Magwaro Matsvene
Aruma 31


Chitsauko 31

Aruma anotungamira basa rekudzosa avo vakanga varasika vemaZoramu—MaZoramu vanoramba Kristu, vanotenda tsika yenhema yekusarudzwa, uye vachinamata neminamato yakanyorwa—Vadzidzisi vanozadzwa neMweya Mutsvene—Matambudziko avo anomedzwa nerufaro rwaKristu. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti mushure memagumo aKoriho, Aruma atambira nyaya dzekuti maZoramu akanga achisvibisa nzira dzaIshe, nokuti Zoramu, uyu akanga ari mutungamiri wavo, akange achitungamira mwoyo yevanhu kuti avapfugamire bzvifananidzo zvisingataure, mwoyo wake wakatanga ckurwara zvakare nenzira yezvitadzo zvevanhu.

2 Nokuti zvaikonzera akusuwa kukuru kuna Aruma kuziva kuti mune kutadza mukati mevanhu vake; naizvozvo mwoyo wake wakasuwa zvikuru pamusana pekutsaurana kwakaita maZoramu nemaNifai.

3 Zvino maZoramu akanga aungana pamwechete munyika yavaidaidza kuti Andionumu, yakange iri kumabvazuva kwenyika yeZarahemura, yaive yakaganhurana negungwa, rakanga riri kumaodzanyemba kwenyika yaJeshoni, inoganhurana nerenje rekumaodzanyemba, renje iri riri rakanga rizere nemaRamani.

4 Zvino maNifai aitya zvikuru kwazvo kuti maZoramu angapinde mukufambidzana nemaRamani, uye vachiti chaizove chikonzero chekurasikirwa kukuru kwazvo kwavari maNifai.

5 Uye zvino, sezvo akuparidzwa bkweshoko ckwaiita kuti vanhu vaite zvakarurama—hongu, rakanga rapinda mupfungwa dzevanhu kupfuura zvaiitwa nemunondo, kana chimwe chinhu zvacho, chakanga chaitika kwavari—naizvozvo Aruma akafunga kuti zvaifanira kuti vamboedza kunaka kweshoko raMwari.

6 Saka akatora Amoni, naAroni, naOmuna; uye Himunai akamusiya muchechi kuZarahemura; asi vatatu vekutanga akaenda navo, naAmureki naZiziromu, vakanga vari kuMereki; uye akatorawo vaviri vevanakomana vake.

7 Zvino mwanakomana wake mukuru haana kuenda naye, uye zita rake rainzi aHiramani; asi mazita eavo vaakaenda navo vainzi Shibhuroni naKoriandoni; uye aya ndiwo mazita evaakaenda navo pakati bpemaZoramu, kuti vavaparidzire shoko.

8 Zvino maZoramu vakanga avakatiza kubva kumaNifai; naizvozvo vakanga vakanzwa shoko raMwari richiparidzwa kwavari.

9 Asi vakanga avawira mukukanganisa kukuru, nokuti vakanga vasisacherechedze kuchengetedza mirairo yaMwari, nemirau yake, maererano nemutemo waMosesi.

10 Vakanga vasisacherechedze zvemabasa echechi, kuramba vachinamata nokuchemera Mwari zuva rega-rega, kuti vasapinde mukuedzwa.

11 Hongu, muchidimbu, vakasvibisa nzira dzaIshe muzvinhu zvizhinji; naizvozvo, nenzira yechikonzero ichi, Aruma nevamwe vake vakaenda munyika iyi kunovaparidzira shoko.

12 Zvino, zvavakanga vasvika munyika umu, tarisai, vakashamiswa kwazvo kuona kuti maZoramu vakanga vavaka masinagogo, nokuti vaiungana pamwechete muzuva rimwechete resvondo, zuva iroro vairidaidza kuti zuva raIshe; uye vainamata netsika yakanga isina kumbenge yakaonekwa naAruma nevamwe vake;

13 Nokuti vaive nenzvimbo yakanga yakavakwa pakati pesinagogo yavo, nzvimbo yekumira, yakanga yakareba kupfuura musoro; uye kumusoro kwacho kwaikwana munhu mumwechete.

14 Naizvozvo, ani zvake ainge achida akunonamata aienda onomira pamusoro pacho, uye otambanudza maoko ake akatarisa kudenga, uye ochema nezwi guru, achiti:

15 Vatsvene, vatsvene Mwari; tinotenda kuti ndimi Mwari, uye tinotenda kuti muri vatsvene, uye nokuti maive mweya, nokuti muri mweya, nokuti muchagara muri mweya nariini.

16 Mwari vatsvene, tinotenda kuti makatitsautsanisa nehama dzedu; uye hatitenderane netsika dzehama dzedu, dzavakatambidzwa nehwana hudiki hwamadzibaba avo; asi tinotenda kuti amakatisarudza kuti tive vana venyu bvatsvene; uye makatiitawo kuti tizive kuti hakuchazove naKristu.

17 Asi muri zvamakanga makaita nezuro, nhasi, nariini; uye amakatisarudza kuti tizoponeswa, ava vose vakatikomberedza vakasarudzwa kuti vakandwe nehasha dzenyu pasi mugehena; nokutipa utsvene uhwu, imi Mwari, tinokutendai; uye tinokutendaiwo kuti makatisarudza, kuti tisatorwe netsika dzeurema hwehama dzedu, dzinovasunga kuti vatende kuti kuna Kristu, zvinoita kuti mwoyo yavo iende kure nemi, Mwari vedu.

