Magwaro Matsvene
Aruma 58


Chitsauko 58

Hiramani, Gidhi naTeomuneri vanotora guta reMandi nenjere—MaRamani anobva—Vanakomana vevanhu vaAmoni vanochengetedzwa sezvo vachimira vakasimba mukurwira rusununguko nerutendo rwavo. Zvingangove makore 63 kusvika ku62 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino tarisai, zvino zvakaitika kuti chechipiri chataida kuita kutora guta reMandi; asi tarisai, pakange pasina nzira yataita kuti tivakwezve kubva muguta nekushomeka kwatakanga takaita. Nokuti tarisai, vakayeuka zvatakanga tamboita; naizvozvo hataikwanisa akuvakwezva kuti vabve mumisimboti yavo.

2 Uye vakanga vakawanda kupfuura mauto edu kure kure zvekuti hataimbozviita kuti tiende tinovatanga munzvimbo dzavo dzakasimba.

3 Hongu, uye takaona kuti zvaifanira kuti tiise vanhu vedu kuti vachengetedze ayo mativi enyika atakanga tatora zvakare aive edu; naizvozvo zvakaratidza kuti taifanira kumbomira, kuti zvimwe tingatambire zvimwe zvekudya kubva kunyika yeZarahemura nevamwe vekupamhidzira simba redu.

4 Uye zvakaitika kuti ndakatumira nhume kuna gavhuna wenyika yedu, kuti ndimuzivise nezvevanhu vedu. Uye zvakaitika kuti takamirira kuti tiwane zvekudya nekusimbiswa kubva kunyika yeZarahemura.

5 Asi tarisai, izvi hazvina zvizhinji zvazvakatiyamura; nokuti maRamani akanga achiwana simba guru zuva nezuva, nezvekudya zvakawanda; uye ndizvo zvakanga zvakaita zvinhu zvedu panguva iyoyi.

6 Uye maRamani vaiuya vachitinetsa nguva nenguva, vachida kutiparadza nenjere; zvakadaro hataikwanisa kurwisana navo, pamusoro penzvimbo dzavo dzekuhwanda nenzvimbo dzavo dzakasimba.

7 Uye zvakaitika kuti takamirira muzvinhu zvakaoma kudai kwenguva yemwedzi mizhinji, kudakara tave kuita setichafa nekuda zvekudya.

8 Asi zvakaitika kuti takagashira zvekudya, zvakanga zvakachengetedzwa nevarume vaisvika zviuru zviviri vakanga vauya kuzotiyamura; uye ndirwo ruyamuro rwose rwatakatambira, kuti tizvirwire nenyika yedu kuti tisawire mumaoko evavengi vedu, hongu, kuti tirwisane nemuvengi akanga asingaverengeke.

9 Uye zvino chikonzero chekunyadziswa kwedu uku kana chikonzero chavakaregerera kutitumira vamwe vanhu kuzotisimbisa, hatina kuziva; naizvozvo zvakatisuwisa uye zvikatizadzawo nekutya, kuti zvimwe nekumwe kutonga Mwari vangangotongera nyika yedu, zvinotibvisa panzvimbo nokubva taparadzwa zvachose.

10 Naizvozvo takaburitsa mweya yedu mumunamato kuna Mwari, kuti vatisimbise nekuti vatibvise mumaoko evavengi vedu, hongu, nokutipawo simba rekuti tirambe tiine maguta edu, neminda yedu, nezvinhu zvedu, zvekuriritira vanhu vedu.

11 Hongu, uye zvakaitika kuti Ishe Mwari vedu vakatishanyira vakatisimbisa kuti vanotiponesa; hongu, zvekuti vakataura runyararo kumweya yedu, uye vakatipa rutendo rukuru, vakatiita kuti tivimbe kuti vachatiponesa.

12 Uye takave nekusatya nemauto edu mashoma atakanga tatambira, ndokubva tava nokushinga kuti tikurire muvengi wedu, anokuchengetedza nyika yedu, nezvinhu zvedu, nevakadzi vedu, nevana vedu, bnerusununguko rwedu.

