonaiha rakanga ravakwa patsva. Ndinoti kwamuri, hongu, rakavakwa patsva dzimwe nzvimbo; nenzira yekuti maRamani akambenge amboriparadza pamusana pezvitadzo zvevanhu, vakafunga kuti zvichave nyore kuriparadza zvakare.

4 Asi tarisai, vakagumbuka zvikuru; nokuti tarisai, maNifai akanga achera ivhu ndokuriunganidza rakavakomberedza, rakareba zvekuti maRamani akatadza kukanda matombo nemiseve yavo kuti ivasvike, havaikwanisa kusvika pavari kunze kwekunge vatopinda nepaipindwa napo.

5 Zvino panguva iyi vatungamiri vakuru vemaRamani vakashamiswa zvikuru, neungwaru hwemaNifai mukugadzirira nzvimbo dzavo dzekuzvidzivirira.

6 Zvino vatungamiri vemaRamani vaifunga kuti, pamusana peuhwandu hwavo, hongu, vaifunga kuti vaizove nepundutso yekuvasvikira sezvavakambenge vaita; hongu, uye vakanga vazvigadzirirawo nenhowo, nezvidzitiro zvepazvipfuva; uye vakanga vazvigadzirirawo nhumbi dzematehwe, hongu, nhumbi hobvu chaidzo kuti vazvipfekedze.

7 Uye vakagadzirira kudai vakafunga kuti zvichave nyore kuti vakunde nekuisa hama dzavo mujoki reusungwa, kana kuvauraya nokuvaponda maererano nokuzvifadza zvavo.

8 Asi tarisai, vakashamiswa kwazvo, vakaona avakagadzirirwa, netsika isina kumbenge yakaonekwa kana kuzivikanwa pakati pevana vaRihai. Zvino vakanga vakagadzirira maRamani, kuti varwe netsika yokudzidziswa kwavo naMoronai.

9 Uye zvakaitika kuti maRamani, kana kuti vaAmarikaya, vakashamiswa zvikuru nokugadzirira kwavo hondo.

10 Zvino, dai mambo Amarikaya akanga adzika kubva amunyika yaNifai, ari pamberi pemauto ake, zvimwe angadai akaita kuti maRamani atange maNifai paguta reAmonaiha; nokuti tarisai, akanga asina hanyn’a neropa revanhu.

11 Asi tarisai, Amarikaya haana kuuya iye pachake kuzorwa. Uye tarisai, vatungamiri vakuru vemauto ake vakazeza kudenha maNifai paguta reAmonaiha, nokuti Moronai akanga apindura maitirwo ezvinhu mukati memaNifai, zvekuti maRamani akagumbuka kwazvo kuona nzvimbo dzavo dzekuhwanda dzaiita kuti vatadze kuvarwisa.

12 Naizvozvo vakatizira murenje, uye ndokubva vapaza misasa yavo uye ndokubva vafora vakananga kunyika yaNoa, vachifunga kuti iyoyo ndiyo yaive nzvimbo yakanaka kuti vasangane nemaNifai.

13 Nokuti havana kuziva kuti Moronai akanga adzivirira, kana kuti akanga avaka atsvingo munyika yose yaka tenderedza; naizvozvo, vakafora vachienda kunyika yaNoa nekushinga kukuru; hongu, vatungamiri vavo vakuru vakauya vakaita chitsidzo kuti vanoparadza vanhu veguta iroro.

14 Asi tarisai, vakashamiswa kwazvo, guta raNoa, iro rakanga risina kusimba kusvika zvino, rakanga rasimba, pamusana paMoronai, hongu, kana kusimba kupfuura guta reAmonaiha.

15 Uye zvino tarisai, uku kwaive kuchenjera kwaMoronai; nokuti akanga aona kuti vangatye kutanga guta raAmonaiha; uye sezvo guta raNoa riri iro rakanga risina kusimba kusvika zvino, akaziva kuti ndiko kwavangade kupinda nako kuti vaite hondo; naizvozvo zvakaitika sekuda kwake.

16 Uye tarisai, Moronai akanga aisa Rihai kuti ave mutungamiri mukuru wevanhu veguta iri; uye ndiye Rihai amumwecheteyo akarwa nemaRamani munhika iri kumabvazuva kwerwizi rweSidhoni.

17 Uye zvino tarisai zvakaitika kuti, maRamani pavakaona kuti guta iri raive pasi paRihai, vakagumbuka, nokuti Rihai vaimutya zvikuru; zvakadaro vatungamiri vavo vakuru vakanga vaita chitsidzo kuti vacharwisa guta iri; saka vakauya nemauto avo.

