Magwaro Matsvene
Aruma 34


Chitsauko 34

Amureki anopupura kuti shoko riri muna Kristu mukuponeswa—Kunze kwokunge rudzikinuro rwaitwa vanhu vose vanofa—Mitemo yose yaMosesi inonongedzera kukuzvipira kwoMwanakomana waMwari—Hurongwa hwerununuro rwokusingaperi huri mukutenda nokutendeuka—Namatirai maropafadzo enyama nomweya kuti muwane makomborero—Upenyu huno inguva yokuti munhu agadzirire kusangana naMwari—Shandirai ruponeso rwenyu nokutya pamberi paMwari. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti shure kwokunge Aruma ataura mazwi aya kwavari akagara pasi, uye aAmureki akasimuka akatangisa kuvadzidzisa, achiti:

2 Hama dzangu, ndinofunga kuti hazvizi nyore kuti muve vanhu vasingazive zvinhu zvakataurwa pamusana pokuuya kwaKristu, anodzidziswa nesu kuti Mwanakomana waMwari; hongu, ndinoziva kuti zvinhu aizvi zvakadzidziswa kwamuri kazhinji musati mabva matiri.

3 Uye sezvo makumbira hama yangu inodiwa kuti akuzivisei kuti mungaite sei, pamusoro pematambudziko enyu; uye ataura kwamuri kuti mugadzirire pfungwa dzenyu; hongu, uye akukurudzirai kuti mutende nokupfava—

4 Hongu, kana kuti muve nokutenda kukuru kuti amudyare shoko mumwoyo yenyu, kuti muedze kunaka kwaro.

5 Uye tiri kuona kuti mubvunzo mukuru uri mupfungwa dzenyu ndewekuti shoko ringave muMwanakomana waMwari here, kana kuti hapachazove naKristu.

6 Uye zvakare maona kuti mumwe wangu akuratidzai, panguva dzakawanda, kuti ashoko riri muna Kristu pakuponeswa.

7 Mukoma wangu akataura mazwi aZenosi, kuti rununuro rwunouya kuburikidza noMwanakomana waMwari, uyezve napamazwi aZenoki, uyezve akataura kuna Mosesi kuti aratidze kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi.

8 Uye zvino, tarisai, andinopupura kwamuri pachangu kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi. Tarisai, ndinoti kwamuri, ndinoziva kuti Kristu achauya pakati pavana vavanhu, kuti atakure zvitadzo zvavanhu vake, uye nokuti ave banoripira zvivi zvenyika, nokuti Mwari Ishe vakazvitaura.

9 Nokuti zvinofanira kuti arudzikinuro rwunofanira kuitwa; nokuti nenzira byehurongwa hukuru hwaMwari Wokusingaperi kunotofanirwa kuva nokudzikinurwa, kana kuti marudzi ose haaizodzivirirwa mukufa; hongu, vose vakaoma; hongu, vose cvakapunzika nokurasika, uye munofanira kufa kunze kwokunge kudzikinurwa kwavapo uko kunofanira kuitwa.

10 Nokuti zvinofanira kuti kupirwe amupiro mukuru wekupedzisira, hongu, kwete mupiro wemunhu, kana wemhuka, kana weshiri ipi zvayo, nokuti hauzova mupiro wemunhu, asi kuti uve mupiro busingaverengeke uye cwokusingaperi.

11 Zvino hakuna munhu angapire ropa rake kuti riripire zvivi zvomumwe. Zvino, kana munhu achinge aponda, tarisai mutemo wedu, awakarurama, unoti mukoma wake ngaauraiwe here? Ndinoti kwamuri, Kwete.

12 Asi mutemo unoda upenyu hwaiye anenge aauraya; naizvozvo hakuna chimwe chinhu chisiri rudzikinuro rwusingaverengeke chinokwanisa kuripira zvivi zvenyika.