13 Uye naizvozvo takaenda kunorwisa maRamani nesimba redu rose, vakanga vari muguta reMandi; uye tikadzika matende edu munyasi merenje, raive pedyo neguta.

14 Uye zvakaitika kuti rave ramangwana, maRamani pavakaona kuti takanga tiri kumuganhu munyasi merenje rakanga riri pedyo neguta, kuti vakatumira vasori vavo kwatiri kuti vaone kuti tiri vangani nokuti mauto edu akawanda zvakadii.

15 Uye zvakaitika kuti pavakaona kuti takanga tisina kusimba, maererano neuwandu hwedu, nokutya kuti tingangove pakati pavo neavo vanovatsigira kunze kwekunge vatouya kuzorwa nesu nekutiuraya, nokufungawo kuti vaikwanisa kutiparadza nyore-nyore nenzira yevanhu vavo vakanga vakawandisa, naizvozvo vakatanga kugadzirira kuti vauye vazorwa nesu.

16 Uye zvatakaona kuti vari kugadzirira kuti vazotirwisa, tarisai, ndakaita kuti Gidhi nevarume vashoma-shoma vaverere vapinde murenje, uye ndikaitawo kuti Teomuneri nevamwe varume vashoma-shoma vaverere vaende murenje.

17 Zvino Gidhi nevanhu vake vakaenda nechekurudyi uye vamwe vakaenda nechekuruboshwe; uye zvavakanga vahwanda kudaro, tarisai, ndakasara nevakanga vasara vemauto angu, munzvimbo iyoyo yatakanga tadzika matende pakutanga tikamirira nguva yekuuya kwemaRamani kuzotirwisa.

18 Uye zvakaitika kuti maRamani akauya kuzotirwisa nemauto avo akanga akawandisa. Uye zvavakanga vauya vave kuda kutanga kutirwisa neminondo, ndakaita kuti vanhu vangu, avo vakanga vaineni, kuti vatizire murenje.

19 Uye zvakaitika kuti maRamani akatitevera achimhanya zvikuru, nokuti vakanga vachida chaizvo kuti vatibate vatiuraye; naizvozvo vakatitevera murenje; uye isu takapfuura nepakati paGidhi naTeomuneri, zvekuti maRamani haana kuvaona.

20 Uye zvakaitika kuti maRamani paakanga apfuura, kana mauto paakanga apfuura, Gidhi naTeomuneri vakasimuka kubva munzvimbo dzavo dzekuhwanda, uye vakabva vadzivirira vasori vemaRamani kuti vasadzokere kuguta.

21 Uye zvakaitika kuti vavadimburira kudaro, vakamhanyira kuguta vakanorwisa vatariri vakanga vasiiwa kuti vachengete guta, zvekuti vakavaparadza uye vakabva vatora guta.

22 Zvino izvi zvakaitwa nokuti maRamani akanga arasikirwa nemauto avo ose akwezverwa kurenje, kunze kwevatariri vashoma-shoma.

23 Uye zvakaitika kuti Gidhi naTeomuneri nezvizvi vakanga vatora nzvimbo dzavo dzakasimba. Uye zvakaitika kuti takatora gwara redu, mushure mekufamba zvikuru murenje tikananga kunyika yeZarahemura.

24 Uye zvino maRamani vakanga vachifora vakananga kunyika yeZarahemura, vakatya zvikuru, kuti zvimwe kune zano rekuti vapinzwe mukuparadzwa; naizvozvo vakatanga kudzokera shure kupinda murenje zvakare, hongu, kana kudzokera nenzira yavakambenge vambouya nayo.

25 Uye tarisai, hwakanga hwave usiku uye vakadzika matende avo, nokuti mutungamiri mukuru wemaRamani akanga afunga kuti maNifai aneta nekufamba kwavo; uye vachifungawo kuti vakanga vatandanisa mauto avo ose naizvozvo havana kuzombofunga nezveguta reMandi.

