Magwaro Matsvene
Aruma 47


Chitsauko 47

Amarikaya anoshandisa kufurira, kuponda, nokunyengedza kuti ave mambo wemaRamani—Avo vakabva kumaNifai ndivo vakanyanya uipi nehugandanga kupfuura maRamani. Zvingangove makore 72 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino tichadzokera muzvinyorwa zvedu kunaAmarikaya neavo vakange avatiza naye vachienda murenje; nokuti tarisai, akange atora avo vakaenda naye, uye akaenda bkunyika yaNifai pakati pemaRamani, ndokupesvera maRamani kuti vashatirirwe maNifai, zvekuti mambo wamaRamani akatumira shoko munyika yose yake, kuvanhu vake vose, kuti vaungane pamwechete zvakare kuti vanorwisana nemaNifai.

2 Uye zvakaitika kuti shoko ratumirwa kwavari vakabatwa nokutya kukuru; hongu, vaitya kugumbura mambo, uye vachityawo kuenda kunorwisana nemaNifai nokuti vaitya kurasikirwa neupenyu hwavo. Uye zvakaitika kuti havana kuda, kana kuti uzhinji hwavo hauna kuda kuteerera shoko ramambo.

3 Zvino zvakaitika kuti mambo akashatirwa pamusana pekusateerera kwavo; naizvozvo akati kuna Amarikaya atungamire chidimbu chemauto ake chaiteerera mirairo yake, uye ndokumuudza kuti aende anovamanikidza kutora zvombo.

4 Zvino tarisai, izvi ndizvo zvaidiwa naAmarikaya; semunhu akanga akangwarira kuita zvakaipa saka akaronga mumwoyo make kuti abvise mambo wemaRamani pachigaro cheushe.

5 Uye zvino akanga ava kutonga chidimbu chemaRamani avo vakanga vachida mambo; uye akatsvaka kuti adiwe neavo vakanga vasingateerere mambo; saka akaenda kunzvimbo yainzi aOnaidha, nokuti ndiko kwakanga kwatizira maRamani ose; nokuti vakaona mauto achiuya, uye, vachifunga kuti aiuya kuzovaparadza, naizvozvo vakatizira kuOnaidha, kunzvimbo yezvombo.

6 Uye vakanga vaisa munhu wekuti ave mambo uye nemutungamiri wavo, vari vashinga mupfungwa dzavo nepfungwa yekuti havaizofa vakamanikidzwa kuti vaende kunorwisana nemaNifai.

7 Uye zvakaitika kuti vakanga vaungana pamwechete pamusoro pegomo rainzi Andipasi, vachigadzirira kurwa.

8 Zvino chakanga chisiri chido chaAmarikaya kurwa navo sekutumwa kwaakanga aitwa namambo; asi tarisai, pfungwa yake yaive yekuti adiwe nemauto emaRamani, kuti agove mukuru wavo agobvisa mambo paumambo uye agotora nyika.

9 Uye tarisai, zvakaitika kuti akaita kuti mauto ake adzike tende dzawo munhika yaive pedyo negomo reAndipasi.

10 Uye zvakaitika kuti hwava usiku akatuma munhu muruvande kugomo reAndipasi, achikumbira kuti mutungamiri weavo vakanga vari mugomo, zita rake ainzi Rehondi, adzike mujinga pasi pegomo, nokuti aida kutaura naye.

11 Uye zvakaitika kuti Rehondi zvaakatambira shoko iri akatya kudzika pasi pegomo. Uye zvakaitika kuti Amarikaya akatumira zvakare kechipiri, achiti adzike. Uye zvakaitika kuti Rehondi akaramba; uye akatumira zvakare rwechitatu.

12 Uye zvakaitika kuti Amarikaya zvaakaona kuti haagone kuita kuti Rehondi adzike pasi kubva mugomo, akakwira iye mugomo, pedyo nepakange paine musasa waRehondi; uye akatumira shoko rake zvakare kechina kuna Rehondi, achiti ngaadzike pasi, nokuti auye nevachengeti vake.

13 Uye zvakaitika kuti Rehondi zvaakanga adzika pasi nevachengeti vake kuna Amarikaya, Amarikaya akamuti adzike nemauto ake panguva dzeusiku, uye osvikokomberedza vanhu ava vari mumisasa yavo, avo vaakapiwa namambo kuti vave pasi pake, uye akati aizovaisa mumaoko aRehondi, kana akamuita iye (Amarikaya) muteveri wake kumauto ose.

14 Uye zvakaitika kuti Rehondi akadzika pasi nehondo yake vakakomberedza vanhu vaAmarikaya, zvekuti vasati vamuka mambakwedza vakanga vatokombwa nemauto aRehondi.

15 Uye zvakaitika kuti zvavakaona kuti vakakombwa, vakakumbira kuna Amarikaya kuti avabvumire kuti vasangane nehama dzavo, kuti vasaparadzwe. Zvino izvi ndizvo zvaida Amarikaya.

16 Uye zvakaitika kuti akaendesa vanhu vake, zvakanga azvisiri izvo zvakanga zvataurwa namambo. Zvino izvi zvaidiwa naAmarikaya, kuti aite njere dzake dzekuti abvise mambo pachigaro cheumambo.

