Magwaro Matsvene
Aruma 19


Chitsauko 19

Ramonai anotambira chiedza cheupenyu husingaperi uye achiona Mununuri—Imba yake inoita seyasvikirwa, vazhinji vanoona ngirozi—Amoni anopunyutswa zvinoshamisa—Anobhabhatidza vazhinji achibva aita chechi mukati mavo. Zvingangove makore 90 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mushure memazuva maviri neusiku uviri vakanga vave kuda kutora chitunha chake kuti vanochiisa muguva, ravakanga vaitira kuviga vakafa vavo.

2 Zvino mambokadzi anzwa mbiri yaAmoni, naizvozvo akamutumira kuti anoda kuti apinde maakanga ari.

3 Uye zvakaitika kuti Amoni akaita zvaakanga anzi aite, akapinda maive namambokadzi, akada kuziva kuti angade kuti amuitirei.

4 Uye akati kwaari: Varanda vemurume wangu vanditaurira kuti iwe uri amuporofita waMwari mutsvene, uye vakati une simba rekuita zvinhu zvizhinji zvikuru muzita ravo;

5 Naizvozvo, kana izvi zviri izvo, ndinoda kuti upinde unoona murume wangu, nokuti arara pamubheda kwemazuva maviri neusiku huviri; uye vamwe varikuti haana kufa, asi vamwe vari kuti akafa uye ave kunhuwa, nekuti akafanira kuiswa muguva; asi ini, kwandiri haazikunhuwa.

6 Zvino, izvi ndizvo zvaidiwa naAmoni, nokuti aiziva kuti mambo Ramonai akange ari pasi pesimba raMwari; aiziva kuti achidzikatidzo chitema chekusatenda chakange chave kubviswa mupfungwa make, uye bchiedza chaivhenekera mupfungwa make, chaive chiedza chembiri yaMwari, chaive chiedza chinoshamisa chekunaka kwavo—hongu, chiedza ichi chakanga chaisa mufaro mukuru mumweya wake, gore rerima rabviswa, uye chiedza cheupenyu husingaperi chabatidzwa mumweya wake, hongu, akaziva kuti nyama yake yakange yakundwa, uye akanga atakurwa aendeswa muna Mwari—

7 Naizvozvo, zvaidiwa namambokadzi ndicho chaive chido chake choga. Naizvozvo, akapinda kunoona mambo maererano nechido chamambokadzi; uye akaona mambo, uye akaziva kuti haana kufa.

8 Uye akati kuna mambokadzi: Haana kufa, asi akarara muna Mwari, uye mangwana achamuka zvakare; naizvozvo musamuvige.

9 Uye Amoni akati kwaari: Unotenda here izvi? Uye akati kwaari: Handina humwe uchapupu kunze kwezwi rako, nezwi revaranda vedu; zvakadaro ndinotenda kuti zvichaita maererano nezvawataura.

10 Uye Amoni akati kwaari: Wakaropafadzwa pamusana perutendo rwako rwukuru; ndinoti kwauri, mai, hakuna kumbove anerutendo rwukuru rwakadai muvanhu vose vaNifai.

11 Uye zvakaitika kuti akagaririra pamubhedha wemurume wake, kubvira panguva iyoyo kana kudakara kusvika nguva yamangwana acho yakanga yataurwa naAmoni kuti achamuka nayo.

12 Uye zvakaitika kuti akamuka, maererano nemazwi aAmoni; uye zvaaimuka, akatambanudzira ruoko rwake kumudzimai, uye akati: Rakaropafadzwa zita raMwari, uye iwe wakaropafadzwa.

13 Sekuve mupenyu kwauri, tarisai, ndaona Mununuri; uye achauya, aozvarwa bnemukadzi, uye achanunura rwose rwudzi rwevanhu rwunotenda muzita rake. Zvino, ataura mazwi aya, mwoyo wake wakafuta maari, uye akaserera pakare norufaro; uye namambokadzi akasererawo, akundwa neMweya.

14 Zvino Amoni achiona Mweya waIshe uchidirwa kudaro maererano aneminamato yake pamaRamani, hama dzake, vakanga vachikonzera kuchema kwakawanda muvanhu vaNifai, kana muvanhu vose vaMwari nenzira yekuipa kwavo bnetsika dzavo, akawira pamabvi ake, uye akatanga kudira mweya wake mumunamato nokutenda kuna Mwari nezvavakanga vaitira hama dzake; naiyewo akanga akundwa cnerufaro; saka vose vari vatatu vakanga dvarara pasi.

15 Zvino, varanda vamambo pavakaona kuti vawira pasi, naivowo vakatanga kuchema kuna Mwari, nokuti kutya Ishe kwakange kwavabatawo, nokuti andivo vakanga vamira pamberi pamambo vachipupura kwaari nezvesimba guru raAmoni.

16 Uye zvakaitika kuti vakadaidza zita raIshe, nesimba ravo, kusvika vose vawira pasi, kunze kwemukadzi mumwechete wechiRamani, zita rake ainzi Abhishi, iye ari munhu akange atendeukira kuna Ishe kwemakore mazhinji, pamusana penyaya inoshamisa yechiratidzo chababa vake—

17 Saka, sezvo akanga atendeuka kuna Ishe, asi asina kunge akazvizivisa, naizvozvo, paakaona kuti vose varanda vaRamonai vakanga vawira pasi, uye namambokadzi wake, namambo, naAmoni vakanga vazvambaradzwa pasi, akaziva kuti isimba raMwari; uye akafunga kuti mukana uyu, ndewekuti vanhu vaziviswe zvakanga zvaitika mukati mavo, kuti mukuona izvi azvingavakonzere kuti vatende musimba raMwari, naizvozvo akamhanya achiti apinda umu, apinda umu, achizvizivisa kuvanhu.