18 Zvino tarisai, maRamani haaikwanisa kupinda mutsvingo dzavo dzekuzvidzivirira neimwe nzira kunze kwekunge vatopinda nepasuwo guru, nenzira yekureba kwechidziro chevhu rakanga raunganidzwa, uye nekudzika kwakanga kwakaita mugero wakanga wakacherwa wakakomberedza, kunze kwekutopinda nepanopindwa napo.

19 Uye ndiko kugadzirira kwakanga kwakaita maNifai kuparadza avo vose vainge vachida kuedza kukwira kuti vapinde mutsvingo neimwe nzira, vachivatema nematombo nokuvabaya nemiseve.

20 Ndiko kugadzirira kwavakanga vakaita, hongu, chikwata chevarume vakasimba, vaine minondo nezvinziriri zvavo, votema nekubaya vanenge voda kuedza kupinda munzvimbo yavo yekuzvidzivirira nepanzvimbo yekupinda nayo; uye ndiko kugadzirira kwavakanga vakaita kuzvidzivirira kurwiswa nemaRamani.

21 Uye zvakaitika kuti vatungamiri vemaRamani vakauya nemauto avo pasuo guru paipindwa napo, uye ndokutanga kurwisana nemaNifai, kuti vapinde musvingo ravo; asi tarisai, vaisaidzirwa kunze nguva dzose, zvekuti vakauraiwa nekuuraiwa kukuru.

22 Zvino zvavakaona kuti vatadza kukurira maNifai, nekupinda munzvimbo mavo, vakatanga kukoromora zvidziro zvevhu rakanga raunganidzwa kuti vakwanise kuti mauto avo apinde kuti vakwanise kurwisana navo; asi tarisai, mukuedza uku, vaibva vatsvairwa nematombo nemiseve zvaikandwa kwavari; uye kunze kwekuti vafushire migero nevhu rakaunganidzwa, migero yakafushirwa nezvitunha zvavo neavo vakanga vakuvara.

23 Naizvozvo maNifai vakanga vaine simba rose kuvavengi vavo; uye ndiko kuedza kwakaita maRamani kuti vaparadze maNifai kudakara vatungamiri vavo vakuru vauraiwa vose; hongu, uye maRamani anopfuura chiuru akauraiwa; asi kune rumwe rutivi kumaNifai hakuna kana mumwechete zvake akafa.

24 Paive nemakumi mashanu evanhu vakakuvadzwa, vakabaiwa nemiseve yemaRamani yaipinda nepasuo guru, asi vakanga vakadzivirirwa nenhowo dzavo, nezvidzitiro zvavo zvepazvipfuva, nezvidzitiro zvemisoro yavo, zvekuti maronda avo aive mumakumbo, mazhinji acho akanga akaipa chaizvo.

25 Uye zvakaitika kuti, maRamani paakaona kuti vatungamiri vavo vakuru vose vauraiwa vakatizira murenje. Uye zvakaitika kuti vakadzokera kunyika yaNifai kunoudza mambo wavo Amarikaya, akazvarwa ari muNifai, nezvekurasikirwa kwavakanga vaita.

26 Uye zvakaitika kuti akashatirirwa vanhu vake zvikuru, nokuti akanga atadza kuita maNifai zvaakanga achida kuvaita; akanga atadza kuvaisa mujoki reusungwa.

27 Hongu, akashatirwa zvikuru, uye aakatuka Mwari, uyewo naMoronai, akapika bnechitsidzo kuti achanwa ropa rake; uye izvi pamusana pekuti Moronai akanga achengeta mirairo yaMwari mukugadzirira vanhu vake kuti vasapinde mungozi.

28 Uye zvakaitika kuti, kune rumwe rutivi, vanhu vaNifai avakatenda Ishe Mwari vavo, pamusoro pesimba ravo risingaenzaniswe, mukuvabvisa mumaoko evavengi vavo.

29 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechigumi nepfumbamwe rekutongwa kwemaNifai nevatongi.

30 Hongu, uye makave nerunyararo pakati pavo, uye chechi ikabudirira zvinoshamisa pamusana pekuteerera kwavo nokusimba kwavo mushoko raMwari, iro rakataurwa kwavari naHiramani, naShibhuroni, naKoriandoni, naAmoni nehama dzavo, hongu, uye neavo vose vakanga vaiswa anehurongwa hutsvene hwaMwari, vachibhabhatidzwa vatendeuka, uye vachitumirwa kunoparidzira vanhu.