18 Uye zvakare tinokutendai imi, Mwari, kuti tiri vakasarudzwa uye vanhu vatsvene. Ameni.

19 Zvino zvakaitika kuti mushure mekunge Aruma nevamwe vake nevanakomana vake vanzwa minamato iyi, vakashamiswa zvakanyanya.

20 Nokuti tarisai, wose munhu aienda mberi kunoita minamato mimwecheteyo.

21 Zvino nzvimbo iyi vaiidaidza kuti Rameumbutomu, iyo, kana zvadudzirwa, zvinoreva kuti nzvimbo tsvene.

22 Zvino, vari panzvimbo iyi vaiisa wose munhu, munamato mumwechetewo kuna Mwari, vachitenda Mwari vavo kuti vakasarudzwa naiye, nokuti haana kuvati vatevedze tsika dzehama dzavo, nokuti mwoyo yavo haina kubiwa kuti vatende kuti kune zvinhu zvichauya, zvavakanga vasingazive.

23 Zvino, mushure mekunge vanhu vose vapa kutenda kwavo netsika iyi, vaidzokera kumisha yavo, avasingazotaura nezvaMwari vavo zvakare dakara vaungana zvakare panzvimbo tsvene, kuti vapire kutenda kwavo netsika yavo.

24 Zvino Aruma paakaona izvi mwoyo wake awakarwadza; nokuti akaona kuti vakanga vari vanhu vakaipa vakarasika vakasviba; hongu, akaona kuti mwoyo yavo yakanga iri pagoridhe, nepasirivha, nepazvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka.

25 Hongu, akaonawo kuti mwoyo yavo yakanga ayakasimudzirwa mukuzvikudza, mukudada kwavo.

26 Uye akasimudza izwi rake kudenga, uye aakachema, achiti: Imi Ishe, kusvika riini muchibvumira varanda venyu kuti vagare pano pasi munyama, vachiona kuipa kwakadai mukati mevana vevanhu?

27 Tarisai, Mwari, avanochema kwamuri, asi mwoyo yavo yakamedzwa nekuzvida kwavo. Tarisai, Mwari, vanochema kwamuri nemiromo yavo, asi ivo bvakatutuma, nekuzvikudza, nezvinhu zvisina basa zvenyika.

28 Tarisai, Mwari vangu, nhumbi dzavo dzinokosha, nemhete dzavo, anemakoza avo, nezvishongo zvavo zvegoridhe, nezvose zvakakosha zvavakashonga; uye tarisai, mwoyo yavo igere pazviri, uye asi ivo vanochema kwamuri vachiti—Tinokutendai imi Mwari, nokuti tiri vanhu vakasarudzwa nemi, vamwe vachifa.

29 Hongu, uye vanoti makaita kuti zvizivikanwe kwavari kuti hakuchazove naKristu.

30 Ishe Mwari, kusvika riini muchibvumira kuti kuipa kwakadai nokusatenda uku kuve mukati mevanhu ava? Nhai Ishe, mungandipe simba here, kuti ndikurire kusasimba kwangu. Nokuti handina simba, uye kuipa kwakadai mukati mevanhu ava kunorwadzisa mweya wangu.

31 Ishe, mwoyo wangu wasuwa zvikuru kwazvo; mungazorodze mweya wangu amuna Kristu. Nhai Ishe, mungandipe here kuti ndive nesimba, kuti nditambudzike nokupfava matambudziko achauya pandiri, nenzira yokutadza kwevanhu ava.

32 Ishe, mungazorodze mweya wangu here, uye mugondipa kubudirira, uyewo vashandi vamwe vaneni—hongu, Amoni naAroni, naOmuna, naAmurekiwo naZiziromu, nevanakomana vangu avaviri—hongu, kana vose ava muvape zororo, Ishe. Hongu, mungazorodze here mweya yavo muna Kristu.

33 Mungavape here kuti vawane simba, kuti vatakure matambudziko avo ayo achauya kwavari pamusoro pekutadza kwevanhu ava.

34 Ishe, mungape akwatiri kuti tiwane kubudirira mukuvaunza zvakare kwamuri muna Kristu.

35 Tarisai Ishe, amweya yavo inokosha, uye vazhinji vavo ihama dzedu; naizvozvo, tipei isu Ishe, simba nenjere kuti tiunze ava, hama dzedu, kwamuri zvakare.

36 Zvino zvakaitika kuti Aruma zvaakanga ataura mazwi aya, aakaisa bmaoko ake pane vose avo vakanga vainaye. Uye tarisai, zvaaivarova nemaoko ake, vakazadzwa neMweya Mutsvene.

37 Uye mushure mezvo vakatsaukana, avasina kumbofunga nezvavo kuti vanodyei, kana kuti vachanwei, kana kuti vachapfekei.

38 Uye Ishe vakavapa zvekuti vasafe nenzara, kana kunzwa nyota; hongu, uye akavapawo simba, kuti vasazowana achinovatambudza, kunze kwekumedzwa murufaro rwaKristu. Zvino izvi zvaive maererano nemuteuro waAruma; uye izvi zvakaitika nokuti ainamata bnerutendo.