18 Uye vakatanga kuungana pamwechete pamba pamambo. Uye pakauya mhomho, uye vakashamiswa zvikuru, kuona mambo, namambokadzi, nevaranda vavo vakazvambarara pasi, uye vose varere sevakafa; uye vakaonawo Amoni, uye vakaona kuti muNifai.

19 Uye zvino vanhu vakatanga kuzevezana; vamwe vachiti vavingwa nechinhu chakaipa zvikuru, kana kuti chauya pana mambo nemba yake, pamusana pekuti akabvumira maNifai kuti avarambe vari munyika.

20 Asi vamwe vakavatsiura, vachiti: Mambo akaunza ngozi iyi mumba make, nenzira yokuti akauraya varanda vake vakange vaparadzirwa zvipfuyo zvavo apamvura dzeSebhusi.

21 Uye vakatsiurwawo nevarume vaye vakanga vamire pamvura dzeSebhusi uye avachitandanisa zvipfuyo zvaive zviri zvamambo, nokuti vakanga vakashatirirwa Amoni nenzira yehama dzavo dzaakanga auraya pamvura dzeSebhusi, achidzivirira zvipfuyo zvamambo.

22 Zvino, mumwe wavo, akange aine mukoma wake akanga aauraiwa nemunondo waAmoni, ashatiriswa zvikuru naAmoni, akatora munondo wake uye ndokuenda kuti anoita kuti munondo wake udonhere pana Amoni, amuuraye; uye kusimudza kwaakaita munondo wake kuti amubaye, tarisai, akapunzika akabva afa.

23 Zvino tinoona kuti Amoni akanga asingauraike, nokuti aIshe vakanga vati kuna Mosaya, baba vake: Ndichamuponesa, uye zvichave kwaari maererano norutendo rwako—naizvozvo Mosaya akamuisa bmuruvimbo rwaIshe.

24 Uye zvakaitika kuti mhomho yevanhu payakaona kuti murume uyu apunzika akafa, uyo akange asimudza munondo kuti auraye Amoni, vakabatwa nekutya vose, vakasada kuisa maoko avo kuti vamubate kana avo vakanga vapunzika; uye vakatanga kushamisika zvakare kuti simba guru rose iri riri kukonzerwa nei, kana kuti zvose izvi zvinorevei.

25 Uye zvakaitika kuti kwakanga kuine vazhinji mukati mavo vaiti Amoni ndiye Mweya Mukuru, vamwe vachiti akatumwa neMweya aMukuru;

26 Asi vamwe vakavatsiura vose, vachiti raive zimhuka, rakatumirwa nemaNifai kuzovaonesa nhamo.

27 Uye kwaive nevamwe vaiti Amoni akanga atumirwa neMweya Mukuru kuti azovatambudza pamusoro pezvitadzo zvavo, uye vakati Mweya Mukuru uyu ndiwo wange uchibatsira maNifai nguva dzose, waigara uchivabvisa mumaoko avo; uye vakati ndiwo Mweya Mukuru uyu wakaparadza vazhinji vehama dzavo, maRamani.

28 Uye saka kupesana kwakatanga kukura pakati pavo. Uye vachinetsana kudaro, amurandakadzi akanga aita kuti mhomho iungane akauya, uye paakaona mhomho yave kunetsana, akasuwa zvikuru, akachema misodzi.

29 Uye zvakaitika kuti akaenda akanobata ruoko rwamambokadzi, kuti zvimwe amusimudze kubva pasi; uye paakangobata ruoko rwake akasimuka akabva amira nemakumbo ake, uye akachema nezwi guru, achiti: Iwe wakaropafadzwa Jesu, wandiponesa kubva mugehena arakaipisisa! Imi Mwari makaropafadzwa, itirai vanhu ava btsitsi!

30 Uye ataura zvinhu izvi, akabatanidza maoko ake, azadzwa norufaro, achitaura mazwi mazhinji akanga asinganzwisisike; uye aita izvi, akatora mambo, Ramonai, neruoko, uye tarisai akasimuka uye akamira netsoka dzake.

31 Uye iye, pakarepo, achiona kunetsana mukati mevanhu vake, akaenda kwavari akatanga kuvatsiura, nokuvadzidzisa amazwi aakanga anzwa nemuromo waAmoni; uye vose vakanzwa mazwi ake vakatenda, uye vakapindukira kuna Ishe.

32 Asi kwaive nevazhinji mukati mavo vakange vasingade kunzwa mazwi ake; naizvozvo vakabva vabvapo.

33 Uye zvakaitika kuti Amoni paakasimuka naiyewo akataura kwavari, uye kana varanda vose vaRamonai vakadaro; uye vakataura vose kuvanhu chinhu chimwechetecho—kuti mwoyo yavo yakanga ayapindurwa; kuti havasisina chido chekuita bzvakaipa.

34 Uye tarisai, vazhinji vakataurira vanhu kuti vaona angirozi uye vakataura nadzo; uye saka dzakavataurira zvinhu zvekwaMwari, uye nokururama kwake.

35 Uye zvakaitika kuti vazhinji vakatenda mazwi avo; uye vose vakatenda avakabhabhatidzwa; uye vakave vanhu vakarurama, uye vakamisa chechi pakati pavo.

36 Uye saka basa raIshe rakatanga mukati memaRamani; Ishe vakatanga kudira Mweya wavo kwavari; uye tinoona kuti ruoko rwavo rwunotambanudzirwa kuvanhu avose vanotendeuka uye vachitenda muzita ravo.