Magwaro Matsvene
Aruma 22


Chitsauko 22

Aroni anodzidzisa baba vaRamonai nezveKusikwa, kupunzika kwaAdama, neurongwa hwerununuro muna Kristu—Mambo nemba yake yose vanopinduka—Kugovaniswa kwakaitwa nyika pakati pemaNifai nemaRamani kunotsanangurwa. Zvingangove makore 90 kusvika ku77 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino, sekudzidzisa kwakanga kuchiita Amoni vanhu vaRamonai nguva dzose, tichadzokera kunyaya yaAroni nehama dzake; nokuti mushure mekubva kwake munyika yeMidhoni aakatungamirirwa neMweya kunyika yaNifai, kana nekumba kwamambo akanga ari munyika yose bkunze kwemunyika yaIshmaeri; uye aiva ndiye baba vaRamonai.

2 Uye zvakaitika kuti akaenda kwaari akapinda mumba mamambo, nehama dzake, akakotama kukudza mambo, akati kwaari: Tarisai, imi mambo, ndisu hama dzaAmoni, avamaburitsa mutirongo.

3 Uye zvino imi mambo, kana mukasatiuraya, tichave varanda venyu. Uye mambo akati kwavari: Simukai, nokuti ndichakupai upenyu hwenyu, uye handizobvuma kuti muve varanda vangu; asi ndinoti makafanira kundiparidzira; nokuti ndiri kunetseka mupfungwa pamusoro pemwoyochena nekukosha neukuru hwemazwi ehama yenyu Amoni; uye ndinoda kuziva kuti chikonzero chii asina kubuda nemi munyika yeMidhoni.

4 Uye Aroni akati kuna mambo: Tarisai, Mweya waIshe wamushevedzera kune imwe nzira; aenda kunyika yaIshmaeri, kuti adzidzise vanhu vaRamonai.

5 Zvino mambo akati kwavari: Chii ichi chamataura nezveMweya waIshe? Tarisai, ndichochinhu chiri kundinetsa ichocho.

6 Uyewo, chii ichi chakataurwa naAmoni—aKana mukatendeuka muchaponeswa, kana mukasatendeuka, mucharaswa nezuva rokupedzisira?

7 Uye Aroni akamupindura akati kwaari: Unotenda here iwe kuti kuna Mwari? Uye mambo akati: Ndinoziva kuti maAmarekai anoti kuna Mwari, uye ini ndakavabvumira kuti vavake nzvimbo, kuti vaungane pamwechete kuti vamunamate. Uye zvino kana iwe uchiti kuna Mwari, tarisai andichazvitenda.

8 Uye zvino Aroni paakanzwa izvi, mwoyo wake wakatanga kufara; uye akati: Tarisai, nechokwadi sezvo muri mupenyu, imi mambo, Mwari variko.

9 Uye mambo akati: Mwari ndiye here Mweya aMukuru uya wakabvisa madzibaba edu munyika yeJerusarema?

10 Aroni akati kwaari: Hongu, ndiye Mweya Mukuru uya, uye aakasika zvinhu zvose zviri mudenga nezviri pasi. Munozvitenda here izvi?

11 Uye iye akati: Hongu, ndinotenda kuti Mweya Mukuru ndiwo wakasika zvinhu zvose, uye ndinoda kuti undiudze pamusoro pezvinhu zvose izvi, uye ndinobva andatenda mazwi ako.

12 Uye zvakaitika kuti Aroni paakaona kuti mambo achatenda mazwi ake, akatangisa nekusikwa kwaAdama, aachiverengera mambo magwaro matsvene kuti Mwari vakasika sei munhu nemufananidzo wavo, nokuti Mwari vakamupa mirairo, nokutiwo pamusana pekutadza, munhu akapunzika.

13 Uye Aroni akamutsanangurira magwaro kubvira apakusikwa kwaAdama, achimuratidza kupunzika kwemunhu, nokuita kwavo kwenyama bneurongwa hwerununuro, hwakagadzirwa ckubvira mukutanga kwenyika, nemuna Kristu, kumunhu wose uyo anotenda muzita rake.