26 Zvino zvakaitika kuti hwave usiku, ndakaita kuti vanhu vangu vasarare, asi kuti vafore neimwe nzira vachienda kunyika yaMandi.

27 Uye nenzira yekufora kwedu uku nguva dzeusiku, tarisai, ave mangwana takanga tave kure namaRamani, zvekuti takavatangira kusvika kuguta reMandi.

28 Uye naizvozvo zvakaitika kuti, nenjere idzi takatora guta reMandi pasina ropa rakadeurwa.

29 Uye zvakaitika kuti pakasvika mauto emaRamani pedyo neguta, ndokuona kuti takanga takagadzirira kusangana navo, vakashamiswa zvikuru uye vakapindwa nokutya kukuru, zvekuti vakatizira murenje.

30 Hongu, uye zvakaitika kuti mauto emaRamani akatiza munzvimbo ino yose yenyika. Asi tarisai, vakatakura vakadzi vazhinji nevana kubva munyikamo.

31 Uye aayo maguta akanga atorwa nemaRamani, ose panguva ino ari mumaoko edu; uye madzibaba edu nemadzimai edu nevana vedu vave kudzokera kumisha yavo, vose kunze kweavo vakatorwa sevasungwa, uye vakatakurwa nemaRamani.

32 Asi tarisai, mauto edu mashoma kuti agone kuchengetedza maguta akawanda zvakadai nezvinhu zvakawanda kudaro.

33 Asi tarisai, tinovimba naMwari vedu atiita kuti tikunde munyika idzodzo, zvekuti tikwanise kutora maguta iwayo nenyika idzodzo, zvakanga zviri zvedu.

34 Zvino hatizive chikonzero chiri kuita kuti hurumende isatipe vamwe vanhu vekutisimbisa; kana avo varume vakauya kwatiri havazive kuti sei tisina kutambira simba rakapfuura ipapa.

35 Tarisai, hatidi kutsutsumwa kana paine zviri kukutadzisai, sezvo makabvisa mauto muchiaisa kurutivi irworwo rwenyika.

36 Uye kana zvisirizvo, tarisai, kune akupesana muhurumende, zvekuti kana vakasatitumira vamwe vanhu kuti vazotipa ruyamuro; nokuti tinoziva kune vanhu vazhinji kwazvo kupfuura avo vatakatumirwa.

37 Asi tarisai, hazvina mhosva zvazvo—ndinovimba kuti Mwari avachatiponesa, kana dai zvazvo mauto edu asina kuwanda, hongu, uye vanotibvisa mumaoko evavengi vedu.

38 Tarisai, iri igore rechimakumi maviri nemapfumbamwe, mukupera kwaro, uye tine matunhu enyika yedu; uye maRamani atizira kunyika yaNifai.

39 Uye avo vanakomana vevanhu vaAmoni, uye vandataura zvikuru nezvavo, vaneni muguta reMandi; uye Ishe vakavariritira, hongu, uye vakavaita kuti vasapunzwe nemunondo, zvekuti hakuna kana amumwechete wavo akauraiwa.

40 Asi tarisai, vakaitwa maronda akawanda; zvakadaro vakasimba amurusununguko rwavakapiwa naMwari avo vakavasunungura; uye vakaoma mukurangarira Ishe Mwari vavo zuva nezuva; hongu, vanocherechedza kuchengeta mirau yavo, nokutonga kwavo, nemirairo yavo nguva dzose; uye rutendo rwavo rwakasimba muhuporofita huri maererano nezvichauya.

41 Uye zvino, mukoma wangu anodiwa, Moronai, Ishe Mwari vedu, avo vakatinunura uye vakatiita kuti tive takasununguka, vakuchengete uri pamberi pavo nguva dzose; hongu, uye vavade vanhu ava, kana kukuita kuti ubudirire mukutora zvose izvo zvatakatorerwa nemaRamani, zvakanga zviri zvinhu zvaiita tizviriritire. Uye zvino, tarisai, ndinopedzera pano tsamba yangu. Ndini Hiramani, mwanakomana waAruma.