13 Naizvozvo, kunofanirwa kunge kune kupira kukuru kwekupedzisira, zvino kwozove, kana kuti kunofanirwa kunge kune, akumiswa kwekudeuka kweropa; zvino bmutemo waMosesi unozozadzikiswa, hongu, uchazadzikiswa wose, kose kamhunzi nekose katsanga uye hapana chinenge chapfuura.

14 Uye tarisai, izvi ndizvo azvinoreva bmutemo, chinhu chose chinonongedzera ckumupiro mukuru wekupedzisira, uye mupiro mukuru uyu wekupedzisira anenge ari Mwanakomana waMwari, hongu, anogara nokusingaperi.

15 Uye nokudaro achazounza aruponeso kune avo vose vachatenda muzita rake; ichi chiri chinangwa chemupiro wekupedzisira uyu, kuti aunze tsitsi dziri muura, idzo dzinokunda kuenzanisa, uye nokuunza nzira kuvanhu kuti vave nokutenda mukutendeuka.

16 Uye zvadaro atsitsi dzingagutse kuda kwose bkwokuenzanisa, nokuvafungata nemaoko anochengetedza, kune uyo asingaratidze kutenda mukutendeuka anoiswa kumutemo wose wezvinodikanwa cnekuenzanisa; naizvozvo iyeyo chete anotenda mukutendeuka ndiye anopiwa dhurongwa hukuru hwerununuro rwokusingaperi.

17 Naizvozvo Mwari ngavakubvumirei, hama dzangu, kuti mutange kuratidza akutenda kwenyu mukutendeuka, kuti mutangise bkudaidza zita ravo dzvene, kuti vakunzwirei tsitsi;

18 Hongu, chemerai tsitsi kwavari; nokuti mukuru pakuponesa.

19 Hongu, zvininipisei, murambe muchinyengetera kwaari.

20 Chemai kwavari kana muri muminda yenyu, hongu, nepamusoro pezvipfuyo zvenyu.

21 aChemai kwavari mudzimba dzenyu, hongu, pamusoro pezvemudzimba dzenyu zvose, mangwanani, masikati, namauro.

22 Hongu, chemai kwavari kuti mukunde masimba emhandu dzenyu.

23 Hongu, achemai kwavari pamusana bpadhiabhorosi, anova mhandu cyokururama kwose.

24 Chemai kwavari pamusana pezvirimwa zveminda yenyu, kuti mugobudirira mazviri.

25 Chemerai zvipfuyo zvemumakura enyu, kuti zviwande.

26 Asi izvi hazvizi zvose; munofanira kudurura mweya yenyu atwumba twenyu twomukati, nenzvimbo dzenyu dzakavanzika, nomumarenje enyu.

27 Hongu, kana musingacheme kuna Ishe, itai kuti amwoyo yenyu bizare, muri mumunamato kwavari nguva dzose pamusoro pemagariro akanaka enyu, namagariro akanaka avavo vakakutenderedzai.

28 Uye zvino tarisai hama dzangu dzinodiwa, ndinoti kwamuri, musafunge kuti izvi ndizvo zvose; nokuti shure kwokunge maita zvinhu izvi zvose, kana mukatandanisa avanoshaya, nevasina zvokupfeka, musingashanyire vanorwara navanotambudzika, bmusingapewo kana munazvo, kune avo vasina—ndinoti kwamuri, kana musingaite chimwe chezvinhu izvi, tarisai, cminamato yenyu dhairevi chinhu, haikupii chinhu, uye muri vanyengedzi avo vanoramba kutenda.

29 Naizvozvo, kana musingarangarire akuvanetsitsi, makaita semarara anorasirwa kunze, (chinova chinhu chisingakoshi) uye anotsikwa pasi petsoka dzavanhu.

30 Uye zvino hama dzangu, ndingade kuti, shure kwokunge mawana vapupuri vakawanda kudai, muchiona kuti magwaro matsvene anopupura pamusana pezvinhu izvi, uyai muunze amuchero wokutendeuka.