14 Uye sezvo munhu aakapunzika hakuna chaanogona bkunatsa iye ega; asi kutambudzwa nekufa kwaKristu ckunovadzikinura muzvitema zvavo, kuburikidza nerutendo nekutendeuka, nezvimwe zvakadaro; nokuti anodimbura majoto erufu, kuti dguva ritadze kukunda, nokutiwo kuruma kwerufu kuchamedzwa netarisiro yekubwinya; uye Aroni akatsanangura zvose zvinhu izvi kuna mambo.

15 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge Aroni atsanangura zvinhu zvose izvi kwaari, mambo akati: aChii chandingaite kuti ndiwane upenyu uhwu hwokusingaperi hwawataura? Hongu, ndingaitei kuti bndizvarwe naMwari, kuti mweya uyu wakaipa udzurwe muchipfuva changu, uye ndigotambira Mweya wake, kuti ndigozadzwa nerufaro, kuti ndisaraswe pazuva rokupedzisira? Tarisai, akadaro iye, ndichasiya czvose zvandinazvo, hongu, ndichasiya umambo hwangu, kuti ndigashire kufara kukuru uku.

16 Asi Aroni akati kwaari: Kana auchida chinhu ichi, kana ukapfugama pamberi paMwari, hongu, ukatendeuka kubva kuzvitadzo zvako zvose, uye ukapfugama pamberi paMwari, uchidaidza zita ravo nerutendo, uchitenda kuti uchagashira, ndipo pauchagashira btariro yauri kuda.

17 Uye zvakaitika kuti Aroni zvaakanga ataura mazwi aya, mambo aakapfugama pamberi paIshe, nemabvi ake; hongu, kana iye akazvambarara pasi, bakachema zvikuru, achiti:

18 Imi Mwari, Aroni andiudza kuti kuna Mwari; uye kana kuina Mwari, uye kana imi murimi Mwari, mungaite here kuti ndikuzivei, uye ndicharegera zvitema zvangu zvose kuti ndikuzivei, nekuti ndimutswe kubva kuvakafa, uye ndigoponeswa muzuva rekupedzisira. Uye zvino mambo ataura mazwi aya, akarohwa akaita seafa.

19 Uye zvakaitika kuti varanda vake vakamhanya vakanotaurira mambokadzi zvakanga zvaitika kuna mambo. Uye mambokadzi akabva auya kuna mambo; uye zvaakamuona akarara seakafa, uye achionawo Aroni nehama dzake sekunge ndivo vakanga vakonzera kupunzika kwamambo, akavashatirirwa, ndokubva atuma varanda vake, kana kuti varanda vamambo, kuti vavatore vavauraye.

20 Zvino varanda vakanga vaona chakanga chaita kuti mambo apunzike, naizvozvo vakatya kuisa maoko avo pana Aroni nehama dzake; uye vakanyengetedza mambokadzi vachiti: Sei muchititaurira kuti tiuraye varume ava, uye tarisai mumwechete wavo ane asimba kupfuura tose? Naizvozvo tichapunzika pameso pavo.

21 Zvino mambokadzi paakaona kutya kwakanga kwabata varanda naiyewo akavamba kutya zvikuru, achitya kuti angangovingwa nechinhu chakaipa. Uye ndokubva ataurira varanda vake kuti vanodaidza vanhu, kuti vazouraya Aroni nehama dzake.

22 Zvino Aroni paakaona kushinga kwamambokadzi, iye, nekuzivawo ukukutu hwemwoyo yevanhu, akatya kuti pangangoungana mhomho yevanhu pamwechete, uye kwove nekupesana kukuru nokukanganisana mukati mavo; naizvozvo akatambanudza ruoko rwake akasimudza mambo kubva pasi, uye akati kwavari: Simukai. Akamira netsoka dzake, achiwana simba rake.

23 Zvino izvi zvakaitwa mumaziso amambokadzi nevazhinji vevaranda. Uye zvavakazviona zvakavashamisa zvikuru, uye vakatanga kutya. Uye mambo akamira, uye akatanga akuparidza kwavari. Uye akavaparidzira, zvekuti imba yake yose byakatendeukira kuna Ishe.

24 Zvino pakanga pane mhomho yakange yaungana pamwechete nenzira yekudaidzwa namambokadzi, kukatanga kuve nekutsutsumwa pakati pavo pamusoro paAroni nehama dzake.