17 Zvino yakanga iri tsika yemaRamani kuti mutungamiri wavo mukuru akauraiwa, vaisarudza muteveri wake kuti ave mutungamiri wavo mukuru.

18 Uye zvakaitika kuti Amarikaya akaita kuti mumwe wevaranda vake vape chepfu kuna Rehondi zvishoma nezvishoma, kudakara afa.

19 Zvino, Rehondi afa, maRamani akaisa Amarikaya kuti ave mutungamiri wavo uye nemukuru wemauto.

20 Uye zvakaitika kuti Amarikaya akaenda nemauto ake (nokuti akanga awana zvaaida) kunyika yaNifai, kuguta raNifai, rakanga riri iro guta guru.

21 Uye mambo akauya kuzovachingura nevachengeti vake, nokuti akafunga kuti Amarikaya akange aita zvaakange amuudza kuti aite, nokutiwo Amarikaya aunganidza mauto akawanda zvikuru kuti vanorwisa maNifai.

22 Asi tarisai, mambo zvaaiuya kuzosangana naye Amarikaya akaita kuti varanda vake vanosangana namambo. Uye vakaenda vakakotama pamberi pamambo, sekunge vari kumukudza pamusana pekutyisa kwake.

23 Uye zvakaitika kuti mambo akatambanudza ruoko rwake kuti avasimudze, setsika yemaRamani, sechiratidzo cherunyararo, iri tsika yavakanga vatora kumaNifai.

24 Uye zvakaitika kuti paakanga asimudza wekutanga kubva pasi, tarisai akabaya mambo nepamwoyo chaipo, uye akabva awira pasi.

25 Zvino varanda vamambo vakatiza; uye varanda vaAmarikaya vakadaidzira, vachiti:

26 Tarisai, varanda vamambo vamubaya pamwoyo, uye apunzika uye ivo vatiza; tarisai, uyayi muone.

27 Uye zvakaitika kuti Amarikaya akaunza mauto ake kuti afore achinoona kuti chii chaitika kuna mambo; uye pavakanga vauya panzvimbo pacho, uye vachiona mambo arere muropa rake, Amarikaya akanyepera kushatirwa, uye akati: Ani zvake aida mambo, ngaauye, atevere varanda vake kuti vauraiwe.

28 Uye zvakaitika kuti vose avo vaida mambo, pavakanzwa mazwi aya, vakaenda vakatandanisa varanda vamambo.

29 Zvino varanda vamambo pavakaona kuti vari kuteverwa nemauto, zvakavatyisa zvakare, uye vakatizira murenje, uye vakaenda kunyika yeZarahemura uye vakasangana anevanhu vaAmoni.

30 Uye mauto akanga achivatandanisa akadzoka, vavatandanisa vakatadza kuvabata; uye saka Amarikaya, nekunyengedza kwake, akatora mwoyo yevanhu.

31 Uye zvakaitika kuti ramangwana akapinda muguta raNifai nemauto ake, akatora gutaro.

32 Uye zvino zvakaitika kuti mambokadzi, paakanzwa kuti mambo auraiwa—nokuti Amarikaya akanga atumira nhume kuna mambokadzi achimuudza kuti mambo akanga auraiwa nevaranda vake, kuti iye akanga avatandanisa nemauto ake, asi vakatadza kuvabata, nokuti vakanga vapunyuka—

33 Naizvozvo, mambokadzi zvaakagashira shoko iri akatumira kuna Amarikaya, achimukumbira kuti asauraye vanhu vemuguta; uye akakumbirawo kuti auye kwaari; uye mambokadzi akatiwo auye nevanopupura maererano nekufa kwamambo.

34 Uye zvakaitika kuti Amarikaya akatora uye muranda iyeyo akanga auraya mambo, nevose vaakanga ainavo, uye ndokubva vaenda kuna mambokadzi, kunzvimbo yaakanga agere; uye vose vakapupura kuti mambo akanga auraiwa nevaranda vake; uye vakatiwo: Vatiza; izvi hazvivaroverere here? Uye naizvozvo vakagutsa mambokadzi maererano nerufu rwamambo.

35 Uye zvakaitika kuti Amarikaya akatsvaka kuti afarirwe namambokadzi, uye akamutora kuti ave mukadzi wake; uye saka nokunyengedza kwake, nokuyamurwa neudzvotsvo hwevaranda vake, akawana umambo; hongu, akazivikanwa samambo munyika yose, muvanhu vose vemaRamani, vakange avari maRamani nemaRemueri nemaIshmaeri, nevose vakanga vabva kumaNifai, kubvira panguva yekutonga kwaNifai kusvika nguva ino.

36 Zvino ava avapanduki, vadzidziswa zvimwechetezvo nezvavaiziva maererano nemaNifai, hongu, vakanga vadzidziswa bnezveruzivo rwumwecheterwo nezvaIshe, zvisinei, zvinoshamisa kutaura kuti, kanguva kadiki diki vapanduka vakave vanhu vakaoma zvikuru cnekusada kutendeuka, uye vakanyanya kupenga, uipi nehugandanga kupfuura maRamani—kunwa netsika yemaRamani; kuzviisa munungo, netsika dzose dzeufeve; hongu, kukanganwa Ishe Mwari vavo zvachose.