31 Hongu, ndingade kuti muuye musaomesa mwoyo yenyu zvakare; nokuti tarisai, iye zvino inguva anezuva rokuponeswa kwenyu; naizvozvo mukatendeuka nokusaomesa mwoyo yenyu, izvozvi zano guru rorununuro rinobva ratoiswa pamuri.

32 Nokuti tarisai, upenyu huno ndiyo nguva yokuti vanhu avagadzirire kusangana naMwari, hongu, tarisai zuva reupenyu huno izuva rokuti munhu ave anoita mabasa ake.

33 Uye zvino sezvo ndambotaura kwamuri kare, sezvo makanzwa uchapupu hwakawanda, naizvozvo, ndinokukumbirai kuti amusaverengere zuva renyu brokutendeuka kusvikira kumagumo; nokuti shure kwezuva rino roupenyu, iro rakapiwa kwatiri kuti tigadzirire upenyu husingaperi, tarisai, kana tisingashandise nguva yedu zvakanaka tichiri paupenyu huno, kunozouya cusiku dhutema apo kunenge kusisina basa rinoitwa.

34 Hamuzokwanisa kuti, apo muchaunzwa apanguva inotyisa iyoyo, kuti ndichatendeuka, kuti ndichadzokera kuna Mwari vangu. Kwete, hamuzogona kudaro; nokuti mweya mumwechete iwoyo uri mumiviri yenyu panguva yamuchabva muupenyu huno, mweya iwoyo unenge uine simba rokugara mumiviri yenyu munyika yokusingaperi.

35 Nokuti tarisai, kana mukaverengera zuva renyu rokutendeuka kusvikira mafa, tarisai, mava apasi pemweya wadhiabhorosi, banokubatanidzai kuva vake; naizvozvo, Mweya waIshe unobva mamuri, uye hauna nzvimbo mamuri, dhiabhorosi ane simba rose pamuri; uye izvi ndizvo zvinenge zvaita vakaipa mukupedzisira.

36 Uye izvi ndinozviziva, nokuti Ishe vakati havagare amutemberi dzisiri tsvene, asi mumwoyo yavakarurama ndimo mavanogara; hongu, uyewo zvakare vakati bvakarurama vachagara navo muumambo hwavo, havazoenda kunze zvakare; asi nguwo dzavo dzinofanirwa kuitwa chena kuburikidza neropa reGwayana.

37 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, ndinoda kuti murangarire zvinhu izvi, nokutiwo muve amunoshandira ruponeso rwenyu muchitya Mwari; uye nokuti muchirega kuramba zvekuuya kwaKristu;

38 Kuti amusanyunyute pamusoro peMweya Mutsvene, asi kuti muugamuchire, mutakure bzita raKristu; kuti muzvininipise kusvikira muguruva, uye cmuchinamata Mwari, panzvimbo iri yose yamunenge muri, mumweya nomuchokwadi; muchigara dmukutenda mazuva ose, pamusoro petsitsi zhinji nemakomborero avanokupai.

39 Hongu, uyezve ndinokukuridzirai, hama dzangu, kuti mugare amakarindira mukunamata nguva dzose, kuti murege kutungamirirwa bnemiedzo yadhiabhorosi, kuti asakukurirei, kuti musava vanhu vake nezuva rokupedzisira; nokuti tarisai, chapana chinhu chakanaka chaanokupai.

40 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, ndinokurudzirai kuti muve amakatirira, kuti mutakure kurwadza kwose zvako; kuti bmusamukire avo vanokutandirai kunze pamusana pokushaya kwenyu kukuru; nokuti mungazova vatadzi saivo.

41 Asi kuti muve makapfava, nokushivirira nhamo dzenyu, mune tariro yakasimba yokuti nerimwe zuva muchazorora kubva mumatambudziko enyu.