25 Asi mambo akamira mukati mavo akavafundisa. Uye vakanyevenuka kuna Aroni nekune avo vaakanga ainavo.

26 Uye zvakaitika kuti mambo zvaakaona kuti vanhu vanyevenuka, akaita kuti Aroni nevamwe vake vamire pakati pemhomho yevanhu iyi, uye kuti vagovaparidzira shoko.

27 Uye zvakaitika kuti mambo akatumira achiziviso munyika yose, kuvanhu vake vose vaive munyika yake yose, vaive mumatunhu ose akatenderedza, aiganhurana negungwa, kumabvazuva nekumadokero, uye yakange yakaganurana nenyika byaZarahemura nekamutsetse kerenje kakamanika, kaibva kugungwa nechekumabvazuva kachidimbura kunosvika kugungwa nechekumadokero, nepedyo pegungwa, nekumiganhu yerenje raive kuchamhembe kwenyika yeZarahemura, nekumiganhu yeMandi, nekumusoro kwerwizi rweSidhoni, rwuchibva kumabvazuva rwuchienda kumadokero—ndiko kuganurwa kwakanga kwakaitwa maRamani nemaNifai.

28 Zvino, vazhinji vevakanga vaine anungo vemaRamani vaigara murenje, uye vachigaramumatende; uye vakanga vakapararira nerenje nechekumadokero, munyika yaNifai; hongu, nekumadokerowo enyika yaZarahemura, kumuganhu negungwa, nekumadokero munyika yaNifai, munzvimbo yenhaka yekutanga yemadzibaba avo, uye iri yakaganhurana negungwa.

29 Uye kwakanga kuinewo maRamani akawanda nechekumabvazuva nechekugungwa, kuri kwavakanga vatinhirwa nemaNifai. Naizvozvo maNifai akanga akakomberedzwa nemaRamani; zvisinei maNifai akanga akatora rutivi rwose rwekuchamhembe kwenyika rwakaganhurana nerenje, pakatangira rwizi rweSidhoni, kubvira kumabvazuva kusvika kumadokero, munzvimbo dziri pedyo nerenje; kuchamhembe, kana kusvika kunzvimbo yavaiti ayeMaguta.

30 Uye yakanga yakaganhurana nenyika yavaidaidza kuti Nyika ayeKuparadzwa, yakanga iri kure kuchamhembe zvekuti yaipinda munyika yakambenge iine vanhu uye ikaparadzwa, ine vanhu vane bmapfupa atataura nezvawo, akawanikwa nevanhu vaZarahemura, iri iyo nzvimbo cyavakatanga kusvika.

31 Uye vakabva ikoko vachikwira kuenda murenje rechekumaodzanyemba. Saka nyika yaive nechekuchamhembe yainzi Nyika ayeKuparadzwa, uye nyika yaive nechekumaodzanyemba yainzi Maguta, riri renje rakanga rizere nemhuka dzemarudzi ose, dzimwe dzacho dziri dzakanga dzabva nechekuchamhembe dzichitsvaga zvekudya.

32 Uye zvino, waingova amufambo wezuva rimwe nechikamu kumuNifai, mumutsetse weMaguta nenyika yeKuparadzwa, kubva kumabvazuva kuenda kugungwa rekumadokero; uye saka nyika yaNifai nenyika yeZarahemura dzakanga dzakada kutenderedzwa nemvura, paine bkamutsetse kenyika pakati penyika iri kuchamhembe nenyika iri kumaodzanyemba.

33 Uye zvakaitika kuti maNifai akanga agara munyika yeMaguta, kana kubvira kumabvazuva kusvika kugungwa rekumadokero, uye saka maNifai mukuchenjera kwavo, nevatariri vavo nemauto avo, vakanga vamanikidzira maRamani nechekumaodzanyemba, kuti vashaye chavainacho kuchamhembe kwenyika, kuti vatadze kurwisa nyika nechekumusoro kwayo.

34 Naizvozvo maRamani havana kunge vaine chinhu munyika yaNifai, nemurenje rakatenderedza. Zvino uku kwaive kuchenjera kwemaNifai—sezvo maRamani vaive mhandu dzavo, havaibvuma kuti vatambudzwe kwose-kwose, uye nokuti vagowana nyika yekutizira, maererano nezvido zvavo.

35 Uye zvino ini, shure kwekunge ndataura izvi, ndinodzokera zvakare kunyaya yaAmoni naAroni, Omuna naHimunai, nehama dzavo.